Tsvaka Zvakanaka Muvanhu Vose
Tsvaka Zvakanaka Muvanhu Vose
“Ndirangarirei henyu, Mwari wangu, mundiitire zvakanaka.”—NEHEMIA 13:31.
1. Jehovha anoitira vose zvakanaka sei?
KANA kwapera mazuva kwakakwidibira, kupenya kwezuva kunoita kuti zvinhu zvichinje zvinofadza. Vanhu vanonzwa zvakanaka uye vanofara. Saizvozvowo, pashure penguva refu zuva richipisa zvikuru uye kunze kwakaoma, kunaya kwemvura—kunyange kukwidibira kwemakore—kunonyevenutsa nokuzorodza. Musiki wedu ane rudo, Jehovha, akaita kuti pasi pave nemamiriro okunze aya anofadza kwazvo. Jesu akataura nezvokugovera zvizhinji kwaMwari paakadzidzisa kuti: “Rambai muchida vavengi venyu uye kunyengeterera vanokutambudzai; kuti muve vanakomana vaBaba venyu vari kumatenga, sezvo vachiita kuti zuva ravo ribudire vanhu vakaipa nevakanaka uye vachiita kuti kunaye pavanhu vakarurama nevasina kururama.” (Mateu 5:43-45) Hungu, Jehovha anoitira vose zvakanaka. Vashumiri vake vanofanira kuedza zvakasimba kumutevedzera nokutarira zvakanaka zviri mune vamwe.
2. (a) Chii chinoita kuti Jehovha aite zvakanaka? (b) Jehovha anocherechedzei maererano nezvatinoita nokunaka kwake?
2 Chii chinoita kuti Jehovha aite zvakanaka? Kubvira zvakapinda Adhamu muchivi, Jehovha haana kumbotadza kutsvaka zvakanaka muvanhu. (Pisarema 130:3, 4) Chinangwa chake ndechokudzorera vanhu vanoteerera kuupenyu muparadhiso. (VaEfeso 1:9, 10) Mutsa wake usina kufanirwa wakatipa tarisiro yokununurwa muchivi nokusakwana kuburikidza neMbeu yakapikirwa. (Genesi 3:15; VaRoma 5:12, 15) Kugamuchira urongwa hworudzikinuro kunovhura nzira yokuzoguma tadzoka pakukwana. Iye zvino Jehovha ari kucherechedza mumwe nomumwe wedu kuti aone, pakati pezvimwe zvinhu, zvatichaita nomutsa wake. (1 Johani 3:16) Anocherechedza chero chatinoita kuti tiratidze kuonga kwatinoita kunaka kwake. “Mwari haasi asina kururama kuti angabve akanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake,” akanyora kudaro muapostora Pauro.—VaHebheru 6:10.
3. Mubvunzo upi watinofanira kufunga nezvawo?
3 Saka zvino, tingatevedzera sei Jehovha mukutsvaka zvakanaka mune vamwe? Ngatifungei nezvemhinduro yomubvunzo uyu muzvinhu zvina zvoupenyu: (1) ushumiri hwechiKristu, (2) mhuri, (3) ungano, uye (4) ukama hwedu nevamwe.
Mukuparidza Nokuita Vadzidzi
4. Kuita ushumiri hwechiKristu kuratidzwa kwokutsvaka zvakanaka mune vamwe sei?
4 “Munda inyika,” Jesu akatsanangura kudaro achipindura mibvunzo yevadzidzi vake maererano nezvinoreva mufananidzo wegorosi nemasora. Sevadzidzi vaKristu vemazuva ano, tinoona chokwadi ichi patinenge tichiita ushumiri hwedu. (Mateu 13:36-38; 28:19, 20) Ushumiri hwedu hwomumunda hunosanganisira kuzivisa pachena kutenda kwedu. Chokwadi chokuti Zvapupu zvaJehovha zvinonyatsozivikanwa nokuda kwoushumiri hwazvo hwepaimba neimba uye mumigwagwa chinopupurira kushingaira kwedu kutsvaka vose vakafanirwa nemashoko oUmambo. Chokwadi, Jesu akarayira kuti: “Muguta rose kana musha wamunopinda, tsvakai mariri akafanira.”—Mateu 10:11; Mabasa 17:17; 20:20.
