Rambai Makamira Muone Kuponesa kwaJehovha!
Rambai Makamira Muone Kuponesa kwaJehovha!
“Zvigadzireipo, murambe mumire henyu, muone [“kuponeswa,” NW] kwenyu naJehovha.”—2 MAKORONIKE 20:17.
1, 2. Nei kurwisa kwava kuda kusvika kwa“Gogi, wenyika yaMagogi” kuine mugumisiro mukuru kudarika ngozi yougandanga hwomunyika dzakawanda?
UGANDANGA hwave huchirondedzerwa nevamwe sokurwiswa kwenzanga yenyika, kunyange kwebudiriro pachayo. Zvinonzwisisika kuti ngozi yakadaro haitombofaniri kurerutswa. Ukuwo, pane kumwe kurwisa kuchava nomugumisiro mukuru, uko nzanga yenyika isinganyanyi kufunga nezvakwo kana kuti kwaisingatombofungi nezvakwo. Ndokupi?
2 Kurwisa kwa“Gogi, wenyika yaMagogi,” kunotaurwa muBhaibheri pana Ezekieri chitsauko 38. Kuwedzeredza here kutaura kuti kurwisa uku kune mugumisiro mukuru pane ngozi yougandanga hwomunyika dzakawanda? Aiwa, nokuti kurwisa kwaGogi kunodarika kurwiswa kwehurumende dzevanhu. Kunorwisa hurumende yaMwari yokudenga! Zvisinei, kusiyana nevanhu, avo vangasanyatsobudirira kukurira kurwiswa kwenyika yavo, Musiki anokwanisa zvizere kukurira kurwisa kwaGogi kunotyisa zvikuru.
Kurwisa Hurumende yaMwari
3. Vatongi venyika vave vachikokwa kuzoitei kubvira muna 1914, uye vakaita sei?
3 Kurwisana kwaMambo waMwari ava kutonga nenyika yaSatani yakaipa kwave kuchienderera mberi kubvira pakagadzwa Umambo hwaMwari mumatenga muna 1914. Panguva iyoyo, vatongi vevanhu vakaudzwa kuti vazviise pasi poMutongi waMwari akasarudzwa. Asi vakaramba kuita kudaro, sezvakafanotaurwa kuti: “Madzimambo enyika anozvigadzira, navabati vanorangana, kuzorwa naJehovha nomuzodziwa wake, vachiti: Ngatidambure zvisungo zvavo, ngatirashe mabote avo abve kwatiri.” (Pisarema 2:1-3) Kuramba kutonga kwoUmambo kuchanyatsosvika mugumo wakwo Gogi weMagogi paacharwisa.
4, 5. Vanhu vangarwisa sei hurumende yaMwari isingaoneki, yokudenga?
4 Tingashamisika kuti vanhu vangarwisa sei hurumende isingaoneki, yokudenga. Bhaibheri rinozivisa kuti, hurumende iyi inoumbwa ne“vane zviuru zvine zana nemakumi mana nezvina, vakatengwa vachibva pasi,” pamwe chete ne“Gwayana,” Kristu Jesu. (Zvakazarurwa 14:1, 3; Johani 1:29) Sezvo iri yokudenga, hurumende itsva inotaurwa nezvayo se“matenga matsva,” nepo zvinonzwisisika kuti vanhu vanotongwa nayo vari pasi vanonzi “pasi idzva.” (Isaya 65:17; 2 Petro 3:13) Vakawanda ve144 000 vanotonga naKristu vakatopedza upenyu hwavo hwepasi pano vakatendeka. Saka vakaratidza kukodzera kwavo kuita mabasa avo matsva mudenga.
5 Zvisinei, vashoma vasara ve144 000 vachiri pasi pano. Pane vanodarika 15 000 000 vakapinda kuchengetwa kwoKudya kwaShe Kwemanheru Zvakazarurwa 12:17.
muna 2002, vanhu 8 760 chete ndivo vakaratidza tariro yavo yokuva vakasarudzwa nokuda kwebasa iri rokudenga. Upi noupi anoshinga kurwisa nhengo dzinotarisirwa dzoUmambo dzasara chaizvoizvo ari kurwisa Umambo hwaMwari.—Mambo Anopedzisa Kukunda Kwake
