Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kupiswa Kwerusenzi—Kune Nzvimbo Here Mukunamata Kwechokwadi?

Kupiswa Kwerusenzi—Kune Nzvimbo Here Mukunamata Kwechokwadi?

Kupiswa Kwerusenzi—Kune Nzvimbo Here Mukunamata Kwechokwadi?

“VANAMWARI vanoda zvinonhuwirira.” Mashoko iwayo aiwanzotaurwa nevanhu vekare vokuIjipiti. Kwavari, kupiswa kwerusenzi kwaiva chimwe chinhu chikuru chavaiita pakunamata kwavo. Vachidavira kuti vanamwari vaiva pedyo, vanhu vokuIjipiti vaipisa rusenzi mazuva ose mutemberi dzavo nepaatari dzomumisha mavo, uye kunyange pavaiita zvebhizimisi. Mamwe marudzi aivawo netsika dzakadai.

Rusenzi chii? Shoko racho rinogona kureva utsi kana kuti chinhu chacho chiri kupiswa. Inogadzirwa nemasiridzi anobuda mumiti, akadai seanonzi zvinonhuwirira zvichena uye bhasami. Izvi zvinotswiwa kuita upfu uye zvinowanzosanganiswa nezvinhu zvakadai setunhu tunonhuwirira (spice), makwande omuti, uye maruva, kuti pave neminhuwi inoshandiswa pane zvimwe zvinhu.

Rusenzi yaiva chinhu chinodiwa uye chinokosha kwazvo munguva dzekare zvokuti zvayaigadzirwa nazvo zvakasvika pakuva zvinhu zvinokosha zvokutengesa. Midungwe yevatengesi vaifamba mumigwagwa yaienda kunzvimbo dzokutengesera yaizvitakura kubva kunyika dzaiva kure. Ungayeuka kuti Josefa, mwanakomana muduku waJakobho, akatengeswa kuvatengesi vechiIshmaeri vakanga “vachibva Giriyedhi, makamera avo akatakura zvinhu zvinonhuwira, nebhasami, nemura, vachindozviisa Ijipiti.” (Genesi 37:25) Kudiwa kwerusenzi kwakava kwakakura kwazvo zvokuti nzira dzaienda kwaitengeserwa zvinonhuwirira, pasina mubvunzo dzakatangwa nevatengesi verusenzi, dzakapfumbidzwa pakati peAsia neEurope.

Rusenzi ichiri kupiswa mumhemberero netsika dzezvitendero zvakawanda nhasi. Kuwedzera kune izvi, vanhu vari kuramba vachiwedzera vanosarudza kupisa rusenzi mumisha yavo vachingoda kamunhuwi kayo kanofadza. VaKristu vanofanira kuona sei kupiswa kwerusenzi? Kunogamuchirika kuna Mwari here pakunamata? Ngationgororei zvinotaurwa neBhaibheri panyaya iyi.

‘Chimwe Chinhu Chitsvene Kuna Jehovha’

MuvaIsraeri vekare, kupisa rusenzi chaiva chinhu chinokosha mumabasa evapristi patebhenekeri. Cyclopedia yaMcClintock naStrong inoti: “Chokwadi, kupiswa kwerusenzi kunenge kwaionekwa nevaHebheru zvikurukuru sechiito chokunamata kana kuti kupa kutsvene zvokuti hativerengi nezvokumwe kushandiswa kwayo kunze kwepakunamata.”

Jehovha Mwari akarayira zvinhu zvina zvaifanira kusanganiswa zvopiswa patebhenekeri, achiti: “Tora miti inonhuwira, inoti: Sitakte, neonika, negarbano, miti yakanaka nezvinonhuwira zvakaisvonaka; zvose zvienzane pakurema kwazvo. Ugoita nazvo [“rusenzi,” NW], zvinonhuwira zvinonaka, zvakavhenganiswa nouchenjeri hwomuvhenganisi wezvinonhuwira, zvakarungwa nomunyu, zvakaisvonaka, zvitsvene. Unofanira kutswa zvimwe zvazvo kwazvo, ugozviisa pamberi pechipupuriro mutende rokusongana.” (Eksodho 30:34-36) Nyanzvi dzinoti zvimwe zvinhu zvakazowedzerwa nevaJudha vaiva vanarabhi kuti zvishandiswe patemberi.

