Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Anodei Kwatiri?

Jehovha Anodei Kwatiri?

Jehovha Anodei Kwatiri?

“Chinotsvakwa naJehovha kwauri chinyiko, asi kuti uite zvakarurama, ude unyoro, uye ufambe uchizvininipisa pamberi paMwari wako?”—MIKA 6:8.

1, 2. Nei vamwe vashumiri vaJehovha vangaora mwoyo, asi chii chinofanira kubatsira?

VERA muKristu akatendeka ane makore anenge 75 uye anorwara. Anoti: “Dzimwe nguva ndinotarira kunze nepahwindo ndoona hama nehanzvadzi dzechiKristu dzichiparidzira paimba neimba. Zvinondichemedza nokuti ndinoda kuva navo, asi kurwara kunoderedza basa rangu kuna Jehovha.”

2 Wati wambonzwa saizvozvo here? Ichokwadi kuti vose vanoda Jehovha vanoda kufamba muzita rake voita zvaanoda. Asi, zvakadini kana utano hwedu huri kuderera, takwegura, kana kuti tiine mitoro yemhuri? Zvimwe tinganzwa kuora mwoyo nokuti mamiriro ezvinhu akadaro angatitadzisa kuita zvose zvatine shungu dzokuita mubasa raJehovha. Kana zvirizvo zvatiri, kudzidza Mika chitsauko 6 ne7 kungangotikurudzira chaizvo. Zvitsauko izvi zvinoratidza kuti zvinodiwa naJehovha zvinonzwisisika uye zvinokwanisa kuitwa.

Mabatiro Ayo Mwari Anoita Vanhu Vake

3. Jehovha anobata sei nevaIsraeri vanopandukira?

3 Ngatitange kutarira pana Mika 6:3-5 toona mabatiro anoita Jehovha vanhu vake. Yeuka kuti panguva yaMika vaIsraeri vari kupandukira. Kunyange zvakadaro, Jehovha anotaura navo netsitsi nemashoko anoti, “Nhai, imi vanhu vangu.” Anoteterera achiti: “[“Ndapota,” NW] haiwa, vanhu vangu, rangarirai.” Pane kuvapa mhaka nenzira yehasha, anoedza kusvika pamwoyo yavo nokubvunza kuti, “Ndakakuiteiko?” Anotovakurudzira ‘kupindura.’

4. Muenzaniso waMwari wetsitsi unofanira kutibatsira sei?

4 Mwari anotiratidza muenzaniso unokurudzira kwazvo! Akadana nenzira yetsitsi kunyange vanhu vaipandukira veIsraeri neJudha yomuzuva raMika kuti “vanhu vangu” uye achitaura navo achishandisa shoko rokuti “ndapota.” Saka isu tinotofanira kuratidza tsitsi nomutsa mukubata kwedu nevaya vari nhengo dzeungano. Ichokwadi kuti vamwe vangava vakaoma kubata navo, kana kuti vangava vasina kusimba mumudzimu. Zvisinei, kana vachida Jehovha, tinoda kuvabatsira nokuvaratidza ngoni.

5. Chii chinokosha chinotaurwa pana Mika 6:6, 7?

5 Iye zvino ngatiendei pana Mika 6:6, 7. Mika anobvunza mibvunzo yakatevedzana, achiti: “Ndichauya nei pamberi paJehovha, ndichikotamira pamberi paMwari wokumusoro? Ndichauya pamberi pake nezvibayiro zvinopiswa, nemhuru dzakaita gore rimwe here? Ko Jehovha ungafadzwa nemakondohwe ane chiuru chezana, kana nenzizi dzamafuta dzine zviuru zvine gumi here? Ndingamuvigira dangwe rangu pamusoro pokudarika kwangu, icho chibereko chomuviri wangu pamusoro pezvivi zvomweya wangu here?” Kwete, hazvibviri kufadza Jehovha “nemakondohwe ane chiuru chezana, kana nenzizi dzamafuta dzine zviuru zvine gumi.” Asi pane chimwe chinhu chichamufadza. Chii ichocho?

Tinofanira Kuva Neruramisiro

6. Ndezvipi zvinhu zvitatu zvinodiwa naMwari zvakanyorwa pana Mika 6:8?

6 Pana Mika 6:8, tinodzidza zvinodiwa naJehovha kwatiri. Mika anobvunza kuti: “Chinotsvakwa naJehovha kwauri chinyiko, asi kuti uite zvakarurama, ude unyoro, uye ufambe uchizvininipisa pamberi paMwari wako?” Zvinhu zvitatu zvinodiwa izvi zvinosanganisira manzwiro, mafungiro, uye maitiro edu. Tinofanira kunzwa tichida kuratidza zvinhu izvi, kufunga maratidziro atingazviita, uye toita chiito chokuzviratidza. Ngationgororei zvinodiwa zvitatu izvi chimwe panguva.

