Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Anotitarisira Nguva Dzose

Jehovha Anotitarisira Nguva Dzose

Nyaya Youpenyu

Jehovha Anotitarisira Nguva Dzose

YAKATAURWA NAENELESI MZANGA

Makanga muri muna 1972. Vakomana gumi, veMalawi’s Youth League, vakapaza ndokupinda mumba medu, vakandibata, ndokundizvuzvurudzira mumunda wenzimbe waiva pedyo. Imomo vakandirova ndokundisiya vachifunga kuti ndafa.

Zvapupu zvaJehovha zvakawanda muMalawi zvakarohwa zvinotyisa sezvandakaitwa izvi. Nei zvaitambudzwa? Chii chakazvibatsira kutsungirira? Ndapota ndibvumirei kutaura nyaya youpenyu hwemhuri yangu.

NDAKABEREKWA musi waDecember 31, 1921, mumhuri yaiita zvechitendero. Baba vangu vakanga vari mufundisi weChurch of Central African Presbyterian. Ndakakurira muNkhoma, taundi duku riri pedyo neLilongwe, guta guru reMalawi. Pandakanga ndava nemakore 15, ndakava mudzimai waEmmas Mzanga.

Rimwe zuva, imwe shamwari yababa vangu iyo yakanga iriwo mufundisi yakatishanyira. Yakanga yaona kuti Zvapupu zvaJehovha zvaigara pedyo nepamba pedu ndokutinyevera kuti tisafambidzana navo. Yakatitaurira kuti Zvapupu zvaiva nemadhimoni uye kuti kana taisazongwarira, nesuwo taizobatwa nemadhimoni. Nyevero iyoyo yakatityisa kwazvo zvokuti takatamira kune mumwe musha uko Emmas akawana basa somutengesi womuchitoro. Asi pasina nguva refu takazoona kuti musha wedu mutsva waivazve pedyo neZvapupu zvaJehovha!

Zvisinei, pasina nguva refu, kuda Bhaibheri nomwoyo wose kwaEmmas kwakamuita kuti ataure nomumwe weZvapupu. Awana mhinduro dzinogutsa dzemibvunzo yake mizhinji, Emmas akabvuma kudzidziswa Bhaibheri neZvapupu. Pakutanga chidzidzo chacho cheBhaibheri chaiitirwa kuchitoro kwaaishanda, asi nokufamba kwenguva chidzidzo chevhiki nevhiki chakazoitirwa mumba medu. Nguva imwe neimwe yaiuya Zvapupu zvaJehovha, ndaibuda mumba nokuti ndaivatya. Kunyange zvakadaro, Emmas akaramba achidzidza Bhaibheri. Inenge mwedzi mitanhatu atanga, akabhabhatidzwa, muna April 1951. Zvisinei, haana kundiudza nokuti akatya kuti mashoko acho aizogura muchato wedu.

Vhiki Dzakaoma

Zvisinei, rimwe zuva, shamwari yangu Ellen Kadzalero yakandiudza kuti murume wangu akanga abhabhatidzwa somumwe weZvapupu zvaJehovha. Ndakavira nehasha! Kubva pazuva iroro zvichienda mberi, handina kumbozotaura naye kana kuti kumubikira. Ndakaregawo kunomucherera nokumudziyisira mvura yokugeza—basa iro maererano netsika dzedu rinoonekwa seromudzimai.

Pashure pokutsungirira kubatwa nenzira iyi kwevhiki nhatu, Emmas nomutsa akandikumbira kugara naye pasi, uye akabva andiudza kuti nei akanga aita chisarudzo chokuva Chapupu. Akaverenga ndokutsanangura magwaro akawanda, akadai sa1 VaKorinde 9:16. Zvakandibaya mwoyo kwazvo ndokubva ndanzwa kuti neniwo ndaifanira kuparidza mashoko akanaka. Naizvozvo ndakasarudza kutanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Manheru iwayo chaiwo, zvakazorodza kwazvo murume wangu ane rudo, ndakamubikira zvokudya zvakanaka.

