Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nyaradzo Yevaya Vari Kuchemera Kubatsirwa

Nyaradzo Yevaya Vari Kuchemera Kubatsirwa

Nyaradzo Yevaya Vari Kuchemera Kubatsirwa

BHAIBHERI harisi bhuku rezvoutano hwepfungwa. Zvisinei, rinotipa nyaradzo nokutibatsira kukoshesa upenyu pasinei nezvinetso zvatinosangana nazvo. Chaizvoizvo, Magwaro anonyatsoti: “Munhu wakazvarwa nomukadzi une mazuva mashoma, azere nokutambudzika.” (Jobho 14:1) Kusakwana kwedu pachedu ndiko kunokonzerawo mimwe miedzo yedu. Asi ndiani anonyanya kukonzera kutambura kwevanhu?

Bhaibheri rinoti iyeye mudzimu wakaipa unonzi Dhiyabhorosi uye Satani. Ari “kutsausa pasi rose rinogarwa” uye kukonzera nhamo dzakawanda dzinovhiringidza vanhu. Asi, Bhaibheri rinotitaurirawo kuti nguva yake iri kupera. (Zvakazarurwa 12:9, 12) Nokukurumidza nhamo dzose dzakaunzwa na- Satani pavagari vepasi pano dzichaguma kana Mwari apindira. Maere- rano neBhaibheri, nyika itsva yaMwari yakapikirwa ichagumisa kusava netariro nokupera mwoyo.—2 Petro 3:13.

Zvinonyaradza sei kuziva kuti kutambura kwevanhu ndokwenguva pfupi! Mukutonga kwoUmambo hwaMwari hwokudenga hunotungamirirwa naJesu Kristu, kusaruramisira nokutambura zvichaguma. NezvaMambo waMwari akagadzwa, Magwaro anoti: “Ucharwira mushayiwi kana achidanidzira; nomurombo usina mubatsiri. Uchanzwira nyasha murombo nomushayiwi, uchaponesa mweya yavashayiwi. Uchadzikinura mweya yavo pakutambudzika napakumanikidzwa; ropa ravo richava chinhu chinokosha pamberi pake.”—Pisarema 72:12-14.

Nguva yokuzadzika kwemashoko ouprofita aya yava pedyo zvikuru. Tinogona kunakidzwa noupenyu husingaperi muparadhiso yepasi pano mumamiriro ezvinhu akanaka kwazvo. (Ruka 23:43; Johani 17:3) Kuziva zvipikirwa izvi zvinonyaradza zvomuMagwaro kunopa tariro nenyaradzo kune vaya vanochemera kubatsirwa.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]

Musikana akaora mwoyo: Mufananidzo ILO/J. Maillard