Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ramba Wakasimba, Ukunde Mumujaho Woupenyu

Ramba Wakasimba, Ukunde Mumujaho Woupenyu

Ramba Wakasimba, Ukunde Mumujaho Woupenyu

KUDAI waizofanira kufamba nomugungwa rine dutu, waizoda kushandisa chikepe chorudzii? Waizoda igwa duku risina kusimba here kana kuti chikepe chakasimba, chakagadzirwa zvakanaka? Hapana mubvunzo kuti waizosarudza chikepe, sezvo chingagona kufamba zvakanaka mumafungu ane simba.

Sezvatinopfuura munyika ino ine madutu uye ine ngozi, tinotarisana nezvinetso zvinovhiringidza. Somuenzaniso, vechiduku dzimwe nguva vanganzwa vavhiringidzika uye vasina kuchengeteka mupfungwa nemiitiro zvenyika ino zvinovhiringidza. Vanhu vachangotanga kuva vaKristu vangava vachiri kunzwa vasina chokwadi. Kunyange vaya vakasimba vakapedza makore akawanda mubasa rokutendeka kuna Mwari vangava vari kuedzwa pamusana pokuti zvavanotarisira hazvisati zvazadzika zvakakwana.

Manzwiro akadaro haasi matsva. Vashumiri vaJehovha vakatendeka, vakadai saMosesi, Jobho, naDhavhidhi, vakambonzwa vasina kugadzikana pane dzimwe nguva. (Numeri 11:14, 15; Jobho 3:1-4; Pisarema 55:4) Asi, mararamiro avo aionekwa nokusimba kwokuzvipira kwavo kuna Jehovha. Muenzaniso wavo wakanaka unotikurudzira kuva vakasimba, asi Satani Dhiyabhorosi anoda kutitsausa pamujaho woupenyu husingaperi. (Ruka 22:31) Saka tingaramba sei takatsiga, ta“kasimba pakutenda”? (1 Petro 5:9) Uye tingasimbisa sei vatinonamata navo?

Jehovha Anoda Kuti Tive Vakasimba

Kana takatendeka kuna Jehovha, achagara achitibatsira kuti tirambe takatsiga. Munyori wepisarema Dhavhidhi akatarisana nemamiriro ezvinhu akawanda akaoma, asi aiva netariro muna Mwari uye naizvozvo aigona kuimba kuti: “[Jehovha] akandibudisawo pagomba rokuparadzwa, nomudziva ramatope; akamisa tsoka dzangu padombo, akasimbisa kufamba kwangu.”—Pisarema 40:2.

Jehovha anotisimbisa kuti tirwe “kurwa kwakanaka kwazvo kwokutenda” kuitira kuti ‘tibatisise upenyu husingaperi.’ (1 Timoti 6:12) Anogoverawo nzira dzokuti isu tirambe takatsiga ndokukunda muhondo yedu yezvokunamata. Muapostora Pauro akakurudzira vaKristu vaainamata navo kuti ‘varambe vachiwana simba munaShe nomuukuru hwesimba rake,’ uye kuti ‘vashonge nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo dzinobva kuna Mwari kuti vakwanise kumira vakasimba pakurwisana nemanomano aDhiyabhorosi.’ (VaEfeso 6:10-17) Asi chii chingativhiringidza? Uye tingadzivisa sei ngozi dzakadaro dzinovhiringidza?

Ngwarira Zvinhu Zvinovhiringidza

Kuchenjera kuyeuka chokwadi chinokosha ichi: Zvisarudzo zvatinoita pakupedzisira zvinotibatsira kana kutitadzisa kutsiga pachiKristu zvingava zvakanaka kana kuti zvisina kunaka. Pwere dzinotarisana nezvisarudzo maererano nenhau dzakadai sebasa, dzidzo yokuwedzera, uye kuroora. Vakuru vangada kusarudza kana vangatamira kune imwe nzvimbo kana kuti kuita basa rokuwedzera. Tinoita zvisarudzo zuva nezuva maererano nokushandisa nguva uye dzimwe nhau dzakawanda. Chii chichatibatsira kuita zvisarudzo zvokuchenjera zvichabatsira kuva vakatsiga sevashumiri vaMwari? Mumwe ave ari muKristu kwenguva refu akati: “Ndinokumbira Jehovha kuti andibatsire pandinoita zvisarudzo. Ndinofunga zvinokosha kugamuchira ndokushandisa mazano anopiwa muBhaibheri, pamisangano yeungano yechiKristu, nevakuru, uye mumabhuku eBhaibheri.”