Kugovana Chokwadi Nemhuri Neshamwari

Vabereki vedu pavakanzwa kuti takanga tava kushamwaridzana neZvapupu zvaJehovha, vakatishora zvakakomba. Mhuri yangu yakatinyorera tsamba ichiti tisambofa takavashanyira zvakare. Maitiro avo akatisuwisa, asi takavimba nechipikirwa chaJesu chokuti taizova nehama nehanzvadzi navanababa navanaamai vomudzimu vakawanda.—Mateu 19:29.

Ndakafambira mberi nokukurumidza muchidzidzo changu cheBhaibheri uye ndakabhabhatidzwa muna August 1951, mwedzi mitatu nehafu chete pashure pomurume wangu. Ndakanzwa ndichida kugovana chokwadi neshamwari yangu Ellen. Zvinofadza kuti akabvuma kuti ndimudzidzise Bhaibheri. Muna May 1952, Ellen akabhabhatidzwa ndokuva mukoma wangu womudzimu, izvi zvakasimbisa ukama hwedu. Nhasi tichiri shamwari dzapedyo.

Muna 1954, Emmas akagadzwa kuti ashanyire ungano somutariri wedunhu. Panguva iyoyo, takanga tatova nevana vatanhatu. Mumazuva iwayo, mutariri anofambira aiva nemhuri aipedza vhiki imwe achishanyira ungano ogara pamba vhiki inotevera yacho nomudzimai wake nevana. Zvisinei, Emmas paaifamba, nguva dzose aiva nechokwadi chokuti ndaiitisa chidzidzo chedu cheBhaibheri chemhuri. Taiedza kuita kuti chidzidzo chacho nevana vedu chinakidze. Taitaurawo tine chokwadi zvichibva pamwoyo pamusoro pokuda kwedu Jehovha nechokwadi chinobva muShoko rake, uye taiita basa rokuparidza semhuri. Kudzidzisa kwomudzimu uku kwakasimbisa kutenda kwevana vedu uye kwakavagadzirira chitambudzo chatakanga tava kuda kutarisana nacho.

Kutambudzirwa Chitendero Kunotanga

Muna 1964, Malawi yakawana rusununguko rwokuzvitonga. Apo vakuru vakuru vebato raitonga vakaziva nezvokusapindira kwedu mune zvematongerwo enyika, vakaedza kutimanikidza kutenga makadhi okuva nhengo dzebato. * Nemhaka yokuti ini naEmmas takaramba kutenga, veYouth League vakaparadza munda wedu wechibage—paibva zvokudya zvedu zvose zvegore raizotevera. Vanhu veYouth League pavaitema chibage chacho, vakanga vachiimba vachiti: “Vose vanoramba kutenga kadhi raKamuzu [Purezidhendi Banda], mujuru uchadya chibage chavo chiri chinyoro uye vanhu ava vachachema.” Asi, pasinei zvapo nokurasikirwa uku nezvokudya, hatina kupererwa. Takaona kutarisira kwaJehovha. Norudo akatisimbisa.—VaFiripi 4:12, 13.

Rimwe zuva pakati pousiku muna August 1964, ndakanga ndiri pamba ndiri ndoga nevana. Takanga takarara, asi ndakamutswa nokuimba kwaiva nechokurekure. Vaiva vanhu veGulewamkulu, boka repachivande raityiwa revatambi verimwe dzinza vanorova vanhu uye vachiedzesera kuva midzimu yemadzitateguru akafa. VeYouth League vakanga vatumira Gulewamkulu kuzotirova. Ndakamutsa vana nokukurumidza, uye vaiuya kuzotirova vacho vasati vasvika pamba pedu, takatizira musango.

Tiri patakanga takavanda, takaona chiedza chikuru. VeGulewamkulu vakanga vatungidza imba yedu yakanga yakapfurirwa nouswa. Yakatsva yose pamwe chete nezvinhu zvedu zvose. Vanhu vacho sezvavaifamba vachibva pamarara aipwititika eimba yedu, takavanzwa vachiti, “Taita moto wakanaka wokuti Chapupu chiya chidziye.” Takaonga kwazvo kuna Jehovha kuti takanga tapukunyuka! Chokwadi, vakaparadza zvinhu zvedu zvose, asi havana kuparadza kutsunga kwedu kuvimba naJehovha pane kuvimba nevanhu.—Pisarema 118:8.