5, 6. Nei tichingoramba tichidzoka kunoshanyira vanhu mumisha yavo?
5 Patinoshanyira vanhu vasingatitarisiri, tinocherechedza manzwiro avanoita maererano neshoko redu. Dzimwe nguva tinoona kuti imwe nhengo yomumhuri inotiteerera, nepo imwe mumba iyoyo inoti “Hatifariri,” uye tinobva tabvapo. Tinonzwa urombo kwazvo kuti kushora kana kuti kusafarira kwomunhu mumwe kunokanganisa mumwe! Saka tinofanira kuitei kuti tirambe tichitsvaka zvakanaka mune vanhu vose?
6 Kushanya kwedu kwechipiri pamusha wacho patinoparidza munharaunda yacho kungapa mukana wokutaura zvakananga nomunhu akambotadzisa kushanya kwokutanga. Johani 6:44; 1 Timoti 2:4.
Kuziva zvakaitika panguva iyoyo kunogona kutibatsira kugadzirira. Mushori wacho angave akaita zvaakaita nevavariro yakanaka, achifunga kuti anofanira kurambidza anga achida kuteerera uyu kunzwa shoko roUmambo. Pamwe pfungwa dzake dzakakonzerwa nemashoko enhema maererano nevavariro dzedu. Asi izvozvo hazvititadzisi kuramba tichiparidzira mashoko akanaka oUmambo pamusha iwoyo, tichiedza nounyanzvi kururamisa kusanzwisisa. Tinofarira kubatsira vose kusvika pazivo yakarurama yaMwari. Pamwe Jehovha achabva akwevera munhu iyeye kwaari.—7. Chii chinogona kutibatsira kuva nepfungwa dzakanaka patinotaura nevanhu?
7 Mirayiridzo iyo Jesu akapa kuvadzidzi vake yakasanganisirawo kushorwa kwaizoitwa nevemhuri. Haana here kutaura kuti: “Ndakauya kuzoparira kupesana, mwanakomana nababa vake, uye mwanasikana naamai vake, uye muroora navamwene vake”? Jesu akawedzera kuti: “Vavengi vomunhu vachava vanhu veimba yake.” (Mateu 10:35, 36) Asi, mamiriro ezvinhu nemafungiro zvinochinja. Kungotanga kurwara, kufirwa nehama, njodzi, kunetseka mupfungwa, uye zvimwewo zvinhu zvisingaverengeki zvine chokuita nezvinoita vanhu patinoparidzira kwavari. Kana tisina tariro—kuti vanhu vatinoparidzira kwavari havazombotigamuchiri—tiri kutsvaka chaizvoizvo zvakanaka zviri mavari here? Tinodii kushanyirazve misha yavo nomufaro pane imwe nguva? Tingavaona vava kutigamuchira. Dzimwe nguva hazvisi zvatinotaura asi matauriro atinozviita angaita kuti munhu atange kufarira. Munyengetero womwoyo wose kuna Jehovha tisati tatanga kuparidzira uchatibatsira zvechokwadi kuva nepfungwa dzakanaka uye kuti titaure shoko roUmambo nenzira inofadza vose.—VaKorose 4:6; 1 VaTesaronika 5:17.
8. Chii chingaitika apo vaKristu vanotsvaka zvakanaka mune hama dzavo dzisingatendi?
8 Mune dzimwe ungano nhengo dzakawanda dzemhuri imwe dzinoshumira Jehovha. Kazhinji chakaita kuti vechiduku vayemure uye vave noruremekedzo kwaiva kutsungirira kwehama yavo yati kurei iyo ukama hwayo hwakanaka mumhuri uye muukama hwomuchato hwakaita kuti vechiduku ava vachinje mwoyo. Kuteerera zano romuapostora Petro kwakabatsira vadzimai vakawanda vechiKristu kubatsira varume vavo “pasina shoko.”—1 Petro 3:1, 2.
Mumhuri
9, 10. Jakobho naJosefa vakatsvaka sei zvakanaka mumhuri yavo?
