Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuyeukwa Kunoitwa Vamwe

Kuyeukwa Kunoitwa Vamwe

Kuyeukwa Kunoitwa Vamwe

ANENGE makore zviuru zvitatu akapfuura, Dhavhidhi akanga achitiza Mambo Sauro weIsraeri. Dhavhidhi akatumira vanhu kuna Nabhari, mufudzi akanga akapfuma wemakwai nembudzi, kunokumbira zvokudya nemvura. Chaizvoizvo, Nabhari aifanira kuitira Dhavhidhi nevateveri vake nyasha nemhaka yokudzivirira kwavakanga vaita makwai ake. Zvisinei, Nabhari akaramba kuvaitira mutsa zvachose. Akatotuka varume vaDhavhidhi. Nabhari akanga ari kutamba nomoto, nokuti Dhavhidhi akanga asiri munhu wokutamba naye.—1 Samueri 25:5, 8, 10, 11, 14.

Maitiro aNabhari akanga asingaenderani netsika dzokuMiddle East dzokuratidza mutsa kuvaeni nevanhu vavasingazivi. Saka, Nabhari akazviitira zita rakadini? Nhoroondo yeBhaibheri inoti “akanga ane mwoyo mukukutu, akaipa pamugarire wake” uye “munhu wakaisvoipa.” Zita rake rinoreva kuti “benzi,” uye ndozvaaiva chaizvo. (1 Samueri 25:3, 17, 25) Ungada kuyeukwa nenzira iyoyo here? Une hasha uye unoda kuramba wakaomesa zvinhu pakubata nevamwe here, zvikurukuru kana zvichiita sokuti zvinhu hazvina kuvamirira zvakanaka? Kana kuti une mutsa, ushamwari, uye une hanya nevamwe here?

Abhigairi—Mukadzi Akangwara

Nemhaka yehasha dzake, Nabhari akanga ava muchinetso. Dhavhidhi nevarume vake 400 vakasungira mapakatwa avo ndokupinda munzira kuti vambonopa Nabhari chidzidzo. Abhigairi, mudzimai waNabhari, akanzwa zvakanga zvaitika. Akaziva kuti pakanga pava kuda kumuka hondo. Aizoitei? Akamhanya kunogadzira zvokudya zvakawanda ndokuenda kunomisa Dhavhidhi nevarume vake. Paakasangana navo, akateterera Dhavhidhi kuti asateura ropa pasina chikonzero. Mwoyo waDhavhidhi wakapomhodzwa. Akateerera kuteterera kwaAbhigairi ndokurega zvaaida kuita. Nguva pfupi pashure pezviitiko izvi, Nabhari akafa. Achiyeuka unhu hwaAbhigairi hwakanaka, Dhavhidhi akabva amutora kuva mudzimai wake.—1 Samueri 25:14-42.

Abhigairi akazviitira mukurumbira wakadini? Akanga “akangwara,” kana kuti “aiva nemano okushandisa pfungwa,” sokutaura kunoita chiHebheru chepakutanga. Zviri pachena kuti aiva nomusoro uye aiita zvinoshanda uye aiziva kuti anofanira kutanga kuita chiito sei uye rini. Akaita nokuvimbika kuti adzivirire murume wake aiva benzi uye mhuri yake panjodzi. Pakupedzisira akafa, asi aine mukurumbira wakanaka zvikuru somukadzi akangwara.—1 Samueri 25:3; New International Version.

Petro Akasiya Chinyorwa Chakadini?

Ngatifambirei mberi munguva tichienda muzana remakore rokutanga C.E. ndokufunga nezvevaapostora vaJesu 12. Pasina mubvunzo Petro, kana kuti Kefasi, aimbova mubati wehove muGarireya, aiva mumwe wevaitaurisa uye vaiita zvinhu vasina kumbotanga vanyatsofunga. Zviri pachena kuti aiva munhu ane simba akanga asingatyi kutaura manzwiro ake. Somuenzaniso, paiva neimwe nguva apo Jesu akageza tsoka dzevadzidzi vake. Petro akaita sei pachakanga chava chijana chake chokuti tsoka dzake dzigezwe?

Petro akati kuna Jesu: “Ishe, muri kugeza tsoka dzangu here?” Jesu akapindura kuti: “Zvandiri kuita hauzvinzwisisi panguva ino, asi uchanzwisisa pashure pezvinhu izvi.” Petro akapindura kuti: “Zvechokwadi hamungambogezi tsoka dzangu.” Ona kupindura kwakaita Petro zvakasimba asi asina kumbotanga anyatsofunga. Jesu akatii?

