Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chii Chakaitika Kwaari?

Chii Chakaitika Kwaari?

Chii Chakaitika Kwaari?

NOFI neNo mazita omuBhaibheri emaguta makuru eIjipiti aichimbova nembiri eMemfisi neThebes. Nofi (Memfisi) raiva makiromita 23 kumaodzanyemba kweCairo, iri kumabvazuva kweRwizi rweNairi. Zvisinei, nokufamba kwenguva, Memfisi haina kuzoramba iri guta guru reIjipiti. Zana remakore rechi15 B.C.E. parakazotanga, Ijipiti yakanga yava neguta guru idzva, No (Thebes), raiva makiromita 500 kumaodzanyemba kweMemfisi. Pazvicherwa zvakawanda zvematongo etemberi dzomuThebes pane zveKarnak, chivako chinoonekwa sechakakura kwazvo pazvose zvakambovakwa nembiru. Thebes netemberi yayo Karnak zvakanga zvakatsaurirwa kunamata Amoni, mwari mukuru wevaIjipiti.

Uprofita hweBhaibheri hwakafanotaurei nezveMemfisi uye Thebes? Mutongo wakaziviswa kuna Farao weIjipiti namwari wayo, zvikurukuru mwari wayo mukuru, “Amoni weNo.” (Jeremia 46:25, 26) Boka revanamati vaienda ikoko raizo‘paradzwa.’ (Ezekieri 30:14, 15) Uye ndozvakaitika. Matongo etemberi ndiwo chete angosara pakunamatwa kwaAmoni. Guta remazuva ano reLuxor riri kurutivi rwenzvimbo yeThebes yekare, uye mimwe misha miduku iripo pamatongo ayo.

Kana iri Memfisi, zvinhu zvishomanana zvangosara kunze kwemakuva ayo. Nyanzvi yeBhaibheri Louis Golding inoti: “Kwemazana emakore vakundi vechiArabhu veIjipiti vakashandisa matongo ainge akakura kwazvo eMemfisi senzvimbo yokuchera zvicherwa zvokuvakisa guta ravo guru [Cairo] rakatarisana norwizi. Jecha romuNairi rakagonesa kuti vavaki vechiArabhu vaite basa ravo nomazvo zvokuti guta racho rekare rakanga rakakura kwazvo zvokufukidza makiromita akawanda.” Chokwadi, sokufanotaura kwakaita Bhaibheri, Memfisi rakava “dongo . . . risina unogaramo.”—Jeremia 46:19.

Iyi ingori mienzaniso miviri pane yakawanda inoratidza kururama kwouprofita hweBhaibheri. Kuparara kweThebes uye Memfisi kunotipa chikonzero chakasimba chokuvimba nouprofita hweBhaibheri husati hwazadzika.—Pisarema 37:10, 11, 29; Ruka 23:43; Zvakazarurwa 21:3-5.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]

Mufananidzo wakatorwa nemvumo yeBritish Museum