Pakuita zvisarudzo, tingaita zvakanaka kuzvibvunza kuti: ‘Makore mashanu kana gumi kubva panguva ino, ndichafara here nezvisarudzo zvandiri kuita nhasi, kana kuti ndichazvidemba? Ndinoedza kuva nechokwadi chokuti zvisarudzo zvangu hazvindivhiringidzi pakunamata asi zvichawedzera kufambira mberi kwangu mune zvokunamata here?’—VaFiripi 3:16.

Kubvuma kuedzwa kana kuti kubvumira kuti vasvike pedyo nokuputsa mitemo yaMwari kwakaita kuti vamwe vanhu vakabhabhatidzwa vararame upenyu husina kutsiga. Vashoma vakadzingwa muungano pamusana pokuita zvivi vasingapfidzi vakashanda zvakaoma kuti vadzorerwe, uye zvadaro vakadzingwazve—dzimwe nguva nokukurumidza pashure pacho—nemhaka yezvakaipa zvimwe chete izvozvo. Kungava kuti havana kunyengeterera kubatsirwa naMwari here kuti ‘vaseme zvakaipa ndokunamatira kune zvakanaka’? (VaRoma 12:9; Pisarema 97:10) Tose zvedu tinofanira ‘kuramba tichigadzirira tsoka dzedu nzira dzakarurama.’ (VaHebheru 12:13) Naizvozvo ngatikurukurei zvimwe zvinhu zvingatibatsira kuramba takatsiga mune zvokunamata.

Ramba Wakasimba Nokuita Basa RechiKristu

Nzira imwe yokuramba takatsiga mumujaho wedu woupenyu ndeyokuva nezvakawanda zvokuita mubasa rokuparidza Umambo. Chokwadi, ushumiri hwedu hwechiKristu hunotibatsira chaizvo kuti tirambe tichida uye tichifunga nezvezvinodiwa naMwari uye nezvomubayiro woupenyu husingaperi. Munhau iyi, Pauro akakurudzira vaKorinde achiti: “Hama dzangu dzinodiwa, ivai vakasimba, musingazununguki, muchigarova nezvakawanda zvokuita mubasa raShe, muchiziva kuti basa renyu harisi pasina munaShe.” (1 VaKorinde 15:58) ‘Kusimba’ kunoreva ‘kuomerera panzvimbo.’ ‘Kusazununguka’ kungareva ‘kusazvibvumira kusunungurwa panzvimbo yawakasungirirwa.’ Nokudaro, kubatikana muushumiri hwedu kungatitsigisa panzira yedu yechiKristu. Kubatsira vamwe vanhu kusvika pakuziva Jehovha kunoita kuti upenyu hwedu huve nezvahunoreva uye kunoita kuti tifare.—Mabasa 20:35.

Pauline, mumwe muKristu apedza makore anodarika 30 ari mumishinari uye mune mamwe mabasa okuparidza enguva yakazara, anoti: “Ushumiri idziviriro nokuti kupupurira vamwe kunondisimbisira kuti ndine chokwadi.” Kugutsikana kwakadaro kunogumawo nokugaroita mamwe mabasa echiKristu, akadai sokupinda misangano yokunamata uye kudzidza Bhaibheri nokushingaira tiri toga.

Kutsigiswa Nehama Dzine Rudo

Kuva mumwe wevanamati vechokwadi musangano repasi pose kungatitsigisa zvakasimba. Chikomborero chikuru kusonganirana nehama dzine rudo kudaro, dziri pasi pose! (1 Petro 2:17) Uye tinogona kutsigisa vatinonamata navo.

Funga zviito zvinobatsira zvomurume akarurama Jobho. Kunyange munyaradzi wenhema Erifazi akamanikidzwa kubvuma kuti: “Mashoko ako akatsigira wakanga achivavarira kuwa, iwe wakasimbisa mabvi akanga achigwedagweda.” (Jobho 4:4) Tiri kuita sei munhau iyi? Isu somunhu mumwe nomumwe tine mutoro wokubatsira hama nehanzvadzi dzedu dzatinonamata nadzo kutsungirira mubasa raMwari. Mumabatiro atinoita nadzo, tinogona kuita kudaro tichikurudzirwa nemashoko anoti: “Simbisai maoko asina simba, mutsigire mabvi anodedera.” (Isaya 35:3) Saka wadii kuvavarira kusimbisa uye kukurudzira mumwe kana vaviri vaunonamata navo nguva nenguva yaunosangana navo? (VaHebheru 10:24, 25) Mashoko anokurudzira okurumbidza nokuonga kuedza kwavanoramba vachiita kufadza Jehovha angavabatsira chaizvoizvo kuramba vakasimba vaine tariro yokukunda mumujaho woupenyu.

