Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kudzidza Unyanzvi Hwokuva Anongwarira

Kudzidza Unyanzvi Hwokuva Anongwarira

Kudzidza Unyanzvi Hwokuva Anongwarira

PEGGY akaona mwanakomana wake achitaura nehasha kumunun’una wake. “Unofunga kuti ndiyo yanga iri nzira yakanakisisa yokutaura nayo nomunun’una wako here?” akabvunza kudaro. “Ona kutsamwa kwaaita.” Nei akataura izvozvo? Akanga achiedza kudzidzisa mwanakomana wake unyanzvi hwokungwarira pakuita zvinhu uye kuratidza kufunga manzwiro anoita vamwe.

Muapostora Pauro akakurudzira shamwari yake yechiduku Timoti kuva “munyoro [kana kuti “anongwarira”] kune vose.” Nokuita kudaro, Timoti aisazorwadzisa vamwe. (2 Timoti 2:24) Kungwarira kudini? Ungavandudza sei munharaunda iyi? Uye ungabatsira sei vamwe kukudziridza unyanzvi hwacho?

Kungwarira Kudini?

Rimwe duramanzwi rinorondedzera kungwarira so“kukwanisa kunzwisisa mamiriro ezvinhu anogona kugumbura uye woita kana kutaura chinhu chakanakisisa kana chakakodzera kupfuura zvose.” Shoko racho pakutanga raireva kubata. Sezvo minwe ichikwanisa kunzwa kuti chimwe chinhu chiri kunama, chakapfava, chinotsvedzerera, chinopisa, kana kuti chine mvere, saka munhu anongwarira anogona kuziva manzwiro evamwe vanhu uye anogona kunzwisisa kuti mashoko ake kana zviito zvinogona kuita kuti vanzwe sei. Asi kuita izvi hahusingori unyanzvi chete; kunosanganisira chido chomwoyo wose chokusada kurwadzisa vamwe.

Tinowana muenzaniso womunhu asingangwariri munhoroondo yeBhaibheri yomuranda waErisha, Gehazi. Mumwe mukadzi wechiShunemi aiva nomwanakomana akanga achangobva kufira mumaoko ake akauya kuzoona Erisha, achida kunyaradzwa. Paakabvunzwa kana zvinhu zvose zvakanga zvimire zvakanaka, mukadzi uyu akapindura kuti: “Haiwa, takafara hedu!” Asi mukadzi uyu paakasvika kumuprofita, “Gehazi akaswedera achida kumusundira kure.” Asi Erisha akati: “Murege hake, nokuti mweya wake une shungu mukati make.”—2 Madzimambo 4:17-20, 25-27.

Ko Gehazi aizoita zvinhu zvokukurumidzira uye nokusangwarira kudaro sei? Ichokwadi kuti mukadzi wacho haana kutaura manzwiro ake paakabvunzwa. Asika, vanhu vakawanda havatauri zvavari kunzwa kumunhu wose wose. Kunyange zvakadaro, manzwiro ake anofanira kunge aitooneka neimwe nzira. Zviri pachena kuti Erisha akazviona, asi Gehazi haana, kana kuti haana hake kuda kuita hanya nazvo. Izvi zvinonyatsoratidza chinowanzokonzera kusangwarira. Kana munhu achinyanyofunga nezvokukosha kwebasa rake, anogona kukundikana nyore nyore kuona kana kuti kuva nehanya nezvinodiwa nevaya vaanobata navo. Akangofanana nomutyairi webhazi anowanzotaurwa nezvake uyo aiva neshungu dzokusvika nenguva zvokuti akanga asingamiri kuti atakure vanhu munzira.

Kuti tirege kuva vasingangwariri saGehazi, tinofanira kuedza kuva nomutsa kuvanhu, nokuti hatizivi manzwiro avanonyatsoita. Tinofanira kugarongwarira zvinoratidza manzwiro omunhu topindura neshoko kana chiito chomutsa. Ungavandudza sei unyanzvi hwako panyaya iyi?