“Kana ndikasakugeza,” Jesu akapindura, “hauna mugove neni.” Simoni Petro akati kwaari: “Ishe, kwete tsoka dzangu bedzi, asiwo maoko angu nomusoro wangu.” Zvino Petro abva arasa muswe! Asi vanhu vaigaroziva maitiro aPetro. Akanga asina unyengeri.—Johani 13:6-9.

Petro anoyeukwawo pamusana pokusava nesimba kwake kunozivikanwa zvikuru muvanhu. Somuenzaniso, akaramba Kristu katatu pamberi pevanhu vaimupomera mhosva yokuva muteveri waJesu weNazareta akanga achitongwa. Petro paakaziva chikanganiso chake, akachema zvikuru. Akanga asingatyi kuratidza kurwadziwa uye kuzvidemba kwake. Zvinokoshawo kuti nhoroondo iyi yokuramba kwakaita Petro yakanyorwa nevanyori veEvhangeri—zvichida iye Petro pachake ndiye akavapa mashoko acho! Aizvininipisa zvikuru kuti abvume zvikanganiso zvake. Une mafungiro akanaka kudaro here?—Mateu 26:69-75; Mako 14:66-72; Ruka 22:54-62; Johani 18:15-18, 25-27.

Mukati mevhiki shomanana dzokuramba kwake Kristu, Petro, azadzwa nomudzimu mutsvene, akaparidzira mhomho yevaJudha paPendekosti asingatyi. Ichi chaiva chiratidzo chechokwadi chokuti Jesu akanga amutswa aivimba naye.—Mabasa 2:14-21.

Pane imwe nguva, Petro akawira mune mumwe musungo. Muapostora Pauro akatsanangura kuti dzimwe hama dzisati dzasvika muAndiyoki, Petro akanga avhengana zvakasununguka nevatendi veMamwe Marudzi. Zvisinei, akazviparadzanisa neava “achitya boka revakadzingiswa” vakanga vachangosvika vachibva kuJerusarema. Pauro akafumura kuita kwaPetro kwokutevera mitemo miviri yakasiyana.—VaGaratiya 2:11-14.

Asi, ndiani wevadzidzi akataura panguva yakaoma pazvaiita sokuti vakawanda vevateveri vaJesu vakanga vakagadzirira kumusiya? Nguva yacho yaiva apo Jesu akazivisa chimwe chinhu chitsva, maererano nechairehwa nokudya nyama yake nokunwa ropa rake. Akati: “Kana mukasadya nyama yomwanakomana womunhu nokunwa ropa rake, hamuna upenyu mamuri.” Ruzhinji rwevaJudha vaitevera Jesu rwakagumburwa ndokuti: “Kutaura uku kunoshamisa kwazvo; ndiani angagona kukuteerera?” Chii chakazoitika? “Nemhaka yeizvi vakawanda vevadzidzi vake vakadzokera kuzvinhu zveshure uye vakanga vasingachafambizve naye.”—Johani 6:50-66.

Panguva ino yakaoma, Jesu akatendeukira kune vaapostora 12 ndokubvunza mubvunzo unobaya mwoyo wokuti: “Hamudi kuendawo, munoda here?” Petro akapindura kuti: “Ishe, tichaenda kuna ani? Mune mashoko oupenyu husingaperi; uye takatenda tikasvika pakuziva kuti ndimi Mutsvene waMwari.”—Johani 6:67-69.

Petro akasiya mukurumbira worudzii? Munhu anoverenga nhoroondo dzine chokuita naye hapana chimwe chaangaita kunze kwokuororwa nokutendeka kwake uye kusapoterera kwake, kuvimbika kwake, uye kuda kwake kubvuma paakanga asina kusimba. Akazviitira zita rakazonaka!

Vanhu Vaiyeukei Pamusoro paJesu?

Ushumiri hwaJesu hwepasi pano hwakaita makore matatu nehafu chete. Asi, anoyeukwa sei nevateveri vake? Sezvo akanga akakwana, asina chivi, aiva munhu asina ushamwari uye anoonera vamwe pasi here? Aishandisa simba rake zvisina kufanira pamusana pokuti aiziva kuti aiva Mwanakomana waMwari here? Aityisidzira uye kumanikidza vateveri vake kuti vateerere here? Ainyanyozvikoshesa zvokuti aisaseka here? Aiva akabatikana zvikuru zvokushaya nguva yokuva nevasina simba nevanorwara kana kuti nevana here? Aitarisira pasi vanhu vemamwe marudzi uye vakadzi, sezvaiwanzoita varume kare ikako here? Nhoroondo yacho inotiudzei?

