Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tichafamba Muzita raJehovha Nokusingaperi!

Tichafamba Muzita raJehovha Nokusingaperi!

Tichafamba Muzita raJehovha Nokusingaperi!

“Isu tichifamba nezita raJehovha Mwari wedu nokusingaperi-peri.”—MIKA 4:5.

1. Mashokoi ari muna Mika chitsauko 3, kusvika ku5?

JEHOVHA ane zvaanoda kuudza vanhu vake, uye ari kushandisa Mika somuprofita wake. Chinangwa chaMwari kuti aite chiito chokuranga vaiti vezvakaipa. Acharanga Israeri pamusana pokuramba kutenda. Zvisinei, zvinofadza kuti Jehovha achakomborera vaya vanofamba muzita rake. Mashoko aya anonzwika zvakajeka muchitsauko 3 kusvika ku5 chouprofita hwaMika.

2, 3. (a) Vatungamiriri veIsraeri vanofanira kuratidza unhu hwakadini, asi vari kuitei chaizvo? (b) Ungatsanangura sei kutaura kwokufananidzira kunoshandiswa pana Mika 3:2, 3?

2 Muprofita waMwari anozivisa kuti: “Chinzwai henyu imi vakuru vaJakobho, navabati veimba yaIsraeri; Ko hamuzaifanira kuziva kururamisira vanhu here?” Hungu, ndizvo zvavanofanira kuita, asi ivo vari kuitei chaizvo? Mika anoti: “Iyemi, munovenga zvakanaka, muchida zvakaipa, munovhiya vanhu ganda ravo, muchibvambura nyama yavo pamapfupa avo; imi munodyawo nyama yavanhu vangu, muchisvuura ganda ravo, munovhuna mapfupa avo, muchiaguranya, sezvinoiswa muhari, senyama iri mugate.”—Mika 3:1-3.

3 Chokwadi, vatungamiriri vacho vari kudzvinyirira varombo, vasina anovadzivirira! Kutaura kwokufananidzira kwakashandiswa pano apa kunonzwisiswa nyore nevaya vanonzwa Mika. Gwai raurayiwa parinogadzirwa nokuita zvokufashaidzwa mumvura, rinotanga ravhiyiwa rochekwachekwa. Dzimwe nguva mapfupa acho anotsemurwa kuti mwongo ubude. Nyama nemapfupa acho zvose zvinofashaidzwa mugate, serataurwa naMika. (Ezekieri 24:3-5, 10) Muenzaniso wakakodzera zvakadini wokubatwa zvisina kufanira kuri kuitwa vanhu vomuzuva raMika nevatungamiriri vavo vakaipa!

Jehovha Anotarisira Kuti Tive Vanoruramisira

4. Musiyanoi uripo pakati paJehovha nevatungamiriri veIsraeri?

4 Pane musiyano unoshamisa pakati poMufudzi ane rudo, Jehovha, nevatungamiriri veIsraeri. Sezvo vasingaruramisiri, vanokundikana kuzadzika basa ravo rokudzivirira makwai. Pane kudaro, vanoshandisa makwai okufananidzira aya nenzira youdyire, vasingaaruramisiri uye vachideura “ropa” rawo sezvinotaurwa pana Mika 3:10. Tingadzidzei apa?

5. Jehovha anotarisira kuti vaya vanotungamirira vanhu vake vaite sei?

5 Mwari anotarisira kuti vaya vanotungamirira vanhu vake vave vanoruramisira. Izvi ndizvo zvatinowana pakati pevashumiri vaJehovha nhasi. Uyezve izvi zvinoenderana naIsaya 32:1, apo tinoverenga kuti: “Tarirai mambo uchabata ushe nokururama, machinda achabata achiruramisira.” Asi muzuva raMika, tinowanei? ‘Vanovenga zvakanaka, vachida zvakaipa’ vanoramba vachitonga zvisina ruramisiro.

Minyengetero Yavanaani Inopindurwa?

6, 7. Ipfungwa ipi inokosha inotaurwa pana Mika 3:4?