6. Jehovha naKristu vanoona sei kushorwa kunoitwa vanhu vaMwari?
6 Zvichaitwa naJehovha pakushorwa kwoUmambo hwake hwakagadzwa zvakafanotaurwa kuti: “Iye, ugere kudengadenga, uchaseka; Ishe uchavadadira. Ipapo uchataura kwavari pakutsamwa kwake, nokuvavhundusa pahasha dzake huru; kunyange zvakadaro ini ndakagadza mambo wangu paZioni, iro gomo rangu dzvene.” (Pisarema 2:4-6) Zvino nguva yasvika yokuti Kristu, achitungamirirwa naJehovha, ‘apedzise kukunda kwake.’ (Zvakazarurwa 6:2) Jehovha anoona sei kushorwa kunoitwa vanhu vake panguva yokukunda kwokupedzisira? Anokuona sokunotonangidzirwa paari uye pana Mambo wake ari kutonga. ‘Unokugunzvai imi, unogunzva mboni yeziso rangu,’ anodaro Jehovha. (Zekaria 2:8) Uye Jesu akataura zvakasimba kuti anoona izvo vanhu vanoitira kana kuti zvavanokundikana kuitira hama dzake dzakazodzwa sezvinoitirwa iye kana kuti sezvisina kuitirwa iye.—Mateu 25:40, 45.
7. Ve“boka guru revanhu” rinorondedzerwa pana Zvakazarurwa 7:9, vanoona kutsamwa kwaGogi pamusana pezvikonzero zvipi?
7 Chokwadi, vaya vanoshingaira kutsigira vasara vakazodzwa vachaonawo kutsamwa kwaGogi. Idzi nhengo dzinotarisirwa dze“pasi idzva” raMwari i“boka guru revanhu” vakadanwa kubva “kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi.” (Zvakazarurwa 7:9) Vanotaurwa nezvavo se“vamire pamberi pechigaro choumambo nepamberi peGwayana, vakapfeka nguo refu chena.” Saka, vane zita rakanaka pamberi paMwari naKristu Jesu. Vakatakura ‘mapazi emichindwe mumaoko avo,’ vanorumbidza Jehovha saChangamire akakodzera wezvinhu zvose, ane utongi hunomiririrwa nokutonga kwaMambo wake akagadzwa pachigaro choumambo, Jesu Kristu, “Gwayana raMwari.”—Johani 1:29, 36.
8. Kurwisa kwaGogi kuchaita kuti Kristu aitei, zvichiguma nei?
8 Kurwisa kwaGogi kuchaita kuti Mambo waMwari akagadzwa pachigaro choumambo aite chiito ndokutanga hondo yeAmagedhoni. (Zvakazarurwa 16:14, 16) Vaya vakaramba kubvuma uchangamire hwaJehovha vachaparadzwa. Ukuwo, vaya vakatsungirira dambudziko pamusana pokuvimbika kwavo kuUmambo hwaMwari vachazorora zvachose. Nezveizvi, muapostora Pauro akanyora kuti: “Izvi uchapupu hwokutonga kwakarurama kwaMwari, zvichitungamirira kukurangarirwa kwenyu sevakafanirwa noumambo hwaMwari, hwamuri kutambudzikira zvechokwadi. Zvazvakarurama kuna Mwari kuti atambudze vanokutambudzai, asi, kunemi munotambudzika, muchazorora pamwe nesu pakuratidzwa kwaShe Jesu achibva kudenga nengirozi dzake dzine simba mumirazvo yemoto, sezvaanotsiva vasingazivi Mwari uye vasingateereri mashoko akanaka pamusoro paShe wedu Jesu.”—2 VaTesaronika 1:5-8.
9, 10. (a) Jehovha akaita sei kuti Judha akunde muvengi anotyisa? (b) Nhasi vaKristu vanofanira kuramba vachiitei?
9 Panguva yokutambudzika kukuru kuri kuuya, kuchiguma neAmagedhoni, Kristu acharwisa uipi hwose. Asi pachange pasina chikonzero chokuti vateveri vake varwe, sezvo vagari voumambo hwemadzinza maviri echiJudha vakanga vasingafaniri kurwa zviuru zvemakore akadarika. Jehovha ndiye airwa, uye akaita kuti vakunde. Nhoroondo yacho inoti: “Jehovha akaisa vavandiri kuzorwa navana vaAmoni, navaMoabhi, navapagomo reSeiri, ivo vakanga vauya kuzorwa navaJudha; vakakundwa. Nokuti vana vaAmoni navaMoabhi vakamukira vakanga vagere pagomo reSeiri kuti vavauraye nokuvaparadza chose; zvino vakati vapedza avo vakanga vagere paSeiri, mumwe nomumwe ndokubatsira pakuurayana. Zvino vaJudha vakati vachisvika kurusvingo rwenharirire rwokurenje, vakatarira vanhu vazhinji, ndokuona zvava zvitunha zvawira pasi, kwakanga kusina wakapukunyuka.”—2 Makoronike 20:22-24.
