Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Musatya Kana Kuvhunduswa”

“Musatya Kana Kuvhunduswa”

“Musatya Kana Kuvhunduswa”

“Musatya kana kuvhunduswa. . . . Jehovha unemi.”—2 MAKORONIKE 20:17.

1. Ugandanga hune mugumisiroi pavanhu, uye nei kutya kwavo kuchinzwisisika?

UGANDANGA! Shoko racho pacharo rinoita kuti utye mumwoyo, richimutsa manzwiro okusachengeteka uye okupera simba. Rinomutsa pfungwa dzakavhiringika dzokutya, kutambudzika, nehasha. Uye ishoko rinorondedzera zvinotyirwa nevakawanda kuti zvichatambudza vanhu kwemakore ari kuuya. Chokwadi chokuti kwemakumi emakore dzimwe nyika dzave dzichirwisa ugandanga mumarudzi ahwo akawanda dzisinganyatsobudiriri chinokonzera kutya kwakadaro.

2. Zvapupu zvaJehovha zvinoita sei kuchinetso chougandanga, zvichiita kuti pave nemibvunzo ipi?

2 Kunyange zvakadaro, pane chikonzero chaicho chokuva netariro. Zvapupu zvaJehovha, izvo zviri kushingaira kuparidza munyika 234 uye mundima dzepasi pano, zvine tariro inoshamisa. Pane kutya kuti ugandanga hahuzofi hwakabviswa, zvine chivimbo chokuti huchabviswa—munguva pfupi iri kutevera. Zvine musoro here kuvawo netariro yazviinayo? Ndiani angambokwanisa kubvisa dambudziko renyika iri, uye zvingaitika sei? Sezvo chisimba chorudzi rwakati zvimwe chakatiwira tose, zvaizova zvakanaka kuongorora kunobva tariro yakadaro.

3. Zvikonzeroi zvokutya zviripo, uye zvii zvinofanotaurwa nezvenguva yedu?

3 Nhasi, vanhu vanotya uye vanovhunduswa nezvikonzero zvakasiyana-siyana. Funga nezvevanhu vakawanda vasingachakwanisi kuzvitarisira pamusana pokukwegura, nezvevanhu vari kupera nehosha dzisingarapiki, uye nezvemhuri dziri kuparapatika mune zvemari kuti dziwane chokurarama nacho. Funga nezvokusava nechokwadi kwoupenyu pachako! Kufa pakarepo netsaona kana kuti nenjodzi kungaita sokwakavandira pamakona ose, kwakagadzirira kugumisa chinhu chose chatinokoshesa. Kutya uye kunetseka kwakadaro, pamwe nokutadza kupindirana kwevanhu uye kuora mwoyo kwakawanda, zvaita kuti nguva yedu ive chaizvoizvo sezvakarondedzerwa nomuapostora Pauro kuti: “Ziva chinhu ichi, kuti pamazuva okupedzisira nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo dzichasvika. Nokuti vanhu vachava vanozvida, . . . vasina rudo kwazvo rwokuzvarwa narwo, vasingambodi kubvumirana, vanochera, vasingazvidzori, vanotyisa, vasingadi zvakanaka.”—2 Timoti 3:1-3.

4. Chii chakanaka pamamiriro ezvinhu asina kujeka anoratidzwa pana 2 Timoti 3:1-3?

4 Kunyange zvazvo rugwaro urwu ruchipa pikicha isina kujeka, runopa tariro. Ona kuti nguva dzinonetsa dzichavapo “pamazuva okupedzisira” enyika yaSatani yakaipa iripo iye zvino. Izvi zvinoreva kuti kununurwa kwava pedyo uye kuti nyika yakaipa yava kubva yotsiviwa nokutonga kwoUmambo hwaMwari hwakakwana, uhwo Jesu akadzidzisa vateveri vake kunyengeterera. (Mateu 6:9, 10) Umambo ihwohwo ihurumende yaMwari yokudenga, iyo “isingatongozoparadzwi,” anodaro muprofita Dhanieri, asi “huchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose [hwevanhu], ihwo huchamira nokusingaperi.”—Dhanieri 2:44.

