Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Makagamuchira Pachena, Ipai Pachena”

“Makagamuchira Pachena, Ipai Pachena”

“Makagamuchira Pachena, Ipai Pachena”

“MAKAGAMUCHIRA pachena, ipai pachena.” (Mateu 10:8) Jesu akapa murayiridzo iwoyo kuvaapostora vake paakavatuma kunoparidza mashoko akanaka. Vaapostora vakateerera here murayiro uyu? Hungu, uye vakaramba vachiita kudaro kunyange pashure pokubva kwaJesu panyika.

Somuenzaniso, apo Simoni aimbova n’anga akaona masimba ezvishamiso aiva nomuapostora Petro uye Johani, akati aida kuvabhadhara kuti vamupe simba iroro. Asi Petro akatsiura Simoni, achiti: “Sirivha yako ngaiparare newe, nokuti wafunga kuwana chipo chaMwari chapachena nemari.”—Mabasa 8:18-20.

Muapostora Pauro akaratidza pfungwa yakafanana neyaPetro. Pauro angadai akaita kuti hama dzake dzechiKristu muKorinde dziremerwe nomutoro wokutsvaka mari yokumutarisira. Zvisinei, akashanda nemaoko ake kuti azviriritire. (Mabasa 18:1-3) Nokudaro, aigona kutaura nechivimbo kuti akanga aparidza mashoko akanaka kuvaKorinde “pasina mutengo.”—1 VaKorinde 4:12; 9:18.

Zvinosuruvarisa kuti vakawanda vanoti vateveri vaKristu havana kuratidza chido chakafanana cho‘kupa pachena.’ Chokwadi, vatungamiriri vakawanda vechitendero vari muchiKristudhomu vacha“dzidzisa kuti vapiwe mubayiro.” (Mika 3:11) Vamwe vatungamiriri vezvitendero vakatopfuma nemari inounganidzwa kumapoka avo. Muna 1989, mumwe muevhangeri wechechi wokuUnited States akatongerwa kugara mujeri kwemakore 45. Nechikonzero chei? Akanga achi“biridzira vatsigiri mamiriyoni emadhora uye kushandisa imwe mari yacho kutenga dzimba, motokari, kuvhakacha uye kunyange kutenga imba yembwa inofefetedzwa mhepo.”—People’s Daily Graphic, October 7, 1989.

MuGhana, maererano neGhanaian Times yaMarch 31, 1990, mumwe mupristi weRoma Katurike akatora mari yakanga yaunganidzwa pane mumwe munamato wechechi ndokuidzorera muvanhu vaiva muchechi achiita zvokuikanda. “Chikonzero chake,” rinodaro pepa racho, “chaiva chokuti, sevanhu vakuru, vaitarisirwa kupa mipiro yakawanda.” Hazvishamisi kuti machechi akawanda anotoedza kukurudzira nhengo dzawo kuva nemakaro, achitsigira mibato yokubhejera nezvimwe zvirongwa kuti vaunganidze mari.

Kusiyana neizvi, Zvapupu zvaJehovha zvinoedza kutevedzera Jesu nevadzidzi vake vokutanga. Hazvina vafundisi vanobhadharwa mari. Chapupu choga choga mushumiri anopiwa mutoro wokuparidza “mashoko akanaka oumambo” kune vamwe. (Mateu 24:14) Naizvozvo, vanopfuura mamiriyoni matanhatu vavo pasi pose vari kuendesera vanhu “mvura youpenyu” pachena. (Zvakazarurwa 22:17) Nenzira iyi, kunyange vaya “vasina mari” vanogona kubatsirwa neshoko reBhaibheri. (Isaya 55:1) Kunyange zvazvo basa ravo romunyika yose richitsigirwa nemipiro yokuzvidira, havambokumbiri mari. Sevashumiri vechokwadi vaMwari, havasi “vashambadzi veshoko raMwari,” asi vanotaura ‘nomwoyo wose, hungu, sevakatumwa kubva kuna Mwari.’—2 VaKorinde 2:17.

Zvisinei, nei Zvapupu zvaJehovha zvichida kubatsira vamwe, zvichiita kudaro nemari yazvo? Chii chinozvikurudzira? Kupa pachena kunoreva here kuti vanoita kudaro vasingambopiwi mubayiro nokuda kwezvavanoita?