10 Zvaiva chaizvoizvo sezvakanga zvafanotaurwa naJehovha kuti: “Imi hamungafaniri henyu kurwa.” (2 Makoronike 20:17) Izvi zvinoratidza vaKristu muenzaniso wokutevera Jesu Kristu paanoita chiito cho“kupedzisa kukunda kwake.” Panguva iyi, vanoramba vachirwisa uipi, kwete nezvombo chaizvo, asi nezvombo zvomudzimu. Nenzira iyoyo vano‘ramba vachikunda zvakaipa nezvakanaka.’—VaRoma 6:13; 12:17-21; 13:12; 2 VaKorinde 10:3-5.
Ndiani Achatungamirira Kurwisa kwaGogi?
11. (a) Gogi achashandisa masangano api pakurwisa kwake? (b) Kumuka mumudzimu kunosanganisirei?
11 Gogi weMagogi anozivikanwa saSatani Dhiyabhorosi munzvimbo yake yakaipa kubvira muna 1914. Sechisikwa chomudzimu, haagoni kurwisa zvakananga, asi achashandisa masangano evanhu kuita mabasa ake. Masangano evanhu aya achava vanaani? Bhaibheri haritipi mashoko akawanda, asi rinotipa zvimwe zviratidzo zvingagona kutibatsira kuziva kuti vachava vanaani. Sezvo zviitiko zvenyika zvichiitika mukuzadzika kwouprofita hweBhaibheri, zvicharamba zvichitijekera zvishoma nezvishoma. Vanhu vaJehovha havaiti zvokufungidzira
asi vanoramba vakamuka mumudzimu, vachinyatsoziva zviitiko zvematongerwe enyika nezvechitendero zvinokodzerana nokuzadzika kwouprofita hweBhaibheri.12, 13. Muprofita Dhanieri akafanotaura sei kurwiswa kwevanhu vaMwari kwokupedzisira?
12 Muprofita Dhanieri anozivisa mashoko akawanda pamusoro pokurwiswa kwevanhu vaMwari kwokupedzisira, achinyora kuti: “[Mambo wokumusoro] uchabuda nehasha kwazvo kundoparadza nokupedza chose vazhinji. Uchadzika matende ake oushe pakati pegungwa negomo dzvene rakaisvonaka.”—Dhanieri 11:44, 45.
13 Munguva dzinotaurwa muBhaibheri, “gungwa” raiva Gungwa Guru, kana kuti Mediterranean, uye “gomo dzvene” raiva Ziyoni, nezvaro Jehovha akati: “Kunyange zvakadaro ini ndakagadza mambo wangu paZioni, iro gomo rangu dzvene.” (Pisarema 2:6; Joshua 1:4) Saka, mupfungwa yomudzimu, nyika iri “pakati pegungwa negomo dzvene” inomiririra mamiriro ezvinhu omudzimu anobudirira evaKristu vakazodzwa. Havachabatanidzwi negungwa revanhu vakaparadzaniswa naMwari, uye vari kutarisira mberi kutonga naKristu Jesu muUmambo hwokudenga. Zviri pachena kuti vashumiri vaMwari vakazodzwa, pamwe neshamwari dzavo dzakavimbika dzeboka guru revanhu, ndivo vachanyanya kunangwa namambo wokumusoro paanotanga kurwisa kwake kunotyisa mukuzadzika kwouprofita hwaDhanieri.—Isaya 57:20; VaHebheru 12:22; Zvakazarurwa 14:1.
Vashumiri vaMwari Vachaita Sei?
14. Vanhu vaMwari vachaita zvinhu zvitatu zvipi pavanorwiswa?
14 Vashumiri vaMwari vachatarisirwa kuitei kana vangotanga kurwiswa? Zvekare, zvakaitwa norudzi rwaMwari chairwo mumazuva aJehoshafati zvinoratidza muenzaniso. Cherechedza kuti vanhu varwo vakarayirwa kuita zvinhu zvitatu: (1) kumira munzvimbo dzavo, (2) kuramba vakamira, uye (3) kuona kuponesa kwaJehovha. Nhasi vanhu vaMwari vachaita sei maererano nemashoko aya?—2 Makoronike 20:17.
15. Zvinorevei kuti vanhu vaJehovha vanomira munzvimbo dzavo?
15 Kumira munzvimbo dzavo: Vanhu vaMwari vacharamba vakamira munzvimbo dzavo dzokushingaira kutsigira Umambo hwaMwari vasingazununguki. Vacharamba vasina kwavakarerekera sevaKristu mune zvematongerwe enyika. Vachava ‘vakasimba, vasingazununguki’ mubasa ravo rokuvimbika kuna Jehovha uye vacharamba vachirumbidza Jehovha pachena pamusana pomutsa wake une rudo. (1 VaKorinde 15:58; Pisarema 118:28, 29) Hapana chingavamanikidza nhasi kana munguva yemberi chingavabvisa panzvimbo yavo inotenderwa naMwari.
