Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Funga Zvakanaka—Ita Nokuchenjera

Funga Zvakanaka—Ita Nokuchenjera

Funga Zvakanaka—Ita Nokuchenjera

FUNGIDZIRA chiitiko ichi: Jesu Kristu ari kutsanangura kuti vavengi vechitendero vomuJerusarema vachamurwadzisa vomuuraya. Shamwari yake yapedyo muapostora Petro haigoni kuzvidavira. Anotoenda naJesu padivi omutsiura. Hapana mubvunzo kuti Petro ari kuita nomwoyo wose uye achiratidza hanya zvechokwadi. Asi Jesu anoona sei mafungiro aPetro? “Enda shure kwangu, Satani!” anodaro Jesu. “Uri chinogumbura kwandiri, nokuti unofunga, kwete zvinofunga Mwari, asi zvevanhu.”—Mateu 16:21-23.

Petro anofanira kuva akashamiswa nazvo chaizvo! Pane kuva mubatsiri nomutsigiri, apa akanga ari “chinogumbura” kuna Tenzi wake waaida. Izvi zvakaitika sei? Petro angave akawira muchinetso chinowanzova mumafungiro evanhu—kungodavira zvaaingoda kudavira.

Usanyanyozvivimba

Chinovhiringidza kufunga kwedu zvakanaka kunyanyozvivimba. Muapostora Pauro akanyevera vaKristu vaainamata navo muKorinde yekare kuti: “Anofunga kuti akamira ngaachenjere kuti arege kuwa.” (1 VaKorinde 10:12) Nei Pauro akataura izvi? Sezviri pachena nokuti aiziva kuva nyore kwazvakaita kuti kufunga kwomunhu kukanganiswe—kunyange kuti pfungwa dzevaKristu “dzingaodzwa dzibve pauchokwadi nokuchena zvakafanira Kristu.”—2 VaKorinde 11:3.

Izvi zvakanga zvaitika kuchizvarwa chose chemadzitateguru aPauro. Panguva yacho, Jehovha akavaudza kuti: “Ndangariro dzangu hadzizi ndangariro dzenyu, nenzira dzenyu hadzizi nzira dzangu.” (Isaya 55:8) Vakanga va“zviti takachenjera,” zvikaguma nokuparadzwa kwavo. (Isaya 5:21) Saka, zvinewo musoro kuti tiongorore kuti tingaramba tichifunga zvakanaka sei nokudaro tonzvenga kuparadzwa kwakafanana.

Ngwarira Mafungiro Enyama

Vamwe vaiva muKorinde vakanga vakanganiswa chaizvo nemafungiro enyama. (1 VaKorinde 3:1-3) Vainyanya kusimbisa uzivi hwevanhu kupfuura Shoko raMwari. Hapana mubvunzo kuti vaGiriki vaigona kufunga chaizvo vomuzuva racho vaiva vanhu vakangwara chaizvo. Zvisinei, kuna Mwari vakanga vari mapenzi. Pauro akati: “Zvakanyorwa kuti: ‘Ndichaita kuti uchenjeri hwevanhu vakachenjera huparare, uye ungwaru hwevanhu vakangwara ndichasundira parutivi.’ Munhu akachenjera ari kupi? Munyori ari kupi? Ane nharo wegadziriro ino yezvinhu ari kupi? Mwari haana kuita uchenjeri hwenyika ino upenzi here?” (1 VaKorinde 1:19, 20) Vakangwara vakadaro vaidzorwa no“mudzimu wenyika” pane kudzorwa nomudzimu waMwari. (1 VaKorinde 2:12) Uzivi hwavo nepfungwa dzavo zvakanga zvisingapindirani nemafungiro aJehovha.

Tsime guru remafungiro enyama akadaro ndiSatani Dhiyabhorosi, uyo akashandisa nyoka kunyengera Evha. (Genesi 3:1-6; 2 VaKorinde 11:3) Achiri ngozi kwatiri here? Hungu! Maererano neShoko raMwari, Satani “akapofumadza pfungwa” dzevanhu zviya zvokuti ava “kutsausa pasi rose rinogarwa.” (2 VaKorinde 4:4; Zvakazarurwa 12:9) Zvinokosha sei kuti tingwarire mazano ake!—2 VaKorinde 2:11.

