Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Anofara Uyo Mwari Wake Ari Jehovha

Anofara Uyo Mwari Wake Ari Jehovha

Nyaya Youpenyu

Anofara Uyo Mwari Wake Ari Jehovha

YAKATAURWA NATOM DIDUR

Imba huru yomunharaunda yakanga yatobhadharwa. Vanhu vanenge 300 vaitarisirwa kuuya kugungano mutaundi rePorcupine, muruwa rweSaskatchewan, Canada. Musi weChitatu kwakatanga kudonha sinou, uye kuzoti Chishanu, kwakaita sinou yakawanda kwazvo zvokuti kwakanga kusingambooneki. Tembiricha yakadzika kusvika ku-40°C. Paiva nevanhu makumi maviri nevasere vakanga vauya, kusanganisira vana vashomanana. Iri ndiro raiva gungano rangu rokutanga somutariri wedunhu mutsva, uye ndaiva jaya remakore 25 rine ruzazu. Ndisati ndakuudzai zvakaitika, regai ndirondedzere nzira yandakava nayo neropafadzo iyi inokosha yebasa.

NDIRI wechinomwe wevana vasere, vose vakomana. Dangwe racho aiva Bill, achiteverwa naMetro, John, Fred, Mike, naAlex. Ini ndakazvarwa muna 1925, uye Wally ndiye gotwe. Taigara pedyo netaundi reUkraina, Manitoba, uko vabereki vangu, Michael naAnna Didur, vaiva nepurazi duku. Baba vaishanda kuraruwe somushandi wepachikamu chenjanji. Sezvo chiimba chaiva murutivi menjanji kure neguta chaisava nzvimbo yakanaka yokurerera mhuri yakakura, takagara papurazi ipapo. Baba vakanga vasingagari pamba kakawanda kacho, saka Amai ndivo vaiva nebasa rokutirera. Nguva nenguva, vaienda kundogara naBaba kwevhiki imwe kana kupfuura, asi vaiva nechokwadi chokuti tadzidzira kubika, kubheka, nokuita mamwe mabasa epamba. Uye sezvo taiva nhengo dzeChechi yeChikaturike cheGirisi, zvimwe zvatakadzidziswa naAmai tiri vaduku zvaisanganisira kuziva minyengetero nomusoro uye kuita dzimwe tsika.

Kusangana Nechokwadi cheBhaibheri

Chido changu chokunzwisisa Bhaibheri chakatanga pandaiva muduku. Mumwe muvakidzani, aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha, aigaroshanyira mhuri yedu kuzoverenga zvikamu zveBhaibheri zvaitaura nezvoUmambo hwaMwari, Amagedhoni, uye zvikomborero zvenyika itsva. Amai vakanga vasingambofariri zvaaitaura, asi Mike naAlex vakafarira mashoko acho. Zvavakadzidza zvakatovaita kuti varambe basa rechiuto muhondo yechipiri yenyika sevanhu vanotungamirirwa nehana. Mike akabva atongerwa kugara mujeri kwenguva pfupi, nepo Alex akatumirwa kumusasa wechibharo kuOntario. Nokufamba kwenguva, Fred naWally vakagamuchirawo chokwadi. Zvisinei, vakoma vangu vatatu vakuru havana kuchigamuchira. Kwemakore anoverengeka, Amai vakatoshora chokwadi asi gare gare vakatishamisa tose pavakazvitsaurira kuna Jehovha. Vakabhabhatidzwa vava nemakore 83. Amai vakanga vava nemakore 96 pavakafa. Baba vakanga vachifarirawo chokwadi vasati vafa.