16. Vashumiri vaJehovha vacharamba vakamira munzirai?
16 Kuramba vakamira: Vashumiri vaJehovha havazoedzi kuzviponesa asi vachavimba naJehovha zvakazara. Ndiye bedzi anokwanisa kununura vashumiri vake mumhirizhonga yenyika, uye akavimbisa kuita kudaro. (Isaya 43:10, 11; 54:15; Mariro 3:26) Kuvimba naJehovha kuchasanganisira kuvimba nenzira yemazuva ano isingaoneki yaave achishandisa zvakajeka kwemakumi emakore kuita zvinangwa zvake. Kupfuura kare kose, panguva iyoyo vaKristu vechokwadi vachada kuisa chivimbo chavo mune vavanonamata navo vakapiwa chiremera naJehovha uye naMambo wake ari kutonga chokuti vatungamirire. Varume vakatendeka ava vachatungamirira vanhu vaMwari. Kurega kutevera nhungamiro yavo kungaguma nenjodzi.—Mateu 24:45-47; VaHebheru 13:7, 17.
17. Nei vashumiri vaMwari vakatendeka vachaona kuponesa kwaJehovha?
17 Kuona kuponesa kwaJehovha: Ruponeso ndirwo ruchava mubayiro wevose vaya vanorambira munzvimbo dzavo dzokuvimbika kwechiKristu uye vanovimba naJehovha kuti achavanunura. Kusvikira paawa yokupedzisira—uye kusvika pavanogona napo—vachazivisa kusvika kwezuva raJehovha rokutonga. Zvisikwa zvose zvinofanira kuziva kuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi uye kuti ane vashumiri vakatendeka pasi pano. Hapazofanirizve kuva nokukakavadzana kwenguva refu nezvokururama kwouchangamire hwaJehovha.—Ezekieri 33:33; 36:23.
18, 19. (a) Rwiyo rwokukunda ruri pana Eksodho chitsauko 15 runoratidza sei manzwiro evaya vachapukunyuka kurwisa kwaGogi? (b) Chii chakakodzera kuti vanhu vaMwari vaite iye zvino?
18 Vaine simba idzva, vanhu vaMwari vachapinda munyika itsva, vachida zvikuru kuimba rwiyo rwokukunda, kunyange sezvakaita vaIsraeri vekare pashure pokununurwa kwavo noMugungwa Dzvuku. Vachionga kudzivirira kwaJehovha nokusingaperi, munhu nomunhu uye vari pamwe chete, vachadzokorora mashoko ekare okuti: “Ndichaimbira Jehovha, nokuti wakasimuka nesimba rake. . . . Jehovha munhu wokurwa; Jehovha ndiro zita rake. . . . Rudyi rwenyu, Jehovha, runoputsanya vavengi. Noumambo hwenyu hukuru munowisira pasi vanokumukirai simba; munotuma kutsamwa kwenyu, kunovapisa sehundi. . . . Makafambisa nenyasha dzenyu vanhu vamakadzikinura; makavaperekedza nesimba renyu kuugaro hwenyu hutsvene. . . . Muchavapinza, nokuvasima pagomo renhaka yenyu, paugaro hwamakazviitira, kuti mugarepo, Jehovha; patsvene pakaitwa namaoko enyu. Jehovha uchabata ushe nokusingaperi.”—Eksodho 15:1-19.
19 Zvino vaine tariro youpenyu husingaperi yakajeka kupfuura kare kose, ino ndiyo nguva yakafanira yokuti vashumiri vaMwari varatidze kuzvipira kwavo kuna Jehovha uye yokumutsiridza chinangwa chavo chokumushumira saMambo wavo asingagumi!—1 Makoronike 29:11-13.
Ungatsanangura Here?
• Nei kurwisa kwaGogi kuchanangidzirwa pane vakazodzwa nemamwe makwai?
• Vanhu vaMwari vachamira sei munzvimbo dzavo?
• Zvinorevei kuramba takamira?
• Vanhu vaMwari vachaona sei kuponesa kwaJehovha?
[Mibvunzo Yechidzidzo]
[Mufananidzo uri papeji 18]
Jehovha akaita kuti Jehoshafati nevanhu vake vakunde, vasingafaniri kurwa
[Mufananidzo uri papeji 20]
Vakazodzwa nemamwe makwai vanogoverana mukutsigira uchangamire hwaJehovha
[Mufananidzo uri papeji 22]
Kufanana nevaIsraeri vekare, vanhu vaMwari nokukurumidza vachange vachiimba rwiyo rwokukunda