Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chinobatsira Varombo Zvechokwadi

Chinobatsira Varombo Zvechokwadi

Chinobatsira Varombo Zvechokwadi

JESU KRISTU Mwanakomana waMwari, paakanga ari pasi pano, akaratidza kuda kubatsira varombo zvechokwadi. Pamusoro poushumiri hwaJesu, mumwe akazvionera akati: “Mapofu ari kuonazve, uye vanokamhina vari kufamba-famba, vane maperembudzi vari kucheneswa nematsi dziri kunzwa, uye vakafa vari kumutswa, uye varombo vari kuziviswa mashoko akanaka.” (Mateu 11:5) Zvisinei, zvakadini nemamiriyoni mazhinji evarombo nhasi? Pane mashoko akanaka avanogona kuwana here? Hungu, pane shoko retariro!

Kunyange zvazvo varombo kazhinji pasina ane basa navo uye vachikanganwikwa nenyika yose, Shoko raMwari, Bhaibheri rinopikira kuti: “Nokuti unoshaiwa haangakanganikwi nokusingaperi, nokutarira kwomurombo hakungaperi nokusingaperi.” (Pisarema 9:18) Mashoko anonyaradza aya achazadzika apo Umambo hwaMwari, hurumende chaiyo yokudenga, hunotsiva kutonga kwose kwevanhu. (Dhanieri 2:44) Sezvo Mambo wehurumende yokudenga iyoyo, Jesu “uchanzwira nyasha murombo nomushaiwi, uchaponesa mweya yavashaiwi. Uchadzikinura mweya yavo pakutambudzika napakumanikidzwa; ropa ravo richava chinhu chinokosha pamberi pake.”—Pisarema 72:13, 14.

Magariro anenge akaita sei Jesu paanotonga pasi pano? Avo vanenge vachigara munyika mukutonga kwaKristu vachafarira zvibereko zvebasa remaoko avo. Bhaibheri rinotaura pana Mika 4:3, 4 kuti: “Mumwe nomumwe uchagara pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, hakuna ungazovatyisa, nokuti muromo waJehovha wehondo wakataura izvozvo.” Umambo hwaMwari huchatogadzirisa zvinetso zvokurwara nokufa. (Isaya 25:8) Iyoyo ichava nyika yakasiyana kwazvo! Tinogona kudavira zvipikirwa zveBhaibheri izvi nokuti zvakafuridzirwa naMwari pachake.

Kuwedzera pakupa shoko retariro, Bhaibheri rinotibatsira kubata nezvinetso zvezuva nezuva, zvakadai sokuti tingakurira sei kunzwa kwokusazviremekedza, uko kungaparirwa nokuva murombo. MuKristu murombo anoziva kubva mukudzidza kwake Bhaibheri kuti anokosha mumeso aMwari sezvinongoitawo muKristu akapfuma. Bhuku reBhaibheri raJobho rinotaura nezvaMwari kuti ndiye “usingatsauri vapfumi kupfuura varombo. Nokuti ivo vose ndiro basa ramaoko ake.” (Jobho 34:19) Mwari anovada vose zvakaenzana.—Mabasa 10:34, 35.