Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kudzidza Nzira Yokugutsikana

Kudzidza Nzira Yokugutsikana

Kudzidza Nzira Yokugutsikana

Mutsamba inokurudzira kuvaKristu veFiripi, muapostora Pauro akanyora kuti: “Ndakadzidza kugutsikana, mumamiriro ezvinhu ose andinenge ndiri. . . . Muzvinhu zvose uye mumamiriro ezvinhu ose ndakadzidza nzira yokuva akaguta nokuva ane nzara, zvose zviri zviviri kuva nezvakawanda uye kushayiwa.”—VaFiripi 4:11, 12.

Nzira yaPauro yokugutsikana yaiva ipi? Tichifunga nezvokukwira kwemitengo yezvinhu zvokurarama nazvo uye kusagadzikana kwezvemari munguva yedu, zvaizobatsira chaizvo kuti vaKristu vechokwadi vadzidze kugutsikana kuitira kuti pfungwa dzavo dzirambe dziri pabasa ravo kuna Mwari.

PAKUTANGA mutsamba yake, Pauro akarondedzera basa rake raibudirira raaimboita. Akati: “Kana mumwe munhu achifunga kuti ane zvikonzero zvokuvimba nenyama, ini ndinotove nezvakawanda: ndakadzingiswa pazuva rechisere, ndiri worudzi rwemhuri yaIsraeri, wedzinza raBhenjamini, muHebheru akaberekwa nevaHebheru; kana uri mutemo, ndiri muFarise; kana kuri kushingaira, ndaitambudza ungano; kana kuri kururama kunouya nomutemo, ndaiva munhu asina chaanopomerwa.” (VaFiripi 3:4-6) Uyezve, somuJudha aishingaira, Pauro akanga atumwa uye aitsigirwa nevapristi vakuru muJerusarema. Zvose izvi zvaimuvimbisa simba nomukurumbira—zvematongerwe enyika, zvechitendero, uye pasina mubvunzo zvemari—munyika yeJudha.—Mabasa 26:10, 12.

Zvisinei, Pauro paakava mushumiri anoshingaira wechiKristu, zvinhu zvakanyatsochinja. Akazvipira kusiya basa rake raibudirira uye zvose zvaimbonzi zvinokosha pamusana pemashoko akanaka. (VaFiripi 3:7, 8) Zvino akanga ava kuzozvitarisira sei? Aizotambira mari yokuva mushumiri here? Aizowana sei zvaaida?

Pauro aiita ushumiri hwake pasina mubhadharo. Saka kuti asapa mutoro vaya vaaishumira, akabatana naAkwira naPrisira mukugadzira matende paaiva muKorinde, uye akaitawo zvimwe zvinhu kuti azvitsigire. (Mabasa 18:1-3; 1 VaTesaronika 2:9; 2 VaTesaronika 3:8-10) Pauro akaita nzendo nhatu refu dzoumishinari, uye akafambirawo ungano dzaida kushanyirwa. Sezvo akanga akabatikana zvizere nebasa raMwari, aiva nezvinhu zvokunyama zvishoma. Hama dzaiwanzomupa zvaaida. Kunyange zvakadaro, nemhaka yokuoma kwezvinhu, dzimwe nguva aitambura uye aiva nezvaaishayiwa. (2 VaKorinde 11:27; VaFiripi 4:15-18) Kunyange zvakadaro, Pauro haana kumbonyunyuta pamusoro pemamiriro ake ezvinhu, uye haana kumbochiva zvaiva nevamwe. Akazvipira kushanda zvakaoma uye achifara kuti abatsire vaKristu vaainamata navo. Chokwadi, aiva Pauro akadzokorora mashoko anozivikanwa zvikuru aJesu anoti: “Pane mufaro mukuru pakupa kupfuura uri pakugamuchira.” Muenzaniso wakaisvonaka kwazvo kwatiri tose!—Mabasa 20:33-35.

