Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mumwe Nomumwe Achagara Pasi Pomuonde Wake

Mumwe Nomumwe Achagara Pasi Pomuonde Wake

Mumwe Nomumwe Achagara Pasi Pomuonde Wake

MUMVURI unodiwa zvikuru muchirimo chinopisa munyika dzeMiddle East. Muti upi noupi unovharira mwaranzi yezuva unodiwa, zvikurukuru paunomera pedyo nomusha wako. Nemashizha awo akakura, akapamhama uye mapazi akapararira, muonde unopa mumvuri uri nani kudarika inenge mimwe miti yose yomunzvimbo yacho.

Maererano nebhuku rinonzi Plants of the Bible, “mumvuri [womuonde] unonzi unotonhorera zvikuru kupinda wetende.” Mionde yaimera kumicheto yeminda yemizambiringa muIsraeri yekare yaipa vashandi vomumunda nzvimbo dzakanaka dzokumboti zororei.

Pakupera kwezuva rakareba, rinopisa, nhengo dzemhuri dzingagara pasi pomuonde wadzo ndokuva nesonganiro inofadza. Uyezve, muonde unopa muridzi wawo mibayiro yemichero yakawanda, inovaka muviri. Naizvozvo, kubva munguva yaMambo Soromoni, kugara pasi pomuonde wako kwaimiririra rugare, kubudirira, uye kuva nezvizhinji.—1 Madzimambo 4:24, 25.

Mazana emakore izvi zvisati zvaitika, muprofita Mosesi akarondedzera Nyika Yakapikirwa ‘senyika yemaonde.’ (Dheuteronomio 8:8) Vasori gumi nevaviri vakapa uchapupu hwokuorera kwayo nokuuya nemaonde nemimwe michero pavakadzoka kumusasa wevaIsraeri. (Numeri 13:21-23) Muzana remakore rechi19, mumwe mufambi akaenda kunyika dzinotaurwa muBhaibheri akashuma kuti muonde waiva mumwe wemiti yakazara ikoko. Ndicho chikonzero nei Magwaro achiwanzotaura nezvemaonde nemionde!

Muti Unoibva Kaviri Pagore

Muonde unojairana nevhu rakawanda, uye midzi yawo yakareba inoita kuti ukwanise kutsungirira chirimo chakareba, chakaoma chokuMiddle East. Muti wacho unoshamisa pakuti unoita maonde okutanga anoibva muna June uye akawanda acho kazhinji anoibva muna August zvichienda mberi. (Isaya 28:4) VaIsraeri vaiwanzodya okutanga ari manyoro. Vaiomesa anozotevera kuti vazoashandisa gore rose. Maonde akaoma aigona kusvinwa obikiswa makeke, dzimwe nguva achiiswa maamanda. Makeke emaonde aya akanga asinganetsi kugadzira, aivaka muviri, uye ainaka.

Mukadzi akachenjera Abhigairi akapa Dhavhidhi makeke 200 emaonde akasvinwa, pasina mubvunzo achifunga kuti izvi zvaizova zvokudya zvakanaka zvevapoteri. (1 Samueri 25:18, 27) Maonde akasvinwa aishandawo somushonga. Mushonga wemaonde akasvinwa, akaomeswa wakaiswa pamota rakada kuuraya Mambo Hezekiya, kunyange zvazvo kupora kwaakazoita zvikurukuru kwaiva pamusana pokupindira kwaMwari. *2 Madzimambo 20:4-7.

Munguva yekare, maonde akaoma aikosheswa zvikuru muMediterranean yose. Cato, mukuru mukuru wehurumende akashandisa muonde kunyengetedza Dare reRoma kutanga Hondo yePunic Yechitatu, neCarthage. Maonde akaoma akanakisisa okuRoma aibva kuCaria, muAsia Minor. Saka, maonde akaoma akava nezita rechiLatin rokuti carica. Nzvimbo imwe chete iyi yeTurkey yanhasi ichiri kuita maonde akaoma emhando yakanaka kwazvo.

Varimi veIsraeri vaiwanzosima mionde muminda yemizambiringa, asi vaizotema miti isingabereki. Ivhu rakanaka raiva shoma zvikuru kuti ripambadzwe pamiti isingabereki. Mumufananidzo waJesu womuonde usingabereki, murimi akaudza mutarisiri wemizambiringa kuti: “Tarira atova makore matatu andauya ndichitsvaka zvibereko pamuonde uyu, asi ndikashaya. Uteme! Chaizvoizvo unoitirei kuti ivhu rirambe risingabetseri?” (Ruka 13:6, 7) Sezvo miti yemichero yaibvisirwa mutero munguva yaJesu, muti wose usingabereki waizovawo mutoro usingadiwi wemari.

Maonde aikosha zvikuru pazvokudya zvevaIsraeri. Somugumisiro, kukohwa maonde mashoma—zvichida kwaiva nechokuita nokutongwa zvakaipa naJehovha—kwaizova dambudziko. (Hosea 2:12; Amosi 4:9) Muprofita Habhakuki akati: “Nokuti kunyange muonde ukasatunga maruva, nemizambiringa ikashayiwa zvibereko, kunyange kubereka kwomuorivhi kukakona, neminda ikasabereka zvokudya . . . Kunyange zvakadaro ndichafara kwazvo muna Jehovha, ndichava nomufaro muna Mwari woruponeso rwangu.”—Habhakuki 3:17, 18.

