Jesu Kristu—Uchapupu Hwokuti Akafamba Pasi Pano
Jesu Kristu—Uchapupu Hwokuti Akafamba Pasi Pano
UNODAVIRA kuti munhu anonzi Albert Einstein akamborarama here? Ungangopindura kuti hungu, asi nei? Vanhu vakawanda havana kumboonana naye ivo pachavo. Asi, mishumo yakavimbika yezvaakaita inoratidza kuti akamborarama. Zvaakaita paakararama zvinoonekwa kuburikidza nokushandisa zvaakawana, muzvinhu zvesayenzi. Somuenzaniso, vakawanda vanobatsirwa nemagetsi anobva pasimba renyukireya, kubuda kunoita simba racho kunonyatsoenderana nokushanda kwesvomhu yaEinstein iyi inozivikanwa zvikuru, E=mc2 (tikataimuza uremu nokumhanya kunoita chiedza kwakapetwa kaviri tinowana simba).
Izviwo zvinoshanda kuna Jesu Kristu, uyo anobvumwa kuti ndiye
munhu ane simba zvikuru munhoroondo yevanhu. Zvakanga zvakanyorwa nezvake uye uchapupu hunooneka hwesimba raaiva naro zvinoratidza pasina mubvunzo kuti akararama. Kunyange zvazvo zvarondedzerwa munyaya yatangira ino zvichangobva kuwanikwa mukuchera matongo pamusoro pemashoko akanyorwa nezvaJakobho zvichifadza, chokwadi chokuvapo kwaJesu hachitsamiri pane izvi kana kuti pane rimwewo bhokisi. Chokwadi ndechokuti, tinogona kuwana uchapupu hwokuti Jesu aivapo mune zvakanyorwa nevanyori vezvakaitika kare pamusoro pake nevateveri vake.Uchapupu Hwevanyori Vezvakaitika Kare
Somuenzaniso, funga uchapupu hwaFlavius Josephus, munyori wenhau dzakaitika kare womuzana remakore rokutanga aiva muFarisi. Akataura nezvaJesu Kristu mubhuku rinonzi Jewish Antiquities. Kunyange vamwe vasina chokwadi nepakatanga kutaura Josephus nezvaJesu saMesiya, Purofesa Louis H. Feldman weYunivhesiti yeYeshiva anoti vashoma vaisava nechokwadi nepechipiri. Ipapo Josephus akati: “[Ananiyasi mupristi mukuru] akaunganidza vatongi veSanihedrini ndokuunza pamberi pavo murume ainzi Jakobho, munun’una waJesu uyo ainzi Kristu.” (Jewish Antiquities, XX, 200) Chokwadi, muFarisi, nhengo yeboka rechitendero iro vapindi varo vakawanda vaitaura pachena kuti vavengi vaJesu, akabvuma kuvapo kwa“Jakobho, munun’una waJesu.”
Simba rokurarama kwaJesu rakaratidzwa mumabasa evateveri vake. Muapostora Pauro paakanga ari mujeri muRoma munenge muna 59 C.E., varume vakatanhamara vevaJudha vakamuudza kuti: “Pamusoro peboka iri tinozviziva kuti rinoshorwa kwose kwose.” (Mabasa 28:17-22) Vaidana vadzidzi vaJesu kuti “boka iri.” Kana vaishorwa kwose kwose, vanyori vezvakaitika kare zvimwe vangadai vakataura nezvavo, vaisazodaro here?
Tacitus, akaberekwa munenge muna 55 C.E. uye ainzi ndiye mumwe wevanyori vezvakaitika kare vakakurumbira kwazvo munyika, akataura nezvevaKristu muNhoroondo dzake. Munyaya yokupomerwa kwavakaitwa naNero kuti ndivo vakakonzera moto mukuru wakanganduma muRoma muna 64 C.E., akanyora kuti: “Nero akaroverera mhosva yacho uye akatambudza zvakaipisisa boka raivengwa nevoruzhinji nokuda kwezvakaipa zvaro, rainzi vaKristu noruzhinji rwevanhu. Christus, kwakabva zita ravo, akarangwa zvakaipisisa nomumwe wevakuru vakuru vedu, Pondiyo Pirato, paitonga Tibheriyasi.” Mashoko enhoroondo iyi anoenderana nemashoko ane chokuita naJesu weBhaibheri.
Mumwe munyori akatsanangudza pamusoro pevateveri vaJesu aiva Pliny Muduku, gavhuna weBhitiniya. Munenge mugore ra111 C.E., Pliny akanyorera Mambo Trajan, achibvunza kuti vaKristu vangabatwa sei. Pliny akanyora kuti vanhu vaipomerwa zvenhema kuva vaKristu vaizodzokorora muteuro kune vanamwari vokudza mufananidzo waTrajan, kuti vangoratidza kuti vakanga vasiri vaKristu. Pliny akaenderera mberi achiti: “Zvinonzi, vaKristu chaivo havangamanikidzwi kuita zvinhu zvakadai.” Izvozvo zvinopupurira chokwadi chokuvapo kwaKristu, uyo ane vateveri vakanga vakagadzirira kufira kutenda kwavo maari.
