Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kupa Kunofadza Mwari

Kupa Kunofadza Mwari

Kupa Kunofadza Mwari

JESU nevadzidzi vake vakanga vachidya zvokudya zvinonaka muBhetani vaine shamwari dzepedyo dzinoverengeka, kusanganisira Mariya, Marita, naRazaro akanga achangomutswa. Mariya paakatora magiramu anenge mazana matatu emafuta anodhura ndokuzora makumbo aJesu, Judhasi Isikariyoti akatsamwa ndokutaura zvaaifunga. “Nei aya mafuta anonhuhwirira asina kutengeswa nemadhinari [anoenderana nomuripo unenge wegore] mazana matatu akapiwa varombo?” akanyunyuta kudaro. Pakarepo vamwe vakanyunyutawo saizvozvo.—Johani 12:1-6; Mako 14:3-5.

Zvisinei, Jesu akapindura kuti: “Muregei akadaro. . . . Nokuti varombo munogara munavo, nguva ipi neipi yamunoda munogona kuvaitira zvakanaka, asi hamugari muneni.” (Mako 14:6-9) Vatungamiriri vechitendero chechiJudha vaidzidzisa kuti kupa zvipo kwaisangova tsika yakanaka bedzi asi kwaigona kutoyananisa zvivi. Ukuwo, Jesu akajekesa kuti kupa kunofadza Mwari hakungogumiri pakupa zvipo zvokuyamura varombo.

Kungotarira zvishoma nzira iyo kupa kwaiitwa nayo muungano yechiKristu yokutanga kuchasimbisa nzira dzinoshanda dzatingaratidza nadzo kuva nehanya kwedu ndokufadza Mwari nokupa kwedu. Kucharatidzawo rudzi rwokupa kwakasiyana nokumwe runoita zvakanakisisa.

Ipai “Zvipo Zvengoni”

Panguva dzinoverengeka Jesu akakurudzira vadzidzi vake kuti va“pe zvipo zvengoni,” kana kuti semashandurirwo anoitwa mashoko acho nemamwe maBhaibheri, “kupa nomutsa” kana kuti “kupa kune vanoyamura.” (Ruka 12:33; New English Bible; A Translation in the Language of the People, raCharles B. Williams) Zvisinei, Jesu akanyevera pamusoro pokuratidza kwokushamisira kwaingoitirwa kupa mbiri kumupi pane kupa mbiri Mwari. Akati: “Paunopa zvipo zvengoni, usaridza hwamanda pamberi pako, sezvinoita vanyengeri mumasinagogi nomumigwagwa, kuti vapiwe mbiri nevanhu.” (Mateu 6:1-4) Vachishandisa nyevero iyi, vaKristu vokutanga havana kufarira zvinhu zvokuda kushamisira zvaiitwa nevatungamiriri vechitendero vaizviti vatsvene vomuzuva ravo ndokusarudza kubatsira vaya vaishayiwa nokuvaitira mabasa avo kana kuvapa zvipo pasiri paruzhinji.

Somuenzaniso, pana Ruka 8:1-3, tinoudzwa kuti Mariya Magadharini, Joana, Suzana, nevamwe vakashandisa “zvinhu zvavo” chinyararire kushumira Jesu nevaapostora vake. Kunyange zvazvo varume ava vakanga vasiri varombo, vakanga vasiya zvinhu zvaivararamisa kuti vashingairire ushumiri nomwoyo wose. (Mateu 4:18-22; Ruka 5:27, 28) Nokuvabatsira kupedza basa ravo ravakapiwa naMwari, vakadzi ava vaitorumbidza Mwari. Uye Mwari akaratidza kuvatendera nokuchengetedza nhoroondo yomutsa wavo wengoni muBhaibheri kuti zvizvarwa zvose zvomunguva yemberi zviverenge.—Zvirevo 19:17; VaHebheru 6:10.

Dhokasi aiva mumwe mukadzi aiva nomutsa uyo “aiva nemabasa akawanda akanaka nezvipo zvengoni.” Aisonera mbatya chirikadzi dzaishayiwa muguta rake reJopa raiva pedyo negungwa. Kuti ndiye aitenga machira acho ose kana kuti aingovasonera chete asingabhadharisi, hatizivi. Kunyange zvakadaro, basa rake rakanaka rakaita kuti adiwe nevaya vaaikwanisa kubatsira, uyewo naMwari, uyo akakomborera mutsa wake nenzira yengoni.—Mabasa 9:36-41.

