Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Nei Nharireyomurindi yaApril 1, 2002, papeji 11, ndima 7, ichitaura kuti kubhabhatidzwa nemvura kwevatendi vatsva vechiJudha paPendekosti ya33 C.E. kwaiva chiratidzo cho“kuzvitsaurira kwavo kuna Mwari kuburikidza naKristu,” nepo zvaimbonzi kubhabhatidzwa kwevaJudha kubvira pana 33 C.E. kusvikira 36 C.E. kwakanga kusingadi kuzvitsaurira kwakadaro?

Muna 1513 B.C.E., Jehovha Mwari akapa vaIsraeri mukana wokuti vave rudzi rutsvene kwaari ndokunge vaizo‘teerera inzwi rake nomwoyo wose nokuchengeta sungano yake.’ Vakapindura kuti: “Zvose zvataurwa naJehovha tichazviita.”—Eksodho 19:3-8; 24:1-8.

Nokubvuma kuchengeta sungano yoMutemo waMosesi, vaIsraeri vakazvitsaurira kuna Mwari. Zvizvarwa zvakazotevera zvechiJudha zvakaberekwa zviri murudzi urwu rwakazvitsaurira. Zvisinei, kubhabhatidzwa kwevaJudha vakava vateveri vaJesu Kristu kubvira paPendekosti ya33 C.E. kwaisanganisira zvakawanda kudarika kungozvipa kuna Mwari senhengo dzorudzi rwakazvitsaurira. Kwairatidza kuzvitsaurira kwavo kuna Jehovha Mwari muukama hutsva naye kuburikidza naJesu Kristu. Sei?

Mudzimu mutsvene wadururwa pavadzidzi vanenge 120 vakanga vakaungana muimba yepamusoro muJerusarema paPendekosti ya33 C.E., muapostora Pauro akasimuka ndokutanga kuparidzira zviuru zvevaJudha nevatendeuki vakanga vakaungana pamwe chete kuti vanzwisise zvakanga zvaitika. Apedza kunyatsopupura, akaudza vaJudha vakanga vachinzwa hana dzavo dziine mhaka kuti: “Pfidzai, uye mumwe nomumwe wenyu ngaabhabhatidzwe muzita raJesu Kristu nokuda kwokukanganwirwa kwezvivi zvenyu.” Vachiteerera zvimwe zvakazokurudzirwa naPetro, “avo vakagamuchira shoko rake nemwoyo wose vakabhabhatidzwa, uye pazuva iroro mweya inenge zviuru zvitatu yakawedzerwa.”—Mabasa 2:1-41.

VaJudha vaya vakabhabhatidzwa pashure pokukurudzirwa naPetro vakanga vasiri nhengo dzorudzi rwakazvitsaurira nechakare here? Vakanga vasiri muukama hwokuzvitsaurira kuna Mwari here? Kwete. Muapostora Pauro akanyora kuti, ‘Mwari Akanga abvisa Mutemo nokuurovera padanda rokutambudzikira.’ (VaKorose 2:14) Kuburikidza norufu rwaKristu muna 33 C.E., Jehovha Mwari akabvisa sungano yoMutemo—iri iyo chaiyo yakaita kuti vaIsraeri vave noukama hwakatsaurirwa Kwaari. Rudzi rwakaramba Mwanakomana iye zvino rwakanga rwarambwa naMwari pachake. ‘Avo vaiva Israeri panyama’ vakanga vasingachagonizve kuzviti rudzi rwakazvitsaurira kuna Mwari.—1 VaKorinde 10:18; Mateu 21:43.

Sungano yoMutemo yakaguma muna 33 C.E., asi nguva yaMwari yenyasha chaidzo nokufarira kwaaiita vaJudha haina kuguma panguva iyoyo. * Nguva iyoyo yaifanira kupfuurira kusvika muna 36 C.E., Petro paakaparidza kuna Koneriyasi wokuItari aitya Mwari nemhuri yake uyewo kuvamwe veMamwe Marudzi. (Mabasa 10:1-48) Kufarirwa uku kwaiva kwakavakirwa pai?

“[Mesiya] uchaita sungano yakasimba navazhinji vhiki imwe,” inodaro Dhanieri 9:27. Sungano yakachengetwa ichishanda kwemakore manomwe, kana kuti kwe“vhiki imwe,” kubvira pakubhabhatidzwa kwaJesu uye kutanga kwoushumiri hwepachena hwaMesiya muna 29 C.E. yaiva sungano yaAbrahamu. Kuti ave muukama hwesungano iyoyo, munhu aingofanira kunge ari muzukuru wechiHebheru waAbrahamu. Sungano iyoyo yaitsigira divi rimwe chete haina kuita kuti munhu oga oga ave noukama hwakatsaurirwa kuna Jehovha. Nokudaro, vatendi vechiJudha vakabhabhatidzwa pashure pehurukuro yaPetro paPendekosti ya33 C.E., kunyange zvazvo vaiitirwa nyasha dzaisaitirwa vamwe sevaJudha vokunyama, vakanga vasingakwanisi kutaura kuti vane ukama hwakatsaurirwa kuna Mwari kana Mutemo wesungano wainge wangobviswa. Vaifanira kuzvitsaurira kuna Mwari somunhu oga.

Kuzvitsaurira somunhu oga kwakaitwa nevaJudha nevatendeuki vakabhabhatidzwa pazuva rePendekosti ya33 C.E. kwaikosha nokuda kwechimwezve chikonzero. Muapostora Petro akarayira vakanga vakamuteerera kupfidza uye kubhabhatidzwa muzita raJesu. Kuti vaite izvozvo vaifanira kusiya nzira yenyika uye kubvuma Jesu saShe uye Mesiya, soMupristi Mukuru, uye souyo agere paruoko rworudyi rwaMwari mudenga. Vaifanira kudana pazita raJehovha Mwari kuti vaponeswe kuburikidza naKristu Jesu, zvaisanganisira kutenda muna Kristu uye kumuziva soMutungamiriri wavo. Pose pavaigona kuvakira ukama hwavo naMwari uye kuwana kukanganwirwa kwezvivi pakanga zvino pachinja. Somunhu oga oga, vaJudha vakanga vatenda vaifanira kubvuma urongwa utsva uhwu. Sei? Nokuzvitsaurira kuna Mwari uye nokuzvizivisa pachena kuti vaita kudaro vachinyudzwa mumvura muzita raJesu Kristu. Kubhabhatidzwa mumvura chaiva chiratidzo chokuzvitsaurira kwavo kuna Mwari, kuchivaita kuti vave noukama hutsva naye kuburikidza naJesu Kristu.—Mabasa 2:21, 33-36; 3:19-23.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Jesu Kristu paakakwira kumusoro ndokupa kuna Jehovha Mwari ukoshi hwoupenyu hwake hwomunhu hwaakabayira, Mutemo waMosesi wakabviswa uye pakavakwa nheyo ye“sungano itsva” yakanga yafanotaurwa.—Jeremia 31:31-34.