Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Zvakaipa here kuuraya chipfuwo chiri kurwara zvakanyanya kana chiya chakwegura?

Vanhu vakawanda vanofarira uye vanonakidzwa nemhuka dzakasiyana-siyana. Dzimwe mhuka dzinochengetwa dzinova zvipfuwo zvinova shamwari dzakanaka. Somuenzaniso, imbwa dzinozivikanwa nokuteerera zvakakwana vanatenzi vadzo nokuvada. Saka, kuda kungaita vanhu chipfuwo chakadaro kunonzwisisika, zvikurukuru chipfuwo chavanenge vagara nacho kwemakore akawanda.

Zvisinei, zvipfuwo zvakawanda hazviwanzorarami nguva refu. Imbwa dzingararama kwemakore 10 kusvika ku15 kana kupfuura, sezvingaita kitsi, zvichienderana norudzi rwadzo. Kana zvakwegura, zvipfuwo zvacho zvingatambura nokungorwara-rwara uye kusagona kuita zvimwe zvinhu zvoita kuti varidzi vazvo, vanoyeuka makore emhuka idzi dzichakasimba vashushikane. Zvaizova zvakaipa here kugumisa marwadzo emhuka dzakadaro, kuburikidza nokudziuraya?

MuKristu angada kuita maererano nezvinodiwa naMwari paanenge achigara nemhuka. Kudzibata noutsinye chokwadi kunopesana nezvinodiwa naMwari, nokuti Shoko rake rinoti: “Wakarurama une hanya noupenyu hwechipfuwo chake.” (Zvirevo 12:10) Zvisinei, izvi hazvirevi kuti Mwari anoona mhuka sezvaanoita vanhu. Mwari paakasika vanhu, akaratidza kuti paiva nomusiyano wakajeka pakati pavo nemhuka. Somuenzaniso, akapa vanhu tariro yokurarama upenyu husingaperi, asi haana kumbobvira apa tariro iyi kumhuka. (VaRoma 6:23; 2 Petro 2:12) Zvaari Musiki, ane kodzero yokuratidza ukama hwakafanira pakati pevanhu nemhuka.

Genesi 1:28 inotiudza ukama hwacho. Mwari akaudza vanhu vokutanga kuti: “Muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa, napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika.” Saizvozvowo, Pisarema 8:6-8 inoti: “[Imi Mwari] makaisa zvose pasi petsoka dzake [munhu]. Makwai ose nenzombe, nemhuka dzesango; neshiri dzokudenga, nehove dzegungwa.”

Mwari akataura zvakajeka kuti mhuka dzaigona kushandiswa zvakakodzera uye kuurayiwa nevanhu. Somuenzaniso, ganda radzo raigona kushandiswa sezvipfeko. Mwari akabvumirawo vanhu kudya nyama yemhuka pashure peMafashamo ezuva raNoa, panzvimbo pemiriwo yavakanga vapiwa pakutanga.—Genesi 3:21; 4:4; 9:3.

Izvi hazvisi kutendera kuuraya mhuka zvachero, zvokungonakidzwa. Pana Genesi 10:9, Bhaibheri rinorondedzera Nimirodhi so“mudzimba mukuru.” Asi ndima imwe chete iyoyo inotaura kuti izvi zvakaita kuti ‘apesane naJehovha.’

Saka, kunyange zvazvo munhu aine simba pamusoro pemhuka, haafaniri kushandisa zvisina kufanira simba iroro asi anofanira kurishandisa mukuwirirana nenhungamiro dzeShoko raMwari. Izvi zvingasanganisira kusasiya chipfuwo chichitambura zvisina kukodzera pamusana pokukwegura zvikuru, ronda rakakomba, kana kurwara zvakanyanya. Mumamiriro ezvinhu akadaro, muKristu ane mutoro wokusarudza chokuita. Kana asarudza kuti dzingava tsitsi kuti asarega chipfuwo chacho chichiramba chichitambura kana pasina tarisiro yokuti chichapora, ipapo angasarudza kuchizorodza.