Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kushumira Boka Romutauro Wakasiyana Nemimwe muKorea

Kushumira Boka Romutauro Wakasiyana Nemimwe muKorea

Kushumira Boka Romutauro Wakasiyana Nemimwe muKorea

BOKA rinoshingaira zvikuru asi rakati nyararei rakaungana nokuda kwekokorodzano yoruwa yeZvapupu zvaJehovha muzhizha ra1997. Iyi ndiyo yaiva kokorodzano yokutanga yorudzi urwu yematsi nevaya vasinganzwi zvakanaka muKorea. Nhamba yepamusorosoro yevakapinda yaiva 1 174. Purogiramu yacho yose—kusanganisira hurukuro, kubvunzurudza, nomutambo—yakaitwa muMutauro Wemasaini wokuKorea uye yakaratidzwa pamadziro makuru aionekwa muImba Yemagungano yacho yose. Ndipo pakanyatsooneka mugumisiro wakanakisisa wokushanda zvakaoma kwevazvipiri vakasiyana-siyana.

Nguva ichasvika muparadhiso pasi pano apo “nzeve dzematsi dzichadziurwa.” (Isaya 35:5) Kuti vawane upenyu muParadhiso iyoyo, vanhu vose, kusanganisira matsi, vanofanira kutanga vapinda muparadhiso yomudzimu, mamiriro ezvinhu omudzimu akabudirira evanhu vaMwari vanofara. Vanofanira kuva Zvapupu zvaJehovha zvakazvitsaurira, zvakabhabhatidzwa zvinorayiridzwa naye.—Mika 4:1-4.

Mavambo Maduku

Kunyange zvazvo matsi dzaiparidzirwa kuma1960, dzakawanda dzakazotanga kupinda misangano yeZvapupu kuma1970 muSeoul, guta guru reKorea. Imwe hama yechiKristu yaigona kunyora nokukurumidza yaishandisa bhurakibhodhi kunyora pfungwa huru dzehurukuro, kusanganisira magwaro eBhaibheri aishandiswa.

Muna 1971 muguta reTaejon, chimwe Chapupu chaiva nomwanakomana matsi chakatanga kumudzidzisa mashoko oUmambo iye neshamwari dzake matsi. Muboka iri ndimo makabva vanhu vanoshingaira vanoverengeka avo zvino vanotsigira zvakasimba mundima yomutauro wemasaini.—Zekaria 4:10.

Vechiduku Vanozvipira

Kana matsi dzaizova nezivo yaMwari naJesu nokudaro dzopinda mumugwagwa unoenda kuupenyu, vamwe vazvipiri vaizofanira kushanda zvakati kuti. (Johani 17:3) Zviine chinangwa ichi, Zvapupu zvaJehovha zvakati wandei zvakadzidza mutauro wemasaini uye zvave zvichikomborerwa nezvinoitika zvinokurudzira.

Park In-sun ane makore 15, akavavarira kudzidza mutauro wemasaini. Kuti aite izvi, aidzidzira basa achishanda mufakitori umo maishandawo boka rematsi 20. Akanyatsoshanda navo kwemwedzi misere kuitira kuti adzidze mutauro wacho uye mafungiro ematsi. Gore rakatevera, akava piyona wenguva dzose, kana kuti muzivisi woUmambo wenguva yakazara, uye akashanda neboka rematsi dzaifarira chokwadi cheBhaibheri. Boka racho rakakura nokukurumidza, uye nenguva isipi vanodarika 35 vakanga vava kupinda misangano yomusi weSvondo.—Pisarema 110:3.

Pashure pacho, kokutanga muSeoul, pakarongwa kuti pave nemisangano yechiKristu yomutauro wemasaini chete chete. Hama Park In-sun vakashanda sapiyona chaiye muboka iri raiwedzera. Zvino vakanga vava nyanzvi mumutauro wemasaini. Mumwedzi yakati kuti, vakaitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha 28 nematsi. Vazhinji vacho vakafambira mberi ndokuva Zvapupu zvaJehovha.

Somugumisiro webasa rokuzvipira iri rokushingaira zvikuru, ungano yemasaini yokutanga muSeoul yakaumbwa muna October 1976, iine vaparidzi 40 nemapiyona enguva dzose maviri. Izvi zvakakurudzira basa racho mune mamwe maguta muKorea. Matsi dzakawanda dzakanga dziine nzara yemashoko akanaka uye dzakanga dzakamirira kushanyirwa.

