Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kushumira Vamwe Kunoderedza Kutambura

Kushumira Vamwe Kunoderedza Kutambura

Nyaya Youpenyu

Kushumira Vamwe Kunoderedza Kutambura

YAKATAURWA NAJULIÁN ARIAS

Muna 1988, pandaiva nemakore 40, basa rangu raiita serakanga rine nguva yemberi yakachengeteka. Ndaiva mukuru mukuru wekambani yaiwanika munyika dzakawanda. Basa rangu rakaita kuti ndive nemotokari youmbozha, nditambire mari yakawanda, uye ndishandire muhofisi youmbozha pakati chaipo peMadrid, kuSpain. Kambani yacho yakatomboratidza kuti yaizondiita mukuru mukuru wayo muSpain yose. Handina kuziva kuti upenyu hwangu hwakanga hwoda kuchinja zvikuru.

RIMWE zuva gore iroro, chiremba wangu akandiudza kuti ndakanga ndava nemultiple sclerosis, chirwere chisingarapiki. Ndakavhiringika. Pandakazoverenga zvinogona kuita multiple sclerosis pamunhu, ndakatya. * Zvaiita sokuti ndaifanira kurarama ndichitya njodzi yakanga youya mberi kwangu kwoupenyu hwangu hwose. Ndaizotarisira sei mudzimai wangu, Milagros, nemwanakomana wedu aiva nemakore matatu, Ismael? Taizorarama sei nemamiriro ezvinhu aya? Ndichiri kutsvaka mhinduro dzemibvunzo iyi, zvimwe zvisingafadzi zvakaitikazve kwandiri.

Pashure pemwedzi chiremba wangu andiudza nezvechirwere changu, mukuru wokubasa kwangu akandidana muhofisi yake ndokundiudza kuti kambani yacho yaida vanhu “vanotaridzika zvakanaka.” Uye munhu ane chirwere chinoparadza—kunyange chichiri kutanga—akanga asingapi chimiro chakadaro. Naizvozvo mukuru wangu webasa akabva andibudisa basa ipapo. Nenguva isipi, basa rangu rakanga rapera!

Kumhuri yangu, ndaiedza kuita somurume, asi ndaida kuva ndoga, kuti ndifunge nezvemamiriro angu ezvinhu matsva, uye kufungisisa remangwana rangu. Ndakaedza kurwisa manzwiro airamba achikura okuora mwoyo. Chakanyanya kundirwadza ndechokuti nenguva isipi ndakanga ndangova munhu wenhando pakuona kwekambani yangu.

Kuwana Simba Pakusava Nesimba

Ndinoonga kuti ndiri murima rakadai, ndaikwanisa kuvimba nezvinhu zvakawanda zvinopa simba. Makore 20 akanga apfuura, ndakanga ndava mumwe weZvapupu zvaJehovha. Saka ndakanyengetera nomwoyo wose kuna Jehovha maererano nemamiriro angu ezvinhu uye kusava nechokwadi kwandaiva nako neremangwana. Mudzimai wangu, uyo wandinonamata naye, aiva mbiru pakunditsigira, uye ndaitsigirwa nedzimwe shamwari dzepedyo dzaiva nomutsa netsitsi zvokuti izvi zvakaoneka kuti zvaikosha.—Zvirevo 17:17.

Kunzwa ndiine mutoro kune vamwe kwakabatsirawo. Ndaida kunyatsorera mwana wangu, kumudzidzisa, kutamba naye, uye kumudzidzisa basa rokuparidza. Saka ndaisagona kukundwa nokuora mwoyo. Uyezve, ndaiva mukuru mune imwe ungano yeZvapupu zvaJehovha, uye hama nehanzvadzi dzangu dzechiKristu dzaida kubatsirwa neni. Dai ndaizobvumira chirwere changu kuparadza kutenda kwangu, ndaizova muenzaniso worudzii kuvamwe?

