Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kunamata Kwechokwadi Kunobatanidza Mhuri

Kunamata Kwechokwadi Kunobatanidza Mhuri

Kunamata Kwechokwadi Kunobatanidza Mhuri

MARIA aiva nemakore 13 apo iye nomunun’una wake, Lucy, vakanzwa nezvaJehovha neimwe hama yavo. Yakatsanangurawo nezvetariro yeParadhiso yepasi pano. Zvavashamisa, vakaenda navo kuImba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha. Maria akanakidzwa kwazvo nomurayiridzo wakajeka wakapiwa ikoko. Zvakanga zvakasiyana kwazvo nokuchechi kwavo, kwavaingoita basa rokuimba! Pasina nguva refu vana ava vakanga vava kudzidza Bhaibheri nomumwe weZvapupu zvaJehovha.

Hanzvadzi yavo hombe kwavari, Hugo, aifarira zvoruzivo uye dzidziso yokushanduka-shanduka. Aizviti munhu asingatendi kuvapo kwaMwari. Asi paaiita basa rechiuto, akaverenga bhuku rinonzi Life—How Did It Get Here? By Evolution or by Creation? * Akawana mhinduro dzemibvunzo dzaisakwanisa kupiwa nechimwe chitendero chipi zvacho. Paakapedza basa rake rechiuto, akatanga kusimbisa kutenda kwake kwaakanga achangowana muna Mwari nokudzidza Bhaibheri nokupinda misangano nehanzvadzi dzake. Maria naLucy vakabhabhatidzwa muna 1992, makore maviri kubva pavakatanga kunzwa chokwadi, uye hanzvadzi yavo yakabhabhatidzwa makore maviri gare gare.

Zvichakadai vabereki vavo, avo vaiva vakazvipira kutsika dzechiKaturike, vakanga vasinganyanyi kufarira chokwadi. Vaishatiriswa neZvapupu zvaJehovha, kunyange zvazvo vaiyemura tsika dzakanaka nokupfeka zvine mwero kweZvapupu zvechiduku zvaikokwa nevana vavo kumba kwavo. Uyewo panguva dzokudya, apo vana vavo vaitaura navo zvinhu zvavakanga vadzidza kumisangano, havi yevabereki vavo yaibva yakura.

Kunyange zvakadaro, vabereki vavo vose vaifarira zvouroyi. Baba vacho vaiva chidhakwa chairova amai. Mhuri yacho yakanga yava kuda kuparara. Zvadaro, baba vacho vakapedza vhiki mbiri vari mujeri pamusana pokudhakwa. Pavaiva mujeri, vakatanga kuverenga Bhaibheri. Sezvavaiverenga, vakasanganidzana nemashoko aJesu ane chokuita nechiratidzo chemazuva okupedzisira. Vashamiswa, vose baba naamai vakaenda kuImba yoUmambo ndokubvuma kudzidziswa Bhaibheri pamusha. Pavakadzidza chokwadi, vakaparadza mabhuku avo ouroyi ndokusununguka pakunetswa nemadhimoni kuburikidza nokudana pazita raJehovha. Vakatanga kuchinja unhu hwavo zvikuru.

Ungafungidzira here kufadza kwazvakaita Maria naLucy kuona vabereki vavo vachibhabhatidzwa naHugo pane imwe kokorodzano yoruwa muBolivia muna 1999? Kwakanga kwapfuura makore anenge mapfumbamwe kubva pakatanga kunzwa Maria naLucy nezvaJehovha nezvipikirwa zvake. Pamwe chete naHugo, vava muushumiri hwenguva yakazara. Vanofara kwazvo kuti kunamata kwechokwadi kwakabatanidza mhuri yavo!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.