Mafungiro Akarurama Anokosha

Chii chakaita kuti vanhu ava vape? Dzakanga dzisingori tsitsi chete dzakakonzerwa nokunzwa kuda kubatsira. Vainzwa vaine mutoro wokuita zvavaikwanisa zuva rimwe nerimwe kuti vabatsire vaya vaiva varombo, vaiva nenhamo, vairwara, kana kuti vaiva nezvimwe zvinetso. (Zvirevo 3:27, 28; Jakobho 2:15, 16) Urwu ndirwo rudzi rwokupa runofadza Mwari. Zvikurukuru runokurudzirwa nokuda Mwari zvakadzama uye chido chokutevedzera ngoni dzake norupo.—Mateu 5:44, 45; Jakobho 1:17.

Muapostora Johani akasimbisa kupa uku kunokosha paakabvunza kuti: “Munhu ane zvokutsigira upenyu zvenyika ino akaona hama yake ichishayiwa asi akaipfigira musuo wetsitsi dzake huru, kuda Mwari kunoramba kuri maari munzirai?” (1 Johani 3:17) Mhinduro yacho iri pachena. Kuda Mwari kunoita kuti vanhu vave norupo. Mwari anoonga uye anopa mubayiro vaya vane rupo, saiye. (Zvirevo 22:9; 2 VaKorinde 9:6-11) Nhasi tinoona rupo rwakadaro here? Funga zvichangobva kuitika mune imwe ungano yeZvapupu zvaJehovha.

Musha wevamwe ambuya vechiKristu waiva nezvakawanda zvawaifanira kugadziriswa. Vakanga vachigara voga uye vakanga vasina mhuri yaivabatsira. Kwemakore, musha wavo wakanga wagara uchiitirwa misangano yechiKristu, uye vaiwanzodya naani zvake aibvuma kukokwa navo. (Mabasa 16:14, 15, 40) Dzichiona dambudziko ravo, nhengo dzeungano dzakashandira pamwe kuti dzibatsire. Vamwe vakabvisa mari, vamwe vakaita basa. Mukupera kwevhiki kushomanana, vazvipiri vakaisa denga idzva, vakaisa imba yokugezera itsva, vakapurasita nokupenda uriri hwose hwokutanga, uye vakaisa makabhati matsva mukicheni. Kupa kwavo hakuna kungogutsa zvinodiwa zvaambuya vacho asiwo zvakaswededza ungano yacho pedyo napedyo uye zvakaita kuti vavakidzani vaone muenzaniso wokupa kwechokwadi kwechiKristu.

Pane nzira dzakawanda kwazvo dzatingabatsira vamwe nadzo isu pachedu. Tingapedza nguva nomukomana kana musikana nherera here? Tinganotenga kana kusonera chirikadzi yatinoziva yachembera here? Tingabikira zvokudya kana kupa mari mumwe munhu ane zvishoma here? Hatifaniri kuva vapfumi kuti tibatsire. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Kana mwoyo unoda uripo pakutanga, zvinogamuchirika zvikuru maererano nezvine munhu, kwete maererano nezvisina munhu.” (2 VaKorinde 8:12) Zvisinei, kupa kwakadaro kwomunhu pachake, kwakananga, ndiko kupa chete kuchakomborerwa naMwari here? Kwete.

Zvakadini Nokuyamura Kwakarongwa?

Dzimwe nguva zvatinoita somunhu mumwe nomumwe hazvina kukwana. Chokwadi, Jesu nevaapostora vake vaichengeta homwe yavaiisa mari vose kuitira varombo, uye vaigamuchira mipiro yaibva kuvanhu vaiva nehanya vavaisangana navo mubasa ravo. (Johani 12:6; 13:29) Saizvozvowo, ungano dzomuzana remakore rokutanga dzaiunganidza zvinhu pazvaidiwa uye dzaironga kuyamura pamwero mukuru.—Mabasa 2:44, 45; 6:1-3; 1 Timoti 5:9, 10.

Chimwe chiitiko chakadaro chakamuka munenge muna 55 C.E. Ungano dzomuJudhiya dzakanga dzava muurombo, zvichida nemhaka yenzara huru yakanga ichangobva kuitika. (Mabasa 11:27-30) Muapostora Pauro, aiwanzova nehanya nevarombo, akakumbira ungano dzaiva kure sokuMakedhoniya kuti dzibatsire. Iyewo akaitawo humwe urongwa hwokuunganidza zvinhu ndokushandisa varume vaitenderwa kuti vaparadzire zvinhu zvacho. (1 VaKorinde 16:1-4; VaGaratiya 2:10) Hapana kana mumwe wavo akabhadharwa basa raaiita.—2 VaKorinde 8:20, 21.