Ngwarira “Unyengeri Hwevanhu”

Muapostora Pauro akanyeverawo nezvo“unyengeri hwevanhu.” (VaEfeso 4:14) Akasangana ne“vashandi vanonyengera” vaiedzesera kupa chokwadi asi chaizvoizvo vachichivhiringidza. (2 VaKorinde 11:12-15) Kuti vaite zvinangwa zvavo, varume vakadaro vangashandisa uchapupu hunotsigira zvavanoda ivo, mutauro unofadza pfungwa dzevanhu, chokwadi chisina kuzara chinotsausa, mashoko asina kujeka anotsausa, uye kunyange nhema chaidzo.

Vanoparadzira mashoko enhema vanowanzoshandisa shoko rakadai sokuti “kapoka” kushora vamwe. Mumashoko okurumbidza akataurwa kuParliamentary Assembly of the Council of Europe, pakapiwa zano rokuti vakuru vakuru vanoongorora mapoka ezvitendero matsva “vangaita zvakanaka kurega kushandisa shoko iri.” Nei? Paiva nepfungwa yokuti shoko rokuti “kapoka” raiva nepfungwa isina kumbonaka zvachose. Nenzira yakafanana, vanhu vakangwara vechiGiriki vakapomera muapostora Pauro zvisina kururama vachiti “anotaura zvisina maturo” kana kuti chaizvoizvo “munhongi wemhodzi.” Uku kwakanga kuri kureva kuti aingovawo zvake munhu anongobwabwada, munhu anonhonga odzokorora zvidimbu zvidimbu zvezivo. Chaizvoizvo, Pauro “akanga achizivisa mashoko akanaka aJesu norumuko.”—Mabasa 17:18.

Nzira dzinoshandiswa nevanoparadzira mashoko enhema dzinoshanda here? Hungu. Ndidzo dzakanyanya kukonzera kuvengana kwemadzinza nokwezvitendero nokuvhiringidza kunzwisisa kwevanhu mamwe marudzi kana zvitendero. Vakawanda vakadzishandisa kutsaura mapoka maduku. Adolf Hitler akashandisa nzira dzakadaro zvinobudirira paakaita kuti vaJudha nevamwe vaonekwe se“vakaderera,” “vakaipa,” uye “ngozi” kuHurumende. Usambobvumira rudzi urwu rwounyengeri kushatisa mafungiro ako.—Mabasa 28:19-22.

Usazvinyengera

Zviri nyorewo kuzvinyengera. Zvingatova zvakaoma kwazvo kurega kana kuti kusava nechokwadi nepfungwa dzakadzika midzi matiri. Nei? Nokuti tinobatanidzwa zvakanyanya nemaonero edu. Zvadaro tingazvinyengera nokurerutsa zvinhu—nokutsvaka zvikonzero zvokutaura kuti zvinhu zvatinoda zvisina kururama uye zvinotsausa chaizvo hazvina kumboshata.

Izvi zvakaitika kune vamwe vaKristu vomuzana remakore rokutanga. Vaiziva Shoko raMwari, asi havana kuribvumira kutungamira kufunga kwavo. Vakapedzisira vava ku“zvinyengera nokufunga kwenhema.” (Jakobho 1:22, 26) Chimwe chinoratidza kuti tingave tawira mumusungo worudzi urwu rwokuzvinyengera ndeapo tinogumbuka panoshorwa zvatinotenda. Pane kugumbuka, kuchenjera kuramba tiine pfungwa dzakazaruka uye kuteerera zvinotaura vamwe—kunyange patinenge tine chokwadi chokuti zvatinofunga zvakarurama.—Zvirevo 18:17.

