“Mwari Rudo”
“Mwari Rudo”
“Uyo asingadi haasati asvika pakuziva Mwari, nokuti Mwari rudo.”—1 JOHANI 4:8.
1-3. (a) Mashoko api anotaurwa neBhaibheri nezvorudo rwaJehovha, uye mashoko aya akasiyana munzirai? (b) Nei Bhaibheri richiti “Mwari rudo”?
UNHU hwose hwaJehovha hwakakwirira, hwakakwana uye hunokwezva. Asi paunhu hwaJehovha hwose rudo ndirwo runonyanya kuita kuti timude. Hapana chimwe chinotiswededza pedyo naJehovha zvine simba kudaro sezvinoita rudo rwake. Zvinofadza kuti paunhu hwake hwose rudo ndirwowo rukuru. Tinozviziva sei izvozvo?
2 Bhaibheri rinotaura chimwe chinhu pamusoro porudo charisingambotauri pazvimwe zvinhu zvikuru zvose zvinoumba unhu hwaJehovha. Magwaro haatauri kuti Mwari isimba kana kuti Mwari iruramisiro kunyange kuti Mwari uchenjeri. Anazvo, ndiye tsime razvo zvose zviri zvitatu. Zvisinei, pamusoro porudo, chimwe chinhu chakadzama chinotaurwa pana 1 Johani 4:8, kuti: “Mwari rudo.” Chokwadi, rudo rwakadzika zvikuru muna Jehovha. Ndizvo zvaari chaizvo kana kuti unhu hwake. Tinogona kuzvifunga nenzira iyi: Simba raJehovha rinoita kuti akwanise kuita chiito. Ruramisiro yake nouchenjeri hwake zvinotungamirira nzira yaanoita nayo chiito. Zvisinei, rudo rwaJehovha runomuita kuti aite chiito. Uye rudo rwake runogara ruripo munzira dzaanoratidza nadzo zvimwe zvose zvaari.
3 Zvinowanzotaurwa kuti Jehovha muenzaniso wakakwana worudo. Nokudaro, kana tichida kudzidza nezvorudo, tinofanira kudzidza nezvaJehovha. Saka, ngationgororei zvimwe zvezvinhu zviri murudo rwaJehovha rusingaenzaniswi.
Chiito Chorudo Chikuru Pane Zvose
4, 5. (a) Ndechipi chiri chiito chikuru kwazvo chorudo chati chamboitwa? (b) Nei tichigona kuti Jehovha noMwanakomana wake vakabatanidzwa nechisungo chorudo chakasimba kupfuura zvose zvati zvambovapo?
4 Jehovha akaratidza rudo munzira dzakawanda,
asi pane imwe inopfuura dzimwe dzose. Ndeipi? Kutumira kwake Mwanakomana wake kuti atambure otifira. Tinogona kutaura takasununguka kuti ichi ndicho chiito chikuru kwazvo chorudo chati chamboitwa. Nei tichigona kutaura kudaro?5 Bhaibheri rinoti Jesu i“dangwe rezvisikwa zvose.” (VaKorose 1:15) Imbofunga—Mwanakomana waJehovha aivako zvinhu zvose zvisati zvavapo. Saka, Baba noMwanakomana vave vari vose kwenguva yakareba sei? Mamwe masayendisiti anofungidzira kuti nyika yose nechadenga zvave zviripo kwemakore anosvika mabhiriyoni 13. Asi, kunyange kana kufungidzira uku kwakarurama, nguva iyoyo haizombovi yakareba zvakakwana kuti imiririre urefu hwoupenyu hwoMwanakomana wedangwe waJehovha! Akanga achiitei mumakore ose iwayo asingaverengeki? Mwanakomana aishumira achifara se“mhizha” yaBaba vake. (Zvirevo 8:30; Johani 1:3) Jehovha noMwanakomana wake vakashanda vose kuita kuti zvimwe zvinhu zvose zvivepo. Inguva inofadza sei yavakava nayo! Saka ndiani wedu zvino angatanga kunzwisisa simba rechisungo chakavapo kwenguva isingaverengeki yakadaro? Sezviri pachena, Jehovha Mwari noMwanakomana wake vakabatanidzwa nechisungo chorudo chakasimba kupfuura zvose zvati zvambovapo.