Kusava Nokwawakarerekera kwechiKristu Nougandanga

5. Munguva pfupi yapfuura, nyika dzakaita sei nokutyisidzira kwougandanga?

5 Kwemakumi emakore, ugandanga hwaurayisa zviuru zvevanhu. Vanhu vazhinji pasi pose vakatozoziva nezvahwo pashure pokunge mamwe magandanga arwisa muNew York City nomuWashington, D.C., musi waSeptember 11, 2001. Pamusana pezvemakuriro uye kupararira kwakaita ugandanga pasi pose, nyika dziri pasi pose dzakakurumidza kubatana pamwe kuti dzihukurire. Somuenzaniso, musi waDecember 4, 2001, maererano nezvakabuda munhau, “makurukota okune dzimwe nyika akabva kunyika 55 dzeEurope, North America neCentral Asia akabvumirana kushandisa urongwa “ hwokuti vaite maonera pamwe. Mumwe mukuru mukuru wokuUnited States ane chinzvimbo chepamusoro akarumbidza chiito ichi sokupa “simba idzva” rokurwisa ugandanga. Kamwe kamwe, mazana emamiriyoni evanhu akanyatsobatanidzwa mune kwakanzi neThe New York Times Magazine “kutanga kwehondo yakakura kwazvo.” Kuti zviri kuitwa izvi zvichabudirira sei zvichaonekwa nokufamba kwenguva. Zvisinei, migumisiro yokurwisa kutya kwakadaro yaita kuti vanhu vakawanda vadedere nokutya uye vanetseke, asi kwete vaya vanovimba naJehovha.

6. (a) Nei vamwe pane dzimwe nguva vangaona zvakaoma kuva vaKristu vasina kwavakarerekera mune zvematongerwe enyika sezvinoitwa neZvapupu zvaJehovha? (b) Muenzaniso upi une chokuita nezvematongerwe enyika uyo Jesu akaratidza vateveri vake?

6 Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa zvikuru nokusava nokwazvakarerekera mune zvematongerwe enyika. Kunyange vanhu vakawanda vangada kuita seizvi munguva yorunyararo, havakwanisi kushivirira apo mamiriro ezvinhu asina kujairika anomuka. Kazhinji, kutya uye kusava nechokwadi zvinokonzerwa nehondo zvinoita kuti vanhu vatange kuva nepfungwa dzourudzi. Izvi zvingaita kuti zviomere vamwe kunzwisisa chikonzero nei mumwe munhu angarega kutsigira zvirongwa zvenyika. Kunyange zvakadaro, vaKristu vechokwadi, vanoziva kuti vanofanira kuteerera murayiro waJesu wokusava “rutivi rwenyika.” (Johani 15:19; 17:14-16; 18:36; Jakobho 4:4) Izvi zvinoda kuti varambe vasina kwavakarerekera mune zvematongerwe enyika kana munhau dzenzanga. Jesu pachake akaratidza muenzaniso wakakodzera. Tichifunga nezvouchenjeri hwake hwakakwana uye unyanzvi hunoshamisa, aigona kudai akabatsira kwazvo munhau dzevanhu vomuzuva rake. Asi, akaramba kubatanidzwa mune zvematongerwe enyika. Pakutanga kwoushumiri hwake, akaramba zvakasimba kutonga kwaainzi naSatani aite paumambo hwose hwenyika. Gare gare, akanyatsoramba kupiwa chinzvimbo mune zvematongerwe enyika.—Mateu 4:8-10; Johani 6:14, 15.

7, 8. (a) Kusava nokwavakarerekera mune zvematongerwe enyika kunoratidzwa neZvapupu zvaJehovha hakurevi chii, uye nei? (b) VaRoma 13:1, 2 inorambidza sei kubatanidzwa muzviito zvechisimba zvinorwisana nehurumende?

7 Kusava nokwavakarerekera kweZvapupu zvaJehovha hakufaniri kusanzwisiswa sokunoreva kuti zvinotsigira kana kuti hazvina basa nezviito zvechisimba. Kuita kwazvo kudaro kungapesana nokutaura kwazvo kuti vashumiri va“Mwari worudo neworugare.” (2 VaKorinde 13:11) Zvakadzidza kuti Jehovha anonzwa sei nezvechisimba. Munyori wepisarema akanyora kuti: “Jehovha unoidza vakarurama; asi mweya wake unovenga wakaipa nounomanikidza.” (Pisarema 11:5) Vanozivawo zvakataurwa naJesu kumuapostora Petro kuti: “Dzorera bakatwa rako munzvimbo yaro, nokuti vose vanotora bakatwa vachaparara nebakatwa.”—Mateu 26:52.

