Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha, Mwari Wechokwadi

Jehovha, Mwari Wechokwadi

Jehovha, Mwari Wechokwadi

“Makandidzikinura Jehovha, imi Mwari wazvokwadi.”—PISAREMA 31:5.

1. Zvinhu zvakanga zvimire sei kudenga nepasi pano apo kwaisava nenhema?

PANE nguva apo kwaisava nenhema. Kumatenga asingaoneki kwaigara zvisikwa zvomudzimu zvakakwana, zvaishumira Musiki wazvo, “Mwari wazvokwadi.” (Pisarema 31:5) Kwaisava nenhema, kusina kunyengera. Jehovha akaudza vanakomana vake vomudzimu zvinhu zvechokwadi. Aiita kudaro nokuti aivada uye nokuti aifarira zvikuru kubudirira kwavo. Ndizvo zvazvakanga zvakaitawo pasi pano. Jehovha akasika murume nomukadzi vokutanga, uye achishandisa nzira yake yakarongwa, nguva dzose aitaura navo nenzira yakajeka, yakananga, uye yechokwadi. Izvozvo zvinofanira kunge zvakanga zvichifadza chaizvo!

2. Ndiani akatanga nhema, uye nei?

2 Zvisinei, pakupedzisira mumwe mwanakomana womudzimu waMwari nenzira yemakaro akatanga kuzviita mwari anokwikwidza, achishora Jehovha. Chisikwa chomudzimu ichi, chakazozivikanwa saSatani Dhiyabhorosi, chaida kuti vamwe vachinamate. Kuti aite chinangwa chake, akatanga nhema senzira yokudzora nayo vamwe. Mukuita kudaro, akava zvose “murevi wenhema nababa venhema.”—Johani 8:44.

3. Adhamu naEvha vakaitei pavakanzwa nhema dzaSatani, uye zvakaguma nei?

3 Achishandisa nyoka, Satani akaudza mukadzi wokutanga, Evha, kuti kana akasateerera murayiro waMwari ndokudya muchero wakarambidzwa, aisazofa. Idzodzo dzaiva nhema zvakare. Akamuudza zvakare kuti kana akadya aizova akafanana naMwari, achiziva zvakanaka nezvakaipa. Idzodzo dzaiva nhema zvakare. Kunyange Evha akanga asati ambonyeperwa, anofanira kunge akaziva kuti zvaakanzwa nenyoka zvakanga zvichipesana neizvo Mwari akanga audza murume wake, Adhamu. Kunyange zvakadaro, akasarudza kudavira zvakataurwa naSatani, kwete Jehovha. Anyengerwa kwazvo, akatora muchero akaudya. Adhamu akazodyawo muchero wacho. (Genesi 3:1-6) Kufanana naEvha, Adhamu akanga asati ambonzwa nhema, asi haana kunyengedzwa. (1 Timoti 2:14) Nezviito zvake, akaratidza kuti akaramba Muiti wake. Zvakazoguma zvaitika kuvanhu zvairwadza. Nemhaka yokusateerera kwaAdhamu, chivi norufu—pamwe chete nouori nenhamo dzisingaverengeki—zvakapararira kuvana vake vose.—VaRoma 5:12.

4. (a) Nhema dzakataurwa muEdheni dzaiva dzorudzii? (b) Tinofanira kuitei kuti tisatsauswa naSatani?

4 Nhema dzakapararirawo. Tinofanira kuziva kuti nhema idzodzo dzakataurwa mubindu reEdheni kwaiva kudenhwa kwokutaura chokwadi kwaJehovha. Satani akataura kuti Mwari akanga achinyima nenzira younyengeri vanhu vaviri vokutanga chimwe chinhu chakanaka. Zviri pachena kuti izvozvo zvakanga zvisirizvo. Adhamu naEvha havana kubatsirwa nokusateerera kwavo. Vakafa, sokutaura kwakanga kwangoita Jehovha. Kunyange zvakadaro, nhema dzakaipa dzakataurwa naSatani pamusoro paJehovha dzakaenderera mberi, zviya zvokuti mazana emakore gare gare, muapostora Johani akafuridzirwa kunyora kuti Satani “ari kutsausa pasi rose rinogarwa.” (Zvakazarurwa 12:9) Kuti tisatsauswe naSatani Dhiyabhorosi, tinofanira kuva nechivimbo chakakwana nokutaura chokwadi kwaJehovha neShoko rake. Ungakudziridza nokusimbisa sei chivimbo chako muna Jehovha ndokuzvisimbisa pachako mukurwisa unyengeri nenhema dzinosimudzirwa noMuvengi wake?