6 Vanhu vakaipa vomuzuva raMika vangatarisira kunzwirwa nyasha naJehovha here? Zviri pachena kuti kwete! Mika 3:4 inoti: “Vachadana kuna Jehovha, asi haangavapinduri; zvirokwazvo uchavavanzira chiso chake nenguva iyo, nokuda kwezvakaipa zvavakaita pamabasa avo.” Izvi zvinobudisa imwe pfungwa inokosha zvikuru.

7 Jehovha haazopinduri minyengetero yedu kana tiine tsika yokuita zvivi. Izvozvo ndezvechokwadi chaizvo kana tiri kurarama upenyu hwokuvanza zvatiri, tichivanza zvivi zvedu uku tichinyepedzera kushumira Mwari nokutendeka. Maererano naPisarema 26:4, Dhavhidhi akaimba kuti: “Handina kugara nevanhu venhema, handingafambidzani navanyengeri.” Ndoda vaya vanoputsa zviri muShoko rake vachiziva, Jehovha haateereri minyengetero yavo!

Kupiwa Simba Nomudzimu waMwari

8. Vaprofita venhema vomuzuva raMika vakanyeverwa nezvechii?

8 Zviito zvinonyadzisa sei zviri kuitwa pakati pevatungamiriri veIsraeri! Vaprofita venhema vari kukonzera vanhu vaMwari kudzungaira mumudzimu. Vatungamiriri vacho vanokara vanodanidzira kuti “Rugare!” asi chaizvo vanokurudzira kuti munhu wose asingaisi chinhu mumiromo yavo arwiswe. “Naizvozvo,” anodaro Jehovha, “muchasvikirwa nousiku, kuti murege kuva nechamunoona; muchava nerima, kuti murege kuvuka; zuva richavirira vaprofita, chiedza chamasikati chichavasvibira. Vaoni vachanyadziswa, navavuki vachakanganiswa; zvirokwazvo, vose vachafumbira ndebvu dzavo.”—Mika 3:5-7a.

9, 10. Chii chinorehwa noku‘fumbira ndebvu,’ uye nei Mika asina chikonzero chokuita izvozvo?

9 Neiko ‘vachifumbira ndebvu dzavo’? Ichi ndechimwe chinhu chinoitwa nevanhu vakaipa vomuzuva raMika pamusana penyadzi. Uye varume vakaipa ava vanofanira kunyara. “Hakuna mhinduro inobva kuna Mwari,” sokuziva kwavanoita ivo. (Mika 3:7b) Jehovha haateereri minyengetero yevapi zvavo vanozvikudza vakaipa.

10 Mika haana chikonzero choku‘fumbira ndebvu.’ Haasi kunyara. Jehovha anopindura minyengetero yake. Cherechedza Mika 3:8, apo muprofita wacho akatendeka anoti: “Kana ndirini, ndizere nesimba pamwe chete noMweya waJehovha, nokutonga nokutsunga.” Mika ari kuonga zvakadini kuti muushumiri hwake hwose hwakareba hwokutendeka, nguva dzose ave ‘azere nesimba pamwe chete nomweya waJehovha’! Izvi zvamupa simba rokuti ‘aparidzire Jakobho kudarika kwake, uye Israeri zvivi zvavo.’

11. Vanhu vanopiwa sei simba rokuzivisa mashoko aMwari?

11 Mika anoda simba rinopfuura romunhu kuti azivise mashoko aMwari omutongo wakaipa. Mudzimu waJehovha, kana kuti simba rake guru rinoshanda, rinokosha. Zvakadini nesu? Basa redu rokuparidza rinogona kuzadzika chete kana Jehovha achitisimbisa achishandisa mudzimu wake mutsvene. Kuparidza kuchashaya basa zvachose kana tichiita zvivi nemaune. Nokudaro Mwari haapinduri minyengetero yedu yokukumbira simba rokuita basa rake. Zvechokwadi hatigoni kuzivisa mashoko okutonga kwaBaba vedu vokudenga kunze kwokunge “mudzimu waJehovha” uri pamusoro pedu. Kuburikidza neminyengetero iyo anonzwa uye nokubatsira kwomudzimu mutsvene, tinokwanisa kutaura shoko raMwari noushingi saMika.

