Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
Pana VaHebheru 2:14, nei Satani achinzi “uyo ane simba rokuparira rufu”?
Muchidimbu, Pauro aireva kuti Satani, pachake kana kuti achishandisa vamiririri vake, anogona kukonzera rufu rwevanhu. Mukuwirirana naizvozvo, Jesu akati Satani “akanga ari muurayi paakatanga.”—Johani 8:44.
Kusanzwisisa VaHebheru 2:14 kungavapo pamusana pokushandura kunoita dzimwe shanduro ndima iyi, dzichiti Satani ane “simba rorufu” kana kuti ane “simba pamusoro porufu.” (King James Version; Revised Standard; New International Version; Jerusalem Bible) Shanduro dzakadaro dzingaita kuti zviite sokuti Satani anokwanisa pasina anomudzora kuuraya chero waanoda. Zvisinei, zviri pachena kuti handizvo zvazviri. Kudai zvaiva zvakadaro, angangodai akatsvaira vanamati vose vaJehovha pasi pano kare kare.—Genesi 3:15.
Mashoko echiGiriki akashandurwa kunzi “simba pamusoro porufu” muShanduro yeNyika Itsva ndi“kraʹtos tou tha·naʹtou.” Tou tha·naʹtou mashoko anoreva kuti “rufu.” Kraʹtos rinonyanya kureva kuti “simba.” Maererano neTheological Dictionary of the New Testament, rinoreva “kuvapo uye kukosha kwesimba panzvimbo pokushandiswa kwaro.” Saka, muna VaHebheru 2:14, Pauro haasi kureva kuti Satani ane simba rakakwana pamusoro porufu. Asi, ari kureva kukwanisa kwaSatani kana kuti kugona kwake kuparira rufu.
Satani anoshandisa sei “simba rokuparira rufu”? Mubhuku raJobho, tinoverenga nezvechimwe chiitiko chisina chachakafanana nacho. Nhoroondo yacho inoti Satani akashandisa chamupupuri ‘kuparira rufu’ rwevana vaJobho. Kunyange zvakadaro, cherechedza kuti Satani aigona kuita izvi nokubvumira kwaMwari bedzi, izvo akabvumira nokuti paisanganisira nhau inokosha. (Jobho 1:12, 18, 19) Chokwadi, Satani haana kukwanisa kuuraya iye Jobho wacho. Haana kubvumirwa kuita izvozvo. (Jobho 2:6) Izvi zvinoratidza kuti kunyange zvazvo dzimwe nguva, Satani akakwanisa kuparira rufu rwevanhu vakatendeka, hatifaniri kutya kuti anogona kungotiuraya chero paada.
Satani akaparirawo rufu achishandisa vamiririri vake. Saka, vaKristu vakawanda vakafira kutenda kwavo, vamwe vakapondwa nemhomho dzine hasha kana kuurayiwa zvisina ruramisiro varayirwa nevakuru vakuru vehurumende kana kuti vatongi vane uori.—Zvakazarurwa 2:13.
Uyezve, dzimwe nguva Satani akaparira rufu nokushandisa utera hwevanhu. Kare mumazuva evaIsraeri, muprofita Bharami akapa vaMoabhi zano rokunyengera vaIsraeri ‘kuti vatadze pamberi paJehovha.’ (Numeri 31:16) Izvozvo zvakaguma norufu rwevaIsraeri vaipfuura 23 000. (Numeri 25:9; 1 VaKorinde 10:8) Nhasi, vamwe nenzira yakafananawo vanonyengerwa “nemanomano” aSatani uye vanoita unzenza kana mimwe miitiro isingadiwi naMwari. (VaEfeso 6:11) Chokwadi, vakadaro havawanzofi nokukurumidza. Asi havawani mukana woupenyu husingaperi nenzira iyoyo Satani anoparira rufu rwavo.
Kunyange zvazvo tichiziva kukwanisa kwaSatani kukuvadza, hatifaniri kumutya zvakanyanyisa. Pauro paakataura kuti Satani ane simba rokuparira rufu, akataurawo kuti Kristu akafa kuitira kuti “aparadze [Satani] . . . uye kuti asunungure vose avo nemhaka yokutya rufu vakanga vari muuranda kwoupenyu hwavo hwose.” (VaHebheru 2:14, 15) Chokwadi, Jesu akaripa norudzikinuro nokudaro akasunungura vanhu vanotenda muuranda hwechivi norufu.—2 Timoti 1:10.
Zvechokwadi, zvinomboti tyisei kufunga kuti Satani ane simba rokuparira rufu, asi tinovimba kuti Jehovha anogona kugadzirisa kukuvadzwa kupi nokupi kungaparirwa naSatani nevamiririri vake. Jehovha anotivimbisa kuti Jesu akamutswa acha‘putsa mabasa aDhiyabhorosi.’ (1 Johani 3:8) Nesimba raJehovha, Jesu achamutsa vakafa nokudaro oparadza irwo rufu. (Johani 5:28, 29) Adaro, Jesu anozoratidza kuti simba raSatani rine parinoperera nokumukandira mugomba rakadzika-dzika. Pakupedzisira Satani anozoparadzwa nokusingaperi.—Zvakazarurwa 20:1-10.