Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kune ‘Chechi Yechokwadi’ Imwe Bedzi Here?

Kune ‘Chechi Yechokwadi’ Imwe Bedzi Here?

Kune ‘Chechi Yechokwadi’ Imwe Bedzi Here?

“SEZVO kuna Kristu mumwe bedzi, saka kune muviri mumwe bedzi waKristu, Mwenga mumwe bedzi waKristu: ‘Chechi imwe bedzi yeKaturike uye yevaapostora.’”—Dominus Iesus.

Ndiwo matsananguriro akaita mumwe bhishopu weRoma Katurike, Joseph Ratzinger, dzidziso yechechi yake yokuti kunofanira kuva nechechi yechokwadi imwe bedzi. Akati chechi iyoyo i“Chechi imwe bedzi yaKristu, iyo iri Chechi yeKaturike.”

“Haasi Machechi Mupfungwa Chaiyo”

Kunyange zvazvo Pope John Paul II akaomerera pakuti gwaro rinonzi Dominus Iesus rakanga “risingaratidzi kuzvitutumadza, kana kusaremekedza zvimwe zvitendero,” vatungamiriri vemachechi echiPurotesitendi vakagumburwa zvikuru naro. Somuenzaniso, paMusangano Mukuru wePresbyterian muBelfast, Northern Ireland, muna June 2001, mumwe mufundisi akati gwaro racho raiva basa re“boka rine simba muChechi yeRoma Katurike . . . raitya zvikuru pfungwa yokubuda pachena yakatangwa neVatican II.”

Robin Eames, Bhishopu Anotarisira Chechi yeIreland, akati aizo“gumbuka zvikuru” kana gwaro racho raiva “kudzokororwa kwemafungiro [eChechi yeKaturike] aivapo Dare reVatican II risati raitwa.” Achitaura pamusoro pezvakataurwa neVatican kuti machechi anoramba dzimwe dzidziso dzeKaturike “haasi Machechi mupfungwa chaiyo,” Eames akati: “Kwandiri, ikoko kungava kuzvidzwa.”

Chii chakaitwa kuti Dominus Iesus rinyorwe? Zvinoita sokuti Dare raPapa Rokutungamirira Roma Katurike rakavhiringidzwa nezvakanzi kuchinja-chinja kwezvinodavirwa muchitendero. Maererano neIrish Times, “kumuka kwepfungwa yokutenda zvakasiyana-siyana—ichiti chitendero chimwe chakangofanana nezvimwe zvose . . . kwakaramba kuchinetsa Bhishopu Ratzinger.” Kunenge kuti maonero aya ndiwo akaita kuti ataure nezvechitendero chimwe bedzi chechokwadi.

Zvine Basa Here Kuti Uri Wechechi Ipi?

Chokwadi, kune vamwe, “kuchinja-chinja kwezvinodavirwa muchitendero” kana kuti “pfungwa yokutenda zvakasiyana-siyana” ndiyo inotova nomusoro zvikuru uye yakanaka pane pfungwa ipi neipi yokuti kunogona kungova nechechi yechokwadi imwe bedzi. Kwavari, chitendero chinofanira kungova nyaya yokuti munhu nomunhu azvisarudzire. Vanoti, ‘pakupedzisira, hazvimborina nebasa kuti uri wechitendero chipi.’

Iwayo angaita sokuti maonero okugamuchira pfungwa dzakasiyana-siyana—kunyange mumwe mugumisiro wayo wave uri wokupatsanuka kwechitendero kuva masangano akawanda kwazvo akasiyana. ‘Kusiyana kwakadaro muchitendero,’ vakawanda vanodaro, ‘kunongova kuratidzwa kwakanaka kworusununguko rwomunhu.’ Zvisinei, maererano nomunyori anonzi Steve Bruce, “rusununguko rwechitendero” rwakadaro chaizvoizvo kunongova “kushaya hanya nechitendero.”—A House Divided: Protestantism, Schism, and Secularization.

Zvino, maonero akarurama ndeapi? Kune chechi yechokwadi imwe bedzi here? IChechi yeRoma Katurike bedzi here? Mamwe machechi anogamuchirwa naMwari zvakaenzana here? Sezvo mibvunzo iyi ine chokuita noukama hwedu noMusiki wedu, chokwadi zvinokosha kuwana maonero ake panyaya yacho. Izvozvo tingazviita sei? Nokutarira muShoko raMwari rakafuridzirwa, Bhaibheri. (Mabasa 17:11; 2 Timoti 3:16, 17) Ngatinzwei kuti rinotii panyaya iyi yechechi imwe yechokwadi.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 2]

BUTIRO: Mark Gibson/Index Stock Photography