7, 8. (a) ‘Kuita zvakarurama’ kunorevei”? (b) Kusaruramisira kupi kwakazara muzuva raMika?

7 ‘Kuita zvakarurama’ kunoreva kuita ruramisiro. Nzira yaMwari yokuita nayo zvinhu ndiyo muenzaniso weruramisiro. Zvisinei, vanhu vomuzuva raMika vanoita nokusaruramisira, kwete nokururamisira. Munzira dzipi? Imbotarira Mika 6:10. Panoperera ndima iyoyo, vashambadzi vanotsanangurwa sevanoshandisa “chiyero chakatapudzwa,” kureva kuti, chakanyanya kudukupa. Mik 6 Ndima 11 inowedzera kuti vanoshandisa “zviyereso zvinonyengera.” Maererano Mik 6 nendima 12, “rurimi rwavo . . . runonyengera.” Saka, zviyereso zvenhema, nokutaura kwenhema zvakazara munyika yezvokutengeserana yomuzuva raMika.

8 Zviito zvokusaruramisira hazvisi kungogumira kumusika chete. Zvizerewo mumatare edzimhosva. Mika 7:3 inoratidza kuti “machinda anokumbira, vatongi vanovinga mubayiro.” Zviokomuhomwe zviri kupiwa vatongi kuitira kuti vatongere vanhu vasina mhaka mitongo isina kururama. “Mukuru,” kana kuti mugari womunyika ane simba, ari kuitawo mhaka idzodzi. Mika anototi muchinda, mutongi, uye munhu mukuru “vanozviruka pamwe chete,” kana kuti vanoshandira pamwe, pakuita zvakashata zvavo.

9. Kusaruramisira kwevakaipa kuri kukanganisa Judha neIsraeri zvakadini?

9 Kusaruramisira kwevatungamiriri vakaipa kuri kuitwa muJudha yose nomuIsraeri. Mika 7:5 inoratidza kuti kushayikwa kwokururamisira kwaita kuti vanhu vanowirirana, shamwari dzepamwoyo, uye kunyange vakaroorana, vasavimbana. Mik 7 Ndima 6 inotaura kuti kusaruramisira kwaita kuti pave nemamiriro ezvinhu umo hama dzepedyo dzakadai sevanakomana navanababa, vanasikana navanaamai vanozvidzana.

10. Mukusaruramisira kuripo muzuva ranhasi, vaKristu vanozvibata sei?

10 Ko nhasi uno? Hatisi kuona zvinhu zvakadaro here? Kufanana naMika, kumativi edu ose kune kusaruramisira, kusavimbana, uye kusagarisana zvakanaka munzanga nomumhuri. Asi sevashumiri vaMwari mukati menyika ino isina kururama, hatiregi mafungiro enyika ino okusaruramisira achipindira muungano yechiKristu. Asi, tinoedza kutsigira mitemo yokutendeseka nokuvimbika, tichiiratidza pane zvose zvatinoita muupenyu hwedu hwezuva nezuva. Zvechokwadi, tino“zvibata nokutendeseka muzvinhu zvose.” (VaHebheru 13:18) Haubvumirani nazvo here kuti nokushandisa ruramisiro tinowana zvikomborero zvikuru zvinobva muukama hunoratidza kuvimbana kwechokwadi?

Vanhu Vanonzwa Sei “Inzwi raJehovha”?

11. Mika 7:12 iri kuzadzika sei?

11 Mika anoprofita kuti pasinei nokuti pane kusaruramisira, kururamisira kuchasvika kuvanhu vemarudzi ose. Muprofita wacho anofanotaura kuti vanhu vachaungana “kubva kune rimwe gungwa kusvikira kune rimwe gungwa, kubva kune rimwe gomo kusvikira kune rimwe gomo” kuti vave vanamati vaJehovha. (Mika 7:12) Nhasi uno, mukuzadzika kwokupedzisira kwouprofita uhwu, harusi rudzi rumwe chete, asi vanhu vakasiyana-siyana vanobva mumarudzi ose vari kubatsirwa nokururamisira kwaMwari kusingasaruri. (Isaya 42:1) Izvi zviri kuratidza sei kuva zvechokwadi?

