Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tevedzera Jehovha, Mwari Wedu Asingasaruri

Tevedzera Jehovha, Mwari Wedu Asingasaruri

Tevedzera Jehovha, Mwari Wedu Asingasaruri

“Mwari haasaruri.”—VAROMA 2:11.

1, 2. (a) Ndechipi chaiva chinangwa chaJehovha nevaKenani? (b) Jehovha akaitei, uye izvi zvinomutsa mibvunzoi?

VAKADZIKA musasa paMapani eMoabhi muna 1473 B.C.E., vaIsraeri vakanyatsoteerera Mosesi. Paiva nenyaya yakaoma yakanga yakavamirira mhiri kwoRwizi rweJodhani. Mosesi akazivisa chinangwa chaJehovha chokuita kuti vaIsraeri vakunde marudzi manomwe echiKenani aiva nesimba aiva muNyika Yakapikirwa. Mashoko aMosesi anoti: ‘Jehovha Mwari wako achavaisa mumaoko ako, uchavakunda’ aipa chivimbo kwazvo! VaIsraeri vakanga vasingafaniri kuita sungano navo, uye marudzi iwayo akanga asina kufanirwa nenyasha.—Dheuteronomio 1:1; 7:1, 2.

2 Asi, Jehovha akachengetedza mhuri imwe chete muguta rokutanga rakarwiswa nevaIsraeri. Vamwe vanhu vaiva mune mamwe maguta mana vakadzivirirwawo naMwari. Nei zvakadaro? Zviitiko zvinoshamisa zvine chokuita nokupukunyuka kwevaKenani ava zvinotidzidzisei nezvaJehovha? Uye tingamutevedzera sei?

Zvakaitwa Nevanhu Nokungonzwa Mukurumbira waJehovha

3, 4. Mashoko okukunda kwevaIsraeri akaita kuti vamwe vanhu vomuKenani vanzwe sei?

3 Mumakore 40 akapedzwa nevaIsraeri vari murenje vasati vapinda muNyika Yakapikirwa, Jehovha akadzivirira nokurwira vanhu vake. Kumaodzanyemba kweNyika Yakapikirwa, vaIsraeri vakatarisana namambo wechiKenani wenyika yeAradhi. Vachibatsirwa naJehovha, vaIsraeri vakamukunda iye nevanhu vake paHoma. (Numeri 21:1-3) Gare gare, vaIsraeri vakaenda nomumucheto menyika yeEdhomi vakananga kumusoro nechokuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweGungwa Rakafa. Munharaunda iyi, yaimbogarwa nevaMoabhi, makanga mava nevaAmori. Mambo weAmori Sihoni akaramba kuti vaIsraeri vapfuure nomunyika yake. Vakarwisana paJahazi, sezviri pachena kuchamhembe kwoMupata Worwizi weAnoni, uko Sihoni akafira. (Numeri 21:23, 24; Dheuteronomio 2:30-33) Nechokumusorosoro, Ogi aitonga vamwe vaAmori muBhashani. Kunyange zvazvo Ogi aiva zirume rakasimba, akatadza kumirisana naJehovha. Akaurayirwa paEdrei. (Numeri 21:33-35; Dheuteronomio 3:1-3, 11) Mashoko okukunda uku pamwe chete nenhoroondo dzoKubuda muIjipiti kwevaIsraeri zvakaorora kwazvo vamwe vanhu vaigara muKenani. *

4 Apo vaIsraeri vakatanga kupinda muKenani pashure pokuyambuka Jodhani, vakadzika musasa paGirigari. (Joshua 4:9-19) Pedyo naipapo paiva neguta reJeriko raiva nemasvingo. Zvakanzwiwa naRakabhi womuKenani maererano nemabasa aJehovha zvakaita kuti aite zvinhu mukutenda. Saka, apo Jehovha akaparadza Jeriko, akamuponesa nevaya vaiva mumba make.—Joshua 2:1-13; 6:17, 18; Jakobho 2:25.