Takazoziva kuti boka reGulewamkulu rakanga raitawo zvakaipa kudaro kune dzimwe mhuri shanu dzeZvapupu zvaJehovha munharaunda yedu. Takafara nokuonga kwazvo apo hama dzomuungano dzaive dzakavakidzana nesu dzakatinunura! Vakavakazve misha yedu nokutipa zvokudya kwevhiki dzakawanda.

Kutambudzwa Kunowedzera

Muna September 1967 chirongwa chokuunganidza Zvapupu zvaJehovha zvose chakapoterera nenyika yose. Kuti vatiwane, varume vechiduku vaiva noutsinye vachiita sezvikara—veYouth League neMalawi Young Pioneers, vaiva nemazipanga—vakatsvaka Zvapupu paimba neimba. Pavaizviwana varume vacho vaiti vanoda kuvatengesera makadhi ebato rezvematongerwo enyika.

Pavakasvika pamba pedu, vakabvunza kana taiva nemakadhi ebato. Ndakati: “Aiwa, handina kutenga. Handisi kuzotenga iye zvino, uyewo handisi kuzoritenga munguva yemberi.” Vakabva vabata murume wangu pamwe neni ndokutiendesa kukamba yemapurisa yomunzvimbo iyoyo, havana kumbotipa kana mukana wokutora chimwe chinhu. Vana vedu vaduku pavakadzoka kumba vachibva kuchikoro, vakawana tisipo, uye vakashushikana zvikuru. Sezvineiwo, mwanakomana wedu mukuru Daniel, akasvika pamba nguva pfupi gare gare ndokuzoudzwa nomuvakidzani wedu zvakanga zvaitika. Nokukurumidza, akatora vanin’ina vake ndokunanga kukamba yemapurisa. Vakasvika apo mapurisa akanga ari kutikwidza mumarori kuti vatiendese kuLilongwe. Vana vakaendawo nesu.

MuLilongwe takatongwa zvokubata kumeso pamuzinda mukuru wemapurisa. Mapurisa acho akatibvunza kuti, “Mucharamba muri Zvapupu zvaJehovha here?” Takapindura kuti, “Hungu!” kunyange zvazvo mhinduro iyi yaibva yatoreva mutongo wemakore manomwe mujeri. Nokuda kweavo vai“tungamirira” sangano, mutongo wacho waiva makore 14.

Pashure pokunge tarara tisina zvokudya uye tisina kumbozorora, mapurisa akatiendesa kuMaula Prison. Ikoko zvitokisi zvakanga zvakazara zvokuti pakanga pasina kunyange pokurara pasi! Chimbudzi raingova gaba rimwe chete muchitokisi chimwe nechimwe chakazara. Zvokudya zvacho zvaiva zvishoma uye zvisina kubikwa zvakanaka. Pashure pevhiki mbiri, vakuru vakuru vomujeri vakaona kuti takanga tiri vanhu vorunyararo ndokutibvumira kushandisa yadhi yejeri yokutambira panze. Nokuwanda kwatakanga takaita tiri pamwe, taiva nemikana mazuva ose yokukurudzirana uye kupa uchapupu hwakanaka kune vamwe vasungwa. Chakatishamisa ndechokuti, pashure pemwedzi mitatu tichishandira mutongo wedu mujeri, takasunungurwa nemhaka yokutsutsumwira hurumende yeMalawi kwedzimwe nyika.

Mapurisa akatikurudzira kuti tidzokere kudzimba dzedu, asi vakatiudzawo kuti Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvisingachabvumirwi muMalawi. Zvakaramba zvisingabvumirwi kubva muna October 20, 1967, kusvika muna August 12, 1993—anenge makore 26. Iwayo akanga ari makore akaoma, asi nokubatsira kwaJehovha takakwanisa kuramba tisina kana kwatakarerekera.

Kuvhimwa Semhuka

Muna October 1972, mutemo wehurumende wakatanga nhambo itsva yechitambudzo chakakomba. Mutemo wacho wairayira kuti Zvapupu zvaJehovha zvose zvaifanira kudzingwa pamabasa uye kuti Zvapupu zvose zvaigara mumisha zvaifanira kudzingwa mumisha yazvo. Zvapupu zvakavhimwa semhuka.