Pandakanga ndava nemakore 17, ndakaenda kuWinnipeg kunotsvaka basa pamwe nokusonganira neavo vaigona kundibatsira kudzidza Bhaibheri. Zvapupu zvaJehovha zvairambidzwa panguva yacho, asi misangano yaiitwa nguva dzose. Musangano wokutanga wandakapinda wakaitirwa pamba. Sezvo ndakarerwa maererano nokutenda kweChikaturike cheGirisi, zvandakatanga kunzwa zvaiita sezvinoti shamisei. Zvisinei, zvishoma nezvishoma ndakanzwisisa chikonzero nei urongwa hwevafundisi nevanhuwo zvavo hwakanga husiri hwomuMagwaro uye chikonzero nei Mwari akanga asingazvitenderi apo vafundisi vaikomborera kurwa hondo. (Isaya 2:4; Mateu 23:8-10; VaRoma 12:17, 18) Kurarama muParadhiso pasi pano kwairatidza kuva kune musoro zvikuru uye kunonzwisisika pane kuenda kunzvimbo iri kure nokusingaperi.

Ndagutsikana kuti ichi chakanga chiri chokwadi, ndakazvitsaurira kuna Jehovha ndokubhabhatidzwa muna 1942 muWinnipeg. Kuzoti 1943 asvika Zvapupu zvaJehovha zvakatanga kubvumirwa muCanada, uye basa rokuparidza rakatanga kufambira mberi. Chokwadi cheBhaibheri chakanga chava kubaya mwoyo wangu zvikuru. Ndakava neropafadzo yokushanda somushumiri muungano uyewo kufamba ndichipa hurukuro dzavose mundima nokushanda ndima dzisina kugoverwa. Kupinda kokorodzano dzakakura muUnited States kwakabatsira zvisingaenzaniswi pakufambira mberi kwangu mumudzimu.

Kuwedzera Basa Rangu Kuna Jehovha

Muna 1950, ndakanyoresa somushumiri piyona, uye muna December wegore iroro, ndakakumbirwa kushanda somutariri wedunhu. Ndakawana ropafadzo yokudzidziswa basa rokufambira pedyo neToronto naCharlie Hepworth, hama yaiva noruzivo uye yakavimbika. Ndakafarawo kupedza vhiki yokupedzisira yokudzidziswa kwangu ndine mukoma wangu Alex, uyo akanga atova mubasa redunhu muWinnipeg.

Gungano rangu redunhu rokutanga, sezvarondedzerwa pamavambo, haribudi mundangariro dzangu. Sezvinongoita munhu wose ndaizvidya mwoyo kuti zvaizofamba sei. Mutariri wedu woruwa, Hama Jack Nathan, vakaita kuti tose tirambe takabatikana uye tichifara. Takapfupikisa purogiramu yegungano nevanhu vakanga varipo ivavo. Takaita majana okurondedzera zvakaitika, kudzidzira mharidzo dzepaimba neimba, kudzokerera, uye kuenzanisira maitisirwo ezvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha. Takaimba nziyo dzoUmambo. Zvokudya zvakanga zvakawanda. Tainwa kofi nemapayi anenge maawa maviri oga oga. Vamwe vairara pamabhenji uye pachikuva, vamwewo vachirara pauriri. Kuzoti wava musi weSvondo dutu racho rakamboita nani zvishoma zvokuti takava nevanhu 96 pahurukuro yavose. Chiitiko ichi chakandidzidzisa kutsungirira mumamiriro ezvinhu akaoma.

Pamugove wangu unotevera wedunhu ndakaenda kumusoro kweAlberta, British Columbia, uye kuYukon Territory, nyika ine mwaka isinganyuri zuva usiku. Kufamba mumugwagwa usina tara weAlaska Highway kubva kuDawson Creek, British Columbia, kusvika kuWhitehorse, Yukon (rwendo rwemakiromita 1 477), uye kupupurira munzira yose kwaida kutsungirira nokungwarira. Kuondomoka kwesinou, materu egomo anotsvedza, uye kusaoneka zvakanaka pamusana pesinou inopepereka chaiva chinetso chaicho.