Kushanda Nematsi

Ungashamisika kuti matsi dzakawanikwa sei. Dzinoverengeka dzadzo dzakawanikwa nokuita zvokusumwa nevamwe. Uyezve, varidzi vemashopu omupunga vomunharaunda vakashanyirwa, uye vakataura mazita nekero dzematsi. Mamwe mahofisi ehurumende akabatsira zvikuru mukupa mashoko akadaro. Kushingaira kuparidza ndima yose yaigara matsi kwakabudirira kwazvo zvokuti, nokufamba kwenguva, ungano ina dzomutauro wemasaini dzakaumbwa. Pwere zhinji dzechiKristu dzakakurudzirwa kudzidza mutauro wemasaini.

Mapiyona chaiwo akadzidza mutauro wemasaini akaendeswa nehofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha kunoshanda neungano dzacho. Munguva pfupi ichangopfuura, vakapedza zvidzidzo kuChikoro Chokudzidzisa Vashumiri vakaendeswa kuungano idzi uye vakadzisimbisa mumudzimu.

Pane zvinetso zvinofanira kukurirwa. Kushumira mundima iyi zvinoda kushanda zvakasimba kunzwisisa tsika dzematsi. Hadziiti zvokupoterera pakufunga kana pakuita zvinhu. Dzimwe nguva izvi zvinoshamisa vanhu uye zvingakonzera kusanzwisisana. Uyezve, Zvapupu pazvinodzidza Bhaibheri nematsi, dzinofanira kubatsirwa kuva nyanzvi mumutauro wadzo uye kukurudzirwa kuwedzera purogiramu yadzo yokuverenga neyokudzidza.

Mumabasa adzo ezuva nezuva, matsi dzinotarisana nezvinetso zvisinganyanyi kuzivikanwa nevamwe. Kukurukura mumahofisi ehurumende nomuzvipatara, uyewo nhau dzebhizimisi, kunowanzova zvinetso zvikuru kwadziri. Matsi dziri muungano yechiKristu dzakaona ukama chaihwo hwehama, pamusana pokuti Zvapupu zvomuungano dziri pedyo zvakabatsira norudo.—Johani 13:34, 35.

Kupupurira Zvisina Kurongwa Kune Zvibereko

MuPusan, guta guru rechiteshi chengarava rokuchamhembe muKorea, chimwe Chapupu chakasangana nematsi mbiri idzo dzakanyora pakapepa kuti: “Tinoda Paradhiso. Tinoda kuziva magwaro anotaura nezvoupenyu husingaperi.” Hama iyi yakanyora kero yadzo ndokuronga kudzishanyira. Payakashanya, yakawana kamuri rakati pamu nematsi dzakanga dzakamirira kunzwa shoko roUmambo. Izvi zvakaikurudzira kutanga kudzidza mutauro wemasaini. Munguva pfupi yakatevera ungano yomutauro wemasaini yakaumbwa muPusan.

Imwe hama yomuungano iyoyo yakacherechedza matsi mbiri dzichitaurirana nemasaini ndokubva yataura nadzo. Ichiona kuti dzakanga dzichangobva kupinda musangano wechitendero, yakadzikoka kuImba yoUmambo panguva dza2:00 masikati omusi iwoyo. Dzakauya, uye chidzidzo cheBhaibheri chakatangwa. Nguva pfupi pashure pacho, matsi mbiri idzi dzakapinda kokorodzano yoruwa pamwe chete neshamwari dzadzo 20 dziri matsi. Kubva paboka iroro, dzakawanda dzakatsaurira upenyu hwadzo kuna Jehovha. Mbiri dzakava vakuru veungano uye imwe mushumiri anoshumira muungano dzomutauro wemasaini.

Kutsunga Kunowana Mubayiro

Sezvo dzimwe matsi dzichigara kamufambo kakati kubva kune ungano yemasaini chero ipi zvayo, kazhinji zvinoda kusimba uye kutsunga kudzipa zvokudya zvomudzimu zvinobva muBhaibheri nguva dzose. Somuenzaniso, mumwe murume ane makore 31 airarama nokubata hove pamhenderekedzo yechimwe chitsuwa. Munun’una wake, uyo akanga ashanyirwa neZvapupu zvaJehovha ndiye akamuudza nezveshoko reBhaibheri. Achiedza kugutsa nzara yake yezvokunamata, mubati wehove matsi uyu akafamba makiromita gumi nematanhatu neigwa kuenda kuTongyoung City, pamhenderekedzo iri nechokumaodzanyemba kweKorea. Aida kunosangana nomumwe piyona chaiye wokuungano yomutauro wemasaini yeMasan City. Musi woMuvhuro woga woga, piyona chaiye uyu aiita rwendo rwemakiromita 65 kuti angonodzidza Bhaibheri nomubati wehove wacho ari matsi chete.