Panguva iyoyo, imwe hama yechiKristu yechiduku yakauya kumba kwedu ine mashoko okukurumidzira kuna Emmas, ‘VeYouth League vari kurangana kukugurai musoro, kuisa musoro wenyu padanda vouendesa kumadzishe omuno.’ Emmas akabva pamusha nokukurumidza, akasiya atoronga kuti timutevere nokukurumidza sezvinobvira. Nokukurumidza ndakaendesa vana. Ndava kutoda kubuda, vanhu gumi veYouth League vakasvika, vachitsvaka Emmas. Vakapaza vachipinda mumba medu asi vakaona kuti Emmas akanga aenda. Vagumbuka varume vacho vakandizvuzvurudzira mumunda wenzimbe waiva pedyo, umo vakandikava nokundirova nenzimbe. Vakabva vandisiya vachifunga kuti ndafa. Pandakapengenuka, ndakakambaira ndichidzokera kumba.

Usiku ihwohwo, murima, Emmas akaisa upenyu hwake mungozi nokudzoka kumba kwedu kuzonditsvaka. Paakandiwana ndarohwa zvakaipa, Emmas neshamwari yaiva nemotokari vakandiisa mumotokari zvinyoronyoro. Takabva taenda kumba kweimwe hama muLilongwe, kwandakazonaya ndiri zvishoma nezvishoma kubva pakurohwa uye Emmas akatanga kuronga kutiza munyika.

Vapoteri Vasina Nzvimbo Yokuenda

Mwanasikana wedu Dinesi nomurume wake vaiva nerori inotakura matani mashanu. Vaishandirwa nomutyairi aichimbova mumwe weMalawi Young Pioneer asi akazotanga kutinzwira tsitsi nemamiriro edu ezvinhu. Akazvipira kutibatsira nezvimwe Zvapupu. Kwemanheru anoverengeka mutyairi wacho akatakura Zvapupu achivatora panzvimbo dzokuvanda dzavanenge varangana. Aibva apfeka yunifomu yake yeMalawi Young Pioneer otyaira rori yakazara achipfuura nepamapurisa omumugwagwa mazhinji. Akazviisa mungozi zvikuru kuti abatsire mazana eZvapupu kuyambuka muganhu vachipinda muZambia.

Pashure pemwedzi mishomanana, hurumende yeZambia yakatidzorera kuMalawi; asi takanga tisingagoni kudzokera kumusha kwedu. Zvinhu zvedu zvose zvatakanga tasiya zvakanga zvabiwa. Kunyange marata edenga reimba yedu akanga abviswa. Tisina kwokuenda kwakachengeteka, takatizira kuMozambique ndokunogara mumusasa wevapoteri weMlangeni kwemakore maviri nehafu. Zvisinei, muna June 1975, hurumende itsva yeMozambique yakavhara musasa wacho ndokutimanikidza kudzokera kuMalawi, uko mamiriro ezvinhu akanga asina kuchinja nokuda kwevanhu vaJehovha. Hapana zvimwe zvataigona kuita kunze kwokutizira kuZambia kechipiri. Ikoko takasvika kumusasa wevapoteri weChigumukire.

Pashure pemwedzi miviri, mudungwe wemabhazi nemarori echiuto zvakamira mumugwagwa mukuru, uye mazana emasoja eZambia akanga akapakatira zvombo akapinda mumusasa. Vakatitaurira kuti takanga tavakirwa dzimba dzakanaka uye kuti vakanga vari kutibatsira kutitakura kuenda ikoko. Taizviziva kuti ichi chakanga chisiri chokwadi. Masoja acho akatanga kusaidzira vanhu mumarori nemabhazi, uye vanhu vakatanga kutya. Masoja acho akatanga kuridzira pfuti dzavo mumhepo, uye zviuru zvehama dzedu nehanzvadzi zvakati mwanda nokutya.