Nenzira isingarambiki upenyu hwangu hwakachinja kunyama uye mune zvemari—dzimwe nguva huchiwedzera kuipa asi dzimwe nguva huchiva nani. Ndakambonzwa mumwe chiremba achiti: “Chirwere hachiparadzi munhu; asi chinomuchinja.” Uye ndakadzidza kuti hakusi kuchinja kwose kwakaipa.

Kutanga, ‘munzwa waiva munyama’ yangu wakandibatsira kunzwisisa zviri nani zvinetso zvoutano zvevamwe vanhu uye kuvanzwira tsitsi. (2 VaKorinde 12:7) Ndakanzwisisa kudarika kare mashoko aZvirevo 3:5 anoti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako.” Kupfuura zvose, mamiriro angu matsva ezvinhu akandidzidzisa kuziva chinokosha chaizvo muupenyu uye chinopa kugutsikana kwechokwadi nechinoita kuti unzwe uri munhuwo. Pakanga pachine zvakawanda kwazvo zvandaikwanisa kuita musangano raJehovha. Ndakawana zvinonyatsorehwa nemashoko aJesu okuti: “Pane mufaro mukuru pakupa kupfuura uri pakugamuchira.”—Mabasa 20:35.

Upenyu Hutsva

Nguva pfupi pashure pokubatwa kwechirwere changu, ndakakokwa kupinda kosi muMadrid uko vazvipiri vechiKristu vakadzidziswa kutanga kushandira pamwe nevarapi nevarwere vanenge vari Zvapupu. Pava paya, vazvipiri ivavo vakarongwa kuiswa muMatare Okubata neZvipatara. Kwandiri, kosi yacho yakasvika panguva yakakodzera chaiyo. Ndakawana basa idzva, raizoita kuti ndigutsikane kwazvo kudarika chero rimwe basa ripi zvaro.

Mukosi yacho takadzidza kuti Matare Okubata neZvipatara akanga achangobva kuumbwa, aizoshanyira zvipatara, achibvunzurudza vanachiremba, uye kuudza vashandi vomuzvipatara mamwe marapiro, zvose izvi zvichiitirwa chinangwa chokutanga kushandira pamwe uye kudzivisa kunetsana. Matare acho anobatsira zvimwe Zvapupu kutsvaka vanachiremba vanoda kushandisa nzira dzokurapa pasina kushandisa ropa. Chokwadi, sezvo ndaiva ndisina kudzidzira zvokurapa, ndaiva nezvakawanda zvokudzidza maererano nemashoko okurapa, mitemo yokurapa, uye mashandiro echipatara. Kunyange zvakadaro, pashure pekosi iyoyo ndakaenda kumba ndava mumwe munhu, akashongedzwa nerimwe basa raindinzwisa manyukunyuku.

Kushanyira Zvipatara—Chinhu Chinogutsa

Kunyange zvazvo chirwere changu chakanga chichindiremadza zvishoma nezvishoma uye zvisina tsitsi, mitoro yangu senhengo yeDare Rokubata neZvipatara yaiwedzera. Ndakanga ndapiwa mudyandigere pamusana pokurwara, saka ndaiva nenguva yokushanyira zvipatara. Pasinei nokuodzwa mwoyo nguva nenguva, kushanya uku kwakava nyore uye kuchigutsa kudarika zvandaitarisira. Kunyange zvazvo iye zvino ndava kufamba newiri cheya, ichi hachisi chipinganidzo chikuru. Mumwe ari munhengo yedare racho anogara achifamba neni. Uyezve, vanachiremba vakajaira kutaura nevanhu vanenge vari pamawiri cheya, uye dzimwe nguva zvinoita sevanoteerera noruremekedzo rukuru pavanocherechedza kutamburira kwandinoita kuti ndivashanyire.

