Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutenda kwechiKristu Kumwe Bedzi Kwechokwadi—Chinhu Chechokwadi

Kutenda kwechiKristu Kumwe Bedzi Kwechokwadi—Chinhu Chechokwadi

Kutenda kwechiKristu Kumwe Bedzi Kwechokwadi—Chinhu Chechokwadi

JESU KRISTU akatanga chechi imwe bedzi, kana kuti ungano. Ungano iyoyo yaiva muviri womudzimu, mhuri yomudzimu. Apa tiri kureva kuti kwaiva kuungana pamwe chete kwevanhu vakasarudzwa nomudzimu mutsvene waMwari—vose vainzi naMwari “vana” vake.—VaRoma 8:16, 17; VaGaratiya 3:26.

Jesu akadzidzisa nzira imwe bedzi yaishandiswa naMwari kutungamirira vanhu kuchokwadi uye kuupenyu. Kuti aenzanisire chokwadi ichocho chinokosha, Jesu akaenzanisa nzira inoenda kuupenyu nomugwagwa. Akati: “Pindai nepasuo rakatetepa; nokuti mugwagwa unoenda mukuparadzwa wakafara uye wakapamhama, vakawanda ndivo vanopinda nawo; asi suo rakatetepa uye mugwagwa wakamanikana unoenda kuupenyu, uye vashomanana ndivo vanouwana.”—Mateu 7:13, 14; Johani 14:6; Mabasa 4:11, 12.

Ungano Yakabatana

Hatifaniri kufunga nezveungano yomuzana remakore rokutanga iyoyo se“nzanga yomunyika yose, yakarongwa sezvatinoreva mazuva ano patinotaura nezvechechi yekaturike,” rinodaro The New Dictionary of Theology. Torega nei? “Nokuda kwechikonzero chakajeka,” rinodaro, “nzanga yakarongwa, yomunyika yose yakadaro haina kumbovako.”

Hapana anogona kuramba zvakarurama kuti ungano yechiKristu yokutanga yakanga isina kufanana nemachechi akarongwa atinoona nhasi. Asi yakanga yakarongeka. Ungano imwe neimwe yaisaita zvakasiyana nedzimwe dzacho. Dzose dzaibvuma simba redare rinodzora raiva muJerusarema. Dare iroro—raiva nevaapostora nevarume vakuru veungano yomuJerusarema—rakabatsira kuchengetedza kubatana kweungano yacho so“muviri mumwe” waKristu.—VaEfeso 4:4, 11-16; Mabasa 15:22-31; 16:4, 5.

Chii chakaitika kuungano yechokwadi imwe chete iyoyo? Yakazova Chechi yeKaturike ine simba here? Yakazoguma yava urongwa hwechechi dzechiPurotesitendi hune mapato mapato, uye hwakapatsanuka hwatinoona nhasi here? Kana kuti pane chimwewo chinhu chakaitika here?

“Gorosi” ne“Masora”

Kuti tiwane mhinduro dzacho, ngatinyatsoongororai zvakataurwa naJesu Kristu pachake kuti zvaizoitika. Ungashamisika kuziva kuti Jesu aitarisira ungano yake kumbonyangarika uye kuti aizobvumira izvozvo kupfuurira kwemazana emakore.

Achibatanidza ungano yake no“umambo hwokumatenga,” akati: “Umambo hwokumatenga hwava hwakafanana nomumwe munhu akadyara mbeu yakanaka kwazvo mumunda make. Vanhu pavakanga vakarara, muvengi wake akauya akadyarawo masora pakati pegorosi, akaenda. Chipande chakati chabuda chikabereka zvibereko, masora akabva aonekawo. Nokudaro varanda vomuridzi wemba vakauya vakati kwaari, ‘Tenzi, hamuna kudyara mbeu yakanaka kwazvo here mumunda menyu? Zvino, mava sei nemasora?’ Akati kwavari, ‘Mumwe munhu, muvengi, aita izvi.’ Vakati kwaari, ‘Ipapo, munoda here kuti tibude tiaunganidze?’ Akati, ‘Aiwa; kuti musangoerekana madzurawo gorosi pamunenge muchiunganidza masora. Regai zvose zviri zviviri zvikure pamwe kusvikira pakukohwa; uye mumwaka wokukohwa ndichaudza vakohwi kuti, Tangai kuunganidza masora muasunge mwanda kuti apiswe, ipapo monounganidzira gorosi mudura rangu.’”—Mateu 13:24-30.

Jesu akatsanangura kuti ndiye aiva “mudyari.” “Mbeu yakanaka kwazvo” yaifananidzira vadzidzi vake chaivo. “Muvengi” wake aiva Satani Dhiyabhorosi. “Masora” aiva vaKristu venhema vakapinda muungano yokutanga yechiKristu. Akataura kuti aizorega “gorosi” ne“masora” zvichikura pamwe kusvikira “pakukohwa,” kwaizouya pa“kuguma kwegadziriro yezvinhu.” (Mateu 13:37-43) Zvose izvi zvairevei?

Ungano yechiKristu Inoshatiswa

Nguva pfupi pashure pokufa kwevaapostora, vadzidzisi vakaramba kutenda vaibva muungano vakatanga kuitungamirira. Vakataura “zvinhu zvakamonyana kuti vatsause vadzidzi vavatevere.” (Mabasa 20:29, 30) Izvi zvakaita kuti vaKristu vakawanda ‘vatsauke pakutenda.’ Vaka“tendeukira kungano.”—1 Timoti 4:1-3; 2 Timoti 4:3, 4.