6. Jesu paakabhabhatidzwa, Jehovha akaratidza sei manzwiro ake maererano noMwanakomana Wake?
6 Kunyange zvakadaro, Jehovha akatumira Mwanakoma wake pasi pano kuti aberekwe somwana womunhu. Kuita kudaro kwaireva kuti kwemakumi emakore, Jehovha aizorasikirwa nokuva pedyo noMwanakomana wake anodiwa kudenga. Nechido chikuru, Iye akatarisa ari kudenga Jesu sezvaaikura kuva murume akakwana. Ave nemakore anenge 30, Jesu akabhabhatidzwa. Pachiitiko ichocho, Jehovha akataura pachake ari kudenga kuti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandatendera.” (Mateu 3:17) Vachiona kuti Jesu akanga aita nenzira yokutendeka zvose zvakanga zvafanoprofitwa, zvose zvaakakumbirwa, Baba vake vanofanira kuva vakafara zvikuru!—Johani 5:36; 17:4.
7, 8. (a) Jesu akaitirwei pana Nisani 14, 33 C.E., uye Baba vake vokudenga vakanzwa sei? (b) Nei Jehovha akabvumira Mwanakomana wake kutambura ndokufa?
7 Zvisinei, Jehovha akanzwa sei pana Nisani 14, 33 C.E., sezvo Jesu akatengeswa ndokubva asungwa nemhomho yaiva yakatsamwa? Jesu sezvaainyombwa, kupfirwa mate, uye kurohwa nezvibhakera? Sezvaairohwa zvokukwaturwa nyama kumusana? Sezvaakaroverwa, maoko nemakumbo, padanda ndokusiyiwapo kuti arembere vanhu vachimutuka? Baba vake vakanzwa sei sezvo Mwanakomana wavo anodiwa akachema kwavari achitambura nemarwadzo? Jehovha akanzwa sei apo Jesu akafa, uye kokutanga kubva pakuvapo kwezvinhu zvose, Mwanakomana Wake anodiwa akanga asipo?—Mateu 26:14-16, 46, 47, 56, 59, 67; 27:26, 38-44, 46; Johani 19:1.
8 Sezvo Jehovha achinzwa marwadzo, marwadzo ayo akanzwa pamusoro porufu rwoMwanakomana wake hatigoni kuatsanangura nemashoko. Chinogona kutsanangurwa ivavariro yaJehovha yokuzvibvumira kuitika. Nei Baba vakazvibvumira kupinda mumarwadzo akadaro? Jehovha anotizivisa chimwe chinhu chinoshamisa pana Johani 3:16—ndima yeBhaibheri inokosha zvikuru zvokuti yakanzi Evhangeri muchidimbu. Inoti: “Nokuti Mwari akada nyika zvikuru kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” Naizvozvo vavariro yaJehovha yaiva iyi: rudo. Hapana rumwezve rudo runopfuura apa rwati rwamboratidzwa.
Kuvimbiswa Kwatinoitwa naJehovha Kuti Anotida
9. Satani anoda kuti tifunge kuti Jehovha anotiona sei, asi Jehovha anotivimbisei?
9 Zvisinei, panomuka mubvunzo unokosha: Mwari anotida here isu somunhu oga? Vamwe vanogona kubvuma kuti Mwari anoda vanhu vose zvavo, sezvinotaura Johani 3:16. Asi vanozonzwa sokuti ‘Mwari haangambodi ini sezvandiri.’ Chokwadi ndechokuti Satani Dhiyabhorosi anoda kwazvo kuti tifunge kuti Jehovha haatidi uye haatikoshesi. Ukuwo, pasinei nokuti tingafunga kuti hatidiwi, uye hatikoshi zvakadini, Jehovha anotivimbisa kuti mushumiri wake mumwe nomumwe anokosha kwaari.
10, 11. Mufananidzo waJesu weshiri duku unoratidza sei kuti tinokosha mumaziso aJehovha?