12. Nei vadzidzi vaJesu vokutanga vaigona ‘kuramba vachitaura shoko raMwari vasingatyi’?

12 Zvichida unoyeuka nhoroondo iri pana Mabasa 4:23-31. Fungidzira kuti uri mumwe wevadzidzi vaJesu vomuzana remakore rokutanga. Vatambudzi vanonyanyisa vave vachitsvaka kuti vateveri vaKristu vasone miromo yavo. Asi ava vakavimbika vanonyengetera kuna Changamire Ishe wavo, vachiteterera kuti: “Jehovha, inzwai kutyisidzira kwavo, mubvumire varanda venyu kuti varambe vachitaura shoko renyu vasingatyi.” Zvinoguma sei? Pavanoteterera, nzvimbo yavakaungana mairi inozununguka, uye vose mumwe nomumwe vanozadzwa nomudzimu mutsvene votaura shoko raMwari vasingatyi. Saka isu ngatitarise kuna Jehovha tichinyengetera tovimba nokubatsirwa nomudzimu mutsvene sezvatinoita ushumiri hwedu.

13. Chii chichaitika kuJerusarema neSamariya, uye nei?

13 Funga zvakare nezvezuva raMika. Maererano naMika 3:9-12, vatongi vane mhaka yeropa vanotonga kuti vapiwe chiokomuhomwe, vapristi vanodzidzisa kuti vapiwe mubayiro, uye vaprofita venhema vanouka kuti vapiwe mari. Hazvishamisi kuti Mwari aita chirevo chokuti guta reJudha, Jerusarema, richava “mirwi yamabwe”! Sezvo kunamata kwenhema nokuora kwetsika zvakatekesherawo muIsraeri, Mika anofuridzirwa kunyevera kuti Mwari achaita Samariya “murwi wemabwe.” (Mika 1:6) Tingatoti muprofita wacho anorarama kusvikira aona kuparadzwa kweSamariya nemauto eAsiriya muna 740 B.C.E. (2 Madzimambo 17:5, 6; 25:1-21) Zviri pachena kuti mashoko ane simba aya pamusoro peJerusarema neSamariya aigona kungopiwa nesimba raJehovha chete.

14. Uprofita hwakanyorwa pana Mika 3:12 hwakazadzika sei, uye izvozvo zvinofanira kutiita kuti tinzwe sei?

14 Hazvimboiti kuti Judha ipukunyuke mutongo waJehovha wakaipa. Mukuzadzika kwouprofita hwakanyorwa pana Mika 3:12, Ziyoni “richarimwa somunda.” Mukuona kwedu isu tiri muzana remakore rechi21, tinoziva kuti zvinhu izvi zvakaitika apo vaBhabhironi vakaparadza Judha neJerusarema muna 607 B.C.E. Izvi zvakaitika makore akawanda Mika aprofita, asi aiva nechokwadi chokuti zvaizouya. Chokwadi nesuwo tinofanira kuva nechivimbo chakadaro chokuti nyika iripo iye zvino ichaguma mu“zuva raJehovha” rakafanotaurwa.—2 Petro 3:11, 12.

Jehovha Anoruramisa Zvinhu

15. Ungarondedzera sei nemashoko ako pachako uprofita hwakanyorwa pana Mika 4:1-4?

15 Tichitarisa shure, tinoona kuti Mika anozotevera kutaura mashoko etariro anofadza kwazvo. Mashoko anokurudzira zvakadini atinowana pana Mika 4:1-4! Zvimwe zvezvinotaurwa naMika zvinoti: “Namazuva okupedzisira gomo reimba yaJehovha richagadzwa pamisoro yamakomo, richakwiridzwa kumusoro kwezvikomo; marudzi avanhu achamhanyira kwariri. . . . Iye uchatonga pakati pamarudzi mazhinji, ucharuramisira marudzi ane simba ari kure; vachapfura minondo yavo vachiiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rudzi rumwe harungazosimudziri rumwe rudzi munondo havangazodzidzi kurwa. Asi mumwe nomumwe uchagara pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, hakuna ungazovatyisa, nokuti muromo waJehovha wehondo wataura izvozvo.”

16, 17. Mika 4:1-4 iri kuzadzika sei nhasi?

