Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nhoroondo Inofadza Zvikuru

Nhoroondo Inofadza Zvikuru

Nhoroondo Inofadza Zvikuru

MUPANGURI Richard E. Byrd akaita nzendo shanu dzokuAntarctic kubvira muna 1928 kusvika muna 1956. Nokuchengeta chinyorwa uye mabhuku enhoroondo dzakarurama, iye nemapoka ake vakakwanisa kuziva kufamba kwemhepo, kugadzira mepu, uye kuwana mashoko akati kuti pamusoro pekondinendi yeAntarctica.

Nzendo dzaByrd dzinoratidza kukosha kwokuchengeta nhoroondo yezvakaitika. Mubhuku renhoroondo, nhoroondo inoumbwa nemashoko akawanda erwendo rwengarava kana kuti rwendege. Mashoko aya angazoshandiswa kuongorora zvakaitika kana kuti kuongorora mashoko angabatsira munzendo dzomunguva yemberi.

Magwaro anopa nhoroondo inofadza yeBoporodzi mumazuva aNoa. Mafashamo iwayo akaitika pasi pose akapedza rinodarika gore. Pakugadzirira Boporodzi racho, Noa, mudzimai wake, uye vanakomana vavo vatatu nevadzimai vavo vakapedza makore 50 kana kuti 60 vachivaka areka—ngarava hombe yakakura mamita ane makubhiti 40 000. Chinangwa chayo chaiva chei? Kuchengetedza vanhu nemhuka muMafashamo.—Genesi 7:1-3.

Chaizvoizvo, bhuku reBhaibheri raGenesi rine inganzi nhoroondo yaNoa yezvakaitika kubvira pakutanga kweMafashamo kusvikira iye nemhuri yake vabuda muareka. Rine chimwe chinhu chinokosha kwatiri nhasi here?