Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vhidhiyo Yakagadzirirwa Kusvika Pamwoyo Yepwere

Vhidhiyo Yakagadzirirwa Kusvika Pamwoyo Yepwere

Vhidhiyo Yakagadzirirwa Kusvika Pamwoyo Yepwere

VANHU vechiduku vakawanda vakakurudzirwa kunyatsofunga nezvomufambiro wavo pavakaona vhidhiyo inonzi Young People Ask—How Can I Make Real Friends? * Vhidhiyo yacho ine zano rakanaka reMagwaro, mashoko akataurwa nevaKristu vechiduku, uye mutambo wamazuva ano unokurudzira unobva munhoroondo yeBhaibheri yaDhina. (Genesi, chitsauko 34) Mashoko anotevera ane chokuita nevhidhiyo iyi anobva kuMexico.

Martha anoti: “Vhidhiyo iyi yakanyatsosvika pamwoyo pangu. Zvinoita sokuti yakanyatsogadzirirwa ini. Ndaifunga kuti vadzidzisi nevadzidzi vokuchikoro changu zvavaiziva kuti ndaiva mumwe weZvapupu zvaJehovha, izvozvo zvainge zvakatokwana. Ndakatadza kuzviratidza nokuvapupurira. Ndinoonga mashoko ose atinopiwa naJehovha, zvikurukuru kana achisvika pamwoyo yedu zvakadzama sezvinoita vhidhiyo iyi.”

Juan Carlos anoti: “Vhi- dhiyo iyi chokwadi inoita kuti ufunge. Sejaya, ndine zvimwewo zvandakakanganisa uye ndaikwanisa kuzvifananidza nevamwe vevatambi vari mumutambo wacho. Makore akati apfuura, ndairarama upenyu huviri, asi ndakaona kuti upenyu hwakadaro hunogona kuunza migumisiro yakaipa. Pashure pokuona vhidhiyo iyi, ndatsunga kuva akatendeka kuna Jehovha.”

Sulem anobvuma kuti: “Pandakaona vhidhiyo yacho, yakandibaya mwoyo. Ndisati ndaiona, ndakanga ndarega kuverenga Bhaibheri, uye ndakanga ndisingachanyengeteri kuna Jehovha zvakanyanya. Pandakateerera mashoko akataurwa nevaduku vari muvhidhiyo yacho, ndakakurudzirwa kutangazve kuverenga Bhaibheri uye kunyengetera kuna Jehovha.”

Vaduku vakawanda nhasi vari kutarisana ne- zvinetso zvakawanda, uye shamwari dzavanosarudza kazhinji dzinogona kukanganisa zvikuru mararamiro avo. (Pisarema 26:4; Zvirevo 13:20) Vhidhiyo inonzi Young People Ask—How Can I Make Real Friends? iri kubatsira vakawanda kuita zvisarudzo zvakanaka munyaya iyi.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Yakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.