Zvinoreva Kugutsikana

Chinhu chikuru chakaita kuti Pauro afare yaiva pfungwa yake yokugutsikana. Asi, zvinorevei kuva anogutsikana? Tingangoti, zvinoreva kugutsikana nezvinhu zvinokosha. Maererano neizvi, Pauro akaudza Timoti, shamwari yake muushumiri kuti:“Chokwadi, kuzvipira kuna Mwari uku pamwe nokugutsikana, inzira inopfumisa zvikuru. Nokuti hatina kuuya nechinhu panyika, uye hapana chatingabuda nacho. Nokudaro, kana tine zvokudya nezvokupfeka nepokugara, tichagutsikana nezvinhu izvi.”—1 Timoti 6:6-8.

Ona kuti Pauro akabatanidza kugutsikana nokuzvipira kuna Mwari. Akaona kuti mufaro wechokwadi unobva pakuzvipira kuna Mwari, ndiko kuti, pakuisa basa redu kuna Mwari munzvimbo yokutanga, uye kwete pazvinhu zvokunyama kana papfuma. Asi “zvokudya nezvokupfeka nepokugara” zvaingova nzira yokuti akwanise kuramba achizvipira kuna Mwari. Saka kuna Pauro nzira yokugutsikana yaiva yokuvimba naJehovha, pasinei nokuti mamiriro ezvinhu angava akadini.

Nhasi vanhu vakawanda vanozvidya mwoyo zvikuru uye havafari pamusana pokuti havazivi nzira iyoyo kana kuti vanoifuratira. Pane kukudziridza kugutsikana, vanosarudza kuvimba nemari uye nezvavanogona kutenga nayo. Indasitiri yokushambadza uye zvinobudisa nhau zvinoita kuti vanhu vafunge kuti havakwanisi kufara kunze kwokuti vaine zvinhu uye midziyo yemazuva ano inodhura—uye kuva nayo pakarepo. Somugumisiro, vakawanda vanowira mumusungo wokutsvaka mari nezvinhu zvokunyama. Pane kuwana mufaro nokugutsikana, “vanowira mumuedzo nomumusungo wokuchiva zvinhu zvakawanda zvoupenzi uye zvinokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nomukurasikirwa.”—1 Timoti 6:9, 10.

Vakadzidza Nzira Yacho

Mazuva ano, zvinobvira here chaizvoizvo kurarama nokuzvipira kuna Mwari uye nokugutsikana ndokuwana mufaro? Hungu, zvinobvira. Chokwadi, mamiriyoni evanhu nhasi ari kuita izvozvo chaizvo. Vakadzidza nzira yokuva vanofara nezvinhu zvokunyama zvavanazvo. Ivo Zvapupu zvaJehovha, zvakazvitsaurira kuna Mwari, zvinoita kuda kwake uye zvinodzidzisa vanhu chinangwa chake kwose kwose.

Somuenzaniso, funga nezvevaya vakazvipira kudzidziswa ndokutumwa semamishinari kunyika dzavasina kujaira kunoparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. (Mateu 24:14) Kazhinji, mararamiro omunyika dzavanoendeswa haana kubudirira mune zvokunyama sezvavakanga vakajairana nazvo. Somuenzaniso, mamishinari paakasvika kune imwe nyika yokuAsia kutanga kwa1947, zvinokonzerwa nehondo zvakanga zvichiri kuoneka, uye dzimba shoma ndidzo dzaiva nemagetsi. Munyika dzakawanda, mamishinari akaona kuti zvipfeko zvaiwachwa chimwe nechimwe paburanga rokuwachira kana kuti pamatombo murwizi pane kushandisa muchina wokuwachisa wemagetsi. Asi vakanga vauya kuzodzidzisa vanhu chokwadi cheBhaibheri, saka vakachinjira kumamiriro ezvinhu omunyika imomo ndokubatikana muushumiri.

