“Rakazadzisa Nzvimbo Yakanga Isina Chinhu Mumwoyo Mangu”
“Rakazadzisa Nzvimbo Yakanga Isina Chinhu Mumwoyo Mangu”
“NDINOKUTENDAI nomwoyo wose nokuda kwechipo chakanaka kwazvo chebhuku rinonzi ‘Swedera Pedyo naJehovha.’ Rakazadzisa nzvimbo yakanga isina chinhu mumwoyo mangu—kunzwa kuda kudiwa nokukosheswa naJehovha. Iye zvino ndinonzwa ndava pedyo zvikuru naJehovha noMwanakomana wake waanoda. Ndinoda kutaurira munhu wose nezvebhuku iri uye kupa kopi yebhuku iri kune vose vandinoda.” Ndiwo manzwiro akaita mumwe weZvapupu zvaJehovha nezvebhuku idzva rine mapeji 320 rakabudiswa paKokorodzano Dzoruwa dze“Vazivisi voUmambo Vanoshingaira” dzakaitwa muna 2002 na2003. Ngationgororei zvimwe zvezvinhu zviri mubhuku idzva iri uye chikonzero nei rakabudiswa.
Zvimwe Zvinhu Zviri Mubhuku Idzva
Chii chiri mubhuku iri? Mashoko ose ari kutaurwa munyaya mbiri dzokudzidza dziri mumagazini ino—nezvimwe zvakawanda! Bhuku racho rine zvitsauko 31, zvose zvakada kureba senyaya yechidzidzo cheNharireyomurindi. Pashure pemashoko okutanga uye zvitsauko zvitatu zvokutanga, bhuku racho rakakamurirwa muzvikamu zvina, chimwe chete pachimwe chezvinhu zvikuru zviri muunhu hwaJehovha. Chikamu chimwe nechimwe chinotanga nepfupiso younhu hwacho. Zvitsauko zvishomanana zvinotevera zvinokurukura kuratidza kunoita Jehovha unhu ihwohwo. Chikamu chimwe nechimwe chine chitsauko chinotaura nezvaJesu. Nei? Jesu akati: “Aona ini aonawo Baba.” (Johani 14:9) Zvaari mufananidzo wakakwana waJehovha, Jesu anotigovera mienzaniso yakajeka younhu hwaMwari hunoshanda. Chikamu chimwe nechimwe chinoguma nechitsauko chinotidzidzisa nzira yatingatevedzera nayo Jehovha mukuratidza unhu hunenge huchikurukurwa. Mukukurukura unhu hwaJehovha, bhuku idzva iri rinotaura zviri mumabhuku ose ari muBhaibheri.
Bhuku rinonzi Swedera Pedyo naJehovha rinewo zvimwe zvinhu zvinokosha. Kutanga nechitsauko 2, chitsauko chimwe nechimwe chine bhokisi rakanzi “Mibvunzo Yokufungisisa.” Magwaro uye mibvunzo zvakagoverwa hazvina kuisirwa kudzokorora chitsauko chacho. Asi, zvakaitirwa kukubatsira kushandisa Bhaibheri kufungisisa zvakadzama panyaya yacho. Zvinokurudzirwa kuti unyatsoverenga ndima imwe neimwe yoRugwaro. Wadaro fungisisa mubvunzo wacho woedza kuzvishandisa iwe pachako. Kufungisisa kwakadaro kuchamutsa mwoyo wako, kuchikubatsira kuramba uchiswedera pedyo naJehovha.—Pisarema 19:14.
Mifananidzo iri mubhuku rinonzi Swedera Pedyo naJehovha yakanyatsotsvakurudzwa nokugadzirwa kuitira kudzidzisa nokukurudzira. Zvitsauko gumi nezvinomwe zvine mifananidzo yakaisvonaka yezviitiko zvomuBhaibheri inozadza peji yose.
Rakabudisirwei?
Bhuku rinonzi Swedera Pedyo naJehovha rakabudisirwei? Chinangwa chikuru chebhuku idzva iri ndechokutibatsira kusvika pakuziva Jehovha zviri nani kuitira kuti tiumbe ukama hwedu toga hwakasimba naMwari wedu.
Unogona here kufunga nezvomumwe munhu angabatsirwa nebhuku rinonzi Swedera Pedyo naJehovha, zvichida mudzidzi weBhaibheri kana kuti hama kana hanzvadzi yechiKristu isingachaiti basa? Ko iwe—wati watanga kuverenga bhuku idzva iri here? Kana usina, wadii kuronga nguva yokutanga nokukurumidza sezvingabvira? Tora nguva yokufungisisa zvaunoverenga. Dai bhuku idzva iri rikakubatsira kuramba uchiswedera pedyo naJehovha Mwari, kuitira kuti ugozivisa mashoko akanaka oUmambo hwake nomufaro nokushingaira kukuru!