Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Asati Adzidza Bhaibheri uye Azoridzidza—Akawana Simba Rokuchinja

Asati Adzidza Bhaibheri uye Azoridzidza—Akawana Simba Rokuchinja

“Swederai Pedyo Namwari, uye Achaswedera Pedyo Nemi”

Asati Adzidza Bhaibheri uye Azoridzidza—Akawana Simba Rokuchinja

SANDRA, mumwe mukadzi wokuMexico, akati mhuri yake inomuti mwana akatsauka. Akakanganisirwa nguva yake yokuyaruka nokusafarirwa uye kusadiwa. Anoti: “Ndakapedza upwere hwangu ndichingonzwa kuti handisi munhu uye ndisina chokwadi chokuti ndairaramirei uye upenyu hwose zvahwo husina kumbondijekera.”

Paaiva kuchikoro chesekondari, Sandra akatanga kunwa waini iyo baba vake vaiva nayo kumba. Nokufamba kwenguva, akatanga kuzvitengera oga waini ndokuva chidhakwa. “Ndakanga ndisingambonzwi kuda upenyu,” anobvuma kudaro. Pamusana peshungu, Sandra akatanga kushandisa zvinodhaka. “Chinhu bedzi chaindibatsira kukanganwa nhamo dzangu,” anodaro, “zvaiva zvinhu zvandaitakura mukabhegi kangu: kabhodhoro kedoro, mapiritsi, kana kuti tumbanje.”

Sandra apedza kudzidza zvoukoti, akabva ava chidhakwa chemakoko. Akaedza kuzviuraya. Asi haana kufa.

Sandra akaenda muzvitendero zvakasiyana-siyana achitsvaka kubatsirwa pakunamata uye kutsigirwa mupfungwa asi hazvina zvazvakabatsira. Zvaakanga asisina tariro uye aora mwoyo, aigarochema kuna Mwari kuti: “Muri kupi? Nei musingandibatsiri?” Paakanga ava kunyanyonzwa kuti haambokoshi zvachose ndipo pakataura mumwe weZvapupu zvaJehovha naye. Izvi zvakaita kuti adzidziswe Bhaibheri. Sandra akabayiwa mwoyo chaizvo paakadzidza kuti “Jehovha uri pedyo navane mwoyo yakaputsika.”—Pisarema 34:18.

Mudzidzisi wake weBhaibheri akamubatsira kunzwisisa kuti Jehovha Mwari anoziva kuti tinokundikana pamusana pechivi nokusakwana kwatakagara nhaka kubva kuna Adhamu. Sandra akaziva kuti Mwari anonzwisisa kuti hatigoni kuita zvinhu zvakarurama zvaanoda nenzira yakakwana. (Pisarema 51:5; VaRoma 3:23; 5:12, 18) Akafara kuziva kuti Jehovha haangofungi nezvokusava nesimba kwedu, uye haatitarisiri kuita zvakawanda kupfuura zvatinogona. Munyori wepisarema akabvunza kuti: “Dai imi Jehovha, mairangarira zvisakarurama, ndianiko wairamba amire, Ishe?”—Pisarema 130:3.

Chokwadi cheBhaibheri chinokosha chakafadza mwoyo waSandra chaiva chechibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu. Narwo, Jehovha nenzira yengoni anoita kuti vanhu vanoteerera vave vakarurama pasinei nokusakwana kwavo. (1 Johani 2:2; 4:9, 10) Hungu, tinogona kuwana “kukanganwirwa kwokudarika kwedu” nokudaro tobatsirwa kukunda kunzwa kupi nokupi kwokusakosha.—VaEfeso 1:7.

Sandra akadzidza zvidzidzo zvinokosha kubva mumuenzaniso womuapostora Pauro. Akaonga zvikuru mutsa waMwari mukukanganwira nomutsa zvikanganiso zvake zvekare nokutsigira kurwa kwake zvakasimba kuti akunde zvikanganiso zvaaingodzokorora. (VaRoma 7:15-25; 1 VaKorinde 15:9, 10) Pauro akagadzirisa mararamiro ake, ‘akarwadzisa muviri wake nokuutungamirira somuranda’ kuti arambire munzira inotenderwa naMwari. (1 VaKorinde 9:27) Haana kubvumira pfungwa dzake dzokuda kuita chivi kumutungamirira somuranda.

Sandra aitambudzika nokukanganisa kwake, asi akaramba achikurwisa. Akanyengetera kuna Mwari nomwoyo wose kuti amubatsire kukukunda uye akakumbira ngoni dzake. (Pisarema 55:22; Jakobho 4:8) Achiziva kuti Mwari ari kumufarira, Sandra akakwanisa kuchinja upenyu hwake. “Ndinofara kudzidzisa vamwe Bhaibheri nguva yakazara,” anodaro. Sandra akava neropafadzo yokubatsira mukoma wake nomunun’una kusvika pakuziva Jehovha. Sezva‘anoita zvakanaka,’ anobatsirawo nounyanzvi hwake hwoukoti pakokorodzano dzeZvapupu zvaJehovha.—VaGaratiya 6:10.

Zvakadini nokupindwa muropa kwaSandra? Anotaura nechivimbo kuti: “Pfungwa dzangu dzakajeka. Handichanwi doro, kusvuta, kana kushandisa zvinodhaka. Handizvidi. Ndakawana zvandaitsvaka.”

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 9]

“Ndakawana zvandaitsvaka”

[Bhokisi riri papeji 9]

Nhungamiro dzeBhaibheri Dzinoshanda

Dzinotevera inhungamiro dzeBhaibheri dzakabatsira vakawanda kurega kupindwa muropa kunosvibisa:

“Ngatizvichenesei pazvinosvibisa nyama nomudzimu zvose, tichikwanisa utsvene pakutya Mwari.” (2 VaKorinde 7:1) Mwari anokomborera vaya vakazvichenesa pazvose zvinosvibisa, vachirega kuita zvinhu zvisina kuchena.

“Kutya Jehovha ndiko kuvenga zvakaipa.” (Zvirevo 8:13) Kutya Mwari kwokumuremekedza kunobatsira munhu kurega kuita tsika dzakaipa, kusanganisira kushandisa zvinodhaka. Kunze kwokufadza Jehovha, munhu achinja uyu anodzivirirwa pazvirwere zvinotyisa.

‘Zviisei pasi uye teererai hurumende nevane simba sevatongi.’ (Tito 3:1) Munzvimbo dzakawanda, kutakura kana kushandisa zvimwe zvinodhaka kutyorwa kwomutemo. VaKristu vechokwadi havatakuri kana kushandisa zvinodhaka zvisiri pamutemo.