Vamwe vakapinda muushumiri hwenguva yakazara kana kuti vakatamira kunzvimbo dzisati dzaparidzirwa mashoko akanaka. Adulfo ashumira somushumiri wenguva yakazara kweanodarika makore 50 munzvimbo dzakasiyana-siyana dzeMexico. Anoti: “Somuapostora Pauro, ini nomudzimai wangu takadzidza kujairana nemamiriro acho ezvinhu. Somuenzaniso, imwe yeungano dzatakashanyira yaiva kure neguta chero ripi zvaro kana musika. Pakudya kumwe nokumwe, hama dzaigutsikana nokungodya fetikuku (tortilla) rimwe chete rakazorwa tumwewo twakangodaro-daro tushomanana nomunyu nekapu yekofi. Ndozvavaingodya chete—mafetikuku matatu pazuva. Saka takadzidza kurarama sezvaingoitawo hama dzacho. Ndakasangana nezvakawanda zvakadai mumakore 54 andakanga ndichishumira Jehovha nguva yakazara.”

Florentino anoyeuka kuti iye nemhuri yake vakanga vajairana sei nemamiriro ezvinhu akaoma. Achiyeuka mazuva ake okutanga, anoti: “Baba vangu vaiva muzvinabhizimisi akapfuma. Vaiva nezvivako zvakawanda. Ndichiri kuyeuka kaunda yepachitoro chataiva nacho. Paiva nedhirowa rakafara anenge masendimita 50 uye rakadzika masendimita 20, uye raiva nezvikamu zvina. Taiisa mari yezuva nezuva imomo. Pakupera kwezuva, nguva dzose raizarisa nemari yesimbi neyepepa.

“Zvadaro kamwe kamwe, takanga tisingachawani mari ndokubva pakuva vapfumi kusvika pakuva varombo. Takarasikirwa nezvinhu zvose kunze kwomusha wedu. Kunze kweizvi, mumwe wemadzikoma angu akaita tsaona ndokuguma aremara makumbo ose. Zvinhu zvakanga zvachinja zvachose. Kwenguva yakati ndakashanda ndichitengesa michero nenyama. Ndakakohwawo donje, mazambiringa, nechikafu chemombe, uye ndakaitawo basa rokudiridza minda. Vamwe vanhu vainditi hapana basa randisingagoni. Amai vangu vaiwanzotinyaradza nokutaura kuti taiva nechokwadi, pfuma yomudzimu yakanga ichingova nevashomanana. Saka ndakadzidza kuva nezvakawanda nokuvawo nezvishoma kana kusava nechinhu. Zvino zvandashumira Jehovha nguva yakazara kwemakore 25, ndinogona kutaura kuti zuva nezuva ndave ndine chikomborero chokuziva kuti ndakasarudza nzira yakanakisisa youpenyu—kushumira Jehovha nguva yakazara.”

Bhaibheri rinotiudza zvakananga kuti “mamiriro ezvinhu enyika ino ari kuchinja.” Pamusana pechikonzero ichi, rinotikurudzirawo richiti: “[Regai] vanofara [vave] sevasingafari, nevanotenga sevasina, nevari kushandisa nyika sevasiri kuishandisa zvizere.”—1 VaKorinde 7:29-31.

Naizvozvo ino ndiyo nguva yokunyatsoongorora mararamiro ako. Kana uine zvishoma zvokurarama nazvo, ngwarira kuva anoshatirwa, kunyange kuzara nehasha uye shanje. Ukuwo, chero zvokunyama zvaungava nazvo, kwaizova kuchenjera kuzviona nenzira yakarurama muupenyu kuitira kuti zvisava tenzi wako. Sokurayira kwakaita muapostora Pauro, nepose paunogona isa tariro yako, “kwete papfuma isingagoni kuvimbwa nayo, asi pana Mwari, anotigovera zvinhu zvose kwazvo kuti tifare.” Kana ukaita kudaro, ipapo iwewo ungataura kuti wakadzidza nzira yokugutsikana.—1 Timoti 6:17-19.

[Mufananidzo uri papeji 9]

Pauro akashanda nemaoko ake kuti asava mutoro kune vamwe

[Mifananidzo iri papeji 10]

Zviuru zviri kuwana mufaro muupenyu hwo‘kuzvipira kuna Mwari pamwe nokugutsikana’