Vakuru vechiKristu vangaita zvakanakisisa kuburikidza nokukurudzira vatsva. Izvi zvingabvira nokupa mazano anobatsira uye mazano akanaka eMagwaro uye nokushanda navo muushumiri hwomumunda. Muapostora Pauro aigaroshandisa mikana yokusimbisa vamwe. Aisuwa kuona vaKristu vomuRoma kuitira kuti agone kubatsira kuvasimbisa mune zvokunamata. (VaRoma 1:11) Aiona hama dzake nehanzvadzi dzokuFiripi so“mufaro [wake] nekorona” uye aidzikurudzira ‘kumira dzakasimba saizvozvo munaShe.’ (VaFiripi 4:1) Paakanzwa nezvokutambudzika kwehama dzake muTesaronika, Pauro akatuma Timoti ‘kunodzisimbisa nokudzinyaradza, kuti parege kuva neaizununguswa nokutambudzika.’—1 VaTesaronika 3:1-3.

Vaapostora Pauro naPetro vakabvuma uye vakakoshesa mabasa okutendeka evavainamata navo. (VaKorose 2:5; 1 VaTesaronika 3:7, 8; 2 Petro 1:12) Saizvozvowo ngatitarirei, kwete kusava nesimba kwehama dzedu, asi unhu hwavo hwakanaka uye kurwisa kwavo kunobudirira kuramba vakasimba ndokukudza Jehovha.

Kana takaipa kana kuti tichitsoropodza, tisingazivi tingaita kuti zviomere vamwe zvikuru kuti varambe vakasimba mukutenda. Zvakakodzera zvikuru kuyeuka kuti hama dzedu ‘dzinobatwa zvisina kufanira uye dzakapararira’ munyika ino! (Mateu 9:36) Muungano yechiKristu, vanonyatsotarisira kuwana nyaradzo nezororo. Naizvozvo, tose zvedu ngatiitei zvose zvatingagona kukurudzira vatinonamata navo uye kuvabatsira kuramba vakasimba.

Nguva nenguva vamwe vangatibata nenzira ingaderedza kusimba kwedu. Tichaita kuti kutaura kwehasha kana kuti kukanganisirwa kuderedze basa redu ratinoitira Jehovha here? Ngatisamborega munhu upi noupi achitibvisa pakusimba kwedu!—2 Petro 3:17.

Zvipikirwa zvaMwari—Zvinosimbisa

Chipikirwa chaJehovha chenguva yemberi yakaisvonaka mukutonga kwoUmambo chinotipa tariro inotibatsira kuramba takasimba. (VaHebheru 6:19) Uye chokwadi chokuti Mwari anozadzika zvipikirwa zvake nguva dzose chinotikurudzira ‘kuramba takamuka uye kumira takasimba mukutenda.’ (1 VaKorinde 16:13; VaHebheru 3:6) Kunoratidzika sokunonoka mukuzadzika kwezvimwe zvezvipikirwa zvaMwari kungaedza kutenda kwedu. Naizvozvo zvinokosha zvikuru kuti tingwarire kusatsauswa nedzidziso dzenhema ndokubviswa patariro yedu.—VaKorose 1:23; VaHebheru 13:9.

Muenzaniso wakaipa wevaIsraeri vakafa pamusana pokuti vakanga vasina kutenda muzvipikirwa zvaJehovha unofanira kutinyevera. (Pisarema 78:37) Pane kuita saivo, ngativei vakasimba, tichishumira Mwari nepfungwa yokukurumidzira mumazuva ano okupedzisira. “Ndinorarama zuva nezuva sokunge zuva guru raJehovha richauya mangwana,” akadaro mumwe mukuru ane unyanzvi.—Joere 1:15.

Chokwadi, zuva guru raJehovha rava pedyo. Zvisinei, hatina chokutya chero bedzi tichiramba tiri pedyo naMwari. Kana tikaomerera zvakasimba kune zvaanoda zvakarurama ndokuramba takasimba, tinogona kumhanya zvinobudirira mumujaho woupenyu husingaperi!—Zvirevo 11:19; 1 Timoti 6:12, 17-19.

[Mufananidzo uri papeji 23]

Uri kuita zvose zvaunogona here kubatsira vaKristu vaunonamata navo kuti varambe vakasimba?

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 21]

The Complete Encyclopedia of Illustration/J. G. Heck