Mhinduro Kune Zvakataurwa naSatani

Chinonyanya kukurudzira vaKristu vechokwadi nhasi chido chokufadza Jehovha—kwete kuti vazvipfumise. Nokudaro vanokwanisa kupa mhinduro kune zvakataurwa naSatani Dhiyabhorosi, mazana emakore akapfuura. Pamusoro pomurume akarurama ainzi Jobho, Satani akabvunza Jehovha mubvunzo wokuti “Jobho unotya Mwari pasina here?” Satani aiti Jobho aishumira Mwari pamusana bedzi pokuti Mwari akanga aisa rumhanda rwokumudzivirira rwakamupoteredza. Satani akataura kuti kudai Jobho aitorerwa pfuma yake, Jobho aizotuka Mwari pachena!—Jobho 1:7-11.

Kuti apindure kutaura uku, Mwari akabvumira Satani kuedza Jobho, achiti: “Zvose zvaanazvo zviri paruoko rwako.” (Jobho 1:12) Zvakaguma nei? Jobho akaratidza Satani kuti murevi wenhema. Pasinei nenhamo dzakamuwira, Jobho akaramba akavimbika. Akati: “Kusvikira parufu rwangu handingarasi kusanyengera kwangu.”—Jobho 27:5, 6.

Vanamati vechokwadi nhasi vanoratidza pfungwa dzakafanana nedzaJobho. Kushumira kwavo Mwari hakubvi pazvinhu zvenyama.

Chipo chaMwari Chepachena Chomutsa Usina Kufanirwa

Chimwe chikonzero nei vaKristu vechokwadi vachida ‘kupa pachena’ ndechokuti ivo pachavo ‘vakagamuchira pachena’ kuna Mwari. Vanhu vari muusungwa kuchivi norufu pamusana pechivi chatateguru wedu Adhamu. (VaRoma 5:12) Nenzira yorudo, Jehovha akaronga kuti Mwanakomana wake afe rufu rwechibayiro—chimwe chinhu chakadhurira Mwari zvikuru. Iyi haisi kodzero yevanhu zvachose. Aiwa, chipo chaMwari.—VaRoma 4:4; 5:8; 6:23.

Sezvakanyorwa pana VaRoma 3:23, 24, Pauro nokudaro akaudza vaKristu vakazodzwa kuti: “Vanhu vose vakaita zvivi vakaperevedza pambiri yaMwari, uye zviri sechipo chepachena kuti vari kunzi vakarurama nomutsa wake usina kufanirwa nokusunungurwa norudzikinuro rwakaripwa naKristu Jesu.” Vaya vane tariro yokurarama nokusingaperi pasi pano vachagamuchirawo “chipo chepachena.” Chipo ichi chinosanganisira rukudzo rwokunzi vakarurama seshamwari dzaJehovha.—Jakobho 2:23; Zvakazarurwa 7:14.

Chibayiro chorudzikinuro chaKristu chinoitawo kuti zvibvire kuti vaKristu vose vashumire sevashumiri vaMwari. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Ndakava mushumiri [wechakavanzika chitsvene ichi] maererano nechipo chepachena chomutsa usina kufanirwa waMwari.” (VaEfeso 3:4-7) Zvavakadanwa kuushumiri uhwu nenzira yavakanga vasina kufanirwa nayo kana kuti kuwana somubayiro, vashumiri vechokwadi vaMwari vaisazombotarisira kubhadharwa nezvinhu nokuda kwokuudza vamwe mashoko maererano nechipo ichi.

Upenyu Husingaperi—Hunokurudzira Udyire Here?

Saka izvi zvinoreva here kuti Mwari anotarisira vaKristu kumushumira vasina tariro yokupiwa mubayiro? Kwete, nokuti muapostora Pauro akaudza vaaitenda navo kuti: “Mwari haasi asina kururama kuti angabve akanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake.” (VaHebheru 6:10) Uye Jehovha haasi munhu asina ruramisiro. (Dheuteronomio 32:4) Kusiyana neizvi, Jehovha “anopa mubayiro vanomutsvaka nemwoyo wose.” (VaHebheru 11:6) Asi chipikirwa choupenyu husingaperi hachikurudziri udyire here?—Ruka 23:43.