Rusenzi yaipiswa patebhenekeri yaiva tsvene, ichingoshandiswa chete pakunamatwa kwaMwari. Jehovha akarayira kuti: “Zvinonhuwira [“rusenzi,” NW] zvamunozviitira imi, musazviita sezvamunoita izvozvi; zvinofanira kuva kwamuri zvitsvene kuna Jehovha. Ani nani unoita zvakafanana nazvo, kuti azvinhuwidze, ngaabviswe pakati porudzi rwake.” (Eksodho 30:37, 38) Vapristi vaipisira rusenzi paatari yakanga yakasarudzwa, kaviri pazuva. (2 Makoronike 13:11) Uye paZuva Rokuyananiswa, mupristi mukuru aipisira rusenzi muNzvimbo Tsvenetsvene.—Revhitiko 16:12, 13.

Hakusi kupisa rusenzi kwose kwaigamuchirwa naMwari. Akaranga vakanga vasiri vapristi avo vakaipa sezvinonzi vaiva vapristi. (Numeri 16:16-18, 35-40; 2 Makoronike 26:16-20) Rusenzi yaipiswa norudzi rwechiJudha yainyangadza Jehovha pavaiipa uku vachiita mabasa okunamata kwenhema uye vachizadza maoko avo neropa. Unyengeri hwavo hwakaita kuti Jehovha azivise kuti: “Zvinonhuwirira [“rusenzi,” NW] zvinondinyangadza.” (Isaya 1:13, 15) VaIsraeri vakaregeredza kwazvo kunamatwa kwaJehovha kwakanga kwakarayirwa zvokuti vakavhara temberi ndokupisira rusenzi pane dzimwewo atari. (2 Makoronike 28:24, 25) Makore akawanda gare gare rusenzi tsvene yakatoshandiswa mukunamatwa kwevanamwari venhema kunosemesa. Miitiro yakadaro yakanga iri yokupandukira Jehovha.—Ezekieri 16:2, 17, 18.

Rusenzi nevaKristu Vokutanga

Sungano yoMutemo, kusanganisira murayiro wevapristi wokupa rusenzi tsvene, yakaguma pakatangwa sungano itsva naKristu muna 33 C.E. (VaKorose 2:14) Hapana pakanyorwa kuti vaKristu vokutanga vaipisa rusenzi nokuda kwezvinangwa zvokunamata. Ichitaura maererano neizvi Cyclopedia yaMcClintock naStrong inoti: “Zviri pachena kuti rusenzi yakanga isingashandiswi [nevaKristu vokutanga]. Chokwadi kushandiswa kwayo kwakanga kuri chiratidzo chouhedheni . . . Rusenzi shomanana yaikandwa nomunhu akazvipira paatari yechihedheni yaitoratidza chiito chokunamata.”

VaKristu vokutanga vairambawo kupisa rusenzi kuti vabvume “kuva mwari” kwamambo wechiRoma, kunyange zvazvo zvaigona kuita kuti varasikirwe noupenyu hwavo. (Ruka 4:8; 1 VaKorinde 10:14, 20) Tichitarisa kushandiswa kwerusenzi pakunamata zvidhori mumazuva iwayo, hazvishamisi kuti vaKristu vokutanga vaisatomboita kunyange basa rokutengeswa kwerusenzi.

Kupiswa Kwerusenzi Nhasi

Rusenzi inoshandiswa sei nhasi? Mumachechi akawanda echiKristudhomu, rusenzi inopiswa mumitambo nedzimwe tsika dzokunamata. Kuvanhu vokuAsia, mhuri dzakawanda dzinopisa rusenzi kutemberi kana kuti paatari dzepamba kuti vakudze vanamwari vavo nokuchengetedza vakafa. Muminamato yechitendero, rusenzi yave ichishandiswa zvakasiyana-siyana kupfungaidza, kurapa, kuchenesa, uye kudzivirira.