Kunzwisisa Manzwiro Evamwe

Jesu akanga asina anoenzana naye pakuona manzwiro evamwe uye pakunzwisisa nzira yakanakisisa yokuvabata nomutsa. Imwe nguva akanga achidya mumba maSimoni, mumwe muFarisi, apo mumwe mukadzi “aizivikanwa muguta kuva munhu anoita zvivi” akasvika paari. Zvakare, hapana zvakataurwa, asi pane zvakawanda zvaigona kucherechedzwa. “Akaunza chinu chearabhasta chemafuta anonhuhwirira, zvino, achienda shure pedyo netsoka [dzaJesu], akachema akatanga kunyorovesa tsoka dzake nemisodzi yake achizodzipukuta nebvudzi romusoro wake. Uyewo, akatsvoda zvinyoronyoro tsoka dzake akadzizora mafuta anonhuhwirira.” Jesu akanzwisisa chairehwa nezvose izvi. Uye kunyange Simoni asina chaakataura, Jesu akakwanisa kuziva kuti mupfungwa dzake akanga achiti: “Kudai munhu uyu aiva muprofita, aizoziva kuti mukadzi uyu ari kumubata ndiani uye kuti akadini, kuti munhu anoita zvivi.”—Ruka 7:37-39.

Ungafungidzira here kurwadziwa kungadai kwakaparirwa kudai Jesu akanga asundira mukadzi iyeye kure, kana kuti dai akanga ati kuna Simoni: “Iwe munhu asina zvaanoziva! Hauoni here kuti apfidza?” Pane kudaro, Jesu akaudza Simoni muenzaniso pamusoro pomurume akakanganwira mumwe munhu chikwereti chikuru uye mumwezve munhu chikwereti chiduku kwazvo. “Ndiani wavo achamuda zvikuru?” Jesu akabvunza. Nokudaro, pane kuita seaitsoropodza Simoni, Jesu akakwanisa kurumbidza Simoni nokuda kwemhinduro yakanaka yaakapa. Saka akabatsira Simoni nomutsa kuona zviratidzo zvakawanda zvemanzwiro chaiwo aiita mukadzi wacho nokuratidza kwake kupfidza. Jesu akatendeukira kumukadzi wacho ndokumuratidza nomutsa kuti ainzwisisa manzwiro ake. Akamuudza kuti zvivi zvake zvakanga zvakanganwirwa achibva ati: “Kutenda kwako kwakuponesa; enda hako norugare.” Mashoko okungwarira iwayo anofanira kunge akawedzera shungu dzake dzokuita zvakanaka! (Ruka 7:40-50) Jesu akabudirira kuva anongwarira nokuti akaona manzwiro aiita vanhu ndokuvanzwira tsitsi.

Sokungobatsira kwakaita Jesu Simoni, isuwo tinogona kudzidza tobva tabatsira vamwe kunzwisisa mutauro usingadudzwi wemanzwiro. Vashumiri vane ruzivo dzimwe nguva vanogona kudzidzisa unyanzvi uhwu kune vatsva muushumiri hwechiKristu. Pashure pokushanya kwavanoita pavanogoverana nevamwe mashoko akanaka, vanogona kuongorora zviratidzo zvaratidza manzwiro evaya vavasangana navo. Munhu wacho anga akasungika, asina chokwadi nezvanga zvichitaurwa, akagumbuka, kana kuti akabatikana here? Ndeipi ingava nzira yomutsa zvikuru yokumubatsira nayo? Vakuru vangabatsirawo hama nehanzvadzi dzingave dzagumburana nokusangwarira. Batsirai mumwe nomumwe kunzwisisa manzwiro omumwe. Anonzwa agumburwa, asingateererwi, kana kuti asina kunzwisiswa zvakanaka here? Mutsa ungamuita kuti anzwe zviri nani sei?

Vabereki vanoita zvakanaka kubatsira vana vavo kukudziridza tsitsi, sezvo izvi zvirizvo zvichavaita kuti vave vanongwarira. Mwanakomana waPeggy, ataurwa kumavambo, akaona munun’una wake akatsvukisa meso, arembedza miromo, uye maziso azere misodzi, uye akaziva kurwadziwa kwakanga kuchiita munun’una wake. Sezvakanga zvichitarisirwa naamai vake chaizvo, akazvidemba ndokushinga kuchinja. Vanakomana vaPeggy vose vari vaviri vakashandisa zvakanaka unyanzvi ihwohwo hwavakadzidza vari vaduku uye makore akawanda gare gare vakava vaiti vevadzidzi nevafudzi vanobudirira muungano yechiKristu.