Pashure pokupfupisa kutaura kwakaitwa nevanyori
vezvakaitika kare vomumazana maviri emakore okutanga nezvaJesu Kristu nevateveri vake, The Encyclopædia Britannica (ya2002) inogumisa ichiti: “Nhoroondo idzi dzakazvimirira dzoga dzinoratidza kuti kare kunyange vavengi vechiKristu havana kumboramba kuti Jesu akanga ariko, izvo zvakazotanga kurambwa kumagumo kwezana remakore rechi18, mune rechi19, uye kumavambo kwerechi20.”Uchapupu Hwevateveri vaJesu
“Testamende Itsva inopa uchapupu hunenge hwose hwokudzokororwa kwakakurumbira kwenhoroondo youpenyu hwaJesu nokutambura kwake uye hwokududzira kwokutanga-tanga kwechiKristu kukosha kwake,” inodaro The Encyclopedia Americana. Vatsoropodzi vangasagamuchira Bhaibheri souchapupu hwokuvapo kwaJesu. Asi pfungwa mbiri dzakavakirwa panhoroondo dzeMagwaro zvikurukuru dzinobatsira kuona kuti Jesu akanyatsofamba pasi pano.
Sezvataona, tsanangudzo huru yaEinstein inoratidza kuvapo kwake. Saizvozvowo, dzidziso dzaJesu dzinoratidza chokwadi chokuvapo kwake. Tora somuenzaniso Mharidzo yepaGomo, hurukuro inozivikanwa zvikuru yakapiwa naJesu. (Mateu, zvitsauko 5-7) Muapostora Mateu akanyora nezvokukosha kwemharidzo iyoyo achiti: “Mapoka evanhu akashamiswa nemadzidzisire ake; nokuti akanga achivadzidzisa somunhu ane simba.” (Mateu 7:28, 29) Maererano nezvakaitwa nemharidzo yacho pavanhu kwemazana emakore, Purofesa Hans Dieter Betz akati: “Kuchinja kwakakonzerwa neMharidzo yepaGomo kunowanzopfuura zvachose miganhu yechiJudha nechiKristu, kana kuti kunyange tsika dzechiRungu.” Akawedzera kuti mharidzo iyi “inofarirwa pasi pose kusiyana nedzimwe dzose.”
Funga mashoko ouchenjeri mapfupi uye anobatsira anotevera anowanikwa muMharidzo yepaGomo: “Munhu wose anokurova nembama padama rako rorudyi, umutendeutsire rimwewo.” “Chenjerai kuti murege kuita kururama kwenyu pamberi pevanhu.” “Musambofunganya pamusoro pezuva rinotevera, nokuti zuva rinotevera richava nekufunganya kwaro.” ‘Musakandira maparera enyu pamberi penguruve.’ “Rambai muchikumbira, uye muchapiwa.” “Zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, munofanira kuvaitirawo saizvozvo.” “Pindai nepasuo rakatetepa.” “Muchavaziva nezvibereko zvavo.” “Muti wose wakanaka unobereka chibereko chakanaka kwazvo.”—Mateu 5:39; 6:1, 34; 7:6, 7, 12, 13, 16, 17.
Hapana mubvunzo kuti wakanzwa mamwe emashoko aya kana kuti pfungwa huru yawo. Zvichida anotova zvirahwe mumutauro wako. Ose akatorwa muMharidzo yepaGomo. Kuchinja kwakaita mharidzo iyi vanhu vakawanda netsika kunonyatsopupurira kuvapo kwo“mudzidzisi mukuru.”
Ngatifungidzirei kuti mumwe munhu akagadzira munhu anonzi Jesu Kristu. Ngatitii munhu wacho akanga akangwara zvokutanga dzidziso dzinonzi dzakadzidziswa naJesu dziri muBhaibheri. Aisazoita kuti Jesu nedzidziso dzake zvinakidze vanhu vose sezvinobvira here? Asi, muapostora Pauro akati: “VaJudha vanokumbira zviratidzo nevaGiriki vanotsvaka uchenjeri; asi tinoparidza Kristu akarovererwa, kuvaJudha chisakiso chokugumbuka asi kumamwe marudzi upenzi.” (1 VaKorinde 1:22, 23) Mashoko aKristu akarovererwa aisadiwa nevaJudha kana kuti nemamwe marudzi. Zvisinei, ndiye Kristu uyo vaKristu vomuzana remakore rokutanga vakazivisa nezvake. Nei rondedzero yaKristu akarovererwa? Tsanangudzo bedzi inogutsa yaizova yokuti vanyori veMagwaro echiKristu echiGiriki vakanyora chokwadi pamusoro poupenyu norufu zvaJesu.