10 Somuenzaniso, funga mashoko aJesu akanyorwa pana Mateu 10:29-31. Achienzanisira kukosha kwevadzidzi vake, Jesu akati: “Shiri duku mbiri hadzitengeswi nemari inokosha zvishoma here? Asi hapana imwe yadzo ingawira pasi Baba venyu vasingazivi. Asi bvudzi romusoro wenyu chairo rakaverengwa rose. Naizvozvo musatya: munokosha kupfuura shiri duku dzakawanda.” Funga zvairehwa nemashoko iwayo kuvateereri vaJesu vomuzana remakore rokutanga.
11 Muzuva raJesu shiri duku iyoyo ndiyo yakanga yakachipa pashiri dzokudya dzose dzaitengeswa. Mutengi aiwana shiri duku mbiri nemari imwe chete youkoshi huduku. Asi, maererano naRuka 12:6, 7, Jesu akazotaura kuti kana munhu akashandisa mari mbiri, aiwana shiri duku shanu, kwete ina. Shiri yebhasera iyi yaiwedzerwa sokunge yakanga isingambokoshi. Pamwe shiri dzakadaro dzakanga dzisingakoshi mukuona kwevanhu, asi Musiki aidziona sei? Jesu akati: “Hapana neimwe yadzo [kunyange yaiwedzerwa iya] inokanganwika pamberi paMwari.” Pamwe iye zvino tingatanga kunzwisisa zvaitaura Jesu. Sezvo Jehovha achikoshesa zvakadaro shiri duku imwe, munhu anotokosha zvikuru! Sezvakataura Jesu, Jehovha anoziva zvinhu zvose pamusoro pedu. Chokwadi, bvudzi romusoro wedu chairo rakaverengwa!
12. Nei tichigona kuva nechokwadi chokuti Jesu akanga achitaura zvinhu sezvazviri paakataura nezvokuverengwa kwebvudzi redu?
12 Vamwe vangafungidzira kuti apa Jesu akanga ava kuwedzeredza. Zvisinei, imbofunga nezvorumuko. Jehovha anofanira kutiziva zvakakwana kuitira kuti azotisika patsva! Anotikoshesa zvakakwana zvokuti anoyeuka zvose kusanganisira zvatakatodza kuvabereki vedu nendangariro dzedu dzose dzezvakaitika kwemakore. Kuverenga bvudzi redu—iwo musoro womunhu mumwe chete uchikura bvudzi rinenge 100 000—raizova basa riri nyore kana tichienzanisa. Mashoko aJesu anotivimbisa zvakanakisisa sei kuti Jehovha ane hanya nesu somunhu mumwe nomumwe!
13. Ko nyaya yaMambo Jehoshafati inoratidza sei kuti Jehovha anotsvaka zvakanaka matiri kunyange zvazvo tisina kukwana?
13 Bhaibheri rinotaura chimwezve chinhu chinotivimbisa rudo rwaJehovha. Anotsvaka uye anokoshesa zvakanaka zviri matiri. Tora somuenzaniso, Mambo akanga akanaka Jehoshafati. Mambo wacho paakaita zvoupenzi, muprofita waJehovha akamuudza kuti: “Nokuda kwechinhu ichi Jehovha wakutsamwirai.” Yaiva pfungwa inopengenutsa chaizvo! Asi shoko raJehovha harina kugumira ipapo. Rakaenderera mberi richiti: “Kunyange zvakadaro, zvimwe zvinhu zvakanaka zvawanikwa kwamuri.” (2 Makoronike 19:1-3) Saka hasha dzakarurama dzaJehovha hadzina kumutadzisa kuona “zvinhu zvakanaka” zvaiva naJehoshafati. Hazvikurudziri here kuziva kuti Mwari wedu anotsvaka zvakanaka zviri matiri kunyange tisina kukwana?
Mwari Ano“farira Kukanganwira”
14. Patinoita chivi, ipfungwai dzinorema dzatingava nadzo, asi tinogona kubatsirwa sei nokukanganwira kwaJehovha?
14 Patinoita chivi, kugumbuka, nyadzi, uye mhosva yatinonzwa tinayo zvingaita kuti tifunge kuti hatizombofi takakodzera kushumira Jehovha. Zvisinei, yeuka kuti Jehovha ano“farira kukanganwira.” (Pisarema 86:5) Chokwadi, kana tikapfidza zvivi zvedu toedza zvakasimba kusazvidzokorora, tingabatsirwa nokukanganwira kwaJehovha. Ona matsananguriro anoita Bhaibheri chinhu ichi chinoshamisa chiri murudo rwaJehovha.