8 Kunyange zvazvo nhau dzakaitika dzichinyatsoratidza kuti vaKristu venhema vave vachiwanzoshandisa “bakatwa,” izvozvo hazvisizvo zvinoitwa neZvapupu zvaJehovha. Hazviiti mabasa ose akadaro. Zvapupu zvinoteerera nokutendeka zano riri pana VaRoma 13:1, 2 rinoti: “Mweya yose ngaizviise pasi pevane simba zvikuru, nokuti hapana simba risina kubvumirwa naMwari; vane simba vose varipo vakaiswa munzvimbo yavo ine mwero naMwari. Naizvozvo uyo anodzivisa simba anorwisana nezvakarongwa naMwari; avo vakarwisana nazvo vachatongwa.”

9. Zvapupu zvaJehovha zvinorwisa ugandanga munzira mbiri dzipi?

9 Zvisinei, sezvo ugandanga hwakaipa zvikuru, Zvapupu zvaJehovha hazvifaniri kunge zvichiita chimwe chinhu kubatsira kuhurwisa here? Hungu zvinofanira, uye zviri kuita kudaro. Kutanga, izvo pachazvo hazvibatanidzwi muzviito zvipi nezvipi zvakadaro. Chechipiri, zvinodzidzisa vanhu mitemo yechiKristu zvokuti painoteverwa, inobvisa marudzi ose echisimba. * Gore rapera, Zvapupu zvakapedzera maawa 1 202 381 302 zvichibatsira vanhu kudzidza nzira iyi yechiKristu. Iyi haisi nguva yakapambadzwa, nokuti nokuda kwebasa iri, vanhu 265 469 vakabhabhatidzwa seZvapupu zvaJehovha, nokudaro vachiratidza pachena kuramba kwavo chisimba zvachose.

10. Itariroi iripo yokubvisa chisimba munyika yanhasi?

10 Uyezve, Zvapupu zvaJehovha zvinoziva kuti izvo zvoga hazvingambogoni kubvisa uipi hwenyika. Ndokusaka zvichivimba zvizere nouyo anokwanisa—Jehovha Mwari. (Pisarema 83:18) Pasinei nokuedza nomwoyo wose, vanhu havagoni kugumisa chisimba. Munyori weBhaibheri akafuridzirwa anofanotinyevera nezvenguva yedu, “mazuva okupedzisira,” uye anoti: “Vanhu vakaipa nevanyengeri vachabva pakuipa vachienda pakuipisisa, vachitsausa nokutsauswa.” (2 Timoti 3:1, 13) Zvichionekwa nenzira iyi, hationi vanhu vachibudirira muhondo yokurwisa uipi. Ukuwo, tinogona kuvimba naJehovha kuti achabvisa chisimba zvachose chose.—Pisarema 37:1, 2, 9-11; Zvirevo 24:19, 20; Isaya 60:18.

Kusatya Pasinei Nokurwisa Kwava Kusvika

11. Jehovha akatotora matanho api okubvisa chisimba?

11 Sezvo Mwari worugare achivenga chisimba, tinogona kunzwisisa kuti nei akaita matanho okuparadza honzeri yacho, Satani Dhiyabhorosi. Chokwadi, Akatoita kuti Satani atambure kukundwa kunonyadzisa mumaoko engirozi huru Mikayeri—Mambo waMwari achangogadzwa pachigaro choumambo, Kristu Jesu. Bhaibheri rinozvitsanangura nenzira iyi: “Hondo yakavapo mudenga: Mikayeri nengirozi dzake vakarwa nedhiragoni, uye dhiragoni nengirozi dzayo vakarwa asi haina kukurira, uyewo nzvimbo yavo haina kuzombowanika kudenga. Nokudaro dhiragoni huru yakakandirwa pasi, nyoka yepakutanga, iyo inonzi Dhiyabhorosi uye Satani, ari kutsausa pasi rose rinogarwa; akakandirwa pasi, uye ngirozi dzake dzakakandirwa pasi pamwe naye.”—Zvakazarurwa 12:7-9.