9 Kuwirirana kunobatanidza nhengo dzemhuri pamwe chete kunopa pamwe patinogona kutsvaka zvakanaka mune vamwe. Funga chidzidzo chatinowana mumabatiro aiita Jakobho nevanakomana vake. Pana Genesi chitsauko 37, ndima 3 ne4, Bhaibheri rinoratidza kuti Jakobho ainyanya kuda Josefa. Vakoma vaJakobho vakanzwa shanje, kunyange kusvikira pakurangana kuponda munun’una wavo. Zvisinei, cherechedza mafungiro aJakobho naJosefa gare gare muupenyu hwavo. Vose vakatsvaka zvakanaka mumhuri yavo.
10 Josefa paaishanda somutariri wezvokudya munyika yeIjipiti yakanga yasakadzwa nenzara, akagamuchira vakoma vake. Kunyange asina kubva angotaura kuti aiva ani, akaronga zviitiko zvokuti ave nechokwadi chokuti Genesi 41:53–42:8; 45:23) Saizvozvowo, ava kuda kufa, Jakobho akaprofita zvikomborero pavanakomana vake vose. Kunyange zviito zvavo zvisina kururama zvakaguma nokutorerwa dzimwe ropafadzo, hapana asina kupiwa nhaka munyika. (Genesi 49:3-28) Jakobho akaratidza rudo rusingaperi nenzira inoshamisa ipapo!
vaitarisirwa zvakanaka uye vaiva nezvokudya zvokudzoka nazvo kuna baba vavo vakanga vakwegura. Chokwadi, pasinei nokumbovengwa kwaakaitwa navo, Josefa akaita zvakanga zvakavanakira zvikuru. (11, 12. (a) Muenzaniso upi wouprofita unosimbisa kudiwa kwokutsvaka zvakanaka mumhuri? (b) Chidzidzoi chatinowana kubva mumuenzaniso wababa vomumufananidzo waJesu womwanakomana akatsauka?
11 Mwoyo murefu waJehovha mukubata norudzi rwakanga rusina kutenda rwaIsraeri unowedzera kujekesa matsvakiro aanoita zvakanaka muvanhu vake. Achishandisa mamiriro ezvinhu omumhuri yaHosiya, Jehovha akaenzanisira rudo rwake rusingaperi. Gomeri, mudzimai waHosiya, akaita upombwe kakawanda. Pasinei neizvozvo, Jehovha akarayira Hosiya kuti: “Chiendazve, undoda mukadzi unodikanwa nomurume wake, [achiri] chifeve, sezvinoda Jehovha vana vaIsraeri, kunyange vachitsaukira kune vamwe vamwari, vachida mapundu amazambiringa.” (Hosea 3:1) Nei akamurayiridza kudaro? Jehovha aiziva kuti murudzi rwakanga rwatsauka panzira yake, vamwe vanhu vaizobatsirwa nokushivirira kwake. Hosiya akati: “Pashure vana vaIsraeri vachadzoka vachitsvaka Jehovha Mwari wavo naDhavhidhi mambo wavo; vachauya kuna Jehovha vachitya, nokuunyoro hwake namazuva okupedzisira.” (Hosea 3:5) Zvechokwadi uyu muenzaniso wakanaka kwazvo wokufungisisa kana tatarisana nezvinetso zvomumhuri. Kuramba kwako uchitsvaka zvakanaka mudzimwe nhengo dzemhuri kuchatomboratidza muenzaniso wakanaka kwazvo wokushivirira.
12 Mufananidzo waJesu womwanakomana akatsauka unopa imwezve nzwisiso yokuti tingatsvaka sei zvakanaka mumhuri yedu pachedu. Mwanakomana muduku uyu akadzoka kumba asiya upenyu hwake hwemadiro. Baba vacho vakamunzwira ngoni. Baba vacho vakaita sei nokunyunyuta kwomwanakomana mukuru uyo akanga asina kumbosiya mhuri yake? Ruka 15:11-32.
Vachitaura nomwanakomana wavo mukuru, baba vakati: “Mwana, wave uneni nguva dzose, uye zvinhu zvangu zvose ndezvako.” Uku kwakanga kusiri kumuramba zvinorwadza asi kungosimbiswa kworudo rwababa. “Tanga tichifanira kufara,” vakaenderera mberi vachidaro, “nokuti munun’una wako uyu akanga afa, ava mupenyu, uye akanga arasika, akawanwa.” Saizvozvo nesu tinogonawo kuramba tichitsvaka zvakanaka mune vamwe.—Muungano yechiKristu
13, 14. Ndeipi imwe nzira yokuita nayo zvinotaura mutemo woumambo worudo muungano yechiKristu?