15. Jehovha anoisa zvivi zvedu kure nesu zvakadini?
15 Munyori wepisarema Dhavhidhi akashandisa mashoko akajeka kutsanangura kukanganwira kwaJehovha achiti: “Sokuva kure kwamabvazuva namavirira, saizvozvo wakabvisa kudarika kwedu kwose kure nesu.” (Tisu tatsveyamisa mabhii; Pisarema 103:12) Mabvazuva nemavirira zviri kure nakure zvakadini? Chaizvoizvo, kumabvazuva ndiko kuresa kwatingafungidzira kubva kumavirira; nzvimbo mbiri idzi hadzimbofi dzakasangana. Imwe nyanzvi inoti mashoko aya anoreva kuti “kure sezvinobvira; kure sezvatingafungidzira.” Mashoko akafuridzirwa aDhavhidhi anotiudza kuti Jehovha paanokanganwira, anoisa zvivi zvedu kure nesu sezvatingafungidzira.
16. Jehovha paanokanganwira zvivi zvedu, nei tichigona kunzwa chivimbo chokuti anotiona takachena pashure pacho?
16 Wakamboedza kubvisa vara retsvina pahembe chena here? Pamwe pasinei nokuedza nepose pawaigona napo, vara racho rakaramba richingooneka. Cherechedza kuti Jehovha anorondedzera sei kukwanisa kwake kukanganwira: “Kunyange zvivi zvenyu zvikaita somucheka mutsvuku, zvichachena sechando; kunyange zviri zvishava somuti mushava, zvichaita samakushe amakwai.” (Isaya 1:18; tisu tatsveyamisa mabhii.) Mashoko okuti “mucheka mutsvuku” anoratidza ruvara rwakati piriviri kutsvuka. * “Shava” ndorumwe rwemavara akanga akajeka zvikuru rwemachira akapendwa. Isu pachedu tichiedza toga hatimbofi takakwanisa kubvisa vara rechivi. Asi Jehovha anogona kubvisa zvivi zvitsvuku nezvishava ozviita zvichena sechando kana kuti seshinda isina kupendwa. Saka Jehovha paanokanganwira zvivi zvedu, hatifaniri kunzwa sokuti tine vara rezvivi zvakadaro kwoupenyu hwedu hwose.
17. Jehovha anokandira zvivi zvedu shure kwake mupfungwai?
Isaya 38:17; tisu tatsveyamisa mabhii.) Jehovha anoratidzwa pano seanotora zvivi zvomutadzi anopfidza ozvikandira shure Kwake kwaasingazvioni kana kufunga nezvazvo zvakare. Maererano nerimwe bhuku, pfungwa yacho ingataurwa ichinzi: “Makaita [zvivi zvangu] sokunge zvakanga zvisina kumboitika.” Izvozvo hazvinyaradzi here?
17 Murwiyo runosvika pamwoyo rwokuonga rwakanyorwa naHezekia arapwa hosha yaida kumuuraya, akati kuna Jehovha: “Makarashira zvivi zvangu zvose shure kwenyu.” (18. Muprofita Mika anoratidza sei kuti Jehovha paanokanganwira, anobvisa zvivi zvedu zvachose?
18 Muchipikirwa chokudzorera, muprofita Mika akaratidza kuva nechokwadi kwake kuti Jehovha aizokanganwira vanhu vake vaipfidza, paakati: “Ndianiko Mwari wakafanana nemi, . . . unopfuura kudarika kwavakasara venhaka yake? . . . Muchakandira zvivi zvavo zvose mukudzika kwegungwa.” (Mika 7:18, 19; tisu tatsveyamisa mabhii.) Fungidzira kuti mashoko iwayo airevei kune avo vakararama munguva yakanyorwa Bhaibheri. Pakanga pane mukana here wokuwanazve chimwe chinhu chainge chakandirwa “mukudzika kwegungwa”? Naizvozvo mashoko aMika anoratidza kuti Jehovha paanokanganwira, anobvisa zvivi zvedu zvachose.
