Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kukudziridza Kwatingaita Rudo Rwechokwadi

Kukudziridza Kwatingaita Rudo Rwechokwadi

Kukudziridza Kwatingaita Rudo Rwechokwadi

“Rudo ndiwo mushonga woupenyu; rudo ndihwo upenyu.”—Living to Purpose, rakanyorwa naJoseph Johnson, 1871.

MUNHU angadzidza sei kuva norudo? Nokudzidza kushanda kwepfungwa here? Nokuverenga mabhuku okuzvibatsira here? Nokuona mabhaisikopu ezvorudo here? Kwete. Vanhu vanotanga kudzidza kuva norudo kuburikidza nomuenzaniso wevabereki vavo nokudzidziswa navo. Mumhuri ine ushamwari, vana vachadzidza zvinoreva rudo kana vakaona vabereki vavo vachivapa zvokudya uye vachivadzivirira, vachitaura navo, uye vachivafarira zvikuru. Vanodzidzawo kuva norudo apo vabereki vanovadzidzisa kuchengeta tsika dzakanaka dzezvakanaka nezvisina kunaka.

Rudo rwechokwadi runopfuura kungodawo zvako kana kuti manzwiro. Runoramba ruchiita maererano nezvakanakisisa zvinodiwa nevamwe, kunyange kana vasingazvikoshesi zvizere panguva yacho, zvinowanzoitwa nevana pavanopiwa chirango chine rudo. Muenzaniso wakakwana wouyo anoratidza rudo rusina udyire ndewoMusiki pachake. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Mwanakomana wangu, usazvidza chirango chinobva kuna Jehovha, uyewo usapera simba paunoruramiswa naye; nokuti Jehovha anoranga waanoda.”—VaHebheru 12:5, 6.

Vabereki, mungatevedzera sei Jehovha mukuratidza rudo mumhuri yenyu? Uye muenzaniso wamunoratidzana muukama hwenyu somurume nomudzimai unokosha sei?

Dzidzisa Rudo Nomuenzaniso

Kana uri murume, unokoshesa zvikuru mudzimai wako uchimubata norukudzo noruremekedzo here? Kana uri mudzimai, unoda murume wako uye unomutsigira here? Bhaibheri rinoti murume nomudzimai vanofanira kudanana nokuremekedzana. (VaEfeso 5:28; Tito 2:4) Pavanodaro, vana vavo vanozvionera pachavo rudo rwechiKristu ruchiratidzwa. Ichi chingava chidzidzo chakasimba uye chinokosha zvikuru!

Vabereki vanosimudzirawo rudo mumusha pavanoomerera patsika dzakakwirira dzemhuri maererano nezvinhu zvakaita sevaraidzo, tsika, uye zvinangwa nezvinoiswa munzvimbo yokutanga. Pasi pose, vanhu vaona kuti Bhaibheri rinobatsira zvikuru pakuronga zvinhu zvakadaro zvinodiwa mumhuri, zvichipa uchapupu chaihwo hwokuti chaizvoizvo Bhaibheri ‘rakafuridzirwa naMwari uye rinobatsira pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu, pakuranga nokururama.’ (2 Timoti 3:16) Chokwadi, mitemo yetsika nenhungamiro youpenyu zvinowanikwa muMharidzo yepaGomo chete zvinonzi nevakawanda hapana zvinozvikunda.—Mateu, zvitsauko 5 kusvika ku7.

Mhuri yose painotarira kuna Mwari kuti aitungamirire ndokuomerera pane zvaanoda, munhu mumwe nomumwe anonzwa akachengeteka zvikuru uye vana vangangowedzera kuda uye kuremekedza vabereki vavo. Kusiyana neizvi, mumusha mune mitemo miviri, isina kukodzera, kana kuti yakaipa, vana vangashushikana, vangatsamwa, uye vangapandukira.—VaRoma 2:21; VaKorose 3:21.

Zvakadini nevabereki vari voga? Vakaomerwa zvikuru nokudzidzisa vana vavo rudo here? Kwete hazvo. Kunyange pasina chinotsiva kushandira pamwe kwaamai nababa vakanaka, zvakaitika zvinoratidza kuti rudzi rwoukama hwemhuri rungabatsira pamwero wakati kuvhara kusavapo kwomumwe mubereki. Kana uri mubereki ari oga, edza kushandisa nhungamiro yeBhaibheri mumusha mako. Chokwadi, chimwe chirevo chinotiudza kuti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose”—kusanganisira gwara rokuva mubereki.—Zvirevo 3:5, 6; Jakobho 1:5.

Vechiduku vakawanda vakanaka vakarerwa mumhuri ine mubereki ari oga uye iye zvino vangaonekwa vachishumira Mwari nokutendeka muzviuru zveungano dzechiKristu dzeZvapupu zvaJehovha pasi pose. Uhwu uchapupu hwokuti vabereki vari voga vangabudirirawo mukudzidzisa vana vavo nezvorudo.

