Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mufaro Usina Unoenzana Nawo!

Mufaro Usina Unoenzana Nawo!

Nyaya Youpenyu

Mufaro Usina Unoenzana Nawo!

YAKATAURWA NAREGINALD WALLWORK

“Munyika ino hapana chinhu chingaenzana nomufaro watakava nawo mubasa renguva yakazara roumishinari ratave tichiitira Jehovha!” Ndakawana pepa rakataratadzwa iri pamapepa omudzimai wangu nguva pfupi pashure porufu rwake muna May 1994.

SEZVANDINOFUNGISISA mashoko aIrene, ndinorangarira makore 37 anofadza, uye anogutsa atakapedza tiri mamishinari muPeru. Takava noushamwari hwechiKristu hunokosha kubva patakachata muna December 1942—uye zvakanaka kutangira nyaya yangu ipapa.

Irene akarerwa somumwe weZvapupu zvaJehovha muLiverpool, England. Aiva mumwe wevanasikana vatatu, uye akafirwa nababa vake muHondo Yenyika I. Amai vake vakazoroorwa naWinton Fraser, uye vakava nomwanakomana, Sidney. Nguva pfupi Hondo Yenyika II isati yatanga, mhuri iyi yakatamira kuBangor, North Wales, kwakabhabhatidzirwa Irene muna 1939. Sidney akabhabhatidzwa gore repaseri racho, saka iye naIrene vakashanda vose semapiyona—vaevhangeri venguva yakazara—kumahombekombe egungwa okuchamhembe kweWales, kubva kuBangor kusvika kuCaernarvon, kusanganisira chitsuwa cheAnglesey.

Panguva iyoyo, ndaiva muUngano yeRuncorn, makiromita anenge 20 kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweLiverpool, ndichishanda ndiri watinoti mazuva ano mutariri anotungamirira. Irene akasvikotaura neni pagungano redunhu achida kukumbira kana aigona kupiwa ndima yokuti aparidzire, sezvo aizombogara naVera, mukoma wake akaroorwa aigara muRuncorn. Ini naIrene takawirirana muvhiki mbiri dzaaiva nesu, uye gare gare ndakamushanyira kuBangor kanoverengeka. Ndakafara kwazvo kumwe kupera kwevhiki apo Irene akabvuma pandakamupfimba kuti tiroorane!

Pandakadzoka kumba musi weSvondo, ndakabva ndangotanga kuronga zvomuchato wedu, asi musi weChipiri ndakatambira teregiramu. Yaiti, “Ndine urombo teregiramu ino ichakugumbura. Hazvichaiti kuti tichate. Tsamba iri munzira.” Handina kuzvidavira. Chii chakanga chashata?

Tsamba yaIrene yakasvika zuva rakatevera racho. Akandiudza kuti akanga ava kuenda kuHorsforth kuYorkshire kunopayona naHilda Padgett. * Akatsanangura kuti mwedzi 12 yakanga yapfuura akanga abvuma kunoshanda kwaidiwa vaparidzi zvikuru kana akumbirwa kuita kudaro. Akanyora kuti: “Kwandiri izvi zvakanga zvakafanana nechitsidzo chandakaita kuna Jehovha, uye ndinofunga kuti sezvo ndakamuvimbisa ndisati ndakuziva, ndinofanira kuzadzikisa izvozvo.” Kunyange zvazvo ndakasuwa, ndakayemura kwazvo kutendeseka kwake uye ndakamutumira mhinduro yangu neteregiramu ndichiti: “Enda. Ndichakumirira.”

Paaiva kuYorkshire, Irene akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi mitatu nokuti akanga aramba kutsigira hondo pamusana pehana yake. Asi mwedzi 18 gare gare, muna 1942, takaroorana.

Pandaikura

Muna 1919 amai vangu vakanga vatenga mabhuku anonzi Studies in the Scriptures. * Kunyange zvazvo Amai vakanga vasati vamboverenga bhuku, sokutaura kwakaita baba vangu zvakarurama, vakanga vakatsunga kunyatsodzidza mavhoriyumu aya pamwe chete neBhaibheri ravo. Ndizvo zvavakaita uye vakabhabhatidzwa muna 1920.