Mumakore gumi adarika, ndashanyira vanachiremba vanosvika mazana. Vamwe vacho vaida kutibatsira kubvira pakutanga chaipo. Dr. Juan Duarte—chiremba wokuvhiya mwoyo muMadrid uyo anogutsikana nokuremekedza hana yomurwere—akabvuma kushanda nesu nenguva isipi. Kubvira ipapo, akavhiya vanhu vanodarika 200 asingashandisi ropa paZvapupu zvairwara zvaibva kumativi akawanda eSpain. Mumakore ose aya vanachiremba vakawanda kwazvo vakatanga kuvhiya vasingashandisi ropa. Kushanya kwedu nguva yose kune zvakunoitawo, asi kubudirira kwacho kwakakonzerwawo nokufambira mberi mune zvokurapa uye migumisiro yakaisvonaka yakavapo nokuvhiya pasingashandiswi ropa. Uye tinobvuma kuti Jehovha akakomborera zvatakaita.

Ndakanyanya kukurudzirwa nezvakaitwa nevamwe vanachiremba vanovhiya mwoyo avo vanoita basa rokurapa vana. Kwemakore maviri takashanyira vavhiyi vaviri nevatindivadzi vavo. Takavapa mabhuku ezvokurapa aitsanangura zviri kuitwa nevamwe vanachiremba mubasa iri. Zvatakaedza kuita zvakawana mubayiro muna 1999 paMusangano Wezvokurapa Wokuvhiya Mwoyo Vana Vaduku. Vavhiyi vacho vaviri—vachivhiya nomazvo nokubatsira kwachiremba wokuvhiya aibva kuEngland—vakavhiya mumwe mwana weChapupu uyo akanga achida kugadziriswa tsinga huru inofamba neropa rinobva kumwoyo. * Ndakafara nevabereki vake apo mumwe muvhiyi akabuda muimba yokuvhiyira kuzotaura kuti kuvhiya kwacho kwakanga kwabudirira uye hana dzemhuri yacho dzakanga dzaremekedzwa. Pari zvino vanachiremba vaviri ava vanogara vachirapa varwere vanenge vari Zvapupu vanobva muSpain yose zvayo.

Chandinonyanya kuona chichigutsa kwazvo nezvomuitiro wakadaro kuziva kuti ndinogona kubatsira hama dzangu dzechiKristu. Kakawanda kacho, pavanotaura neDare Rokubata Nezvipatara, pane chinhu chinenge chanyanya kuvaomera kwazvo muupenyu hwavo. Vanenge vanzi vavhiyiwe, uye vanachiremba vechipatara chekwavanogara vanenge vasingadi kana kuti vasingakwanisi kuvarapa pasina ropa. Zvisinei, hama padzinoziva kuti kune vamwe vanachiremba vokuvhiya nenzira dzose dzakasiyana-siyana muno muMadrid, dzinozorodzwa kwazvo. Ndakaona uso hwehama huchichinja kubva pakusuwa kuenda pakufaranuka nokungovapo kwedu parutivi payo muchipatara.

Zvematare Edzimhosva Nemitemo Yokurapa

Mumakore achangopfuura, nhengo dzeMatare Okubata neZvipatara dzakashanyirawo vatongi. Mukushanya uku, tinovapa bhuku rinonzi Family Care and Medical Management for Jehovah’s Witnesses, rakanyatsogadzirirwa kuzivisa vakuru vakuru ivavo maonero atinoita kushandiswa kweropa uye mamwe marapiro asingadi kushandisa ropa aripo. Taifanira kushanya chaizvo sezvo pane imwe nguva zvainge zvakajairika muSpain kuti vatongi vabvumire vanachiremba kuisira ropa mukupesana nezvido zvomurwere.

Zvivako zvematare inzvimbo dzinoorora, uye pandakatanga kudzishanyira, ndainzwa ndiri munhu akaderera ndichifamba mukati mazvo ndiri pawiri cheya. Kuti nditonyanya kusanzwa zvakanaka, takaita katsaona kaduku, uye ndakadonha pawiri cheya ndichinorovera nemabvi angu. Vatongi vashomanana nemagweta vakaona nhamo yangu vakauya kuzondibatsira nomutsa, asi ndakanzwa kunyara pamberi pavo.