12. “Inzwi raJehovha” riri kunzwika sei nhasi?

12 Kuti unzwe mhinduro, funga mashoko aMika anotangira ano. Mika 6:9, inoti: “Inzwi raJehovha rinodana kuguta, wakachenjera uchatya zita renyu.” Vanhu vemarudzi ose vanonzwa sei “inzwi raJehovha,” uye izvi zvinobatana sei nokuratidza kwedu ruramisiro? Ichokwadi kuti vanhu nhasi havanzwi inzwi raMwari chairoiro. Zvisinei, kuburikidza nebasa redu rokuparidza romunyika yose, inzwi raJehovha riri kunzwika nevanhu vemadzinza ose nemararamiro ose. Somugumisiro, vaya vanonzwa ‘vanotya zita raMwari,’ vachisvika pakuriremekedza. Nokuzivisa Umambo nokushingaira tinenge tichiita nenzira yokururamisira uye yorudo. Nokuzivisa zita raMwari kumunhu wose pasina kusarura, tinoita ‘ruramisiro.’

Tinofanira Kuda Mutsa

13. Mutsa une rudo wakasiyana pai norudo?

13 Iye zvino ngatichikurukurai chinodiwa chechipiri chinotaurwa pana Mika 6:8. Jehovha anotitarisira kuti ‘tide mutsa.’ Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “mutsa,” (NW) ndiro rinonziwo “mutsa une rudo” kana kuti “rudo rwakavimbika.” Mutsa une rudo kufunga vamwe, kuvaitira tsitsi. Mutsa une rudo wakasiyana norudo. Pakudii? Rudo ishoko rinobatanidza zvakawanda, rinogona kuratidzwa kunyange kuzvinhu uye kune zvatinofunga. Somuenzaniso, Magwaro anotaura nezvomunhu ‘anoda zvinhu zviri munyika’ uye munhu “unoda uchenjeri.” (1 Johani 2:15; Zvirevo 29:3) Ukuwo, mutsa une rudo nguva dzose une chokuita nevanhu, zvikurukuru vaya vanoshumira Mwari. Saka Mika 7:20 inotaura nezvo‘mutsa une rudo wakapiwa Abrahamu’—murume aishumira Jehovha Mwari.

14, 15. Mutsa une rudo unoratidzwa sei, uye chii chataurwa chinouratidza?

14 Maererano naMika 7:18, muprofita wacho anoti Mwari “unofarira kuva ne[“mutsa une rudo,” NW].” Pana Mika 6:8, tinoudzwa kwete kungoratidza mutsa une rudo chete asi kuuda. Tinodzidzei mumagwaro aya? Mutsa une rudo unoratidzwa nokuzvidira uye norusununguko nokuti tinoda kuuratidza. Kufanana naJehovha, tinofadzwa nokuratidza mutsa une rudo kuvaya vanoshayiwa.

15 Nhasi, mutsa une rudo wakadaro chinhu chinozivisa vanhu vaMwari. Funga nezvomuenzaniso mumwe chete. Muna June 2001, dutu rinoitika kunzvimbo dzinopisa rakaparira mafashamo makuru muTexas, U.S.A., akaparadza zviuru zvemisha, kusanganisira mazana emisha yeZvapupu zvaJehovha. Kuti zvibatsire hama dzazvo dzechiKristu dzakanga dzarasikirwa nezvinhu, Zvapupu zvinenge 10 000 zvakapa nguva yazvo nesimba pachena uye zvichizvidira. Kweinopfuura hafu yegore, vanhu vakazvipira vakashanda vasinganeti, vachishandisa masikati avo, usiku, uye kupera kwevhiki kuti vavakezve Dzimba dzoUmambo 8 uye misha inopfuura 700 yehama dzavo dzechiKristu. Vaya vakanga vasingakwanisi kuita basa rakadaro vakapa zvokudya, nezvimwewo, uye mari. Nei zviuru zvose izvi zveZvapupu zvakayamura hama dzazvo? Nokuti ‘zvinoda mutsa.’ Uye zvinofadza sei kuziva kuti zviito zvakadaro zvomutsa une rudo zvinoratidzirwa nehama dzedu munyika yose! Hungu, ‘kuda mutsa’ hakuremi asi kuti kunotofadza!