Baba vangu vaiva munhu asingadi kuomesa zvinhu uye vakanga vasingarambidzi amai vangu kuita zvavaida, uye izvozvo zvaisanganisira kurera vana vavo vana—hanzvadzi dzangu mbiri, Gwen naIvy; mukoma wangu, Alec; uye ini—munzira yechokwadi. Stanley Rogers nezvimwe Zvapupu zvakatendeka muLiverpool vaiuya kuzopa hurukuro dzeBhaibheri muRuncorn, umo makatanga ungano itsva nokukurumidza. Mhuri yedu yakafambira mberi pakunamata pamwe chete neungano.

Gwen akanga achiita zvidzidzo zvokusimbiswa muchitendero muChechi yeAnglican asi akarega paakangotanga kudzidza Bhaibheri pamwe chete naAmai. Mufundisi paakatishanyira kuti aone kuti sei akanga asingachauyi kuzvidzidzo zvake, akanayiwa nemibvunzo yaakanga asina kunyatsogadzirira kupindura. Gwen akabvunza zvinoreva Munyengetero waShe akapedzisira ava kumutsanangurira iye! Akapedzisa nokutaura mashoko a1 VaKorinde 10:21, achijekesa kuti akanga asingachagoni kuramba ‘achidyira patafura mbiri.’ Paakanga ava kubva pamba pedu, mufundisi uyu akati aizonyengeterera Gwen ozodzoka achipindura mibvunzo yake, asi haana kuzombodzoka. Pashure pokubhabhatidzwa kwake, Gwen akabva angova muevhangeri wenguva yakazara.

Kutarisirwa kwaiitwa vechiduku muungano yedu kwaiva kwomuenzaniso. Ndinoyeuka ndichiteerera hurukuro yakapiwa nomumwe mukuru akashanya pandaiva nemakore manomwe. Pashure pacho akauya kuzotaura neni. Ndakamuudza kuti ndakanga ndichiverenga nezvaAbrahamu uye kuedza kwaakanga aita kupa mwanakomana wake, Isaka. “Enda unomira pakona pechikuva unditaurire nyaya yacho yose,” akadaro. Ndakafara kwazvo kumira ipapo ndichipa “hurukuro yavose” kokutanga!

Ndakabhabhatidzwa ndiine makore 15 muna 1931, gore rakafa amai vangu, ndikasiya chikoro kuti ndive mugadziri wezvemagetsi anodzidzira ari pabasa. Muna 1936 hurukuro dzeBhaibheri dzakarekodwa dzairidzirwa pachena, uye imwe hanzvadzi yakanga yakwegura yakandikurudzira ini nomukoma wangu kuti tiite basa iri. Saka ini naAlec takaenda kuLiverpool kunotenga bhasikoro nokurigadzirisira chingoro chokutakurisa muchina wedu wegiramufoni. Gudzanzwi rakaiswa shure kwechingoro ichi pamusoro pepombi yakareba mamita maviri yaigona kupetwa. Mugadziri wacho akatiudza kuti akanga asati ambogadzira chimwe chinhu chakadaro, asi chakashanda zvakanaka! Takapedza ndima yedu tichinakidzwa, tichifara nokukurudzirwa kwatakanga taitwa nehanzvadzi iyi uye ropafadzo dzatakanga tapiwa.

Hondo Yenyika II—Nguva Yokuedzwa

Sezvo pakatanga kuva nezviratidzo zvokuti hondo ingangotanga, ini naStanley Rogers takanga tiri mubishi kuzivisa hurukuro yavose yaiti “Tarisana Nechokwadi,” yaizopiwa muRoyal Albert Hall yomuLondon musi waSeptember 11, 1938. Gare gare ndakaita basa rokuparadzira hurukuro iyi iri mukabhuku, pamwe chete nekabhuku kainzi Fascism or Freedom, kakabudiswa gore rakatevera racho. Tubhuku twacho twose twainyatsofumura vavariro dzoudzvanyiriri dzeGermany yaHitler. Pakasvika nguva iyi, ndakanga ndava kuzivikanwa zvikuru muRuncorn pamusana poushumiri hwangu hwepachena uye ndairemekedzwa nokuda kwahwo. Zvechokwadi, chokwadi chokuti ndakanga ndagara ndichitungamirira mubasa raMwari chakandiita kuti ndizobatsira pane imwe nguva.