Rusenzi ichangobva kutangazve kushandiswa kakawanda kunyange nevaya vasina chitendero chavanopinda. Vamwe vanopisa rusenzi pavanenge vachifungisisa. Rimwe bhuku rinopa zano rokushandisa rusenzi kuti usvike “pamwero wakakwirira kwazvo wokuziva” uye uwane “masimba” anopfuura enyika ino. Kuti uwane zvokugadzirisa nazvo zvinetso zvoupenyu, rinorumbidzawo tsika dzokupisa rusenzi dzinosanganisira kutaura “nezvisikwa zvomudzimu.” Miitiro yakadaro inofanira kuitwa nevaKristu here?

Jehovha anoshora chaizvo vaya vanoedza kusanganisa miitiro yokunamata kwenhema nokunamata kwakachena. Muapostora Pauro akataura mashoko aIsaya akaratidza kushanda kwawo kuvaKristu, achivakurudzira kusava nechokuita nechitendero chenhema. Akanyora kuti: “‘Ibvai pakati pavo, muzviparadzanise,’ anodaro Jehovha, ‘musabata chinhu chisina kuchena’; ‘uye ini ndichakugamuchirai.’” (2 VaKorinde 6:17; Isaya 52:11) VaKristu vechokwadi vanongwarira kuti vasaite chinhu chipi nechipi chine chokuita nokunamata kwenhema kana kuti mashiripiti.—Johani 4:24.

Pfungwa yokuti rusenzi inoshandiswa mumitambo yechitendero uye mune zvokutenda midzimu inoreva here kuti kupisa rusenzi kwakaipa? Kwete hazvo. Pamwe munhu anoda kupisa rusenzi kuti aite kuti mumba make munhuwirire achingoda hake kufadzwa nomunhuwi wayo wakanaka. (Zvirevo 27:9) Kunyange zvakadaro, apo muKristu anenge achifunga kuti opisa rusenzi here kana kuti kwete, pane zvaanofanira kufunga nezvazvo. Vamwe vari munharaunda yaunogara vanoti rusenzi ine chokuita nemiitiro yokunamata kwenhema here? Munharaunda yako, rusenzi inowanzonzi ine chokuita netsika dzokutenda midzimu here? Kana kuti inowanzoshandiswa nokuda kwezvinangwa zvisinei chokuita nokunamata here?

Kana munhu akasarudza kupisa rusenzi, chisarudzo chake chinofanira kuratidza kuti anofunga nezvehana yake uyewo manzwiro evamwe. (1 VaKorinde 10:29) Mashoko omuapostora Pauro kuvaRoma anoshanda. Akanyora kuti: “Ngatiteverei zvinhu zvinoparira rugare uye zvinhu zvinovaka mumwe nomumwe. Musaputsa basa raMwari nokuda kwezvokudya bedzi. Chokwadi, zvinhu zvose zvakachena, asi zvakaipa kumunhu anodya apo mamiriro ezvinhu anogumbura anenge aripo. Zvakanaka kurega kudya nyama kana kunwa waini kana kuti kuita chimwe chinhu chinogumbura hama yako.”—VaRoma 14:19-21.

Minyengetero ‘Yakagadzirirwa Serusenzi’

Kupiswa kwerusenzi kwaiitwa nevaIsraeri kwaiva chiratidzo chakakodzera cheminyengetero inonzwiwa naMwari. Saka, munyori wepisarema Dhavhidhi akaimba kuna Jehovha kuti: “Munyengetero wangu ngauve pamberi penyu [“serusenzi,” NW].”—Pisarema 141:2.

VaIsraeri vakanga vakatendeka havana kuona kupiswa kwerusenzi setsika isina zvainobatsira. Vainyatsongwarira kugadzira nokupisa rusenzi munzira yakanga yakataurwa naJehovha. Pane kushandisa rusenzi chaiyo, vaKristu nhasi vanopa minyengetero inoratidza kuonga kwakadzama nokuremekedza Baba vedu vokudenga. Kufanana nerusenzi yaiva nohwema hwakanaka yaipiswa nevapristi vepatemberi, Shoko raMwari rinotivimbisa kuti: “Munyengetero wowakarurama unomufadza.”—Zvirevo 15:8.

[Mifananidzo iri papeji 29]

Rusenzi yaipisirwa patebhenekeri uye patemberi yaiva tsvene

[Mufananidzo uri papeji 30]

Kupisa rusenzi munhu achifungisisa kunofanira kuitwa nevaKristu here?