Famba Uchizvininipisa Pamberi paMwari

16. Muenzanisoi unobatsira kusimbisa kudiwa kwokufamba uchizvininipisa pamberi paMwari?

16 Chinhu chechitatu chinodiwa chinowanikwa pana Mika 6:8 ‘kufamba uchizvininipisa pamberi paMwari wako.’ Izvi zvinoreva kuziva zvatisingakwanisi uye kuvimba naMwari. Kupa somuenzaniso: Fungidzira kwechinguva kasikana kaduku kakabata ruoko rwababa vako zvakasimba pavanenge vachifamba kuine dutu. Kasikana kacho kanonyatsoziva kuti simba rako ishoma, asi kanovimba nababa vako. Isuwo tinofanira kuziva zvatisingakwanisi asi tova nechivimbo muna Baba vedu vokudenga. Tingachengeta sei chivimbo ichi? Imwe nzira yokudaro ndeyokuramba tichiyeuka kuti nei kuri kuchenjera kuramba tiri pedyo naMwari. Mika anotiyeuchidza nezvezvikonzero zvitatu: Jehovha ndiye Mununuri wedu, Mutungamiriri wedu, uye Mudziviriri wedu.

17. Jehovha akanunura, akatungamirira, uye akadzivirira sei vanhu vake vekare?

17 Maererano naMika 6:4, 5, Mwari anoti: “Ndakakubudisai panyika yeEgipita.” Hungu, Jehovha ndiye akava Mununuri waIsraeri. Jehovha anozotizve: “Ndikatuma pamberi penyu Mosesi naAroni naMiriami.” Mosesi naAroni vakashandiswa kutungamirira rudzi rwacho, uye Miriami akatungamirira vakadzi vechiIsraeri mukutamba pavakanga vakunda. (Eksodho 7:1, 2; 15:1, 19-21; Dheuteronomio 34:10) Jehovha akatungamirira achishandisa vashumiri vake. Mik 6 Mundima 5, Jehovha anoyeuchidza vaIsraeri kuti akavadzivirira pana Bharaki naBharami uye kuti akavadzivirira pachikamu chokupedzisira chorwendo rwavo “kubva paShitimi” muMoabhi “kusvikira Girgari” muNyika Yakapikirwa.

18. Mwari anova Mununuri, Mutungamiriri, uye Mudziviriri wedu sei nhasi?

18 Sezvatinofamba naMwari, anotinunura munyika yaSatani, anotitungamirira achishandisa Shoko rake nesangano rake, uye anotidzivirira seboka patinenge tichirwiswa nevapikisi. Saka tine chikonzero chakakura chokubatirira zvakasimba paruoko rwaBaba vedu vokudenga sezvatinofamba navo muchikamu chokupedzisira chakafanana nedutu chorwendo rwedu rwokuenda kunzvimbo inokosha nokure kupfuura Nyika Yakapikirwa yekare—nyika itsva yaMwari yakarurama.

19. Kuzvininipisa kwakabatana nokusakwanisa kwedu zvimwe zvinhu munzirai?

19 Kuzvininipisa pakufamba naMwari kunotibatsira kuona mamiriro edu ezvinhu sezvaari chaizvo. Izvi zvinodaro nokuti kuratidza kuzvininipisa kunosanganisira kuziva zvatisingakwanisi kuita. Kukwegura kana kuti kuderera kwoutano kungaderedza zvatinokwanisa kuita mubasa raJehovha. Zvisinei, pane kubvumira izvi kutiodza mwoyo, zvakanaka kuyeuka kuti Mwari anogamuchira zvatinoedza kuita uye kuzvipira kwedu ‘maererano nezvatinazvo, kwete zvatisina.’ (2 VaKorinde 8:12) Zvechokwadi, Jehovha anotitarisira kumushumira nomweya wose, tichiita chero zvatinobvumirwa nemamiriro edu ezvinhu. (VaKorose 3:23) Patinoita zvose zvatinogona mubasa rake nomwoyo wose uye nokushingaira, Mwari anotikomborera zvikuru.—Zvirevo 10:22.

Kumirira Kunoita Kuti Tikomborerwe

20. Kuziva chii kunofanira kutibatsira kumirira sezvakaita Mika?

20 Kuwana chikomborero chaJehovha kunotiita kuti titevedzere zvakaitwa naMika. Anoti: “Ndichamirira Mwari woruponeso rwangu.” (Mika 7:7) Mashoko aya anowirirana sei nokufamba kwedu naMwari tichizvininipisa? Kumirira, kana kuti kushivirira, kunotibatsira kuti tisaora mwoyo nokuti zuva raJehovha harisati rauya. (Zvirevo 13:12) Kutaura chokwadi, tose zvedu tinoshuva kuti dai nyika ino yakaipa yaguma. Zvisinei, vhiki yoga yoga kune zviuru zvevanhu vachangotanga kufamba naMwari. Kuziva izvozvo kunotipa chikonzero chokumirira. Mumwe ave ari Chapupu kwenguva refu akati “Pandinotarira shure kumakore anopfuura 55 ndiri mubasa rokuparidza, ndine chokwadi chokuti handina chandakarasikirwa nacho nokumirira Jehovha. Asi kutoti zvakatondidzivirira pamatambudziko akawanda.” Unonzwawo saizvozvo here?