Ndakashamiswa kuona mapindiro akaita chokwadi kuFar North. Pane imwe nguva, ini naWalter Lewkowicz takasvika pane kamwe kamba kenhando nhando kaiva pedyo nomusha weLower Post, British Columbia, kurutivi rweAlaska Highway pedyo nomuganhu weYukon Territory. Takaziva kuti pane aigara mukamba ikako nokuti takaona kachiedza nepakawindo kaivapo. Dzakanga dzava kuma9 dzemanheru, uye takagogodza pamusuo. Inzwi romunhurume rakadaidzira kuti tipinde, saka takapinda. Takashamiswa sei kuona harahwa yakarara pamubhedha wayo ichiverenga magazini yeNharireyomurindi! Yaitova nemagazini yepamberi kupfuura yatakanga tichigovera. Yakatsanangura kuti yaigamuchira magazini ayo nendege. Sezvo takanga tava nemazuva anopfuura masere tabva kuungano panguva iyi, takanga tisina magazini matsva. Murume uyu akati ainzi Fred Berg, uye kunyange zvazvo akanga akazvinyoresa kugamuchira magazini kwemakore anoverengeka, aka ndiko kakanga kari kokutanga kushanyirwa neZvapupu zvaJehovha. Fred akati tirare usiku ihwohwo. Takakwanisa kukurukura naye zvinhu zvakawanda maererano nechokwadi cheMagwaro uye kuronga kuti zvimwe Zvapupu zvinogaropfuura nomunharaunda iyoyo zvimushanyire.

Kwemakore anoverengeka ndakashanyira matunhu maduku matatu. Aibvira kuGrande Prairie, Alberta, kumabvazuva kusvika kuKodiak, Alaska, kumadokero, rwendo rwemakiromita 3 500.

Munzira yakanaka kwazvo, ndakadzidza kuti munzvimbo dziri kwakataramuka, kungofanana nokumwe kwose, mutsa une rudo waJehovha ndowevanhu vose uye kuti mudzimu waMwari unokurudzira pfungwa nemwoyo zvevaya vanoda upenyu husingaperi. Mumwe munhu akadaro aiva Henry Lepine wokuDawson City, Yukon, yava kunzi Dawson. Henry aigara kunzvimbo iri kwakataramuka. Ndingatoti, haana kumbobva munharaunda inocherwa ndarama kwemakore anodarika 60. Zvisinei, mudzimu waJehovha wakakurudzira murume uyu aiva nemakore 84 kupinda parwendo rwemakiromita anopfura 1 600 kuenda kuAnchorage kunopinda gungano redunhu, kunyange zvazvo akanga asati ambopinda musangano weungano. Akanakidzwa nepurogiramu yacho akafadzwa zvikuru nokusonganira nevamwe. Paakadzoka kuDawson City, Henry akaramba akatendeka kusvikira afa. Vakawanda vaiziva Henry vakashamisika kuti chii chakaita kuti harahwa iyi ifambe rwendo rwakareba zvakadaro. Chido chokuziva ichi chakaita kuti vamwe vashomanana vakanga vachembera vagamuchire chokwadi. Saka, nenzira isina kunanga, Henry akakwanisa kupa uchapupu hwakanaka kwazvo.

Ndakaitirwa Mutsa Usina Kufanirwa naJehovha

Muna 1955, ndakafara kukokwa kunopinda kirasi yechi26 yeChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi. Kudzidziswa uku kwakasimbisa kutenda kwangu uye kwakandibatsira kuswedera pedyo naJehovha. Pandakapedza kudzidza, ndakanzi ndienderere mberi nebasa redunhu muCanada.

Kwerinenge gore, ndakashanda mupurovhinzi yeOntario. Pashure pacho ndakaendeswa zvakare kuChamhembe kwakanga kwakanaka kwazvo. Mupfungwa dzangu ndichiri kugona kuona migwagwa yakanaka kwazvo ichitenderera madhamu makuru akanaka, ane mvura yakachena uye ichipoterera mumakomo akafukidzwa nesinou pamusoro. Muchirimo, mipata nenzvimbo dzakazara uswa zvinenge zviri nzvimbo dzinonakidza kwazvo dzakafukidzwa nemaruva. Mhepo yacho inotonhorera uye mvura yacho yakachena. Mabheya, makava, mamoose, macaribou, nedzimwewo mhuka dzesango zvinofamba zvakasununguka munzvimbo yadzo.