5. Chii chakaita kuti vaGibhiyoni vashandise njere?

5 Zvadaro, vaIsraeri vakakwira kubva mumupata pedyo norwizi vachipinda muzvikomo zvaiva nechepakati penyika yacho. Pashure pokurayirwa naJehovha, Joshua akaita zvokuhwandira guta reAi. (Joshua, chitsauko 8) Mashoko okuparadza kwakanga kuchida kuitika akaita kuti madzimambo akawanda eKenani aungane nokuda kwehondo. (Joshua 9:1, 2) Vagari veguta reGibhiyoni revaHivhi raiva nechepedyo vakaita zvakasiyana nevamwe vose. Joshua 9:4 (NW) inorondedzera kuti: “Ivo, vachitozvidira havo, vakashandisa njere.” SaRakabhi, vakanga vanzwa nezvokununura kwaJehovha vanhu vake paKubuda uye pakukundwa kwaSihoni naOgi. (Joshua 9:6-10) VaGibhiyoni vakaziva kuti kurwisa hakuna zvakunobatsira. Saka vakatumira Joshua paGirigari nhume dzaimiririra Gibhiyoni nemaguta matatu aiva pedyo—Kefira, Bheeroti, neKiriyati-jearimu—dzichiita sokuti dzaibva kunyika yaiva kure. Urongwa hwacho hwakabudirira. Joshua akaita sungano navo yakaita kuti vapone. Mazuva matatu gare gare, Joshua nevaIsraeri vakaziva kuti vakanga vanyengedzwa. Asika, vakanga vapika naJehovha musungano yacho saka vakaomerera kwairi. (Joshua 9:16-19) Jehovha akazvitendera here?

6. Chii chakaitwa naJehovha nesungano iyo Joshua akaita nevaGibhiyoni?

6 VaGibhiyoni vakatenderwa kuva vatemi vehuni nevateki vemvura vevaIsraeri, kunyange “yeatari yaJehovha” patebhenekeri. (Joshua 9:21-27) Kupfuura izvozvo, apo madzimambo mashanu evaAmori nemauto awo akatyisidzira vaGibhiyoni, Jehovha akapindira nenzira inoshamisa. Chimvuramabwe chakauraya vavengi vakawanda kupfuura vakaurayiwa nemauto aJoshua. Jehovha akatopindura chikumbiro chaJoshua chokuti zuva nomwedzi zvimire kuti vanyatsoparadzwa zvakakwana. “Hakuna kumbova nezuva rakadaro kubva pakutanga kana shure kwaro, kuti Jehovha wakateerera inzwi romunhu; nokuti Jehovha wakarwira Israeri,” akadaro Joshua.—Joshua 10:1-14.

7. Ichokwadi chipi chakabvumwa naPetro chakaratidzwa nevamwe vaKenani?

7 Rakabhi wokuKenani nemhuri yake, uyewo vaGibhiyoni, vakatya Jehovha uye vakaita zvinoenderana naizvozvo. Zvakaitika kwavari zvinonyatsoratidza chokwadi chakazotaurwa nomuapostora wechiKristu Petro kuti: “Mwari haasaruri, asi murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.”—Mabasa 10:34, 35.

Mabatiro Aakaita naAbrahamu naIsraeri

8, 9. Kusasarura kwaJehovha kunoratidzwa sei mumabatiro aakaita naAbrahamu uye norudzi rwaIsraeri?

8 Mudzidzi Jakobho akataura nezvomutsa usina kufanirwa waMwari mumabatiro aakaita naAbrahamu nevana vake. Kutenda kwaAbrahamu ndiko kwakamuita “shamwari yaJehovha,” kwete dzinza raakabva. (Jakobho 2:23) Kutenda kwaAbrahamu uye kuda kwaaiita Jehovha kwakaunzira vazukuru vake zvikomborero. (2 Makoronike 20:7) Jehovha akapikira Abrahamu kuti: “Ndichakuropafadza kwazvo, ndichawanza vana vako kwazvo senyeredzi dzokudenga, uye sejecha riri pamhenderekedzo dzegungwa.” Asi cherechedza chipikirwa chiri mundima inotevera chinoti: “Ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa muvana vako.”—Genesi 22:17, 18; VaRoma 4:1-8.

9 Kusiyana zvachose nokuratidza rusaruro, Jehovha akaratidza nemabatiro aaiita nevaIsraeri zvaanogona kuitira vaya vanomuteerera. Mabatiro aanoita iwayo muenzaniso wemaratidziro anoita Jehovha rudo rwokuvimbika kuvashumiri vake vakatendeka. Kunyange zvazvo vaIsraeri vaiva ‘pfuma yaJehovha chaiyo,’ izvi zvakanga zvisingarevi kuti vamwe vanhu vakanga vasingagoni kuitirwa mutsa naMwari. (Eksodho 19:5; Dheuteronomio 7:6-8) Chokwadi, Jehovha akadzikinura vaIsraeri muuranda muIjipiti ndokuzotaura kuti: “Ndimi moga vandakaziva pakati pamarudzi ose enyika.” Asi achishandisa muprofita Amosi nevamwe, Jehovha akavimbisawo tariro inoshamisa kuvanhu ve“marudzi ose.”—Amosi 3:2; 9:11, 12; Isaya 2:2-4.