Kukudziridza Kuva Norudo Kungaitwa Navose

Bhaibheri rakafanotaura kuti “mazuva okupedzisira” aizoratidzwa nokushayikwa kwo“rudo kwazvo rwokuzvarwa narwo,” kureva kuti, kushayikwa kwoukama hwokuzvarwa nahwo uhwo nhengo dzemhuri dzinowanzoratidzana. (2 Timoti 3:1, 3) Asi, kunyange vaya vangava vakakurira mumhuri dzaiva dzisina rudo vangadzidza kurukudziridza. Sei? Nokudzidza pana Jehovha, uyo ari Tsime chairo rorudo uye anoratidza rudo nechidakadaka kune vose vanotendeukira kwaari nomwoyo wose. (1 Johani 4:7, 8) “Nokuti baba vangu naamai vangu vakandirasa, asi Jehovha uchandigamuchira,” akadaro mumwe munyori wepisarema.—Pisarema 27:10.

Jehovha anotiratidza rudo rwake munzira dzakawanda dzakasiyana-siyana. Idzi dzinosanganisira kutungamirira sababa achishandisa Bhaibheri, kubatsira kwomudzimu mutsvene, uye kutsigira kwoushamwari kunoitwa nehama dzechiKristu. (Pisarema 119:97-105; Ruka 11:13; VaHebheru 10:24, 25) Funga kuti zvitatu izvi zvingakubatsira sei kuwedzera kuda Mwari nomuvakidzani.

Nhungamiro Yakafuridzirwa Yakaita seyaBaba

Kuti tikudziridze ushamwari hwakanaka nomumwe munhu, tinofanira kusvika pakunyatsoziva munhu iyeye. Nokuzvizivisa nomumapeji eBhaibheri, Jehovha anotikoka kuti tiswedere pedyo naye. Zvisinei, kuverenga Bhaibheri hakuna kukwana. Tinofanira kushandisa dzidziso dzaro ndokuwana kubatsirwa kwatinoguma taita. (Pisarema 19:7-10) “Ndini Jehovha Mwari wako, unokudzidzisa zvinokubatsira, unokutungamirira panzira yaunofanira kufamba nayo,” inodaro Isaya 48:17. Chokwadi, Jehovha, muenzaniso chaiwo wakakwana worudo, anotidzidzisa zvinotibatsira—kwete nokuti anoda kudzora rusununguko rwedu nemitemo uye mirayiro isingadiwi.

Zivo yakarurama yeBhaibheri inotibatsirawo kuwedzera kuda vamwe vanhu. Izvi imhaka yokuti chokwadi cheBhaibheri chinotidzidzisa maonero anoita Mwari vanhu uye chinotiratidza nhungamiro inofanira kudzora mabatiro atinoita nomumwe nomumwe. Nemashoko iwayo, tine hwaro hwakasimba hwokukudziridza kuda muvakidzani. Muapostora Pauro akati: “Izvi ndizvo zvandinoramba ndichinyengeterera, kuti rudo rwenyu rurambe ruchiwanda nezivo yakarurama uye nenzwisiso yakazara.”—VaFiripi 1:9.

Kuenzanisira kuti rudo rungatungamirirwa sei zvakarurama ne“zivo yakarurama,” funga chokwadi chinokosha chakanyorwa pana Mabasa 10:34, 35 kuti: “Mwari haasaruri, asi murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.” Kana Mwari achitonga vanhu kuburikidza nemabasa avo akarurama uye nokumutya kwavanoita, kwete norudzi rwavo kana dzinza, hatifaniri kuona vamwe vanhu nokusasarura kwakadaro here?—Mabasa 17:26, 27; 1 Johani 4:7-11, 20, 21.

Rudo—Chibereko Chomudzimu waMwari

Sezvo kunaya kwemvura panguva yakafanira mubindu remichero kuchibatsira kuva negoho rakanaka, mudzimu waMwari unogona kubereka muvanhu vanogamuchira unhu uhwo Bhaibheri rinorondedzera se“zvibereko zvomudzimu.” (VaGaratiya 5:22, 23) Chikuru pazvibereko izvi rudo. (1 VaKorinde 13:13) Asi tinowana sei mudzimu waMwari? Nzira inokosha ndeyomunyengetero. Kana tikanyengeterera mudzimu waMwari, achatipa. (Ruka 11:9-13) ‘Unoramba’ uchinyengeterera mudzimu mutsvene here? Kana uchidaro, ipapo zvibereko zvawo zvinokosha, kusanganisira rudo, zvinofanira kunyanya kuratidzwa muupenyu hwako.

Zvisinei, pane rumwe rudzi rwomudzimu runoshanda zvinopesana nomudzimu waMwari. Bhaibheri rinoudana kuti “mudzimu wenyika.” (1 VaKorinde 2:12; VaEfeso 2:2) Isimba rakaipa, uye hapana kumwe kwaunobva kunze kwokuna Satani Dhiyabhorosi, “mutongi wenyika ino” yevanhu vakaparadzaniswa naMwari. (Johani 12:31) Semhepo inopupurutsa guruva nemarara, “mudzimu wenyika” unokurudzira zvido zvinokuvadza izvo zvinoparadza rudo ndokugutsa kusava nesimba kwenyama.—VaGaratiya 5:19-21.