Jehovha Anoziva Chokwadi

5, 6. (a) Jehovha ane ruzivo rwakadini? (b) Ruzivo rwomunhu rwakakura sei kana ruchienzaniswa norwaJehovha?

5 Bhaibheri nguva dzose rinoti Jehovha ndiye “akasika zvinhu zvose.” (VaEfeso 3:9) Ndiye “akaita denga nepasi negungwa nezvinhu zvose zviri mazviri.” (Mabasa 4:24) Sezvo Jehovha ari Musiki, anoziva chokwadi chezvinhu zvose. Kupa somuenzaniso: Funga nezvomurume anozvinyorera purani yemba yake obva aivaka yose iye pachake. Hapana chaangazotadza kuziva paimba iyoyo, uye achainzwisisa zvikuru kupfuura ani zvake anongoiona nemaziso. Vanhu vanonyatsoziva zvinhu zvavanogadzira. Saizvozvowo, Musiki anoziva zvose pamusoro pezvaakasika.

6 Muprofita Isaya akatsanangura zvakanaka kwazvo makuriro akaita ruzivo rwaJehovha. Tinoverenga kuti: “Ndianiko wakayera mvura zhinji muchanza choruoko rwake, nokuyera denga napanosvika minwe, nokuenzanisa guruva rapasi nechiyero, nokuyera kurema kwamakomo nechiidzo, nezvikomo nechiyero? Ndianiko wakayera mweya waJehovha, kana wakamudzidzisa achimurayira namano? Wakarangana nani, ndiani wakamurayira nokumudzidzisa nzira yokururamisira, nokumudzidzisa zivo, nokumuratidza nzira yenjere?” (Isaya 40:12-14) Zvechokwadi, Jehovha “ndiMwari une zivo” uye “wakakwana pazivo.” (1 Samueri 2:3; Jobho 36:4; 37:16) Kana zvichienzaniswa, zvatinoziva isu zvishoma chaizvo! Pasinei noruzivo runoshamisa kwazvo rwakaunganidzwa nevanhu, kunzwisisa kwatinoita zvinhu zvakasikwa hakutombosviki ku‘mudziwo wenzira dzaMwari.’ Kwakaita se“zevezeve” kana kuchienzaniswa no“kutinhira kwesimba.”—Jobho 26:14.

7. Dhavhidhi akabvuma chii pamusoro poruzivo rwaJehovha, uye isu tinofanira kubvumei?

7 Sezvo Jehovha ariye akatisika, zvinoreva kuti anotiziva zvikuru. Mambo Dhavhidhi akabvuma izvi. Akanyora kuti: “Jehovha, imi makandinzvera, nokundiziva. Munoziva kugara kwangu pasi nokusimuka kwangu, munonzwisisa kufunga kwangu muri kure. Munocherechedza kufamba kwangu nokuvata kwangu pasi, munoziva nzira dzangu dzose, nokuti shoko risati ravapo parurimi rwangu, tarirai, imi Jehovha, matoriziva rose.” (Pisarema 139:1-4) Chokwadi, Dhavhidhi akaziva kuti vanhu vakasununguka kuita zvavanozvisarudzira—Mwari akaita kuti tikwanise kumuteerera kana kusamuteerera. (Dheuteronomio 30:19, 20; Joshua 24:15) Kunyange zvakadaro, Jehovha anotiziva zvikuru kwazvo kupfuura kuzviziva kwatinoita pachedu. Anoda kuti tiwane zvakanakisisa, uye anokwanisa kutitungamirira. (Jeremia 10:23) Zvechokwadi, hapana mudzidzisi, hapana nyanzvi, hapana chipangamazano angakwanisa kupfuura iye kutidzidzisa chokwadi uye kutiita vakachenjera uye vanofara.