Mazuva ano Zvapupu zvaJehovha zvakagadzirirawo kubatsira kana njodzi ikaitika. Somuenzaniso, muzhizha ra2001, mvura zhinji ine mhepo yakakonzera mafashamo makuru muHouston, Texas, U.S.A. Yose pamwe chete, misha 723 yeZvapupu yakakuvadzwa kusvika pamwero wakati, yakawanda yayo zvakaipisisa. Dare rokubatsira panjodzi revakuru vechiKristu vanokwanisa rakaumbwa pakarepo kuti rione zvaidiwa nomunhu mumwe nomumwe uye kuti rironge homwe yokuyamura yokubatsira Zvapupu zvomunharaunda yacho kubata nemamiriro acho ezvinhu uye kuti zvigadzirise misha yazvo. Vazvipiri vaibva kuungano dziri pedyo vakaita basa rose. Chimwe Chapupu chakaonga zvikuru kubatsira uku zvokuti pachakagamuchira mari yakabva kukambani yacho yeinishuwarenzi yokuti chibhadhare kugadziriswa kweimba yacho, chakaisa pakarepo mari yacho kuhomwe yokuyamura kuitira kuti igone kubatsira vamwe vaida kuyamurwa.

Zvisinei, maererano nemasangano anoyamura akarongwa, tinofanira kungwarira sezvatinoongorora zvikumbiro zvakawanda zvatinogamuchira. Mamwe masangano anoyamura anoda mari yakawanda yokubhadhara vashandi vawo kana kuti zvirongwa zvokutsvaka mari, zvichiita kuti pamari inenge yaunganidzwa pazosara shomanana inozoshandisirwa chinangwa chayo. Zvirevo 14:15 inoti: “Usina mano unotenda mashoko ose; asi wakangwara unongwarira mafambiro ake.” Saka kuchenjera kunyatsoongorora kuti ndezvechokwadi sei.

Kupa Kunobatsira Zvikuru

Pane rudzi rwokupa runotokosha zvikuru kudarika kuyamura nezvinhu. Jesu akataura nezvako apo mutongi muduku akapfuma akabvunza zvaaifanira kuita kuti awane upenyu husingaperi. Jesu akamuudza kuti: “Enda utengese zvinhu zvako upe varombo uye uchava nepfuma mudenga, uuye uve muteveri wangu.” (Mateu 19:16-22) Ona kuti Jesu haana kungoti, ‘Ipa varombo uye uchawana upenyu.’ Pane kudaro, akawedzera kuti, ‘Uya uve muteveri wangu.’ Nemamwe mashoko, kunyange zvazvo mabasa okuyamura achirumbidzwa uye achibatsira, kuva mudzidzi wechiKristu kunosanganisira zvakawanda.

Jesu ainyanya kufarira kubatsira vamwe mune zvokunamata. Nguva pfupi asati afa, akaudza Pirato kuti: “Izvi ndizvo zvandakaberekerwa, uye ndizvo zvandakauyira munyika, kuti ndipupurire chokwadi.” (Johani 18:37) Kunyange aitungamirira mukubatsira varombo, kuporesa vanorwara, uye kupa zvokudya vane nzara, Jesu zvikurukuru akadzidzisa vadzidzi vake kuparidza. (Mateu 10:7, 8) Kutaura zvazviri, pamirayiro yake yokupedzisira paiva nouyu: “Naizvozvo endai muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi.”—Mateu 28:19, 20.

Chokwadi, kuparidza hakuzopedzi zvinetso zvose zvenyika. Asi, kuudza vanhu vemarudzi ose mashoko akanaka oUmambo hwaMwari kunopa mbiri kuna Mwari nokuti kuparidza kunopedza zvinodiwa naMwari uye kunozarura nzira yokuwana zvikomborero zvisingaperi kune vaya vanogamuchira shoko raMwari. (Johani 17:3; 1 Timoti 2:3, 4) Wadii kuteerera zvichataurwa neZvapupu zvaJehovha pazvichashanya nguva inotevera? Zvinouya nechipo chomudzimu. Uye zvinoziva kuti iyi ndiyo nzira yakanakisisa yazvingagona kukupa nayo.

[Mifananidzo iri papeji 6]

Pane nzira dzakawanda dzokuratidza kuti tine hanya

[Mufananidzo uri papeji 7]

Kuparidza kwedu mashoko akanaka kunofadza Mwari uye kunozarura nzira yokuwana zvikomborero zvisingaperi