Kambani yandaishandira yakanga yaita kondirakiti yokuisa tambo dzemagetsi pafekitari itsva yaiva nechokunze kwetaundi. Pandakaziva kuti yaizova fekitari yezvombo zvehondo, ndakajekesa kuti ndaisagona kushanda ipapo. Kunyange zvazvo vandaishandira vasina kufara nazvo, foromani wangu akandimiririra, uye ndakapiwa rimwe basa. Ndakazoziva kuti aiva natete vakanga variwo mumwe weZvapupu zvaJehovha.

Imwe shamwari yangu yakandikurudzira zvikuru payakati: “Ndizvo zvoga zvatanga tichitarisira kuti uite, Reg, sezvo wave uchiita basa reBhaibheri kwemakore akawanda kudai.” Kunyange zvakadaro, ndaifanira kungwarira, sezvo vakawanda vandaishanda navo vaida kundiparira zvinetso.

Kunyoresa kwangu somunhu anoramba kuita basa rechiuto pazvikonzero zvehana kwakagamuchirwa nedare muLiverpool muna June 1940 chero bedzi ndaizoramba ndiri pabasa rangu randaiita. Zvechokwadi, izvi zvakaita kuti ndikwanise kuramba ndichiita ushumiri hwangu hwechiKristu.

Kupinda Mubasa Renguva Yakazara

Sezvo hondo yakanga yava kuda kupera, ndakasarudza kusiya basa rangu ndokubatana naIrene muushumiri hwenguva yakazara. Muna 1946, ndakagadzira turera yakareba mamita mashanu iyo yakava imba yedu, uye gore rakatevera racho, takakumbirwa kutamira kuAlveston, mumwe musha uri kuGloucestershire. Zvichitevera izvozvo, takapayona mutaundi rekare reCirencester uye muguta reBath. Muna 1951, ndakakumbirwa kuti ndishanyire ungano dzaiva kumaodzanyemba kweWales somutariri anofambira, asi asingasviki makore maviri gare gare, takanga tava kuenda kuChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi kunodzidziswa umishinari.

Kirasi yechi21 yechikoro chacho yakaitirwa kuSouth Lansing, kuchamhembe kweNew York, uye takapedza kudzidza muna 1953 paGungano reChaunga cheNyika Itsva rakaitirwa muNew York City. Ini naIrene takanga tisingazivi kuti mugove wedu waizova kupi kusvikira musi watakaita mhemberero yedu yokupedza kudzidza. Takafara kwazvo patakaziva kuti taizoenda kuPeru. Nei? Nokuti Sidney Fraser, hanzvadzi yaIrene, nomudzimai wake, Margaret, vakanga vari kushanda pahofisi yebazi yokuLima kwerinopfuura gore pashure pokupedza kudzidza mukirasi yechi19 yeGiriyedhi!

Patakanga takamirira mavhiza edu, takapedza nguva pfupi tichishanda paBheteri reBrooklyn, asi nokukurumidza takanga tava kuenda kuLima. Mugove wedu wokutanga woumishinari pagumi yatakaita waiva Callao, chiteshi chikuru chengarava chePeru, nechokumadokero kweLima. Kunyange zvazvo takanga tadzidza mamwe mashoko anoshandiswa zvikuru echiSpanish, panguva iyoyo ini kana Irene takanga tisingakwanisi kukurukura zvakatsetseka mumutauro iwoyo. Taizoita sei?

Zvinetso Neropafadzo Dzokuparidza

KuGiriyedhi takaudzwa kuti amai havadzidzisi mwana wavo mutauro. Asi, mwana wacho anodzidza apo amai vanenge vachitaura naye. Saka zano ratakapiwa nderokuti: “Budai mubasa rokuparidza pakarepo, uye dzidzai mutauro kuvanhu. Vachakubatsirai.” Pandakanga ndava kuedza kutanga kunzwisisa rurimi urwu, funga manzwiro andakaita apo mukati mevhiki mbiri pashure pokusvika kwedu, ndakagadzwa kuva mutariri anotungamirira weUngano yeCallao! Ndakaenda kunoona Sidney Fraser, asi akangondiudza zvandakaudzwa kuGiriyedhi—songanira neungano nevanhu vari mundima yako. Ndakatsunga kutevedzera zvakanga zvataurwa izvi.