Jesu, Mudzidzisi Asingasaruri

10. Jesu akatevedzera sei Baba vake mukuratidza kusasarura?

10 Muushumiri hwake hwepasi pano, Jesu, uyo ari mufananidzo chaiwo waBaba vake, akatevedzera kusasarura kwaJehovha. (VaHebheru 1:3) Panguva iyoyo ainyanyoda kutsvaka “makwai akarasika eimba yaIsraeri.” Asi, haana kurega kupupurira kune mumwe mukadzi wechiSamariya patsime. (Mateu 15:24; Johani 4:7-30) Akaitawo chishamiso akumbirwa nomumwe mukuru weuto, uyo sezviri pachena akanga asiri muJudha. (Ruka 7:1-10) Izvi zvaiwedzera pakuratidza kwaaiita nezviito zvake kuda kwake vanhu vaMwari. Vadzidzi vaJesu vakaparidzira munharaunda yakakurawo kwazvo. Zvakava pachena kuti nzira yaisarudzwa nayo vanogamuchira chikomborero chaJehovha yaiva nechokuita nemafungiro, kwete rudzi rwomunhu. Vanhu vaizvininipisa uye vaiva nemwoyo yakatendeseka vakanga vane nzara yechokwadi vakagamuchira mashoko akanaka oUmambo. Kusiyana neizvi, vanhu vaizvikudza nokuzvitutumadza vakazvidza Jesu neshoko rake. “Ndinokurumbidzai pachena, Baba, Ishe wokudenga nepasi,” Jesu akazivisa kudaro, “nokuti makanyatsovanzira zvinhu izvi vakachenjera nevakangwara, mukazvizarurira vacheche. Hungu, haiwa Baba, nokuti kuita kudaro kwakava nzira yakatenderwa nemi.” (Ruka 10:21) Patinobata nevamwe maererano norudo nokutenda, tinenge tisingasaruri, tichiziva kuti iyoyi ndiyo nzira inotenderwa naJehovha.

11. Kusasarura kwakaratidzwa sei muungano yechiKristu yokutanga?

11 Muungano yechiKristu yokutanga, vaJudha nevakanga vasiri vaJudha vakanga vakaenzana. “Mbiri nokukudzwa norugare nokuda kwomunhu wose anoita zvakanaka,” akatsanangura kudaro Pauro, “nokuda kwomuJudha pakutanga uyewo nokuda kwomuGiriki. Nokuti Mwari haasaruri.” * (VaRoma 2:10, 11) Chairatidza kana vaibatsirwa nomutsa usina kufanirwa waJehovha rakanga risiri dzinza ravaibva, asi zvavaiita kana vadzidza nezvaJehovha netarisiro dzaipiwa nechibayiro choMwanakomana wake, Jesu. (Johani 3:16, 36) Pauro akanyora kuti: “Haasi muJudha uyo akadaro kunze, uye kudzingiswa hakusi uko kuri kunze panyama. Asi muJudha ndiye uyo akadaro mukati, uye kudzingiswa kwake ndiko kuya kwemwoyo nomudzimu, kwete nebumbiro romutemo rakanyorwa.” Ipapo, achishandisa nounyanzvi mashoko ane chokuita neshoko rokuti “muJudha” (kureva kuti “waJudha,” ndiko kuti, kukudzwa kana kuti kurumbidzwa), Pauro akawedzera kuti: “Kurumbidzwa kwaiyeyo kunobva, kwete kuvanhu, asi kuna Mwari.” (VaRoma 2:28, 29) Jehovha anorumbidza asingasaruri. Isu tinodaro here?

12. Zvakazarurwa 7:9 inopa tariro yei, uye kuna vanaani?

12 Gare gare, muchiratidzo, muapostora Johani akaona vaKristu vakazodzwa vakatendeka vachiratidzwa sorudzi rwaIsraeri rwevane 144 000, “vakaiswa chisimbiso vachibva mudzinza rose revanakomana vaIsraeri.” Pashure paivava, Johani akaona “boka guru revanhu . . . vanobva kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi, vamire pamberi pechigaro choumambo nepamberi peGwayana, vakapfeka nguo refu chena; uye mumaoko avo makanga mune mapazi emichindwe.” (Zvakazarurwa 7:4, 9) Saka, hapana boka redzinza kana mutauro risingabatanidzwi muungano yechiKristu yemazuva ano. Vanhu vanobva mumamiriro ose ezvinhu vane tarisiro yokupukunyuka “kutambudzika kukuru” kuri kuuya uye kunwa kubva pa“zvitubu zvemvura youpenyu” munyika itsva.—Zvakazarurwa 7:14-17.