Jehovha Anotaura Chokwadi

8. Tinoziva sei kuti Jehovha anotaura chokwadi?

8 Kuziva chokwadi hakurevi kuti wava kutaura chokwadi nguva dzose, kuti wakatendeseka. Somuenzaniso, Dhiyabhorosi akasarudza kusa“mira zvakasimba muchokwadi.” (Johani 8:44) Kusiyana naye, Jehovha ‘azere nechokwadi.’ (Eksodho 34:6) Magwaro anopupurira nguva dzose nezvokutaura chokwadi kwaJehovha. Muapostora Pauro akataura kuti ‘hazvibviri kuti Mwari areve nhema,’ uye kuti Mwari haa“mborevi nhema.” (VaHebheru 6:18; Tito 1:2) Kutaura chokwadi ndechinhu chinokosha paunhu hwaMwari. Tinogona kuvimba naJehovha nokuti anotaura chokwadi; haambonyengeri vakavimbika vake.

9. Zita raJehovha rine chokuita nechokwadi sei?

9 Zita raJehovha pacharo rinopupurira kuti anotaura chokwadi. Zita raMwari rinoreva kuti: “Anoita Kuti Zvive Sezvaanoda.” Izvi zvinoratidza Jehovha somunhu anoramba achiva Muzadziki wezvose zvaanopikira. Hapana mumwezve anokwanisa kuita izvozvo. Sezvo Jehovha ari Iye Mukurusa, hapana chingatadzisa zvinangwa zvake kuitika. Jehovha haangotauri chokwadi bedzi asi iye oga ndiye ane simba nouchenjeri hwokuita kuti zvose zvaanotaura zviitike.

10. (a) Joshua akaona sei kuti Jehovha anotaura chokwadi? (b) Zvipikirwa zvipi zvaJehovha zvawakaona zvichizadzika?

10 Joshua ndomumwe wevakawanda vakapupurira zviitiko zvinoshamisa zvaisimbisa kutaura chokwadi kwaJehovha. Joshua aiva muIjipiti apo Jehovha akaunza matambudziko gumi parudzi irworwo, achifanotaura rimwe nerimwe rawo risati raitika. Pakati pezvimwe zvinhu, Joshua akaona kuzadzika kwezvipikirwa zvaJehovha zvokununura vaIsraeri muIjipiti uye kuvatungamirira kuNyika Yakapikirwa, achikunda mauto aiva nesimba echiKenani aivashora. Nechokumagumo oupenyu hwake, Joshua akaudza varume vakuru vorudzi rwaIsraeri kuti: “Imi munoziva mumwoyo yenyu yose nomumweya yenyu yose, kuti hapana chinhu chimwe pazvose zvakanaka zvakataurwa pamusoro penyu naJehovha Mwari wenyu, chakakona.” (Joshua 23:14) Kunyange iwe pachako usina kuona zvishamiso zvakaonekwa naJoshua, wakaona uchokwadi hwezvipikirwa zvaMwari muupenyu hwako here?

Jehovha Anozivisa Chokwadi

11. Chii chinoratidza kuti Jehovha anoda kutaurira vanhu chokwadi?

11 Fungidzira mubereki ane ruzivo rwakakura asi asingambowanzotauri nevana vake. Hauongi here kuti Jehovha haana kudaro? Jehovha anotaura nevanhu nenzira yorudo, uye anozviita kakawanda. Magwaro anomudana kuti “Murayiridzi . . . Mukuru.” (Isaya 30:20, NW) Nomutsa wake une rudo, anototaura nevaya vasimborina pfungwa yokumuteerera. Somuenzaniso, Ezekieri akapiwa basa rokuparidzira vaya avo Jehovha aiziva kuti vaisazoteerera. Jehovha akati: “Mwanakomana womunhu, famba uende kuimba yaIsraeri, utaure kwavari mashoko angu.” Zvadaro akanyevera kuti: “[Va]charamba kukunzwa, nokuti havadi kundinzwa ini, nokuti imba yose yaIsraeri vane huma dzakaoma, nemwoyo mikukutu.” Iroro rakanga riri basa rakaoma, asi Ezekieri akariita akatendeka, uye mukuita kudaro, akaratidza tsitsi dzaJehovha. Kana ukangoona wava mubasa rokuparidza rakaoma uye ukavimba naMwari, unogona kuva nechivimbo chokuti achakusimbisa sezvaakangoita muprofita wake Ezekieri.—Ezekieri 3:4, 7-9.