12, 13. (a) Chii chinokosha pamusoro pegore ra1914? (b) Uprofita hwaEzekieri hunofanotaura chii nezvevaya vanotsigira Umambo hwaMwari?

12 Kuverenga nguva kweBhaibheri uye zviitiko zvenyika zvinopindirana mukutaura kuti gore ra1914 ndiro nguva apo hondo iyoyo yakaitika mudenga. Kubvira ipapo, zviitiko zvenyika zvakaramba zvichiipa zvishoma nezvishoma. Zvakazarurwa 12:12 inotsanangura kuti nei, ichiti: “Nemhaka yeizvi farai, imi matenga nemi munogara maari! Nhamo nokuda kwepasi negungwa, nokuti Dhiyabhorosi aburukira kwamuri, akatsamwa kwazvo, achiziva kuti ane nguva pfupi.”

13 Zvinonzwisisika kuti hasha dzaDhiyabhorosi dzave dzichinangidzirwa zvikurukuru pavanamati vaMwari vakazodzwa neshamwari dzavo “mamwe makwai.” (Johani 10:16; Zvakazarurwa 12:17) Kushora uku kwava kubva kwosvika mugumo wako Dhiyabhorosi paanotanga kudenha zvakakasharara vose vanotsigira Umambo hwaMwari hwakagadzwa uye vanovimba nahwo. Kudenha kwakakasharara kwose uku kunotaurwa nezvako muna Ezekieri chitsauko 38 sokurwisa kwa“Gogi, wenyika yaMagogi.”

14. Kudzivirirwa kupi kwakaitwa Zvapupu zvaJehovha kare, uye izvi zvicharamba zvichidaro here?

14 Kubvira pakadzingwa Satani kudenga, vanhu vaMwari dzimwe nguva vave vachidzivirirwa pakurwisa kwaSatani nemamwe masangano ezvematongerwe enyika, anorondedzerwa mumutauro wokufananidzira pana Zvakazarurwa 12:15, 16. Kusiyana neizvi, Bhaibheri rinoratidza kuti pakurwisa kwaSatani kwokupedzisira, hapana masangano achadzivirira vaya vanovimba naJehovha. Izvi zvinofanira kuita kuti vaKristu vatye kana kuvhunduswa here? Kwete!

15, 16. (a) Mashoko anokurudzira aJehovha kuvanhu vake mumazuva aJehoshafati anopa chikonzeroi chokuva netariro kuvaKristu nhasi? (b) Jehoshafati nevanhu vakaratidza muenzaniso upi kuvashumiri vaMwari mazuva ano?

15 Mwari achatsigira vanhu vake sokungotsigira kwaakaita rudzi rwake chairwo muzuva raMambo Jehoshafati. Tinoverenga kuti: “Teererai, imi vaJudha mose, nemi mugere paJerusarema, nemi mambo Jehoshafati; zvanzi naJehovha kwamuri: musatya kana kuvhunduka nokuda kwavanhu ava vazhinji; nokuti kurwa hakuzi kwenyu, asi ndokwaMwari. . . . Imi hamungafaniri henyu kurwapo; zvigadzireipo, murambe mumire henyu, muone kurwirwa kwenyu naJehovha, imi vaJudha naveJerusarema; musatya kana kuvhunduswa; budai mangwana mundorwa navo, nokuti Jehovha unemi.”—2 Makoronike 20:15-17.

16 Vanhu veJudha vakavimbiswa kuti vaisazova nechikonzero chokurwa. Saizvozvowo, vanhu vaMwari pavanorwiswa naGogi weMagogi, vacharega kurwisa kuti vazvidzivirire. Pane kudaro, ‘vacharamba vamire kuti vaone kurwirwa kwavanoitwa naJehovha.’ Chokwadi, kuramba vamire hakuratidzi kuti hapana zvavanomboita, sezvo vanhu vaMwari mumazuva aJehoshafati vakanga vasina kungopeta maoko. Tinoverenga kuti: “Ipapo Jehoshafati akakotamisa musoro wake, chiso chake chakatarira pasi; vaJudha vose navakanga vagere Jerusarema vakawira pasi pamberi paJehovha, vakanamata Jehovha. . . . Zvino [Jehoshafati] wakati arangana navanhu, akagadza vaifanira kuimbira Jehovha, nokumurumbidza nenguo tsvene, vakafamba pamberi pehondo, vachiti: Ongai Jehovha, nokuti nyasha dzake hadziperi.” (2 Makoronike 20:18-21) Chokwadi, kunyange pakutarisana nokurwiswa nomuvengi, vanhu vakaramba vachishingaira kurumbidza Jehovha. Izvi zvinoratidza Zvapupu zvaJehovha muenzaniso wokutevera pazvinotanga kurwiswa naGogi.

