Uri Kuzviitira Zita Rakadini?
Uri Kuzviitira Zita Rakadini?
WAKAMBOVERENGA chikamu chezviziviso zvorufu here mupepanhau romunyika menyu kana kuti kuona nhoroondo yakareba youpenyu uye zvakaitwa nomushakabvu? Wakazvibvunza here kuti, ‘Vanhu vaizoti kudini nezvangu?’ Vangani vanombofunga nezvokuti vachayeukwa sei pashure pokufa kwavo? Saka, funga nezvemibvunzo iyi inoti: Vanhu vaizoti kudini nezvako nhasi kudai wakanga wafa nezuro? Uri kuzviitira mukurumbira wakadini? Waizoda kuyeukwa sei nevaya vanokuziva uye naMwari?
Munyori akachenjera webhuku reBhaibheri raMuparidzi akati: “Mbiri yakanaka inopfuura chizoro chakanaka, nezuva rokufa kupfuura zuva rokuzvarwa.” (Muparidzi 7:1) Nei zuva rokufa kwako ringava nani pane rokuzvarwa kwako? Nokuti pakuzvarwa munhu anenge asina mukurumbira unozivikanwa. Haana chinyorwa choupenyu zvachose. Mararamiro ake achaguma nomukurumbira wakanaka kana kuti wakaipa. Nokuda kwevaya vakazviitira zita rakanaka mumakore akapfuura, zvechokwadi zuva rokufa riri nani munhau iyi pane zuva rokuzvarwa.
Saka tine chisarudzo. Chokwadi, zuva nezuva tinoita zvisarudzo zvakawanda zvichazoumba mukurumbira wedu pazuva rokufa kwedu, zvikurukuru kuyeukwa kwatichaitwa naMwari. Saka, muHebheru mumwe chete iyeye akachenjera akanyora kuti: “Kuyeukwa kwowakarurama kunovigira kuropafadzwa, asi zita rowakaipa richaora.” (Zvirevo 10:7) Kuyeukwa naMwari nokuda kwechikomborero—iropafadzo huru kwazvo!
Kana takachenjera, chinangwa chedu chichava chokufadza Mwari kuburikidza nokurarama maererano nezvaanoda. Izvozvo zvinoreva kutevera chokwadi chinokosha chakataurwa naKristu chinoti: “‘Unofanira kuda Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wose nemweya wako wose nepfungwa dzako dzose.’ Uyu ndiwo murayiro mukuru pane yose uye wokutanga. Wechipiri, wakafanana naiwo, ndouyu, ‘Unofanira kuda muvakidzani wako sezvaunozviita.’ Mutemo wose, uye Vaprofita zvinotsamira pamirayiro iyi miviri.”—Mateu 22:37-40.
Vamwe vanoyeukwa sevanhu vanoyamura vamwe, vatsigiri vekodzero dzevanhu, kana kuti nokuda kwezvavanoita mubhizimisi, sayenzi, kurapa, kana kuti mamwe mabasa. Kunyange zvakadaro, iwe ungada kuyeukwa sei?
Nyanduri wokuScotland Robert Burns (1759-96) akataura chido chokuti dai simba rakati raizotipa chipo chokuzviona sokuonekwa kwatinoitwa nevamwe. Ungazvitarira usina kwaunorerekera wobva wati une mukurumbira wakaisvonaka nevamwe vanhu uye naMwari here? Pakupedzisira, ukama hwedu nevamwe hunokosha zvikuru kupfuura kubudirira kupi nokupi kwenguva pfupi kwatingava nako mune zvemitambo kana kuti mubhizimisi. Naizvozvo mubvunzo ndewokuti: Kubata kwedu nevamwe—hurukuro dzedu, tsika dzedu, kutaura kwatinoita tichishandisa nhengo dzomuviri wedu—kunovaita kuti vanzwe sei? Vanotiona
sevanhu vanobvira kutaura navo kana kuti sevasina ushamwari here? Sevane mutsa kana kuti vane hasha here? Vanobvuma kuchinja zviri nyore kana kuti vanonyanya kurayira here? Sevane ushamwari uye vane mutsa kana kuti vakatonhora uye vasingafariri vamwe vanhu here? Somutsoropodzi anoparadza kana kuti sechipangamazano chinovaka here? Ngationgororei mimwe mienzaniso yekare uye yemazuva ano kuti tione kuti tingadzidzei.[Mufananidzo uri papeji 3]
Robert Burns aishuva kuti dai simba rakati raizotipa chipo chokuzviona sokuonekwa kwatinoitwa nevamwe
[Kwazvakatorwa]
Kubva mubhuku rinonzi A History of England