Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Jehovha akatendera barika pakati pevashumiri vake vekare, vaIsraeri, asi iye zvino haaribvumiri. Mutemo wake unochinja here?

Jehovha haana kuchinja maonero ake ebarika. (Pisarema 19:7; Maraki 3:6) Rakanga risiri muurongwa hwake nokuda kwevanhu kubvira pamavambo, uye harisi iye zvino. Paakasika Evha somudzimai waAdhamu, Jehovha akataura kuti zvaanoda ndezvokuti pave nomudzimai mumwe nokuda kwomurume mumwe. “Naizvozvo munhu unofanira kusiya baba vake namai vake, anamatire mukadzi wake, vave nyama imwe.”—Genesi 2:24.

Jesu Kristu paaiva pasi pano, akadzokororazve mutemo iwoyo mumhinduro kune vaya vakabvunza nezvokurambana nokuroorazve. Akati: “Hamuna kurava here kuti iye wakavasika kubva pakutanga akavaita munhurume nomunhukadzi uye akati, ‘Saka murume achasiya baba vake naamai vake onamatira kumudzimai wake, uye vaviri vacho vachava nyama imwe’? Zvokuti havachisirizve vaviri, asi nyama imwe.” Jesu akawedzera kuti: “Munhu wose anoramba mukadzi wake, kunze kwechikonzero choufeve, akaroora mumwe anoita upombwe.” (Mateu 19:4-6, 9) Kubva mune izvi zviri pachena kuti kutora vamwe vakadzi vokuwedzera upombwe zvakare.

Zvino nei barika rakatenderwa kare? Yeuka kuti haasi Jehovha akatanga tsika yacho. Wokutanga kutaurwa muBhaibheri kuti akava nevakadzi vanopfuura mumwe chete aiva Rameki, muzukuru waKaini. (Genesi 4:19-24) Jehovha paakaunza Mafashamo eZuva raNoa, Noa nevanakomana vake vatatu vaiva nomudzimai mumwe mumwe. Vapariki vose vakaparadzwa muMafashamo.

Mazana emakore gare gare apo Jehovha akasarudza vaIsraeri sevanhu vake, barika rakanga ratovako kare, kunyange zvakanga zvakatonyanya kujairwa kuva nomudzimai mumwe chete. Mwari haana kuda kuti mhuri dziparadzane apo kwaiva nevadzimai vanopfuura mumwe. Pane kudaro, akadzora zvakasimba tsika yacho.—Eksodho 21:10, 11; Dheuteronomio 21:15-17.

Kuti kushivirira barika uku kwaingova kwenguva pfupi bedzi kunogona kuonekwa kwete nezvakangotaurwa naJesu maererano nomutemo wokutanga waJehovha wokuroorana asiwo nezvakanyorwa nomuapostora Pauro achifuridzirwa nomudzimu mutsvene waMwari. Akati: “Murume mumwe nomumwe ngaave nomukadzi wake oga nomukadzi mumwe nomumwe ave nomurume wake oga.” (1 VaKorinde 7:2) Pauro akafuridzirwawo kunyora kuti murume upi noupi anogadzwa kuva mutariri kana mushumiri anoshumira muungano yechiKristu anofanira kuva “murume womukadzi mumwe.”—1 Timoti 3:2, 12; Tito 1:6.

Saka, kushivirira kwaJehovha barika kwakaguma nokuumbwa kweungano yechiKristu makore anenge 2 000 akapfuura. Panguva iyoyo, mutemo wokuroorana wakadzokera pane zvawakanga uri pakatanga Mwari kusika murume nomukadzi: murume mumwe, mudzimai mumwe. Ndizvo zvinofanira kuita vanhu vaMwari pasi pose.—Mako 10:11, 12; 1 VaKorinde 6:9, 10.