Migumisiro Yakanaka

13-15. (a) Tingakunda sei kusiyana kwatakaita mumadzinza nomutsika? (b) Taura mienzaniso yokubatsira kunogona kuunzwa nokuratidza ushamwari.

13 Jehovha anonyatsotiziva, sezvinoita baba vakanaka vana vavo. Saizvozvowo, patinosvika pakunzwisisa vamwe nokufarira tsika yavo nemamiriro avo ezvinhu, kusiyana kwatakaita kunowanzova chinhu chisingakoshi. Miganhu yedzinza inodzima, uye ushamwari norudo zvinosimba. Kubatana kunosimudzirwa. (1 VaKorinde 9:19-23) Izvi zvinonyatsoratidzwa nemabasa emamishinari anoshumira mumigove yokunyika dzisiri dzavo. Anofarira vanhu vanogara ikoko, uye somugumisiro, mamishinari acho nokukurumidza anoona kuti anonyatsopindirana neungano dzeko.—VaFiripi 2:4.

14 Migumisiro yakanaka yokusasarura inonyatsooneka munyika dzakawanda. Aklilu, anobva kuEthiopia, akazviwana asina shamwari muguta guru reBritain, London. Kusurukirwa kwakawedzerwa nezvairatidzika kwaari sokushayiwa ushamwari kworuzhinji kuvanhu vanobva kune dzimwe nyika, chimwe chinhu chinocherechedzwa mumaguta makuru akawanda omuEurope yemazuva ano. Aklilu akaona musiyano mukuru paakapinda mumwe musangano wechiKristu paImba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha! Vaivapo vakamugamuchira, uye hazvina kumutorera nguva asati anzwa kusununguka. Akafambira mberi nokukurumidza mukuwedzera kunzwisisa kwake nokuonga Musiki. Nokukurumidza akatsvaka mikana yokuparadzirawo mashoko akanaka oUmambo kune vamwe vari muruwa irworwo. Zvechokwadi, rimwe zuva apo mumwe aiparidzira naAklilu akamubvunza vavariro dzaakanga ava nadzo muupenyu, Aklilu akakurumidza kupindura kuti aitarisira kuti rimwe zuva ave muungano yaitaura mutauro wake, chiAmharic. Apo vakuru veungano yeko yechiRungu vakaziva izvi, vakafara kuronga hurukuro yavose yeBhaibheri mumutauro waAklilu. Kukokwa kwakaitwa vanhu kuti vauye kuzonzwa hurukuro iyi kwakaita kuti vanhu vakawanda vokune dzimwe nyika nevemo vauye pamwe chete kuzotsigira musangano wavose wokutanga womutauro weAmharic muBritain. Nhasi, vanhu vokuEthiopia nevamwewo vari munharaunda iyoyo vakabatana muungano iri kubudirira. Vakawanda ikoko vakaona kuti hapana chinovatadzisa kutsigira Jehovha voratidza izvi norubhabhatidzo rwechiKristu.—Mabasa 8:26-36.

15 Unhu nokwatakabva zvinosiya-siyana. Hazviratidzi kukwirira kana kuderera kwevamwe; kunongova kusiyana chete. Pazvaiona kubhabhatidzwa kwevashumiri vaJehovha vakanga vachangobva kuzvitsaurira pachitsuwa cheMalta, mufaro mukuru weZvapupu zveko wakabudisa misodzi yomufaro yakayerera mumaziso evashanyi vaibva kuBritain. Mapoka acho ose okuMalta neokuBritain akaratidza manzwiro awo asi munzira dzakasiyana, uye kuda kwavo Jehovha zvakasimba kwakasimbisa zvisungo zvoukama hwechiKristu.—Pisarema 133:1; VaKorose 3:14.

Kukunda Kufungirana Zvakashata

16-18. Rondedzera zvakaitika zvinoratidza kukundwa kungaitwa kufungira vamwe zvakashata muungano yechiKristu.

16 Sezvo kuda kwedu Jehovha uye hama dzedu dzechiKristu kunokura, tinogona kunyatsotevedzera Jehovha munzira yatinoona nayo vamwe. Kufungira mamwe marudzi, madzinza, kana tsika zvakashata kwatingadaro takambonzwa kunogona kukundwa. Somuenzaniso, ngatitore nyaya yaAlbert uyo akashanda muUto reBritain muHondo Yenyika II uye akabatwa nemaJapan pakakundwa Singapore muna 1942. Akazopedza makore anenge matatu achishandira mu“njanji yorufu,” pedyo nerakazozivikanwa sezambuko reparwizi rweKwai. Paakasunungurwa hondo yapera, airema makirogiramu 32, akanga atyoka pfupa rokumatsenganzungu uye mutandamhino, uye airwara nemanyoka, aine makonye mudumbu, uye marariya. Zviuru zvevamwe vasungwa zvairwarisa kupfuura zvaaiita; vakawanda vakafa. Somugumisiro wenhamo dzakaonekwa uye dzakasangana naAlbert, akadzoka kumusha muna 1945 aine hasha kwazvo, asingadi kunzwa nezvaMwari kana chitendero.