“Tsitsi dzaMwari Wedu”
19, 20. (a) Shoko rechiito rechiHebheru rinoshandurwa kuti “ratidza ngoni” kana kuti “nzwira tsitsi” rinorevei? (b) Bhaibheri rinoshandisa sei manzwiro anoita amai nokuda kwomwana wavo kutidzidzisa nezvetsitsi dzaJehovha?
19 Tsitsi chimwe chinhu chiri murudo rwaJehovha. Tsitsi chii? MuBhaibheri, pane ukama hwakasimba pakati petsitsi nengoni. Mashoko anoverengeka echiHebheru nechiGiriki anopa pfungwa yetsitsi. Somuenzaniso, shoko rechiito rechiHebheru ra·chamʹ rinowanzoshandurwa kuti “ratidza ngoni” kana kuti “nzwira tsitsi.” Shoko rechiHebheru iri, iro Jehovha anoshandisa kwaari pachake, rine ukama neshoko rinoreva “chibereko” uye rinogona kutsanangurwa se“tsitsi dzaamai.”
20 Bhaibheri rinoshandisa manzwiro ayo amai vanawo nokuda kwomwana wavo kutidzidzisa nezvetsitsi dzaJehovha. Isaya 49:15 inoti: “Ko mukadzi ungakanganwa mwana wake waanomwisa, akasava netsitsi [ra·chamʹ] nomwanakomana wechizvaro chake here? Zvirokwazvo ava vangakanganwa, asi ini handingakukanganwi.” Zvakaoma kufungidzira kuti amai vaizokanganwa kuyamwisa nokutarisira mwana wavo. Pamusoro pazvo, rusvava harugoni kuzvibatsira; usiku nemasikati mwana anoda kutarisirwa naamai vake. Zvisinei, zvinosiririsa kuti dzimwe nguva zvinoitika kuti vana vanoregeredzwa navanaamai, kunyanya mu“nguva [dzino] dzinonetsa.” (2 Timoti 3:1, 3) “Asi ini handingakukanganwi,” Jehovha anozivisa kudaro. Tsitsi huru idzo Jehovha anadzo nokuda kwevashumiri vake dzakasimba zvisingayereki kupfuura kunzwa kukuru kwetsitsi kwatinoberekwa nakwo kwatingafungidzira—tsitsi idzo amai vanowanzonzwira mwana wavo ari rusvava.
21, 22. Chii chakaitika kuvaIsraeri muIjipiti yekare, uye Jehovha akaita sei pavakachema kwaari?
21 Jehovha, somubereki ane rudo, anoratidza sei tsitsi? Unhu uhwu hunonyatsoonekwa munzira yaakabata nayo naIsraeri wekare. Pakasvika mugumo wezana remakore rechi16 B.C.E., mamiriyoni evaIsraeri akanga ari varanda muIjipiti, uko vakadzvinyirirwa zvakaipa kwazvo. (Eksodho 1:11, 14) Vachitambura kudaro, vaIsraeri vakachema kuna Jehovha. Mwari wetsitsi akaita sei?
22 Mwoyo waJehovha wakarwadza. Akati: “Ndakaona kunetswa kwavanhu vangu vari [muIjipiti], ndikanzwa kudanidzira kwavo . . . Ndinoziva kuchema kwavo.” (Eksodho 3:7) Jehovha aisagona kuona kutambura kwevanhu vake kana kuti kunzwa kuchema kwavo asingavanzwiri tsitsi. Jehovha ndiMwari anonzwira vamwe urombo. Uye kunzwira urombo—kukwanisa kunzwa marwadzo evamwe—kwakafanana netsitsi. Zvisinei, Jehovha haana kungonzwira tsitsi vanhu vake; akanzwa kuda kuvaitira chimwe chinhu. Isaya 63:9 inoti: “Wakavadzikinura norudo rwake netsitsi dzake.” “Nechanza chine simba,” Jehovha akanunura vaIsraeri kubva muIjipiti. (Dheuteronomio 4:34) Pashure paizvozvo, akavapa zvokudya zvinoshamisa ndokuvanunura achivapinza munyika yavo inobereka zvibereko.