21, 22. Mika 7:14 iri kuzadzika sei muzuva redu?

21 Kufamba naJehovha pasina mubvunzo kunotibatsira. Sezvatinoverenga pana Mika 7:14, Mika anoenzanisa vanhu vaMwari nemakwai ari kugara nomufudzi wawo akachengeteka. Mukuzadzika kukuru kwouprofita uhwu nhasi, vasara vaIsraeri womudzimu pamwe chete ne“mamwe makwai” vanochengetedzwa noMufudzi wavo wavanovimba naye, Jehovha. Vanogara ‘vari voga mudondo—pakati pomunda wemichero,’ vakatsaurwa mumudzimu kubva munyika iri kuwedzera kuva nematambudziko uye kuva nengozi.—Johani 10:16; Dheuteronomio 33:28; Jeremia 49:31; VaGaratiya 6:16.

22 Vanhu vaJehovha vanobudirira, sezvakafanotaurwawo naMika 7:14. Achitaura nezvemakwai aMwari, kana kuti vanhu, Mika anoti: “Ngaachere paBhashani neGiriyedhi.” Sezvaingoitawo makwai muBhashani neGiriyedhi kufura mumafuro akasvibira achikura, naizvozvo vanhu vaMwari nhasi vanobudirira mumudzimu—chimwezve chikomborero kune vaya vanofamba naMwari vachizvininipisa.—Numeri 32:1; Dheuteronomio 32:14.

23. Chii chatingadzidza patinoverenga Mika 7:18, 19?

23 Pana Mika 7:18, 19, muprofita wacho anosimbisa chido chaJehovha chokuregerera vaya vanopfidza. Mik 7 Ndima 18 inotaura kuti Jehovha “unokanganwira zvakaipa” uye “unopfuura kudarika.” Maererano Mik 7 nendima 19, u“chakandira zvivi zvavo zvose mukudzika kwegungwa.” Chidzidzo chipi chatingawana apa? Tingazvibvunza kana tichitevedzera Jehovha panhau iyi. Tinokanganwira zvikanganiso zvatingaitirwa nevamwe here? Kana vakadaro vachipfidza uye vachitsvaka kugadzirisana, zvechokwadi tichada kuratidza kuda kwaJehovha kukanganwira zvakakwana uye zvachose.

24. Wabatsirwa sei nouprofita hwaMika?

24 Tabatsirwa sei nokukurukura nezvouprofita hwaMika? Kwatiyeuchidza kuti Jehovha anopa tariro yechokwadi kune vaya vanokweverwa kwaari. (Mika 2:1-13) Takurudzirwa kuita zvose zvinobvira kutsigira kunamata kwechokwadi kuitira kuti tifambe muzita raMwari nokusingaperi. (Mika 4:1-5) Uye tavimbiswa kuti chero mamiriro ezvinhu atingava tiri, tinogona kuita zvinodiwa naJehovha. Hungu, uprofita hwaMika zvechokwadi hunotisimbisa kuti tifambe muzita raJehovha.

Ungapindura Sei?

• Maererano naMika 6:8, Jehovha anodei kwatiri?

• Chii chinodiwa kana ‘tichizoita zvakarurama’?

• Tingaratidza sei kuti ‘tinoda mutsa’?

• ‘Kufamba uchizvininipisa pamberi paMwari’ kunosanganisirei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 21]

Pasinei nemamiriro ezvinhu akaipa omuzuva rake, Mika akararama maererano nezvinodiwa naMwari. Newewo unogona kudaro

[Mufananidzo uri papeji 23]

Ratidza ruramisiro nokupupurira vanhu vemamiriro ezvinhu ose oupenyu

[Mifananidzo iri papeji 23]

Ratidza kuti unoda mutsa nokubatsira vamwe pane zvavanoshayiwa

[Mufananidzo uri papeji 23]

Ita zvose zvaunogona panguva imwe chete iyoyo uchiziva nenzira yokuzvininipisa zvausingagoni kuita