13 SevaKristu, tinovavarira kuita zvinotaura mutemo woumambo worudo. (Jakobho 2:1-9) Chokwadi, tingagamuchira nhengo dzeungano yedu dzine mamiriro ezvinhu okunyama akasiyana needu. Asi tino“sarurana” nemhaka yedzinza, tsika, kana kuti kunyange chitendero chataimbopinda here? Kana zvakadaro, tingafungisisa sei zano raJakobho?
14 Kugamuchira vose vanouya kuzopinda misangano yechiKristu kunopa uchapupu hwokuti tinoda sei kugamuchira vaeni. Patinotanga isu kutaura nevatsva vanoshanyira Imba yoUmambo, kutya nokuzvisunga kwavangaita pakutanga kungabva kwapera. Chokwadi, vamwe vakapinda musangano wechiKristu kokutanga vanoti: “Munhu wose akanga akasununguka. Zvakaita sokuti munhu wose aitondiziva. Ndakanzwa ndakasununguka.”
15. Vechiduku vari muungano vangabatsirwa sei kufarira vakura?
15 Mune dzimwe ungano, vechiduku vashomanana vangaungana pamwe chete mukati kana kunze kweImba yoUmambo panopera musangano, vasingadi kusonganira nevakura. Chimwe chinhu chakanaka chingaitwa sei kukunda kamuitiro aka? Zvechokwadi, danho rokutanga nderokuti vabereki vadzidzise vana vavo kumba, vachivagadzirira nokuda kwemisangano. (Zvirevo 22:6) Vangapiwa basa rokuunganidza mabhuku akasiyana-siyana kuitira kuti vose vave nezvinodiwa zvokuenda nazvo kumisangano. Vabereki ndivowo vanonyatsokwanisa kukurudzira vana vavo kukurukura zvinhu zvishomanana nevakura uye ndonda paImba yoUmambo. Kuva nechimwe chinhu chine musoro chokutaura kune vakadaro kunogona kuita kuti vana vanzwe kugutsikana.
16, 17. Vechikuru vangatsvaka sei zvakanaka mune vechiduku vari muungano?
16 Hama nehanzvadzi dzechikuru dzinofanira kufarira vechiduku vari muungano. (VaFiripi 2:4) Vangatanga ivo kutaura nevechiduku nenzira inokurudzira. Kakawanda dzimwe pfungwa dzinokosha zvikuru dzinotaurwa mumisangano. Vechiduku vangabvunzwa kana vanakidzwa nomusangano uye kana panga paine pfungwa dzavanyanya kufarira uye dzinogona kushandiswa. Sevanhu vanokosha veungano, vechiduku vanofanira kuremekedzwa nokuda kwokuteerera kwavo uye kurumbidzwa nokuda kwemashoko api neapi avanotaura mumusangano wacho kana kuti nokuda kwezvipi nezvipi zvavanenge vaita papurogiramu. Nzira iyo vechiduku vanobata nayo nevechikuru muungano uye nzira yavanoita nayo mabasa ari nyore epamba icharatidza kuti vangangotarisira zvakanaka mitoro yakati kurei nokufamba kwenguva muupenyu.—Ruka 16:10.
17 Nokugamuchira mutoro, vamwe vechiduku vanofambira mberi kusvikira paya pokuti unhu hwavo hwomudzimu hunoita kuti vakwanise kugamuchira mitoro inoti remei. Kuva nechimwe chinhu chokuita kungabatsirawo kuvhara tsika dzoupenzi. (2 Timoti 2:22) Mabasa akadaro anga‘edza kukodzera’ kwehama dziri kusvasvavirira kushumira sevashumiri vanoshumira. (1 Timoti 3:10) Kuita kwavo chimwe chinhu pamisangano uye kushingaira kwavo muushumiri, uyewo kuva kwavo nehanya nevose vari muungano, kunobatsira vakuru kunzwisisa zvavanokwanisa pavanofunga kuvapa mimwe mitoro.