17, 18. (a) Zvapupu zvaJehovha nhasi zvine mafungiro akanaka api maererano nokurwisa kwaGogi? (b) VaKristu vechiduku vakapiwa chiyeuchidzo chei munguva pfupi yadarika?

17 Kusvikira ipapo—uye kunyange apo kurwisa kwaGogi kunenge kwatanga—Zvapupu zvaJehovha zvicharamba zvichitsigira Umambo hwaMwari. Zvicharamba zvichiwana simba nedziviriro kubva mukusonganirana neungano dzinodarika 94 600 pasi pose. (Isaya 26:20) Inguva yakanaka zvakadini yokurumbidza Jehovha noushingi! Chokwadi, kurarama zvichitarisira kurwisa kwaGogi kwava pedyo hakuzviiti kuti zvidzokere shure pamusana pokutya. Asi, kunozvikurudzira kuwedzera chibayiro chazvo chokurumbidza kusvika pamwero wazvingagona.—Pisarema 146:2.

18 Maitiro akanaka aya anonyatsoratidzwa nezviuru zvevechiduku pasi pose vakatanga ushumiri hwenguva yakazara. Kusimbisa kukosha kunoita kusarudza mararamiro akadaro, turakiti rinonzi Vechiduku—Muchaitei Noupenyu Hwenyu? rakabudiswa pakokorodzano yoruwa ya2002. VaKristu, vaduku nevakuru, vanoonga zviyeuchidzo zvakadaro zvinoenderana nenguva.—Pisarema 119:14, 24, 99, 119, 129, 146.

19, 20. (a) Nei vaKristu vasina chikonzero chokutya kana kuvhunduswa? (b) Nyaya yechidzidzo chinotevera ichaitei?

19 Pasinei nezvinoitika munyika, vaKristu havafaniri kutya kana kuvhunduswa. Vanoziva kuti nokukurumidza Umambo hwaJehovha huchatsvaira zvachose marudzi ose echisimba. Vanowanawo nyaradzo mukuziva kuti rumuko ruchadzorera kuupenyu vakawanda vakafa nechisimba. Kunyange izvi zvichapa vamwe mukana wavo wokutanga kudzidza nezvaJehovha, zvichabatsira vamwe kuramba vachiita basa ravo rakatsaurirwa kwaari.—Mabasa 24:15.

20 SevaKristu vechokwadi, tinonzwisisa makoshero azvinoita kuramba tisina kwatakarerekera sevaKristu mune zvematongerwe enyika uye takatsunga kuita kudaro. Tinoda kubatisisa tariro inoshamisa yokukwanisa ‘kuramba takamira ndokuona kuponesa kwaJehovha.’ Nyaya inotevera ichasimbisa kutenda kwedu nokuita kuti tizive zviitiko zvemazuva ano zviri kupa zvishoma nezvishoma imwezve nzwisiso yokuzadzika kwouprofita hweBhaibheri.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 9 Nezvemienzaniso yevanhu vakarega chisimba kuti vave Zvapupu, ona magazini eMukai! yechiRungu yaMarch 22, 1990, peji 21; naAugust 8, 1991, peji 18 uye Nharireyomurindi yaJanuary 1, 1996, peji 5; naAugust 1, 1998, peji 5.

Ungatsanangura Here?

• Nei vanhu vakawanda mazuva ano vasina tariro kudaro?

• Nei Zvapupu zvaJehovha zviine tariro yenguva yemberi?

• Jehovha akatoitei pamusoro pehonzeri yechisimba chose?

• Nei pasina chikonzero chokuti titye kurwisa kwaGogi?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 13]

Jesu akaratidza muenzaniso wakakodzera wokusava nokwaakarerekera kwechiKristu mune zvematongerwe enyika

[Mifananidzo iri papeji 16]

Zviuru zveZvapupu zviduku zvakafara kutanga ushumiri hwenguva yakazara

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 12]

UN PHOTO 186226/M. Grafman