Kuti apinde musangano weSvondo muMasan City, mudzidzi weBhaibheri matsi uyu aifanira kufamba makiromita 16 neigwa uye ozokwira bhazi mamwezve makiromita 65. Kutsunga kwake kwakawana mubayiro. Mumwedzi mishomanana, akanga avandudzika mumutauro wemasaini, adzidza bumbiro remabhii akawanda omutauro weKorea, uye—zvinokosha zvikuru—adzidza nzira bedzi yokuvaka nayo ukama naJehovha. Achiziva kukosha kwemisangano uye kwokupupurira nguva dzose, akatamira kundima yeungano yomutauro wemasaini. Izvozvo zvaiva nyore here? Kwete. Aifanira kurega basa rake rokubata hove raimupa mubereko wemadhora US$3,800 [Z$209,000] pamwedzi, asi kutsunga kwake kwakawana mubayiro. Pashure pokufambira mberi muchokwadi, akabhabhatidzwa uye iye zvino anoshumira Jehovha achifara pamwe nemhuri yake.

Kushandurira Matsi

Mashoko akanaka oUmambo anowanzopiwa neshoko romuromo. Zvisinei, kuti mashoko anobva muShoko raMwari ataurwe zvakarurama, zvinokosha kuti kudzidzisa Bhaibheri kuitwe nenzira chaiyo inogara nokusingagumi. Saka, muzana remakore rokutanga, mabhuku netsamba zvainyorwa nevarume vakuru vaiva nounyanzvi. (Mabasa 15:22-31; VaEfeso 3:4; VaKorose 1:2; 4:16) Munguva yedu, zvokudya zvomudzimu zvakawanda zvave zvichigoverwa pachishandiswa mabhuku nemamwe mabhuku echiKristu. Aya ave achishandurirwa mumazana emitauro, kusanganisira mitauro yemasaini yakasiyana-siyana. Kuti iite izvi muMutauro Wemasaini wokuKorea, hofisi yebazi ine dhipatimendi rinoshandura mutauro wemasaini. Dhipatimendi remavhidhiyo rinobudisa mavhidhiyo omutauro wemasaini. Izvi zvinobatsira mumudzimu vazivisi vemashoko akanaka vari matsi uye vaya vanofarira muungano dzose dzomuKorea.

Kunyange zvazvo vakawanda vava nyanzvi dzomutauro wemasaini uye vakabatsira mukubudisa mavhidhiyo, kazhinji vashanduri vanogona kudarika vose vana vane vabereki matsi. Vakadzidza mutauro wemasaini kubvira paucheche. Ava havangoiti masaini nenzira yakarurama chete asiwo vanoita kuti mashoko acho ave anokosha uye akasimba nokushandisa dzimwe nhengo dzomuviri wavo uye zvavanoita chiso chavo, nokudaro vachisvika mupfungwa nepamwoyo.

Sezvacherechedzwa, kokorodzano nemagungano mumutauro wemasaini zvino zvava kuitwa nguva dzose muKorea. Basa rakawanda, mari, uye kushanda nesimba zvinodiwa kuti izvi zviitwe. Zvisinei, vaya vanopinda vanoonga urongwa uhwu. Magungano aya kana apera, vakawanda vanononoka kubvapo, vachida kuramba vachinakidzwa nokushamwaridzana kwakanaka uye kudzokorora zvokudya zvomudzimu zvakanaka zvinenge zvagoverwa. Zviri pachena kuti kushanda muboka rakasiyana nemamwe iri kune zvinetso zvako, asi zvikomborero zvomudzimu zvinoita kuti kuve kwakakodzera.

[Mufananidzo uri papeji 10]

Mavhidhiyo oMutauro Wemasaini anobudiswa muKorea: “What Does God Require of Us?,” “Appreciating Our Spiritual Heritage,” “Warning Examples for Our Day,” uye “Respect Jehovah’s Authority”

[Mifananidzo iri papeji 10]

Kutenderera nokuruboshwe tichibva pasi: Vhidhiyo yoMutauro Wemasaini iri kugadzirwa pabazi reKorea; kugadzirira masaini emashoko echiKristu; boka rinoshandura mutauro wemasaini; kurayiridza ari kuita masaini pakugadzirwa kwevhidhiyo