12, 13. Mwari ave achitaura nevanhu munzira dzipi?

12 Jehovha anoda kuti “vanhu vose vaponeswe uye vasvike pazivo yakarurama yechokwadi.” (1 Timoti 2:4) Akataura achishandisa vaprofita, ngirozi, uye kunyange Mwanakomana wake anodiwa, Jesu Kristu. (VaHebheru 1:1, 2; 2:2) Kuna Pirato, Jesu akati: “Izvi ndizvo zvandakaberekerwa, uye ndizvo zvandakauyira munyika, kuti ndipupurire chokwadi. Munhu wose ari kurutivi rwechokwadi anoteerera inzwi rangu.” Pirato akanga aine mukana unokosha kwazvo wokudzidza chokwadi pamusoro pourongwa hwaJehovha hworuponeso zvakananga kubva kuMwanakomana waMwari. Zvisinei, Pirato akanga asingatsigiri chokwadi uye akanga asingadi kudzidza kubva kuna Jesu. Panzvimbo peizvi, Pirato akapindura achitotsvinya hake kuti: “Chokwadi chii?” (Johani 18:37, 38) Tine urombo naye! Asi, vakawanda vakateerera chokwadi chakaziviswa naJesu. Kuvadzidzi vake akati: “Maziso enyu anofara nokuti anoona, uye nzeve dzenyu nokuti dzinonzwa.” (Mateu 13:16)

13 Jehovha akachengetedza chokwadi kuburikidza neBhaibheri uye akaita kuti chiwanikwe kuvanhu vari kwose kwose. Bhaibheri rinozivisa zvinhu sezvazviri chaizvo. Rinotsanangura unhu, zvinangwa, uye mirayiro yaMwari, pamwe chete nemamiriro chaiwo akaita zvinhu pakati pevanhu. Jesu akati mumunyengetero kuna Jehovha: “Shoko renyu ichokwadi.” (Johani 17:17) Pamusana peizvi, Bhaibheri ibhuku rakasiyana nemamwe ose. Ndiro bedzi rakanyorwa richifuridzirwa naMwari anoziva zvinhu zvose. (2 Timoti 3:16) Chipo chakanaka chakapiwa vanhu, icho vashumiri vaMwari vanokoshesa. Kana tikariverenga mazuva ose tinenge takachenjera.

Batisisa Chokwadi

14. Ndezvipi zvimwe zvinhu izvo Jehovha anoti achaita, uye nei tichifanira kumudavira?

14 Tinofanira kukoshesa zvatinotaurirwa naJehovha muShoko rake. Zvaanoti ndizvo zvaari, ndizvo zvaari, uye achaita zvaanoti achaita. Tine zvikonzero zvakasimba zvokuvimba naMwari. Tinogona kuzvidavira kuti ichokwadi Jehovha paanoti acha“tsiva vasingazivi Mwari uye vasingateereri mashoko akanaka pamusoro paShe wedu Jesu.” (2 VaTesaronika 1:8) Tinogonawo kuvimba nezvinotaura Jehovha paanoti anoda vaya vanoda kururama, paanoti achapa upenyu husingaperi kune vaya vanotenda, uye paanoti achabvisa marwadzo, kuchema, uye kunyange rufu. Jehovha akasimbisa kuvimbika kwechipikirwa chapedzisira kutaurwa ichi nokurayiridza muapostora Johani kuti: “Nyora, nokuti mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi.”—Zvakazarurwa 21:4, 5; Zvirevo 15:9; Johani 3:36.