Kunyange zvazvo vatongi vainge vasati vaziva zvikonzero zvokushanya kwedu, vakawanda vaitibata nomutsa. Mutongi wandakatanga kushanyira akanga atogara achifunga nezvedu, uye akataura kuti aizoda kutaura nesu kwenguva yakareba. Patakazoshanyazve, iye pachake akafambisa wiri cheya yangu kuenda neni muhofisi yake ndokunyatsoteerera nemwoyo wose. Mugumo wakanaka wokushanya kwokutanga wakakurudzira vamwe vangu neni kuti tikurire kutya kwedu, uye nenguva isipi takaona mimwe migumisiro yakanaka.

Mugore rimwe chete iroro, takasiyira mumwe mutongi kopi yaFamily Care, akanga atitambira nomutsa uye ativimbisa kuti aizoverenga mashoko acho. Ndakamupa nhamba dzangu dzenhare kuitira kuti akwanise kutaura nesu muzviitiko zvokukurumidzira. Mavhiki maviri gare gare akaridza runhare achitaura kuti mumwe muvhiyi womunharaunda iyoyo akanga amukumbira kuti amubvumire kuisira ropa chimwe Chapupu chaida kuvhiyiwa. Mutongi wacho akatiudza kuti aida kuti timubatsire kuwana nzira yaizoremekedza chido cheChapupu chacho chokusada kuisirwa ropa. Hazvina kunyanya kutiomera kuwana chimwe chipatara, uko vanachiremba veko vakabudirira kuvhiya vasingashandisi ropa. Mutongi wacho akafara paakanzwa zvakanga zvaitika, uye akativimbisa kuti aizoita zvimwezvo mune remangwana.

Pandaishanyira zvipatara, ndaiwanzobvunza mitemo yokurapa, sezvo taida kuti vanachiremba vafungewo nezvekodzero uye hana zvomurwere. Chimwe chipatara chinoshandira pamwe nesu muMadrid chakandikoka kuti tizopindawo kosi yaidzidzisa zvemitemo yokurapa. Kosi yacho yakandigonesa kutaura kunyanzvi dzakawanda maonero edu anobva muBhaibheri maererano nenyaya iyi. Yakandibatsirawo kunzwisisa zvisarudzo zvakawanda zvakaoma zvinofanira kuitwa navanachiremba.

Mumwe wevadzidzisi vekosi yacho, Purofesa Diego Gracia, anogaroronga kosi yakakwirira yemitemo yokurapa nokuda kwavanachiremba vokuSpain uye ava mutsigiri akasimba wekodzero dzedu pakusada kuisirwa ropa. * Kugara tichikurukura naye kwakaita kuti vamwe vamiririri vehofisi yebazi reSpain reZvapupu zvaJehovha vakokwe kuzotsanangura zvatiri kuvadzidzi vakapedza kudzidza vaPurofesa Gracia, vamwe vavo vanoonekwa savanachiremba vanokwanisa chaizvo munyika iyi.

Kuona Zvinhu Sezvazviri

Zvechokwadi, basa iri rinogutsa nokuda kwehama dzangu harina kugadzirisa zvinetso zvangu zvose. Chirwere changu chinongoramba chichiwedzera. Zvisinei, zvakanaka ndezvokuti pfungwa dzangu dzichakachangamuka. Ndinotenda mudzimai wangu nomwanakomana wangu, vasingambonyunyuti, zvokuti ndichiri kuita mitoro yangu. Dai vanga vasingabatsiri nokunditsigira, izvi zvaisakwanisika. Handigoni kunyange kupina mabhatani ebhurukwa rangu kana kupfeka bhachi. Ndinonyanya kufarira kuparidza Mugovera woga woga nemwanakomana wangu, Ismael, uyo anondifambisa pawiri cheya kuti nditaure navanasaimba vakasiyana-siyana. Uye ndichiri kutarisira mabasa angu somukuru muungano.