16 “Marudzi mazhinji” uye “marudzi ane simba” ari kutaurwa pano ndivanaani? Haasi marudzi nehurumende dzenyika ino. Asi, uprofita hwacho hunoshanda kuvanhu vanobva mumarudzi ose vanotendeukira kubasa dzvene rakabatana mugomo raJehovha rokunamata kwechokwadi.

17 Maererano nouprofita hwaMika, kunamatwa kwaJehovha kwakachena kuchaitwa zvizere pasi pose munguva pfupi iri kutevera. Nhasi, vanhu vano“da upenyu husingaperi” vari kudzidziswa munzira dzaJehovha. (Mabasa 13:48) Jehovha ari kutonga uye ari kururamisira mumudzimu vatendi vanotsigira Umambo. Vachapona mu“kutambudzika kukuru” vari vamwe ve“boka guru revanhu.” (Zvakazarurwa 7: 9, 14) Pashure pokupfura minondo yavo vachiiita mapadza, kunyange nhasi vanorarama norugare nezvimwe Zvapupu zvaJehovha uye nevamwe. Zvinofadza zvikuru kuva pakati pavo!

Takatsunga Kufamba Muzita raJehovha

18. Chii chinofananidzirwa noku‘gara pasi pomuzambiringa nomuonde wako pachako’?

18 Muzuva redu, apo vanhu vose vari munyika vari kutya zvikuru, tinofara kuti vakawanda vari kudzidza nzira dzaJehovha. Tiri kushuva zvikuru nguva yaswedera apo vose vanoda Mwari vakadaro vasingazodzidzizve hondo asi vachagara pasi pemizambiringa yavo nemionde yavo. Mionde inowanzosimwa muminda yemizambiringa. (Ruka 13:6) Kugara pasi pomuzambiringa nomuonde wako pachako zvinofananidzira rugare, kubudirira, uye kuchengeteka. Kunyange iye zvino, ukama hwedu naJehovha hunotipa rugare mupfungwa uye kuchengeteka mumudzimu. Kana mamiriro ezvinhu akadaro avapo mukutonga kwoUmambo, tinenge tisisatyi uye tachengeteka zvakakwana.

19. Zvinorevei kufamba muzita raJehovha?

19 Kuti tiwane nyasha nechikomborero chaMwari, tinofanira kufamba muzita raJehovha. Izvi zvinotaurwa zvakasimba pana Mika 4:5, apo muprofita wacho anozivisa kuti: “Marudzi ose avanhu anofamba, rumwe norumwe nezita ramwari warwo; asi isu tichafamba nezita raJehovha Mwari wedu nokusingaperi-peri.” Kufamba muzita raJehovha hakurevi kungotaura kuti iye ndiye Mwari wedu. Pane zvinodiwa zvinopfuura kungopinda kwedu misangano yechiKristu nokubuda mubasa rokuparidza Umambo, kunyange zvinhu izvozvo zvichikoshawo. Kana tiri kufamba muzita raJehovha, takazvitsaurira kwaari uye tiri kuedza kumushumira takatendeka zvichibva parudo rwomwoyo wose. (Mateu 22:37) Uye sevanamati vake, zvechokwadi takatsunga kufamba muzita raJehovha Mwari wedu nokusingagumi.

20. Chii chakafanotaurwa pana Mika 4:6-13?

20 Zvino ngatichimbokurukura nezvemashoko ouprofita aMika 4:6-13. “Mukunda weZioni” achafanira kuenda muutapwa ku“ndosvika Bhabhironi.” Izvozvo chaizvo ndizvo zvakaitika kuvagari vomuJerusarema muzana remakore rechinomwe B.C.E. Kunyange zvakadaro, uprofita hwaMika hunoratidza kuti vamwe vachasara vachadzokera kuJudha, uye pakudzorerwa kweZioni Jehovha achaona kuti vavengi varo vatsakatiswa.

21, 22. Mika 5:2 yakazadzika sei?

21 Zvimwe zviitiko zvinoshamisa zvinofanotaurwa muna Mika chitsauko 5. Somuenzaniso, cherechedza zvinotaurwa pana Mika 5:2-4. Mika anoprofita kuti Mutongi akagadzwa naMwari—uyo ‘mabudiro ake ari ekare’—achabuda muBheterehema. Achatonga somufudzi “nesimba raJehovha.” Uyezve, Mutongi uyu achava mukuru, kwete muIsraeri chete, asi “kusvikira kumigumo yenyika.” Kuti mutongi iyeye ndiani kungavhiringidza nyika yose zvayo, asi kwatiri haasi munhu asinganzwisisiki.