Mumhirizhonga iyoyo, Emmas akawisirwa pasi netsaona ndokutsikwa, asi imwe hama yakamumutsa. Takafunga kuti aya ndiwo akanga ari mavambo edambudziko guru. Vapoteri vose vakamhanya vachidzokera kuMalawi. Patakanga tichiri muZambia, takasvika pane rumwe rwizi, uye hama dzakaita midungwe yakawanda yevanhu vakabatana maoko kuti dzibatsire munhu wose kuyambuka zvakanaka. Zvisinei, kune rimwe divi rorwizi takaunganidzwa nemasoja okuZambia ndokumanikidzwa kudzokera kuMalawi.

Tadzokera kuMalawi zvekare, takanga tisingazivi kwokuenda. Takaziva kuti pamisangano yezvematongerwe enyika uye mumapepanhau, vanhu vakanga vanyeverwa kuti vangwarire “zviso zvitsva” zvaisvika mumisha yavo, vachireva Zvapupu zvaJehovha. Naizvozvo takasarudza kuenda kuguta guru, uko taisazonyanya kuonekwa sezvataizoita mumisha. Takakwanisa kuwana imba duku yokurenda, uye Emmas akadzokerazve mubasa rake rokushanyira ungano pachivande somutariri wedunhu.

Kupinda Misangano Yeungano

Chii chakatibatsira kuramba takatendeka? Misangano yeungano! Mumisasa yevapoteri yeMozambique neZambia, taipinda misangano takasununguka, ichiitirwa muDzimba dzoUmambo dzakapfirirwa nouswa. Kuunganira misangano muMalawi kwakanga kune ngozi uye kwakaoma—asi nguva dzose kwaiva kutamburira zviripo. Kuti tisazivikanwa, taiwanzoita misangano pakati pousiku munzvimbo dzakaoma kusvika. Kuitira kuti tisazvibatisa pataiungana, taisaombera maoko kuonga mukurukuri asi taingopuruzira maoko edu.

Rubhabhatidzo rwaiitwa hwava usiku chaihwo. Mwanakomana wedu Abiyudi akabhabhatidzwa panhambo yakadaro. Pashure pehurukuro yorubhabhatidzo, iye pamwe nevamwe vaida kubhabhatidzwa vakatungamirirwa nomurima kuenda kunzvimbo yakaita doro uko kwakanga kwacherwa gomba risina kunyatsodzika. Imomo ndimo mavakabhabhatidzirwa.

Musha Wedu Muduku Nzvimbo Yakachengeteka

Mumakore akazotevera okurambidzwa nehurumende, musha wedu womuLilongwe wakashandiswa seimba yokuviga zvinhu. Tsamba nemabhuku zvaibva kuhofisi yebazi yokuZambia zvaiunzwa pamba pedu muchivande. Hama dzaishanda kutakura zvinhu nemabhasikoro dzaiuya pamba pedu kuzotora zvinhu zvinenge zvabva kuZambia voendesa tsamba nemabhuku muMalawi yose. Magazini eNharireyomurindi aiparadzirwa akanga ari matete nokuti aidhindwa papepa reBhaibheri. Izvi zvaiita kuti vaitakura vakwanise kutakura uwandu hwemagazini hwakapetwa kaviri pane hwaizotakurika kudai magazini aiva akadhindwa papepa renguva dzose. Vaitakura vacho vaiparadzirawo tumagazini tuduku tweNharireyomurindi, twaiva nenyaya dzinodzidzwa bedzi. Kamagazini kaiva nyore kuviga muhomwe yehembe nokuti kaingova nepepa rimwe.

Vatakuri ava vaiisa rusununguko noupenyu hwavo mungozi pavaichovha mabhasikoro nomusango, dzimwe nguva murima rousiku, vaine makatoni emabhuku akarambidzwa akasungirwa kukwira mudenga pamabhasikoro avo. Pasinei nokumiswa nemapurisa munzira nedzimwe ngozi, vaifamba mazana emakiromita mumamiriro okunze emarudzi ose kuti vaendese zvokudya zvomudzimu kuhama dzavo. Dzakanga dzakashinga kwazvo hama idzodzo dzinodiwa dzaitakura zvinhu!