Mumwe Mugovera mangwanani, ndakasangana nomuvezi mushopu yake. “Ndiri kuda kuita basa rangu,” akadaro, “asi ndapota gara pasi utaure neni.” Ndakamuudza kuti ndaizogara, asi ndokunge abvuma kuita chinhu chimwe chete: “Kana ndikakanganisa, ndapota ndiruramise. Handizogumbuki.” Akaseka akabvuma kuita zvandakanga ndakumbira. Ndaimushanyira kaviri pavhiki ndikawana kuti iyoyo ndiyo yaiva nzira yakanaka yokuti ndijairane nomutauro wangu mutsva, sezvandakanga ndaudzwa.

Sezvineiwo, muIca, mugove wedu woumishinari wechipiri, ndakasangana nomumwezve muvezi ndikamutsanangurira urongwa hwandaiva nahwo muCallao. Akabvuma kundibatsira nenzira yakafanana, saka ndakaramba ndichivandudza kutaura kwangu mutauro weSpanish, kunyange zvakanditorera makore matatu ndisati ndava kunyatsokwanisa. Murume uyu aigara akabatikana kwazvo, asi ndakakwanisa kumudzidzisa Bhaibheri nokuverenga Magwaro ndobva ndamutsanangurira zvaanoreva. Imwe vhiki pandakaenda kunomuona, waaishandira akandiudza kuti akanga aenda kunopinda rimwe basa kuLima. Imwe nguva gare gare ini naIrene patakasvika muLima kukokorodzano, ndakasangana zvakare nomurume uyu. Ndakafara kwazvo kuziva kuti akanga atsvaka Zvapupu zvomunharaunda yacho kuti arambe achidzidza uye kuti iye nemhuri yake vose vakanga vava vashumiri vakazvitsaurira vaJehovha!

Mune imwe ungano, takaona kuti mumwe murume nomudzimai vechiduku vakanga vasina kuchata, asi vakanga vakabhabhatidzwa. Patakakurukura navo nhungamiro dzeMagwaro dzinotaura nezvenyaya iyi, vakaita shungu dzokunyoresa muchato wavo, izvo zvaizovaita kuti vanzi Zvapupu zvakabhabhatidzwa. Saka ndakaronga kuenda navo kuhofisi yehurumende kunonyoresa muchato wavo. Asi zvino pakaita chinetso nokuti vaiva nevana vana vakanga vasinawo kunyoreswa, uye izvi zvaidiwa pamutemo. Zvakangotinetsawo kuti meya achaita sei. Akati: “Nokuti vanhu ava vakanaka, shamwari dzako Zvapupu zvaJehovha, varonga kuti muchate pamutemo, handisi kuzopa vana vako masamanisi avaifanira kupiwa uye ndichaita kuti vanyoreswe mubhuku vasingabhadhariswi.” Takafara kwazvo, sezvo mhuri iyi yaiva yevarombo uye kudai vaibhadhariswa waizova mutoro mukuru kwavari!

Albert D. Schroeder wokudzimbahwe reZvapupu zvaJehovha rokuBrooklyn akazotishanyira ndokurumbidza kuti musha mutsva wemamishinari uiswe kune rimwe divi reLima. Saka ini naIrene nedzimwe hanzvadzi mbiri, Frances naElizabeth Good dzokuUnited States, nomumwe murume nomudzimai vokuCanada takatamira kuruwa rweSan Borja. Mukati memakore maviri kana kuti matatu, takakomborerwa neimwe ungano yakanga ichibudirira.

Tichishanda munzvimbo dzakakwirira dzomuHuancayo, iri pamamita 3 000, takapinda neungano yayo yeZvapupu 80. Ikoko, ini ndakashandawo pakuvakwa kweImba yoUmambo yechipiri yakavakwa munyika iyoyo. Ndakagadzwa kuva mumiririri wepamutemo weZvapupu zvaJehovha, sezvo taifanira kuenda kudare katatu kuti tinotaura kuti taiva nekodzero yepamutemo yenzvimbo yatakanga tatenga. Zviito zvakadaro, pamwe chete nebasa guru rokuita vadzidzi raiitwa nemamishinari akatendeka akawanda mumakore iwayo epakuvamba, zvakaisa hwaro hwakasimba hwokuwedzera kwakanaka kwazvo kwatava kuona muPeru—kubva paZvapupu 283 muna 1953 kusvika kune zvinopfuura 83 000 nhasi.