22 Ndiani munhu anokosha kupfuura vose akazvarwa kuBheterehema? Uye ndiani achava mukuru “kusvikira kumigumo yenyika”? Hapana mumwe kunze kwaMesiya, Jesu Kristu! Apo Herodhi Mukuru akabvunza vapristi vakuru nevanyori kuti Mesiya aifanira kuzvarirwa kupi, vakamupindura kuti: “MuBheterehema reJudhiya.” Vakatotaurawo mashoko aMika 5:2. (Mateu 2:3-6) Vamwe vanhuwo zvavo vaizvizivawo, nokuti Johani 7:42 inotaura kuti vakati: “Rugwaro haruna kutaura here kuti Kristu anouya kubva kuvana vaDhavhidhi, uye kubva kuBheterehema musha waigara Dhavhidhi?”

Zororo Rechokwadi Nokuda Kwevanhu

23. Chii chiri kuitika iye zvino mukuzadzika kwaMika 5:7?

23 Mika 5:5-15 inotaura nezvokupinda kwevaAsiria nechisimba uko kuchabudirira kwenguva pfupi chete uye inotaurawo kuti Mwari achatsiva marudzi asingateereri. Mika 5:7 inovimbisa kudzorerwa kwevaJudha vakasara vanopfidza kumusha kwavo, asi mashoko aya anoshandawo kuzuva redu. Mika anoti: “Vakasara vaJakobho vachava pakati pamarudzi mazhinji avanhu sedova rinobva kuna Jehovha, semvura inonaya pauswa.” Kufananidzira kwakazonaka uku kunoshandiswa kufanotaura kuti vasara vaJakobho womudzimu, kana kuti Israeri, vachava chikomborero kuvanhu chinobva kuna Mwari. “Mamwe makwai” aJesu, ayo ane tariro yepasi pano, anofara kushumira akabatana nevasara va“Israeri waMwari” vemazuva ano, vachibatsira kuzorodza vamwe mumudzimu. (Johani 10:16; VaGaratiya 6:16; Zefania 3:9) Ipapa pane imwe pfungwa inoda kufungwa nezvayo. Sevazivisi voUmambo, tose tinofanira kukoshesa ropafadzo yedu yokuunza zororo rechokwadi kune vamwe.

24. Ipfungwa dzipi dziri muna Mika zvitsauko 3 kusvika ku5 dzakubaya mwoyo?

24 Wadzidzei muzvitsauko 3 kusvika ku5 zvaMika? Zvichida pfungwa dzakadai sedzino: (1) Mwari anotarisira vaya vanotungamirira pakati pevanhu vake kutonga neruramisiro. (2) Jehovha haazopinduri minyengetero yedu kana tine tsika yokuita zvivi noune. (3) Basa redu rokuparidza rinongozadzika chete kana Mwari achitisimbisa nomudzimu wake mutsvene. (4) Kuti tiwane nyasha dzaMwari, tinofanira kufamba muzita raJehovha. (5) Sevazivisi voUmambo, tinofanira kukoshesa ropafadzo yedu yokupa vanhu zororo rechokwadi. Pangava nedzimwe pfungwa dzakubaya mwoyo. Chiizve chimwe chatingadzidza kubva mubhuku iri rouprofita? Nyaya inotevera ichatibatsira kuwana zvidzidzo zvinokosha kubva muzvitsauko zviviri zvokupedzisira zvouprofita hwaMika hunosimbisa kutenda.

Ungapindura Sei?

• Chii chinotarisirwa naMwari kune vaya vanotungamirira vanhu vake?

• Nei munyengetero nomudzimu mutsvene zvichikosha maererano nebasa ratinoitira Jehovha?

• Vanhu ‘vanofamba muzita raJehovha’ sei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 15]

Unogona here kutsanangura mufananidzo waMika wegate?

[Mifananidzo iri papeji 16]

Kufanana naMika, tinoita ushumiri hwedu noushingi