Chiratidzo Chorudzi Rusina Kutenda

Dzimwe nguva Magwaro anoshandisa maonde kana kuti miti yemaonde nenzira yokufananidzira. Somuenzaniso, Jeremiya akaenzanisa nhapwa dzakatendeka dzechiJudha netswanda yemaonde akanaka, maonde anotanga kuibva aizowanzodyiwa ari manyoro. Zvisinei, nhapwa dzisina kutendeka dzakafananidzwa nemaonde akaipa, aisagona kudyiwa uye aifanira kuraswa.—Jeremia 24:2, 5, 8, 10.

Mumufananidzo wake womuonde usingabereki, Jesu akaratidza kushivirira kwaMwari rudzi rwechiJudha. Sezvambotaurwa, akataura nezvomumwe murume aiva nomuonde mumunda wake wemazambiringa. Muti wacho wakanga usina kumbobereka kwemakore matatu, uye muridzi wacho akanga ava kuda kuti utemwe. Asi mutarisiri wemazambiringa akati: “Tenzi, uregei gore rinowo, kusvikira ndautimbira nokuisa mupfudze; zvino kana ukabereka zvibereko munguva yemberi, zvakanaka; asi kana ukarega, muchautema henyu.”—Ruka 13:8, 9.

Jesu paakapa mufananidzo uyu, akanga ave achitoparidzira kwemakore matatu, achiedza kukudziridza kutenda pakati penhengo dzorudzi rwechiJudha. Jesu akasimbisa basa rake, “achiisa mupfudze” pamuonde wokufananidzira—rudzi rwechiJudha—uye achirupa mukana wokubereka zvibereko. Zvisinei, vhiki imwe Jesu asati afa zvakava pachena kuti rudzi rwacho rwose rwakanga rwaramba Mesiya.—Mateu 23:37, 38.

Jesu akashandisazve muonde kuenzanisira kuipa mune zvokunamata kworudzi rwacho. Paaifamba achibva kuBhetani achienda kuJerusarema mazuva mana asati afa, akaona muonde wakanga uine mashizha akawanda asi usina kana maonde. Sezvo maonde anotanga kuibva achioneka pamwe chete nemashizha—uye dzimwe nguva mashizha asati atombovapo—kusava nezvibereko kwomuti wacho kwakaratidza kuti wakanga usingabatsiri.—Mako 11:13, 14. *

Kufanana nomuonde usingabereki wairatidzika zvakanaka, rudzi rwechiJudha rwaiva nechitarisiko chokunze chinonyengera. Asi rwakanga rusina zvibereko zvinodiwa naMwari, uye pakupedzisira rwakaramba Mwanakomana waJehovha. Jesu akatuka muonde wakanga usingabereki, uye mangwana acho, vadzidzi vakacherechedza kuti wakanga watooma. Kuoma kwomuti wacho ikoko kwakanyatsofananidzira kuramba kwaizoita Mwari vaJudha sorudzi rwake rwakasarudzwa.—Mako 11:20, 21.

“Dzidzai Pamuonde”

Jesu akashandisawo muonde kudzidzisa chidzidzo chinokosha nezvokuvapo kwake. Akati: “Dzidzai pamuonde somufananidzo chinhu ichi: Bazi rawo duku parinongova nyoro ropfumvutira, munoziva kuti zhizha rava pedyo. Saizvozvo nemiwo, pamunoona zvinhu zvose izvi, zivai kuti ava pedyo pamisuo.” (Mateu 24:32, 33) Mashizha akasvibira omuonde chiratidzo chinooneka uye chaichoicho chezhizha. Saizvozvowo, uprofita hukuru hwaJesu hwakanyorwa pana Mateu chitsauko 24, Mako chitsauko 13, naRuka chitsauko 21 hunopa uchapupu hwakajeka hwokuvapo kwake iye zvino musimba roUmambo hwokudenga.—Ruka 21:29-31.

Sezvo tiri kurarama panguva inokosha kudaro munhau, chokwadi tinoda kudzidza kubva pamuonde. Kana tikadaro ndokuramba takamuka mune zvokunamata, tine tariro yokuona kuzadzika kwechipikirwa chikuru chinoti: “Mumwe nomumwe uchagara pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, hakuna ungazovatyisa, nokuti muromo waJehovha wehondo wakataura izvozvo.”—Mika 4:4.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 H. B. Tristram, muongorori wezvisikwa uyo akashanyira nyika dzinotaurwa muBhaibheri pakati pezana remakore rechi19, akacherechedza kuti vanhu vomunyika dzacho vakanga vachiri kushandisa mushonga wemaonde kurapa mamota.

^ ndima 16 Chiitiko ichi chakaitika pedyo nomusha weBhetifage. Zita rawo rinoreva kuti “Imba yeMaonde Anotanga Kuibva.” Izvi zvingaratidza kuti nzvimbo yacho yaizivikanwa nokurima zvirimwa zvakanaka zvemaonde anotanga kuibva.