Kuenda Kunosuwisa

Takanakidzwa nokushamwaridzana kwakanaka kwazvo nemamwe mamishinari mumisha yedu yose yemamishinari, uko kakawanda ndakava neropafadzo yokushanda somutariri womusha. Musi woMuvhuro woga woga, taiungana kuti tikurukure nezvebasa redu revhiki iyoyo uye kupanana mabasa okutarisira musha wedu. Tose taiziva kuti chinhu chikuru kwaiva kuparidza, uye tose takashanda pamwe zvakarongeka kuti tiite izvozvo. Ndinofara kuyeuka kuti hatina kumbova nebopoto rakakura mune upi zvawo wemisha yedu.

Mugove wedu wokupedzisira waiva muBreña, mumwe musha wokuLima. Ungano yayo yeZvapupu 70 yakakura nokukurumidza kusvikira yava nevanhu vanopfuura 100 nokure apo imwe ungano yakaumbwa muPalominia. Panguva iyi ndipo pakarwara Irene. Ndakatanga kucherechedza kuti pano neapo aikanganwa zvaakanga ataura, uye dzimwe nguva aikanganwa nzira yokumba. Kunyange akarapwa zvakanaka, akaramba achiwedzera kurwara.

Zvinosuwisa kuti muna 1990 ndaifanira kuronga kuti tidzokere kuEngland uko hanzvadzi yangu Ivy yakatigamuchira nomutsa mumusha mayo. Makore mana gare gare, mugore rake rechi81, Irene akafa. Nanhasi ndiri muushumiri hwenguva yakazara, ndichishumira somukuru mune imwe yeungano nhatu dziri mutaundi rokumusha kwangu. Kamwe panguva, ndinomboendawo kuManchester kunokurudzira boka reSpanish riri ikoko.

Ndichangobva kuva nechiitiko chinokurudzira chakatanga makumi emakore akapfuura pandairidzira vanasaimba hurukuro dzemaminitsi mashanu pagiramufoni yangu. Ndichiri kunyatsoyeuka mumwe musikana wechikoro akanga akamira shure kwaamai vake pasuo, achiteerera mashoko acho.

Musikana uyu akazotamira kuCanada, uye shamwari yake ichiri kugara muRuncorn iyo zvino yava Chapupu yakaramba ichinyorerana naye. Musikana uyu achangobva kunyora tsamba achiti Zvapupu zviviri zvakanga zvamushanyira zvikataura mashoko ayo akangoerekana amufungisa zvaakanga anzwa muhurukuro iya yemaminitsi mashanu yakanga yakarekodwa. Achiona kachiedza kechokwadi, iye zvino ava mushumiri waJehovha akabhabhatidzwa uye akakumbira kuti kutenda kwake kusvitswe kune mukomana wechiduku akashanyira musha waamai vake makore anopfuura 60 akadarika! Chokwadi, hatimbozivi kuti mhodzi dzechokwadi dzichamera sei dzokura.—Muparidzi 11:6.

Zvechokwadi, ndinorangarira nokuonga kukuru upenyu hwangu hwakapedzerwa mubasa rinokosha raJehovha. Kubvira pandakazvitsaurira muna 1931, handisati ndamborega kupinda gungano revanhu vaJehovha. Kunyange zvazvo ini naIrene tisina kuva nevana vedu pachedu, ndinofara kuva nevanakomana nevanasikana vanopfuura 150 nokure mupfungwa yomudzimu, vose vari kushumira Baba vedu vokudenga, Jehovha. Sokutaura kwakaita mudzimai wangu, ropafadzo dzedu dzave dziri mufaro usina unoenzana nawo zvechokwadi.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 9 “Kutevera Mumakwara Avabereki Vangu,” nyaya youpenyu yaHilda Padgett, yakabuda muNharireyomurindi yaOctober 1, 1995, mapeji 19-24.

^ ndima 12 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 24]

Amai, kumavambo kwema1900

[Mufananidzo uri papeji 24, 25]

Kuruboshwe: Hilda Padgett, ini, Irene, naJoyce Rowley muLeeds, England, muna 1940

[Mufananidzo uri papeji 25]

Pamusoro: Ini naIrene tiri pamberi peturera yataigara

[Mufananidzo uri papeji 27]

Ndichizivisa hurukuro yavose, muCardiff, Wales, muna 1952