23. (a) Mashoko omunyori wepisarema anotivimbisa sei kuti Jehovha ane hanya kwazvo nesu somunhu mumwe nomumwe? (b) Jehovha anotibatsira munzira dzipi?
23 Jehovha haangoratidzi tsitsi kune vanhu vake vari boka chete. Mwari wedu ane rudo ane hanya kwazvo nesu somunhu mumwe nomumwe. Anonyatsoziva kutambura kupi nokupi kwatingatarisana nako. Munyori wepisarema akati: “Meso aJehovha anotarira vakarurama, uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo. Jehovha uri pedyo nevane mwoyo yakaputsika, unoponesa vane mweya yakapwanyika.” (Pisarema 34:15, 18) Jehovha anotibatsira sei somunhu mumwe nomumwe? Hazvirevi hazvo kuti anobvisa zvinokonzera kutambura kwedu. Asi Jehovha akaronga zvinhu zvakawanda nokuda kweavo vanochemera kubatsirwa naye. Shoko Rake rinopa mazano anoshanda anobatsira zvikuru. Muungano, anopa vatariri vanoita zvinodiwa neMagwaro, avo vanoedza kuratidza tsitsi dzake mukubatsira vamwe. (Jakobho 5:14, 15) Sezvo ari wo“kunzwa munyengetero,” Jehovha anopa “mudzimu mutsvene zvikuru sei vano[mu]kumbira.” (Pisarema 65:2; Ruka 11:13) Zvose zvaanopa izvozvo kuratidzwa kwe“tsitsi huru dzaMwari wedu.”—Ruka 1:78.
24. Chii chauchaita paunoratidzwa rudo naJehovha?
24 Hazvifadzi here kufungisisa nezvorudo rwaBaba vedu vokudenga? Munyaya yakapfuura, takayeuchidzwa kuti Jehovha ave achishandisa simba rake, ruramisiro, uye uchenjeri munzira dzine rudo kuti atibatsire. Uye munyaya ino, taona kuti Jehovha ave achiratidza zvakananga rudo rwake kuvanhu—uye kwatiri somunhu mumwe nomumwe—munzira dzinoshamisa. Zvino, mumwe nomumwe wedu angaita zvakanaka kuzvibvunza kuti, ‘Chii chandichaita norudo rwaJehovha?’ Dai ukaita chimwe chinhu nokumudawo nomwoyo wako wose, pfungwa, mweya, uye simba. (Mako 12:29, 30) Nzira yaunorarama nayo upenyu hwako zuva rimwe nerimwe ngairatidze chido chako chomwoyo wose chokuramba uchiswedera pedyo naJehovha. Uye Jehovha, Mwari worudo, ngaarambe achiswedera pedyo newe—nokusingaperi!—Jakobho 4:8.
[Mashoko Omuzasi]
^ ndima 16 Imwe nyanzvi inoti tsvuku “rwaiva ruvara rusingadzimiki. Rwaisadzimika nedova, kana mvura, kana kugezwa, kana kushandiswa kwenguva refu.”
Unoyeuka Here?
• Tinoziva sei kuti rudo ndicho chinhu chikuru paunhu hwaJehovha?
• Nei zvichigona kutaurwa kuti kutumira kwaJehovha Mwanakomana wake kuti azotambura ndokutifira ndicho chiito chorudo chinopfuura zvose chati chamboitwa?
• Jehovha anotivimbisa sei kuti anotida somunhu mumwe nomumwe?
• Bhaibheri rinorondedzera kukanganwira kwaJehovha munzira dzipi dzakajeka?
[Mibvunzo Yechidzidzo]
[Mufananidzo uri papeji 15]
“Mwari . . . akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi”
[Mufananidzo uri papeji 16, 17]
“Munokosha kupfuura shiri duku dzakawanda”
[Kwazvakatorwa]
© J. Heidecker/VIREO
[Mufananidzo uri papeji 18]
Manzwiro ayo amai vanawo nokuda kwomwana wavo anogona kutidzidzisa nezvetsitsi dzaJehovha