Ndakasangana nenguva dzinorwadza mumakore anoda kuva 12 adarika. Dzimwe nguva, kuona kuti chirwere changu chinovhiringidza sei mhuri yangu zvinondirwadza kwazvo kupfuura icho chirwere chacho chaicho. Ndinoziva kuti vari kutambura, kunyange vasingazvitauri. Isiri nguva refu, mugore rimwe chete, amai vomudzimai wangu nababa vangu vakafa. Mugore rimwe chete iroro, ndakawana ndisingachagoni kufamba ndisiri muwiri cheya. Baba vangu, avo vaigara mumusha wedu, vakafa nechimwe chirwere chinoparadza. Milagros, uyo aivatarisira, akanzwa sokunge akanga achipupurira zvichazoitika kwandiri nguva ichauya.

Kunyange zvakadaro, zvakanakawo ndezvokuti mhuri yedu yakabatana sezvatinotarisana nezvinhu zvakaoma pamwe chete. Ndakabva pachigaro chomukuru wekambani kuzogara pawiri cheya, asi upenyu hwangu huri nani chaizvo zvino nokuti hwakatsaurirwa zvizere kushumira vamwe. Kupa kunogona kuderedza marwadzo, uye Jehovha anozadzisa chipikirwa chake chokutisimbisa munguva dzakaoma. Kufanana naPauro, chokwadi ndinogona kuti: “Ndine simba rokuita zvinhu zvose nemhaka youyo anondipa simba.”—VaFiripi 4:13.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Multiple sclerosis chirwere chinoparadza tutsinga tunotumira mashoko kuuropi. Chinowanzokanganisa zvishoma nezvishoma kumira, kushandisa maoko nemakumbo, uye dzimwe nguva kuona, uye kutaura kana kunzwisisa zvikanganisike mashandiro azvo.

^ ndima 19 Kuvhiya uku kunozivikanwa sokuvhiya kwaRoss.

^ ndima 27 Ona Nharireyomurindi, yaFebruary 15, 1997, mapeji 19-20.

[Bhokisi riri papeji 24]

Maonero Omudzimai

Kumudzimai, kugara nomurume anorwara nemultiple sclerosis kwakaoma—mupfungwa, mumanzwiro, uye mumuviri. Ndinofanira kunzwisisa pane zvandinoronga kuita nezvandinoda kuti ndisanyanya kufunganya zvisina kukodzera nezveremangwana. (Mateu 6:34) Asi, kurarama nokutambura kunogona kuita kuti munhu ave nounhu hwakanaka kwazvo. Muchato wedu wakasimba kudarika kare, uye ukama hwangu naJehovha hwawedzera kuva pedyo. Nyaya dzoupenyu dzevamwe vari mumamiriro ezvinhu anoshungurudza pfungwa zvakafanana dzinondisimbisawo kwazvo. Ndinonzwawo kugutsikana kunonzwa Julián somugumisiro webasa rake rinokosha raanoitira hama, uye ndakawana kuti Jehovha haambotisiyi, kunyange zuva rimwe nerimwe ringaunza chinetso chitsva.

[Bhokisi riri papeji 24]

Maonero Emwanakomana

Ndinowana muenzaniso wakanaka zvikuru mukutsungirira uye kuva netariro kwababa vangu, uye ndinonzwa kuti ndiri kuita basa rinokosha pandinovafambisa pawiri cheya. Ndinoziva kuti handikwanisi nguva dzose kuita zvandinoda kuita. Iye zvino ndiri kuyaruka, asi kana ndakura, ndinoda kushanda senhengo yeDare Rinobata Nezvipatara. Ndinoziva kubva muzvipikirwa zveBhaibheri kuti kutambura ndekwenguva duku uye kuti hama nehanzvadzi dzakawanda dzinotambura kwazvo kudarika isu.

[Mufananidzo uri papeji 22]

Mudzimai wangu anondisimbisa

[Mufananidzo uri papeji 23]

Ndichitaura nachiremba anovhiya mwoyo Dr. Juan Duarte

[Mufananidzo uri papeji 25]

Ini nomwanakomana wangu tinonakidzwa kushanda pamwe chete muushumiri