15. Ndedzipi dziri dzimwe nhema dzinosimudzirwa naSatani?

15 Satani akasiyana zvachose naJehovha. Pane kujekesera vanhu, anovanyengedza. Kuti atsause vanhu pakunamata kwakachena sezvaanoda, Satani anosimudzira nhema dzakawanda. Somuenzaniso, Satani angatiita kuti tidavire kuti Mwari haambodi kuva pedyo nesu uye haana hanya nokutambura kuri kuitika pasi pano. Asi, Bhaibheri rinoratidza kuti Jehovha ane hanya kwazvo nezvisikwa zvake uye anorwadziwa nouipi nokutambura. (Mabasa 17:24-30) Satani anodawo kuti vanhu vadavire kuti kushingairira zvinhu zvokunamata kupedza nguva. Kusiyana naizvozvo, Magwaro anotivimbisa kuti “Mwari haasi asina kururama kuti angabve akanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake.” Uyezve, anotaura zvakajeka kuti “anova anopa mubayiro vanomutsvaka nemwoyo wose.”—VaHebheru 6:10; 11:6.

16. Nei vaKristu vachifanira kuramba vakangwarira vobatisisa chokwadi?

16 Achitaura nezvaSatani, muapostora Pauro akanyora kuti: “Mwari wegadziriro ino yezvinhu akapofumadza pfungwa [dzevasingatendi], kuti varege kupenyerwa nokuvhenekera kwemashoko akanaka ane mbiri pamusoro paKristu, uyo ari mufananidzo waMwari.” (2 VaKorinde 4:4) SaEvha, vamwe vanonyengerwa kwazvo naSatani Dhiyabhorosi. Vamwe vanoita sezvakaitwa naAdhamu, uyo asina kunyengedzwa asi akasarudza nemaune nzira yokusateerera. (Judha 5, 11) Saka, zvinokosha kuti vaKristu varambe vakangwarira vobatisisa chokwadi.

Jehovha Anoda “Kutenda Kusina Kunyengera”

17. Chii chatinofanira kuita kuti tiwane nyasha dzaJehovha?

17 Sezvo ari wechokwadi munzira dzake dzose, Jehovha anotarisira vaya vanomunamata kuvawo vechokwadi. Munyori wepisarema akanyora kuti: “Jehovha, ndianiko ungatsaukira mutende renyu? Ndianiko ungagara pagomo renyu dzvene? Uyo, unofamba asina mhosva, unoita zvakarurama, unotaura zvokwadi mumwoyo make.” (Pisarema 15:1, 2) KuvaJudha vakaimba mashoko iwayo, kutaurwa kwegomo dzvene raJehovha pasina mubvunzo kwakavayeuchidza Gomo reZiyoni, pakaiswa areka yesungano naMambo Dhavhidhi mutende raakanga akaka ipapo. (2 Samueri 6:12, 17) Gomo racho netende zvaiyeuchidza nzvimbo iyo Jehovha aigara nenzira yokufananidzira. Vari ipapo, vanhu vaigona kusvika kuna Mwari kuti vateterere nyasha dzake.

18. (a) Ushamwari naMwari hunoda chii? (b) Chii chichakurukurwa munyaya inotevera?

18 Ani naani anoda kushamwaridzana naJehovha anofanira kutaura chokwadi “mumwoyo make,” kwete nemiromo chete. Shamwari dzechokwadi dzaMwari dzinofanira kuva dzakatendeseka mumwoyo uye dzinofanira kupa uchapupu hwo“kutenda kusina kunyengera,” nokuti zviito zvechokwadi zvinobva mumwoyo. (1 Timoti 1:5; Mateu 12:34, 35) Shamwari yaMwari haitsauki kana kunyengera, nokuti “Jehovha unosema munhu . . . unonyengera.” (Pisarema 5:6) Zvapupu zvaJehovha pasi pose zvinoshanda zvakaoma kuti zvitaure chokwadi mukutevedzera Mwari wazvo. Nyaya inotevera ichakurukura izvi.

Ungapindura Sei?

• Nei Jehovha achiziva chokwadi pamusoro pezvinhu zvose?

• Chii chinoratidza kuti Jehovha anotaura chokwadi?

• Jehovha akazivisa sei chokwadi?

• Maererano nechokwadi, chii chinodiwa kwatiri?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 10]

Mwari wechokwadi anoziva zvose pamusoro pezvaakasika

[Mifananidzo iri papeji 12, 13]

Zvipikirwa zvaJehovha zvichaitika