Zvisinei, Alaska ine zvainonetsera—kwete chete kuchinja-chinja kwaiita mamiriro okunze asiwo madaro akareba. Dunhu rangu raiva rakakura makiromita 3 200 kubva kumabvazuva kuenda kumadokero. Kare ikako, pakanga pasina urongwa hwokuti mutariri wedunhu ave nemotokari. Hama dzomuungano ndidzo dzaizvipira kunditakura nemotokari kubva paungano kuenda kune imwe. Zvisinei, dzimwe nguva, ndaifanira kukwira marori kana motokari dzevashanyi.

Pamwe pandakaita kudaro paiva paimwe nzvimbo muAlaska Highway pakati peTok Junction, Alaska, neMile 1202, kana kuti nharaunda yeScotty Creek. Hofisi dzinotarisira kubuda nokupinda munyika dziri panzvimbo mbiri idzi dzaiva dzakaparadzana nemakiromita 160. Ndakapfuura pahofisi yokubuda nokupinda munyika yeUnited States paTok ndokukwira motokari kwemakiromita anenge 50. Zvakadaro hapana motokari yakauya, uye ndakafamba kwemaawa anenge 10 ndikapedza makiromita anopfuura 40. Ndakatozoziva pave paya kuti ndichangopfuura hofisi iya, motokari dzose dzakamiswa pachinzvimbo ichocho chomugwagwa wacho nemhaka yesinou yakanga yawondomoka chinhambwe chipfupi kubva pokuyambuka napo muganhu. Kuzoti pava pakati pousiku tembiricha yakadzika kusvika panenge pa-23°C, uye ndakanga ndichiri makiromita 80 kubva kunzvimbo yaiva pedyo yandaigona kuhwanda. Ndakanga ndava kunetseka kuti ndiwane nzvimbo yokupinda yandaigona kuzorora.

Sezvandakagwesha ndichienda, ndakaona motokari yakanga yakangosiyiwa parutivi pomugwagwa, yakafukidzwa zvishoma nesinou. Ndakafunga kuti ndikakwanisa kupinda mukati ndorara pamakusheni, ndaigona kupona chando chousiku. Ndakakwanisa kubvisa sinou yakati kuti zvokuti ndikwanise kuvhura musuo, ndokuona kuti mukati maingova marata oga oga. Sezvineiwo, nechepazasi zvishoma mumugwagwa wacho, ndakawana chimba chisina chinhu. Ndatamburira kupinda mukati uye kuvesa moto, ndakazokwanisa kuzorora kwemaawa mashomanana. Mangwanani, ndakakwanisa kukwira motokari kuenda paimba yevaeni yaiva pedyo, pandakawana zvokudya sezvo ndakanga ndava nenzara zvikuru, uye kuisa mabhandiji paminwe yangu yakanga yachekeka-chekeka.

Jehovha Anoita Kuti Zvikure Kuchamhembe

Kushanya kwangu kwokutanga kuFairbanks kwaikurudzira kwazvo. Takabudirira chaizvo muushumiri, uye vanhu vanenge 50 vakateerera hurukuro yavose musi weSvondo iwoyo. Takasangana mumusha muduku wemamishinari kwaigara Vernor naLorraine Davis. Vanhu vaibudisa misoro yavo mukicheni, muimba yokurara, nomukoridho kuti vanzwe hurukuro yacho. Takaziva kubva mukudavidza kwakanaka uku kuti Imba yoUmambo yaizoita kuti basa rokuparidza muFairbanks ribudirire. Saka nokubatsira kwaJehovha, takatenga chivako chihombe, chaimbova imba yokuitira dhanzi, ndokuchiendesa pane imwe nzvimbo yakakodzera. Pakacherwa mugodhi, uye zvimbudzi nembaura zvakaiswa. Mugore rimwe chete, muFairbanks makanga mava neImba yoUmambo yaishandiswa. Pashure pokuvakwa kwekicheni, imba yacho yakashandiswa kuitira kokorodzano yoruwa muna 1958, yakapindwa nevanhu 330.