Jesu aifarira vanhu. Kuongorora ushumiri hwake kunoratidza kuti panguva dzakawanda akaporesa vakaremara nevairwara. Akashanda zvakaoma kuti abatsire vaishayiwa. Akaratidza kufarira vechiduku, achirayiridza vadzidzi vake kuti: “Regai vana vaduku vauye kwandiri; musaedze kuvadzivisa.” Ipapo Jesu “akafungatira vana mumaoko ake akatanga kuvakomborera, achiisa maoko ake pavari.” Unowana nguva yokuva nevana here, kana kuti wakanyanya kubatikana zvokuti haumbovaoniwo?—Mako 10:13-16; Mateu 19:13-15.

Jesu paaiva pasi pano, vaJudha vairemedzwa nemitemo nemirau yechitendero yaipfuura zvaidikanwa noMutemo. Vatungamiriri vavo vechitendero vairemedza vanhu nemitoro inorema, nepo ivo pachavo vakanga vasingaitseketudzi nomumwe weminwe yavo. (Mateu 23:4; Ruka 11:46) Naizvozvo, Jesu akanga akasiyana zvikuru! Akati: “Uyai kwandiri, imi mose munoshanda zvakaoma uye makaremerwa, uye ndichakuzorodzai.”—Mateu 11:28-30.

Vanhu vaizorodzwa pavaisonganirana naJesu. Akanga asingatyisidziri vadzidzi vake zvokuti vaizotya kutaura zvavaifunga. Chokwadi, aibvunza mibvunzo kuita kuti vataure pfungwa dzavo. (Mako 8:27-29) Vatariri vechiKristu vanoita zvakanaka kuzvibvunza kuti: ‘Ndozvandinoitawo here pane vandinonamata navo? Vamwe vakuru vanonyatsondiudza zvavanofunga here, kana kuti vanozengurira kuita kudaro?’ Zvinozorodza zvikuru kana vatariri vachibvira kutaura navo, vachiteerera vamwe, uye vachiramba vakasununguka! Kusafunga kunongovhiringidza kukurukurirana kwakajeka uye kwakasununguka.

Kunyange zvazvo Jesu aiva Mwanakomana waMwari, haana kumboshandisa zvisina kunaka simba kana kuti chiremera chake. Pane kudaro, aikurukura nevateereri vake. Izvozvo ndozvakaitika apo vaFarisi vakaedza kumubata nomubvunzo wemanomano wokuti: “Zvinobvumirwa nomutemo here kutera mutero womunhu wose kuna Kesari kana kuti kwete?” Jesu akavaudza kuti vamuratidze mari ndokuvabvunza kuti: “Mufananidzo nemashoko aya akanyorwa ndezvaani?” Vakapindura kuti: “ZvaKesari.” Ipapo akati kwavari: “Naizvozvo, dzorerai zvinhu zvaKesari kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.” (Mateu 22:15-21) Kufunga kwakanaka kwakanga kwakakwana.

Jesu aitaura zvinosetsa here? Vamwe vaverengi vangaona kachiratidzo kokutaura zvinosetsa pavanoverenga ndima apo Jesu akati zvaiva nyore kuti ngamera ipinde nepaburi retsono pane kuti mupfumi apinde muUmambo hwaMwari. (Mateu 19:23, 24) Pfungwa chaiyo yengamera ichiedza kupinda nepaburi retsono yokusonesa inowedzeredzwa. Mumwe muenzaniso wegudziramukanwa rakadaro ndouya wokuona kabanzu kari muziso reimwe hama asi usingaoni danda riri muziso rako. (Ruka 6:41, 42) Aiwa, Jesu akanga asiri munhu anotsiura vamwe asingamboseki. Aiva noushamwari. KuvaKristu nhasi, kutaura zvinosetsa kungaderedza kusuruvara munguva dzokunetseka.

Tsitsi dzaJesu Kuvakadzi

Vakadzi vainzwa sei kana Jesu aripo? Zvechokwadi aiva nevateveri vakavimbika vakawanda vechikadzi, kusanganisira amai vake, Mariya. (Ruka 8:1-3; 23:55, 56; 24:9, 10) Vakadzi vainzwa vakasununguka kutaura naJesu kusvika pamwero wokuti pane imwe nguva mumwe mukadzi ‘aizivikanwa somunhu anoita zvivi’ akageza tsoka dzaJesu nemisodzi yake ndokudzizora mafuta anonhuhwirira. (Ruka 7:37, 38) Mumwezve mukadzi, uyo akanga atambura nokuyerera ropa kwemakore, akatukutira nomuvanhu kuti abate nguo yaJesu kuitira kuti apore. Jesu akarumbidza kutenda kwake. (Mateu 9:20-22) Chokwadi, vakadzi vakaona Jesu ari munhu anobvira kutaura naye.