Imwe pfungwa inotsigira chokwadi chokuvapo kwaJesu inowanikwa mukuenderera mberi nokuparidza dzidziso dzake kwakaitwa nevateveri vake. Anenge makore 30 bedzi Jesu atanga ushumiri hwake, Pauro aigona kuti mashoko akanaka “akaparidzwa pakati pezvisikwa zvose zviri pasi pedenga.” (VaKorose 1:23) Chokwadi, dzidziso dzaJesu dzakapararira munyika yekare yose pasinei nokushorwa. Pauro, uyo akatambudzwawo somuKristu, akanyora kuti: “Kana Kristu asina kumutswa, kuparidza kwedu zvechokwadi hapana zvakuri, uye kutenda kwedu hapana zvakuri.” (1 VaKorinde 15:12-17) Kana kuparidza Kristu akanga asina kumutswa kwaizova kusina zvakuri, kuparidza Kristu akanga asina kumbovapo kwaitozova kusina zvakuri zvachose. Sezvatinoverenga mumushumo waPliny Muduku, vaKristu vomuzana remakore rokutanga vaiva vakazvipira kufira kutenda kwavo muna Kristu Jesu. Vakaisa upenyu hwavo pangozi nokuda kwaKristu pamusana pokuti aiva chaiye; akanga afamba pasi pano uye akanga ararama sezvinotaura nhoroondo dzeEvhangeri.
Waona Uchapupu
Kudavira kuti Jesu Kristu akamuka chaiva chinhu chaidikanwa pakuparidza kwechiKristu. Mupfungwa dzako, iwewo unogona kuona Jesu akamutswa nokuona kukosha kwezvaari kuita nhasi.
Nguva pfupi Jesu asati arovererwa, akapa uprofita hukuru pamusoro pokuvapo kwake munguva yemberi. Akaratidzawo kuti aizomutswa uye aizogara kuruoko rworudyi rwaMwari achimirira nguva yokubata nevavengi vake. (Pisarema 110:1; Johani 6:62; Mabasa 2:34, 35; VaRoma 8:34) Pashure pacho, aizoita chiito ndokudzinga Satani nemadhimoni ake mudenga.—Zvakazarurwa 12:7-9.
Izvozvo zvose zvaizoitika rini? Jesu akapa vadzidzi vake ‘chiratidzo chokuvapo kwake nechokuguma kwenyika.’ Chiratidzo chokuziva kuvapo kwake kusingaoneki chinosanganisira hondo huru, kuperevedza kwezvokudya, kudengenyeka kwepasi, kuvapo kwevaprofita venhema, kuwedzera kwokusateerera mutemo, uye nhenda huru. Zviitiko zvakadaro zvinotambudza zvaizotarisirwa, nokuti kudzingwa kwaSatani Dhiyabhorosi kwaizoreva “nhamo nokuda kwepasi negungwa.” Dhiyabhorosi aburukira kunharaunda yepasi pano “akatsamwa kwazvo, achiziva kuti ane nguva pfupi.” Uyezve, chiratidzo chacho chinosanganisira kuparidzwa kwemashoko akanaka oUmambo “mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose.”—Mateu 24:3-14; Zvakazarurwa 12:12; Ruka 21:7-19.
Kufanana nezvidimbu zvetsoro inonzi jigsaw puzzle zvinokwana munzvimbo yazvo, zvinhu zvakaprofitwa naJesu zvakaitika. Kubvira pakatanga Hondo Yenyika I muna 1914, taona uchapupu hwokuvapo kwaJesu Kristu kusingaoneki hunobatanidza zvakawanda. Ari kutonga saMambo woUmambo hwaMwari uye ari kushandisa simba rakakura. Kuva kwako nemagazini iyi muruoko rwako uchapupu hwokuti basa rokuparidza Umambo riri kuitwa nhasi.
Kuti unzwisisezve kukosha kwokuvapo kwaJesu, unofanira kudzidza Bhaibheri. Wadii kubvunza Zvapupu zvaJehovha nezvemashoko akawanda okuvapo kwaJesu?
[Mifananidzo iri papeji 5]
Josephus, Tacitus, naPliny Muduku vakataura nezvaJesu Kristu nevateveri vake
[Kwazvakatorwa]
Mifananidzo yose mitatu: © Bettmann/CORBIS
[Mufananidzo uri papeji 7]
VaKristu vokutanga vaiva nechokwadi chokuti Jesu aiva chaiye