Jehovha Anotarisira Chirikadzi

Muna December 1992, apo akanga achipa hurukuro achishanya somutariri wedunhu, Emmas akaita sitiroko. Pashure paizvozvo, akanga asingachagoni kutaura. Gare gare akaitazve kechipiri ndokusara aoma rumwe rutivi rwomuviri rwose. Kunyange zvazvo zvakanga zvakamuomera kuti ararame noutano hwake, kutsigirwa nenzira yorudo kwataiitwa neungano yedu kwakandizorodza. Ndakakwanisa kutarisira murume wangu ari pamba kusvikira azofa muna November 1994, ave nemakore 76. Takanga takaroorana kwemakore 57, uye Emmas akaona kuguma kwokurambidzwa kwedu asati afa. Asi ndichiri kungochema kurasikirwa neshamwari yangu yakatendeka.

Pashure pokunge ndava chirikadzi, mukwasha wangu akasarudza kunditarisirawo kuwedzera kumudzimai wake nevana vashanu. Zvinosuruvarisa kuti pashure pokungorwara kwenguva pfupi, akafa muna August 2000. Mwanasikana wangu aizotiwanira sei zvokudya nepokugara? Nepanozve ndakaona kuti Jehovha anotitarisira uye zvechokwadi ndi“baba venherera, nomutongi wemhosva dzechirikadzi.” (Pisarema 68:5) Jehovha, kuburikidza nevashumiri vake vari pasi pano, akagovera imba itsva yakanaka kwazvo. Izvozvo zvakaitika sei? Hama nehanzvadzi dzomuungano yedu padzakaona nhamo yedu dzakativakira imba muvhiki shanu chete! Hama dzokune dzimwe ungano dzaivaka dzakauya kuzobatsira. Rudo nomutsa zvakaratidzwa neZvapupu zvose izvi rwakatipedza simba nokuti musha wavakativakira uri nani kupfuura misha inogara vazhinji vavo. Kuratidzwa kworudo neungano uku kwakapa uchapupu hwakanaka kwazvo kuvavakidzani vedu. Sezvandinoenda kunorara usiku, ndinonzwa sokunge ndiri muParadhiso! Hungu, musha wedu mutsva wakanaka wakavakwa nezvitinha nedhaka, asi seizvo vazhinji vakataura, imba yakavakwa norudo zvechokwadi.—VaGaratiya 6:10.

Jehovha Anoramba Achitarisira

Kunyange zvazvo pane dzimwe nguva ndakasvika pedyo nokupererwa nezano zvachose, Jehovha ave akanaka kwandiri. Vana vangu vanomwe pavapfumbamwe vachiri vapenyu, uye mhuri yangu zvino yave nevanhu 123. Ndinoonga sei kuti vazhinji vavo vari kushumira Jehovha nokutendeka!

Nhasi, pazera remakore 82, ndinopfachuka nomufaro pandinoona zvakaitwa nomudzimu waMwari muMalawi. Mumakore mana apfuura bedzi, ndakaona uwandu hweDzimba dzoUmambo huchiwedzera kubva paimwe chete kusvika padzinopfuura 600. Iye zvino tavawo nehofisi yebazi itsva muLilongwe, uye tiri kugamuchira zvokudya zvomudzimu zvinosimbisa zvisina muganhu. Ndinonzwa kuti zvechokwadi ndakaona kuzadzika kwechipikirwa chaMwari chiri pana Isaya 54:17, apo tinovimbiswa kuti: “Hakuna nhumbi inoumbwa kuzorwa newe ingaita chinhu.” Pashure pokushumira Jehovha kwemakore anopfuura 50, ndine chokwadi chokuti pasinei nokuti miedzoi yatingatarisana nayo, Jehovha anotitarisira nguva dzose.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 17 Nokuda kwemamwe mashoko pamusoro penhoroondo yeZvapupu zvaJehovha muMalawi, ona Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra1999 rechiRungu, mapeji 149-223, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 24]

Murume wangu, Emmas, akabhabhatidzwa muna April 1951

[Mufananidzo uri papeji 26]

Boka rehama dzakashinga dzaitakura zvinhu

[Mufananidzo uri papeji 28]

Imba yakavakwa norudo