17 Mudzimai waAlbert, Irene, akava mumwe weZvapupu zvaJehovha. Kuti amufadze, Albert akapinda misangano mishomanana yeungano yeZvapupu zvaJehovha yomunharaunda mavo. Mumwe muKristu wechiduku aiva muushumiri hwenguva yakazara ainzi Paul akashanyira Albert kuti adzidze naye Bhaibheri. Albert akakurumidza kuona kuti Jehovha anotarisa vanhu maererano nemamiriro akaita mwoyo wavo. Akatsaurira upenyu hwake kuna Jehovha ndokubhabhatidzwa.

18 Gare gare Paul akatamira kuLondon, akadzidza chiJapan, ndokusonganira neungano inotaura chiJapan. Paakataura pfungwa yokuenda kuungano yake yekare nezvimwe Zvapupu zvokuJapan zvakanga zvashanya, hama dzaikoko dzakayeuka kuti Albert akanga asingambofariri vanhu vechiJapan. Kubva paakadzoka kuBritain, Albert akanga asingadi kusangana nomunhu upi noupi aibva kuJapan, saka hama dzakanetseka kuti achabata sei nemamiriro ezvinhu aya. Vaidai vasina havo kunetseka—Albert akagamuchira vashanyi vacho norudo rwehama rwakakwana.—1 Petro 3:8, 9.

“Wedzerai”

19. Izano ripi romuapostora Pauro rinogona kutibatsira kana tiine zviratidzo zvipi nezvipi zvokusarura?

19 “Kutsaura vanhu hakuna kunaka,” akanyora kudaro Mambo Soromoni akanga akachenjera. (Zvirevo 28:21) Zviri nyore kunzwa tiri pedyo nevaya vatinoziva zviri nani. Zvisinei, dzimwe nguva tinenge tinofarira zvishoma vaya vatisinganyanyi kuziva. Kusarura kwakadaro hakuna kukodzera mushumiri waJehovha. Zvechokwadi, tose taizoita zvakanaka kutevedzera zano raPauro rakajeka roku‘wedzera”—chokwadi, ngatiwedzere kuda kwedu vamwe vaKristu vanobva mumamiriro ezvinhu akasiyana.—2 VaKorinde 6:13.

20. Muzvinhu zvipi zvoupenyu zvatinofanira kutevedzera Jehovha, Mwari wedu asingasaruri?

20 Tingava tiine ropafadzo yokudanwa kwokudenga kana kuti tariro yokurarama nokusingaperi pasi pano, kusasarura kwedu kunoita kuti tikwanise kunakidzwa nokubatana kweboka, tiri pasi poMufudzi mumwe. (VaEfeso 4:4, 5, 16) Kuedza kutevedzera Jehovha, Mwari wedu asingasaruri, kunogona kutibatsira muushumiri hwedu hwechiKristu, mumhuri dzedu, uye muungano, zvechokwadi, muzvinhu zvose zvoupenyu. Izvozvo zvinoitika sei? Nyaya inotevera ichakurukura musoro iwoyo.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Mukurumbira waJehovha nokufamba kwenguva wakava musoro wenziyo tsvene.—Pisarema 135:8-11; 136:11-20.

^ ndima 11 Pano, shoko rokuti “vaGiriki” rinoreva ruzhinji rweveMamwe Marudzi.—Insight on the Scriptures, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha, Vhoriyamu 1, peji 1004.

Ungapindura Sei?

Jehovha akaratidza sei kuti haasaruri kuna Rakabhi uye vaGibhiyoni?

Jesu akaratidza sei kusasarura mukudzidzisa kwake?

Chii chinogona kutibatsira kukunda kufungira dzimwe tsika uye madzinza zvakashata?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 13]

Kukunda Kenani kwevaIsraeri kunotanga

[Mufananidzo uri papeji 15]

Jesu haana kurega kupupurira kune mumwe mukadzi wechiSamariya

[Mufananidzo uri papeji 16]

Musangano wavose mumutauro weAmharic muBritain

[Mufananidzo uri papeji 16]

Kuda Jehovha kwaAlbert kwakamubatsira kukunda kufungira vamwe zvakashata