Ratidza Kuti Unonzwisisa

Kungwarira kunokosha zvikuru paunenge uine chinyunyuto kune mumwe munhu. Unogona kumunyadzisa nyore nyore. Kurumbidza zvakajeka nguva dzose kunokosha pakutanga. Pane kumushora, taura nezvechinetso chacho chete. Tsanangura kuti zviito zvake zvinokurwadza sei uye chaunonyatsoda kuona chichichinja. Zvadaro gadzirira kuteerera. Pamwe hauna kumunzwisisa zvakanaka.

Vanhu vanoda kunzwa kuti unonzwisisa maonero avo kunyange usingabvumirani nawo. Jesu akataura nokungwarira, achiratidza kuti ainzwisisa nhamo yaMarita. Akati: “Marita, Marita, unofunganya nokunetseka pamusoro pezvinhu zvakawanda.” (Ruka 10:41) Saizvozvowo, apo munhu anotaura nezvechimwe chinetso, pane kutaura nzira yokuchigadzirisa nayo usati wanzwa nyaya yacho, nzira yokungwarira yokuratidza kuti unonzwisisa ndeyokudzokorora chinetso kana chinyunyuto chacho nemashoko ako. Iyi inzira yomutsa yokuratidza nayo kuti unonzwisisa.

Ziva Zvausingafaniri Kutaura

Mambokadzi Esteri paaida kukumbira murume wake kuti akonese zano raHamani rokuparadza vaJudha, akaronga zvinhu nokungwarira kuti murume wake afare. Ipapo ndipo paakazotaura nyaya iyi yaigona kugumbura. Asi kucherechedza zvaasina kutaura kunotidzidzisawo chimwe chinhu. Akarega nokungwarira kutaura nezvokubatanidzwa kwomurume wake muurongwa hwakaipa uhwu.—Estere 5:1-8; 7:1, 2; 8:5.

Nenzira yakafanana, pakushanyira murume asingatendi wehanzvadzi yechiKristu, pane kubva wangomuratidza Bhaibheri ipapo, wadii kutanga nokubvunza zvaanofarira nokungwarira? Panouya munhu mutsva kuImba yoUmambo asina kupfeka zvine chiremera kana kuti mumwe munhu anouya pashure penguva refu asingapindi misangano, mugamuchire noushamwari pane kutaura nezvemapfekero ake kana kusauya kwake kumisangano. Uye paunoona kuti munhu mutsva anofarira ane maonero asiriwo, zvingava zvakanakisisa kusamururamisa pakarepo. (Johani 16:12) Kungwarira kunosanganisira kuziva zvokusataura.

Kutaura Kunoporesa

Kudzidza kutaura kwokungwarira kuchakubatsira kuva noukama hunofadza nevamwe, kunyange apo mumwe munhu asina kunzwisisa vavariro dzako uye akatsamwa uye achikuvenga. Somuenzaniso, apo varume vokuEfraimi ‘vakaedza kupopotera kwazvo’ Gidhiyoni, mhinduro yake yokungwarira yakasanganisira kutsanangura zvakajeka zvakanga zvatoitika uye kurumbidza nomwoyo wose zvakanga zvaitwa nevarume vokuEfraimi. Uku kwakanga kuri kungwarira nokuti akaziva chikonzero nei vakanga vakatsamwa, uye kuva kwake nomwero kwakaita kuti vanzwe zviri nani.—Vatongi 8:1-3; Zvirevo 16:24.

Nguva dzose edza kufunga kuti mashoko ako achaita kuti vamwe vanzwe sei. Kuedza kuva anongwarira kuchakubatsira kuwana mufaro unotsanangurwa pana Zvirevo 15:23 kuti: “Munhu unofadzwa nemhinduro yakarurama yomuromo wake; uye shoko, rinotaurwa nenguva yakafanira, rakanaka sei!”

[Mufananidzo uri papeji 31]

Vashumiri vechiKristu vava noruzivo vanogona kudzidzisa vamwe kuva vanongwarira

[Mufananidzo uri papeji 31]

Vabereki vanogona kudzidzisa vana vavo kunzwira vamwe tsitsi