Vanhu vanopinza mudzimu wakaipa iwoyo pavanotanga kuda zvinhu zvenyika, kuva nepfungwa dzoudyire, kungoda kuita zvechisimba, uye maonero akamonyaniswa uye asina kunaka orudo ayo akazara kwazvo munyika. Kana uchida kuwedzera rudo rwechokwadi, unofanira kuramba mudzimu wenyika zvakasimba. (Jakobho 4:7) Zvisinei, usavimba nesimba rako pachako; kumbira Jehovha kuti akubatsire. Mudzimu wake—simba guru kupinda ose pasi nokudenga pane zvose zvakasikwa—ungakusimbisa ndokuita kuti ubudirire.—Pisarema 121:2.

Dzidza Kuva Norudo Kubva Kuhama dzechiKristu

Sezvo vana vachidzidza kuratidza rudo nokuruona mumusha, tose zvedu—vaduku nevakuru—tinogona kuwedzera rudo nokushamwaridzana nevamwe vaKristu. (Johani 13:34, 35) Chokwadi, kumwe kwokushanda kunokosha kweungano yechiKristu ndekwokugovera mhoteredzo umo vanhu vanga“kurudzirana kuva norudo nokuita mabasa akanaka.”—VaHebheru 10:24, Bhaibheri Dzvene Testamende Itsva.

Rudo rwakadaro runokosheswa zvikuru nevaya vangave ‘vaibatwa zvisina kufanira uye vakapararira’ munyika isina rudo yakatipoteredza. (Mateu 9:36) Zviitiko zvaratidza kuti ukama hune rudo muvanhu vakuru hungakurira migumisiro yakaipa youduku yakawanda yokusadiwa. Naizvozvo, zvinokosha zvikuru kuti vaKristu vose vakazvitsaurira vagamuchire nomwoyo wose vatsva vanouya pakati pavo!

“Rudo Harumboperi”

Bhaibheri rinoti “rudo harumboperi.” (1 VaKorinde 13:8) Izvozvo zvinoitika sei? Muapostora Pauro anotiudza kuti: “Rudo rune mwoyo murefu rune mutsa. Rudo haruna godo, haruzvikudzi, haruzvitutumadzi, haruzvibati zvisina kufanira, haruzvitsvakiri zvarwo, harutsamwi. Haruchengeti mafi.” (1 VaKorinde 13:4, 5) Zvakajeka kuti rudo urwu harusi rwokufungidzira kana rudowo zvarwo. Asi, vaya vanoruratidza vanoziva kuti pane zvinhu zvinoodza mwoyo uye zvinorwadza muupenyu, asi havabvumiri kuti izvi zviparadze kuda kwavanoita vamwe vanhu. Chokwadi rudo rwakadaro “chisungo chakakwana chokubatana.”—VaKorose 3:12-14.

Funga muenzaniso womumwe musikana wechiKristu ane makore 17 muKorea. Paakatanga kushumira Jehovha Mwari, mhuri yake yakamushora uye aifanira kubva pamba. Zvisinei, pane kutsamwa, akanyengetera pamusoro penhau yacho, achibvumira Shoko raMwari nomudzimu wake kuti zviumbe mafungiro ake. Pashure pacho, akanyorera mhuri yake kakawanda, achizadza tsamba dzake nemashoko orudo rwechokwadi rwaainzwa nokuda kwavo. Mukupindura, hanzvadzi dzake huru mbiri dzakatanga kudzidza Bhaibheri uye iye zvino dzava vaKristu vakazvitsaurira. Amai vake nehanzvadzi yake duku vakagamuchirawo chokwadi cheBhaibheri. Pakupedzisira, baba vake, vakanga vachishora zvakakasharara, vakachinja mwoyo wavo. Chapupu chechisikana ichi chinonyora kuti: “Tose takaroora nokuroorwa nevaKristu, uye iye zvino mumhuri medu mava nevanamati vakabatana vanosvika 23.” Rudo rwakakunda zvikuru!

Unoda kukudziridza rudo rwechokwadi ndokubatsira vamwe kuita kudaro here? Kana zvakadaro nyengetera kuna Jehovha, Kunobva unhu ihwohwo hunokosha. Chokwadi, fungisisa Shoko rake, nyengeterera mudzimu mutsvene, uye songanirana nehama dzechiKristu nguva dzose. (Isaya 11:9; Mateu 5:5) Zvinokurudzira zvikuru kuziva kuti nokukurumidza vakaipa vose vachange vasisipo, kuchingosara vaya vanoratidza rudo rwechokwadi rwechiKristu! Chokwadi, rudo ndirwo kiyi yomufaro noupenyu.—Pisarema 37:10, 11; 1 Johani 3:14.

[Mifananidzo iri papeji 6]

Munyengetero uye kudzidza Shoko raMwari zvichatibatsira kukudziridza rudo rwechokwadi