Kana. Chimwe chikonzero ndechokuti, ndiMwari akaita kuti pave nechido chokurarama nokusingaperi muParadhiso. Ndiye akapa vanhu vaviri vokutanga tariro iyi. (Genesi 1:28; 2:15-17) Akaitawo kuti kudzorerwa kwetariro iyi kubvire apo Adhamu naEvha vakairasa nokuda kwevazukuru vavo. Naizvozvo Mwari anopikira muShoko rake kuti “zvisikwa zvichasunungurwawo muuranda hwokuora ndokuva norusununguko rune mbiri rwevana vaMwari.” (VaRoma 8:21) Naizvozvo zvakanyatsokodzera kuti vaKristu nhasi, kufanana naMosesi wekare, ‘varambe vakatarira kuripwa kwomubayiro.’ (VaHebheru 11:26) Mwari haapi mubayiro uyu sechiokomuhomwe. Anoupa norudo rwapachokwadi kune vaya vanomushumira. (2 VaTesaronika 2:16, 17) Isuwo, “tinoda, nokuti akatanga kutida.”—1 Johani 4:19.

Vavariro Yakakodzera Yokushumira Mwari

Kunyange zvakadaro, vaKristu nhasi vanofanira kugaroongorora vavariro dzavo dzokushumira Mwari. Pana Johani 6:10-13, tinoverenga kuti Jesu akapa zvokudya kuboka revanhu vanopfuura zviuru zvishanu nenzira inoshamisa. Pashure pacho, vamwe vakatanga kutevera Jesu nokuda kwezvikonzero zvoudyire chete chete. Jesu akavaudza kuti: “Muri kunditsvaka . . . nokuti makadya zvingwa mukaguta.” (Johani 6:26) Makumi emakore gare gare vamwe vaKristu vakashumirawo Mwari asi “kwete nevavariro yakachena.” (VaFiripi 1:17) Vamwe ‘vasina kubvumirana nemashoko anopa utano aJesu Kristu’ vakatotsvaka nzira dzokuzvipfumisa nadzo kubva mukusonganira kwavanoita nevaKristu.—1 Timoti 6:3-5.

Nhasi, muKristu anoshumira nemhaka bedzi yokuti anoda kurarama nokusingaperi muParadhiso angavewo ari kushumira nevavariro youdyire. Nokufamba kwenguva, izvi zvinogona kuguma nokurega kunamata. Nokuti nyika yaSatani inoita seyatora nguva refu iripo kupfuura zvaaitarisira, anga‘neta,’ achifunga kuti mugumo wanonoka. (VaGaratiya 6:9) Angatogumbukira zvinhu zvake zvaakashandisa. Jesu akatiyeuchidza kuti: “Unofanira kuda Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wose nemweya wako wose nepfungwa dzako dzose.” (Mateu 22:37) Chokwadi, munhu anoshumira Mwari zvikurukuru nokuti anomuda haaisi muganhu wenguva pabasa rake. Akatsunga kushumira Jehovha nokusingaperi! (Mika 4:5) Haadembi zvinhu zvaakarega kuti aite basa raMwari. (VaHebheru 13:15, 16) Kuda Mwari kunomukurudzira kuisa zvinodiwa naMwari pakutanga muupenyu hwake.—Mateu 6:33.

Nhasi, vanamati vanopfuura mamiriyoni matanhatu “vanozviisa nomwoyo wose” mubasa raJehovha. (Pisarema 110:3) Uri mumwe wavo here? Kana usiri, ipapo fungisisa zvaunogona kupiwa naMwari: zivo yakachena yechokwadi; (Johani 17:3) rusununguko pausungwa hwedzidziso dzechitendero chenhema; (Johani 8:32) tariro youpenyu husingaperi. (Zvakazarurwa 21:3, 4) Zvapupu zvaJehovha zvinogona kukubatsira kudzidza kuti ungagamuchira sei zvose izvi kuna Mwari—pachena.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 22]

Chinonyanya kukurudzira vaKristu vechokwadi nhasi chido chokufadza Jehovha—kwete kuti vazvipfumise

[Mufananidzo uri papeji 21]

Chipo chaMwari chepachena chorudzikinuro chinokurudzira vaKristu kutaurira vamwe mashoko akanaka pachena