Kutsvaka Zvakanaka Muvanhu Vose
18. Ingozi dzipi pakutonga dzinofanira kungwarirwa, uye nei?
18 “Kutsaura vanhu pakutonga hazvina kunaka,” inodaro Zvirevo 24:23. Uchenjeri hwokudenga hunorayira kuti vakuru varege kusarura pakutonga nyaya muungano. Jakobho akati: “Uchenjeri hunobva kumusoro kutanga hwakachena, uyewo hune rugare, hunonzwisisa, hunoda kuteerera, huzere nengoni nezvibereko zvakanaka, hahusaruri, hahunyengeri.” (Jakobho 3:17) Sezviri pachena, pavanenge vachitsvaka zvakanaka mune vamwe, vakuru vanofanira kuva nechokwadi chokuti kutonga kwavo hakudzikatidzwi noukama hwavo nomunhu wacho kana kuti manzwiro avo. “Mwari unomira paungano” yake, akanyora kudaro munyori wepisarema Asafi. “Unotonga pakati pavamwari [kana kuti “vakaita savanamwari,” kureva vatongi vevanhu]. Muchatonga zvisina kururama kusvikira riniko, muchisanangura vanhu vakaipa?” (Pisarema 82:1, 2) Saizvozvowo, vakuru vechiKristu havatombodi kuratidza chizivano panenge pachitongwa nyaya dzinobatanidza shamwari kana woukama. Nenzira iyi vanodzivirira kubatana kweungano vobvumira mudzimu waJehovha kuyerera zvakanakanaka.—1 VaTesaronika 5:23.
19. Tingatsvaka zvakanaka mune vamwe munzirai?
19 Pakutsvaka zvakanaka muhama nehanzvadzi dzedu, tinoratidza mafungiro aPauro paakataura neungano yevaTesaronika. Akati: “Zvakare, tine chivimbo munaShe pamusoro penyu, kuti muri kuita uye mucharamba muchiita zvinhu zvatinorayira.” (2 VaTesaronika 3:4) Zvinova nyore kuti tivhare zvikanganiso zvevamwe patinotsvaka zvakanaka mavari. Tichatsvaka zvinhu zvatinogona kurumbidzira hama dzedu, tichidzivisa zvachose kungotsoropodza. “Zvinotsvakwa muvatariri ndezvokuti munhu awanike akatendeka,” akanyora kudaro Pauro. (1 VaKorinde 4:2) Kutendeka kwevaya vane utariri paungano nokwehama nehanzvadzi dzedu dzose dzechiKristu kunoita kuti tidzide. Nokudaro tinokweverwa pedyo navo, tichisimbisa ushamwari hwechiKristu. Tinova nemaonero akafanana neaPauro kuhama dzomuzuva rake. ‘Vashandi pamwe nesu nokuda kwoumambo hwaMwari’ uye ‘iyamuro inosimbisa’ kwatiri. (VaKorose 4:11) Nenzira iyi tinoratidza mafungiro aJehovha.
20. Zvikomboreroi zvichauya kune vaya vanotsvaka zvakanaka mune vanhu vose?
20 Zvechokwadi tinodzokorora munyengetero waNehemia unoti: “Ndirangarirei henyu, Mwari wangu, mundiitire zvakanaka.” (Nehemia 13:31) Tinofara sei kuti Jehovha anotsvaka zvakanaka muvanhu! (1 Madzimambo 14:13) Ngatiiteiwo zvimwezvo mukubata kwedu nevamwe. Kuita kudaro kunotipa tariro yokudzikinurwa uye youpenyu husingagumi munyika itsva yava pedyo kudai.—Pisarema 130:3-8.
Ungapindura Sei?
• Chii chinoita kuti Jehovha aite zvakanaka kune vose?
• Tingatsvaka sei zvakanaka mune vamwe
• muushumiri hwedu?
• mumhuri yedu?
• muungano yedu?
• muukama hwedu hwose?
[Mibvunzo Yechidzidzo]
[Mufananidzo uri papeji 18]
Pasinei nokumbovengwa kwaakanga aita nemadzikoma ake, Josefa akatsvaka zvakanaka zvavo
[Mufananidzo uri papeji 19]
Kushora hakutitadzisi kuedza kubatsira vanhu vose
[Mufananidzo uri papeji 20]
Pasinei nezvavakaita kare, hapana mumwe wevanakomana vaJakobho asina kupiwa zvikomborero zvake
[Mufananidzo uri papeji 21]
Gamuchira vose pamisangano yechiKristu