Muchirimo cha1960, ndakaita rwendo rurefu nemotokari kuenda kudzimbahwe renyika yose reZvapupu zvaJehovha muNew York kunopinda musangano wevatariri vose vanofambira muUnited States neCanada. Pandaiva ikoko, Hama Nathan Knorr nedzimwe hama dzaiva nemitoro dzakandibvunzurudza kana zvaibvira kuvhura hofisi yebazi muAlaska. Mwedzi mishomanana gare gare, takafara kunzwa kuti kubvira muna September 1, 1961, Alaska yaizova nehofisi yebazi. Hama Andrew K. Wagner vakagoverwa kuti vatarisire mabasa epabazi. Ivo nomudzimai wavo, Vera, vakanga vashanda kuBrooklyn kwemakore 20 uye vakanga vaitawo basa rokufambira. Kuiswa kwehofisi yebazi muAlaska hwaiva urongwa hwakafarirwa, nokuti kwakaderedza kufamba kwomutariri wedunhu uye kwakaita kuti akwanise kuisa pfungwa zvakanyanya pane zvinhu chaizvo zvaidiwa neungano nendima dziri kwakataramuka.

Chirimo cha1962 chaiva nguva yomufaro kuChamhembe. Bazi reAlaska rakatsaurirwa, uye kwaiva nekokorodzano yoruwa muJuneau, Alaska. Dzimba dzoUmambo itsva dzakavakwa muJuneau neWhitehorse, Yukon, uye mapoka ari oga anoverengeka akaumbwawo.

Kudzoka kuCanada

Kwemakore anoverengeka, ndakanga ndichinyorerana tsamba naMargareta Petras wokuCanada. Reta, sokudanwa kwaave achiitwa nguva dzose, akatanga basa roupiyona muna 1947, akapedza zvidzidzo kuGiriyedhi muna 1955, uye akanga achipayona kumabvazuva kweCanada. Ndakamupfimba, uye akabvuma. Takaroorana kuWhitehorse muna February 1963. Akazoti ava matsutso egore iroro, ndakatumirwa kubasa redunhu nechokumavirira kweCanada, uye takava nomufaro wokushanda ikoko kwemakore 25 akatevera.

Nokuda kwezvikonzero zvoutano, muna 1988 takapiwa basa rokuva mapiyona chaiwo muWinnipeg, Manitoba. Izvi zvaisanganisira kutarisira Imba Yemagungano kwemakore anenge mashanu. Kusvika pamwero unobvira, tichiri kuita basa rinofadza rokuita vadzidzi. Mubasa redunhu, takatanga zvidzidzo zveBhaibheri zvakawanda zvaizoitiswa nevamwe. Iye zvino, nomutsa waJehovha usina kufanirwa, tinozvitanga tobva tava nomufaro wakawedzerwa wokuona vadzidzi vacho vachifambira mberi kusvika vazvitsaurira nokubhabhatidzwa.

Ndine chokwadi chokuti kushumira Jehovha ndiyo nzira yakanakisisa youpenyu. Kunofadza uye kunogutsa, uye kunodzamisa rudo rwedu kuna Jehovha zuva rimwe nerimwe. Izvi ndizvo zvinounza mufaro wechokwadi. Chero basa raMwari ratinaro, kana kuti chero nzvimbo yatiri munyika, tinobvumirana nomunyori wepisarema akati: “Vane mufaro vanhu avo, Mwari wavo ari Jehovha.”—Pisarema 144:15.

[Mufananidzo uri papeji 24, 25]

Ndiri mubasa redunhu

[Mufananidzo uri papeji 25]

Tichishanyira Henry Lepine kuDawson City. Ndini ndiri kuruboshwe

[Mufananidzo uri papeji 26]

Imba yoUmambo yokutanga muAnchorage

[Mufananidzo uri papeji 26]

Ini naReta muna 1998