Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Soromoni Haana Kushonga Serimwe Raaya’

‘Soromoni Haana Kushonga Serimwe Raaya’

‘Soromoni Haana Kushonga Serimwe Raaya’

MARUVA omusango seari kuoneka pano anooneka chaizvo mumativi enzira kumaodzanyemba kweAfrica. Anonzi cosmos uye akabva kunyika dzokuAmerica dzinopisa. Maruva akaisvonaka kudai angatiyeuchidza chidzidzo chakadzidziswa naJesu. Vakawanda vaimuteerera vaiva varombo, uye vaifunganya nezvezvinodiwa zvavo zvokunyama, zvokudya zvavo nezvokupfeka.

“Pamusoro penhau yezvipfeko,” Jesu akabvunza, “munofunganyirei? Dzidzai kumaruva omusango, kukura kwawo; haashandi nesimba, uyewo haaruki; asi ndinotaura kwamuri kuti kunyange naSoromoni mumbiri yake yose haana kushonga serimwe raaya.”—Mateu 6:28, 29.

Pane zvakasiyana-siyana zvakataurwa nezvorudzi chairwo rwemaruva omusango ayo Jesu aifunga. Zvisinei, Jesu, akaenderera mberi kuenzanisa izvi nezvinomera musango, achiti: “Zvino, kana Mwari achipfekedza kudaro zvinomera zvomusango, zviripo nhasi uye mangwana zvinokandirwa muchoto, haangatokupfekedzei zvikuru kwazvo here, imi vane kutenda kuduku?”—Mateu 6:30.

Kunyange zvazvo maruva anonzi cosmos asiri okuIsrael, chokwadi anotsigira chidzidzo chaidzidziswa naJesu. Kunyange akatariswa nechokure kana kuatarisisa uri pedyo zvikuru, akanaka zvinoorora uye anofarirwa nevatori vemifananidzo nevanodhirowa. Chokwadi, Jesu akanga asiri kuwedzeredza paakati, “kunyange naSoromoni mumbiri yake yose haana kushonga serimwe raaya.”

Zvinotidzidzisei nhasi? Vaya vari kushumira Mwari vanogona kuva nechokwadi chokuti achavabatsira kuwana zvavanoda kunyange munguva dzakaoma. Jesu akatsanangura kuti: “Rambai muchitsvaka umambo [hwaMwari], uye zvinhu izvi [zvakadai sezvokudya nezvipfeko zvinodiwa] zvichawedzerwa kwamuri.” (Ruka 12:31) Chokwadi, kubatsirika chaikoiko kunobva mukutsvaka Umambo hwaMwari. Asi unoziva here kuti Umambo hwaMwari chii uye kuti huchaitirei vanhu? Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukubatsira kuwana mhinduro dzacho kubva muBhaibheri.