Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvatinogona Kudzidziswa Neshiri

Zvatinogona Kudzidziswa Neshiri

Zvatinogona Kudzidziswa Neshiri

“NYATSOCHERECHEDZAI shiri dzokudenga, nokuti hadzidyari mbeu kana kukohwa kana kuunganidzira mumatura; asi Baba venyu vokudenga vanodzipa zvokudya. Hamukoshi kupfuura zvadziri here?” (Mateu 6:26) Jesu Kristu akataura mashoko aya mumharidzo yakakurumbira yakakurukurirwa parutivi pegomo pedyo neGungwa reGarireya. Vateereri vake vakanga vasiri vateveri vake chete. Paiva neboka guru revanhu vaigona kuva vadzidzi vaibva kumativi ose enyika. Vakawanda vavo vaiva varombo vakanga vauya nevarwere kuti Jesu avarape.—Mateu 4:23–5:2; Ruka 6:17-20.

Arapa vose vairwara, Jesu akatendeukira kune zvinodiwa zvomudzimu zvinokosha zvikuru. Pakati pezvidzidzo zvaakadzidzisa paiva nechataurwa pamusoro apa.

Shiri dzokudenga dzave dziripo kwenguva refu. Dzimwe dzacho dzinorarama nezvipembenene, dzimwe nemichero nemhodzi. Kana Mwari akaita kuti zvinhu zvakawanda kudaro zvivepo nokuda kweshiri, chokwadi anokwanisa kubatsira vashumiri vake kuwana zvokudya zvavo zvezuva nezuva. Angaita izvi nokuvabatsira kuwana basa kuitira kuti vawane mari yezvokudya. Kana kuti angaita kuti vabudirire kurima zvokudya zvavo. Kana pari panguva yokukurumidzira, Mwari anogona kukurudzira vavakidzani neshamwari dzine mutsa kuti vagovane nevanoshayiwa chero zvokudya zvavanazvo.

Kune zvimwe zvakawanda zvatinogona kudzidza nokutarisisa upenyu hweshiri. Mwari akasika shiri dziine mano anoshamisa okuvaka matendere madzinogona kurera vana vadzo. Cherechedza marudzi maviri ematendere. Riri kuratidzwa kuruboshwe idendere reshiri yomuAfrica inonzi nyenganyenga. Rinovakirwa pamadziro edombo kana pamadziro emba. Denga rematendere akadaro idombo rakakombamira kunze kana kuti, sezviri kuratidzwa mumufananidzo, berere rechivako. Uriri hwedendere racho hunogadzirwa notudhaka twakaumbwa tunenge twakanamatidzwa turi muchimiro chekapu. Dzose rume nehadzi dzinoshanda nesimba kutsvaka tudhaka utwu uye dzingatora unopfuura mwedzi kuti dzipedze dendere radzo. Zvadaro mukati dzinozoisa uswa neminhenga. Dzose dzinobatsirana kudyisa manyana adzo. Riri kuoneka pazasi apa idendere rejesa hono. Shiri iyi yomuAfrica inobishaira inovaka dendere rayo ichishandisa uswa kana mashizha emimwe miti. Inogona kupedza dendere muzuva rimwe uye ingaruka anopfuura 30 mumwaka umwe chete!

Tinodzidzei? Kana Mwari achigovera shiri unyanzvi hwakadaro uye zvinhu zvakawanda zvokuvakisa matendere, zvechokwadi anogona kubatsira vanhu vake vanomushumira kuwana pokugara pavanoda. Zvisinei, Jesu akaratidza kuti pane chimwezve chinhu chinodiwa kana tichida kuti Jehovha Mwari atibatsire kuwana zvinhu zvokunyama zvatinoda. “Ipapo, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake, uye izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri,” akavimbisa kudaro Jesu. (Mateu 6:33) Unganetseka kuti, ‘Chii chinobatanidzwa mukutanga kutsvaka Umambo hwaMwari?’ Zvapupu zvaJehovha, zvinoparadzira magazini ino, zvichafara kupindura mubvunzo iwoyo.