Pane imwe nguva, Jesu akataura nomukadzi weSamariya patsime. Akashamisika zvikuru zvokuti akati: “Sei iwe, pasinei nokuti uri muJudha, uchindikumbira mvura yokunwa, asi ini ndiri mukadzi muSamariya?” Unoonaka, vaJudha vakanga vasingafambidzani nevaSamariya. Jesu akaenderera mberi achimudzidzisa chokwadi chinoshamisa pamusoro pe‘mvura inotubuka kuti ipe upenyu husingaperi.’ Aiva akasununguka kuvakadzi. Haana kufunga kuti ari kushorwa.—Johani 4:7-15.

Jesu anoyeukwa nokuda kwomutsa wake mukuru, kusanganisira kuzvipira kwake. Aiva muenzaniso wakakwana worudo rwaMwari. Jesu anoratidza zvinodiwa kune vose vanoda kuva vateveri vake. Unonyatsotevera sei muenzaniso wake?—1 VaKorinde 13:4-8; 1 Petro 2:21.

VaKristu Vemazuva Ano Vanoyeukwa Sei?

Mumazuva ano, zviuru zvevaKristu vakatendeka vakafa, vakawanda vakwegura, vamwe vachiri vaduku zvikuru. Asi vakasiya mukurumbira wakanaka. Vamwe, saCrystal, uyo akafa akwegura, vanoyeukwa nokuda kworudo rwavo uye ushamwari. Vamwewo, vakadai saDirk, uyo akafa ari kuma40, vanoyeukwa nokuda kwokufara uye kushandira pamwe nevamwe.

Uyewo pana José wokuSpain. Kare kuma1960, apo basa rokuparidza reZvapupu zvaJehovha rakanga richirambidzwa munyika iyoyo, José akanga akaroora uye aiva nevanasikana vechiduku vatatu. Aiva nebasa rakachengeteka muBarcelona. Asi panguva iyoyo, kumaodzanyemba kweSpain kwaidiwa vakuru vechiKristu vakura. José akasiya basa rake rakachengeteka ndokutamira kuMálaga nemhuri yake. Vaifanira kuva nenguva yakaoma yezvemari, kazhinji vasingashandi.

Asi, José aizivikanwa nokuda kwomuenzaniso wake wokutendeka, uye wokuvimbika muushumiri uye nokuda kwomuenzaniso wakanaka wokurera vanasikana vake, uko kwaaiita achibatsirwa nomudzimai wake anotsigira, Carmela. Apo mumwe munhu aidiwa kuronga kokorodzano dzoruwa dzechiKristu munzvimbo yacho, José nguva dzose aida kushandiswa. Zvinosuruvarisa kuti mumakore ake okuma50, akabatwa nechirwere chakakomba chakaita kuti afe. Zvisinei, akasiya mukurumbira wokuva mukuru akavimbika, anoshanda nesimba uye murume nababa vane rudo.

Saka uchayeukwa sei? Kudai wakanga wafa nezuro, vanhu vangadai vari kuti kudini pamusoro pako nhasi? Uyu mubvunzo ungatikurudzira tose kunatsiridza zvatinoita.

Tingaitei kuti tive nomukurumbira wakanaka? Nguva dzose tinogona kuvandudzika mukuratidza zvibereko zvomudzimu—somuenzaniso rudo, mwoyo murefu, mutsa, unyoro, uye kuzvidzora. (VaGaratiya 5:22, 23) Chokwadi, kutaura zvazviri, “mbiri yakanaka inopfuura chizoro chakanaka, nezuva rokufa kupfuura zuva rokuzvarwa.”—Muparidzi 7:1; Mateu 7:12.

[Mufananidzo uri papeji 5]

Abhigairi anoyeukwa nokuda kwokungwara kwake

[Mufananidzo uri papeji 7]

Petro anoyeukwa nokuda kwounhu hwake hwokuita zvinhu asina kumbotanga anyatsofunga asi akatendeka

[Mufananidzo uri papeji 8]

Jesu akazvipa nguva yokuva nevana