Chera “Zivo yaMwari”

Chii chatingaita kuti tifunge zvakanaka? Pane zvakawanda zvinogona kutibatsira, asi tinofanira kuda kuzvishandira. Mambo akachenjera Soromoni akati: “Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu, nokuchengeta mirayiro yangu kwauri; kuti urerekere nzeve yako iteerere uchenjeri, nokurwadza mwoyo wako, kuti unzwisise; kana ukachemera kunzwisisa, ukadanidzira nenzwi rako kuti uwane njere; zvirokwazvo kana ukahutsvaka sesirivha, ukahutsvakisisa sepfuma yakavanzwa; ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha, nokuwana zivo yaMwari.” (Zvirevo 2:1-5) Chokwadi, kana isu pachedu tikaedza kuzadza mwoyo nepfungwa dzedu nechokwadi cheShoko raMwari, tichawana uchenjeri chaihwo, njere, nenzwisiso. Chaizvoizvo, tinenge tichichera zvinhu zvinokosha nokure kupfuura sirivha kana imwe pfuma yokunyama.—Zvirevo 3:13-15.

Uchenjeri nezivo zvinhu zvinokosha chaizvo pakufunga zvakanaka. “Uchenjeri huchapinda mumwoyo mako, zivo ichafadza mweya wako,” rinodaro Shoko raMwari, “kungwara kuchakurindira, njere dzichakuchengeta; zvikurwire panzira yezvakaipa, napavanhu vanotaura zvisakarurama; vanorasha makwara okururama, kuti vafambe nenzira dzerima.”—Zvirevo 2:10-13.

Zvinokosha zvakanyanya kuita kuti pfungwa dzaMwari dzitungamirire mafungiro edu panguva dzokushushikana kana kuti dzengozi. Manzwiro akasimba akadai sehasha kana kutya anogona kuita kuti zvisave nyore kufunga zvakanaka. “Kumanikidza kunoita muchenjeri benzi,” anodaro Soromoni. (Muparidzi 7:7) Zvinotobvira ku“tsamwira Jehovha.” (Zvirevo 19:3) Sei? Nokupomera Jehovha mhosva yezvinetso zvedu uye kuzvishandisa kuita zvinhu zvisingapindirani nemitemo nenheyo dzemitemo yake. Pane kufunga kuti nguva dzose tinoziva zvakanakisisa, ngatiteererei nokuzvininipisa kuvapi zano vakachenjera vanoedza kutibatsira nokushandisa Magwaro. Uye kana zvakakodzera kudaro, ngatigadzirirei kusiya kunyange maonero akasimba atingava nawo pazvinova pachena kuti haana kururama.—Zvirevo 1:1-5; 15:22.

‘Ramba Uchikumbira Mwari’

Tinorarama munguva dzinovhiringidza uye dzine ngozi. Kugaronyengetera kuna Jehovha kuti atitungamirire kunokosha kana tichizosarudza zvakanaka ndokuita nokuchenjera. “Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu,” anonyora kudaro Pauro, “asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe nokuonga; uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nemasimba enyu okufunga naKristu Jesu.” (VaFiripi 4:6, 7) Kana tisina uchenjeri hwokubata nezvinetso kana miedzo inotambudza, tinofanira ‘kuramba tichikumbira Mwari, nokuti anopa zvikuru vose asingazvidzi.’—Jakobho 1:5-8.

Achiziva kuti vamwe vaKristu vaida kuratidza uchenjeri, muapostora Petro akatsvaka ‘kumutsa mano avo okufunga kwakanaka.’ Aida kuti va“yeuke mashoko akambotaurwa nevaprofita vatsvene nomurayiro waShe noMuponesi,” Jesu Kristu. (2 Petro 3:1, 2) Kana tikaita izvi ndokuchengeta pfungwa dzedu dzichienderana neShoko raMwari, tichafunga zvakanaka toita nokuchenjera.

[Mifananidzo iri papeji 21]

VaKristu vokutanga vakaita kuti mafungiro avo aumbwe nouchenjeri hwaMwari, kwete nokufunga kwouzivi

[Kwazvakatorwa]

Vazivi, kubva kuruboshwe zvichienda kurudyi: Epicurus: Mufananidzo wakatorwa netendero yeBritish Museum; Cicero: Wakadhindwazve kubva mubhuku rinonzi The Lives of the Twelve Caesars; Plato: Roma, Musei Capitolini

[Mifananidzo iri papeji 23]

Munyengetero nokudzidzwa kweShoko raMwari zvinokosha