Pakazosvika zana remakore rechina C.E., rinodaro The New Dictionary of Theology, “chiKristu cheKaturike chakanga chava chitendero chepamutemo . . . choUmambo hweRoma.” Kwakava no“kubatana kwechechi nehurumende”—kubatana kweChechi neHurumende kwakanga kwakasiyana zvachose nezvaidavirwa nevaKristu vokutanga. (Johani 17:16; Jakobho 4:4) Duramanzwi iroro rinotaura kuti nokufamba kwenguva, mamiriro ose zvawo echechi, uyewo zvitendero zvayo zvikuru zvakawanda, zvakachinjwa zvikuru “zvichikonzerwa nomubatanidzwa usina kumbonaka zvachose weT[estamendi] Y[ekare] nemienzaniso youzivi hutsva hwaPlato.” Sezvakafanotaurwa naJesu Kristu, vadzidzi vake chaivo vakanga vasingaoneki apo vaKristu venhema vaibudirira.

Vateereri vaJesu vaiziva maomero azvakanga zvakaita kusiyanisa gorosi chairo nemasora, zvakadai sesora rinonzi bearded darnel, iro pamwaka wokukura rinotaridzika chaizvo segorosi. Saka Jesu akanga achiratidza kuti kwenguva yakati, zvaizova zvakaoma kusiyanisa vaKristu vechokwadi nevamwe vakasiyana-siyana venhema. Izvi hazvirevi kuti ungano yechiKristu yakamborega kuvapo, nokuti Jesu akavimbisa kuramba achitungamirira hama dzake dzomudzimu “mazuva ose kusvikira pakuguma kwegadziriro yezvinhu.” (Mateu 28:20) Jesu akati gorosi raizoramba richikura. Kunyange zvakadaro, mumakore ose aya, vaKristu chaivo—somunhu oga oga kana vari mapoka—pasina mubvunzo vakaita zvakanakisisa zvavaigona kuomerera padzidziso dzechiKristu. Asi vakanga vasingachaumbi boka, kana kuti sangano rinonyatsozivikanwa, rinooneka. Ichokwadi kuti vakanga vasina kufanana nemasangano anooneka evakaramba kutenda ayo munhoroondo yose akangonyadzisa nokushoresa zita raJesu Kristu.—2 Petro 2:1, 2.

“Munhu Wokusateerera Mutemo Anoziviswa”

Muapostora Pauro akafanotaura chimwezve chinhu chaizoratidza urongwa uhwu hwezvitendero zvenhema. Akanyora kuti: “Ngaparege kuva neanokunyengetedzai nomutoo upi nouipi, nokuti [zuva raJehovha] haringauyi kunze kwokuti kuramba kutenda kwatanga kuuya uye munhu wokusateerera mutemo aratidzwa, mwanakomana wokuparadzwa.” (2 VaTesaronika 2:2-4) “Munhu wokusateerera mutemo” uyu haasi mumwe kunze kweboka revafundisi rakazvikwidziridza kuva muchinzvimbo chokutonga ungano “yechiKristu.” *

Kuramba kutenda kwakatangira muzuva romuapostora Pauro. Kwakawedzera pakangofa vaapostora uye simba ravo rinodzivisa risisipo. Pauro akati kwaizoratidzwa no“kushanda kwaSatani nebasa rose rine simba nezviratidzo zvenhema nemanenji nokunyengera kwose kusina kururama.” (2 VaTesaronika 2:6-12) Izvozvo zvinonyatsorondedzera mabasa evatungamiriri vechitendero vakawanda kwazvo munhoroondo yose!

Vachitsigira kutaura kwavo kwokuti chiKaturike cheRoma ndiyo chechi imwe bedzi yechokwadi, vatungamiriri veKaturike vanoti mabhishopu avo ane “kubatana kunopa upenyu nevaapostora vokutanga nomutsara wokutsivana unodzoka shure kusvikira kumavambo.” Chokwadi ndechokuti, kutaura uku kwokutsivana kwevaapostora hakuna hwaro hwenhoroondo kana hweMagwaro. Hapana uchapupu hunogona kupupurirwa hwokuti machechi akamuka pashure pokufa kwevaapostora vaJesu akambotungamirirwa nomudzimu mutsvene waMwari.—VaRoma 8:9; VaGaratiya 5:19-21.

Uye zvakadini nemamwe machechi akamuka pashure pokunonzi Kushandurwa Kwechechi? Akadzoka kumuenzaniso weungano yechiKristu yokutanga here? Akadzorera kuchena kweungano yechiKristu yokutanga here? Ichokwadi kuti pashure poKushandurwa kwechechi, Bhaibheri rakawanikwa kuvanhuwo zvavo vakawanda mumutauro wavo. Asi, nhoroondo inoratidza kuti machechi iwaya akaramba achidzidzisa dzidziso dzisina kururama. *Mateu 15:7-9.

Zvisinei, cherechedza izvi. Jesu Kristu akatotaura kuti ungano yake yechokwadi imwe bedzi yaizodzorerwa munguva yaakatumidza kuti kuguma kwegadziriro yezvinhu. (Mateu 13:30, 39) Kuzadzika kwouprofita hweBhaibheri kunoratidza kuti tava kurarama munguva iyoyo. (Mateu 24:3-35) Izvozvo zvazviri zvechokwadi, mumwe nomumwe wedu anofanira kubvunza kuti, ‘Chechi yechokwadi imwe bedzi iyoyo iri kupi?’ Inofanira kuramba ichioneka zvakajeka.

Pamwe unofunga kuti wakatowana kare chechi iyoyo, kana kuti ungano. Zvinokosha kuti ubate chokwadi. Nei? Nokuti kufanana nomuzana remakore rokutanga, kunogona kungova nechechi yechokwadi imwe bedzi. Wakambotora nguva yokubata chokwadi chokuti chechi yako inonyatsoita zvinoenderana nomuenzaniso wakaratidzwa neungano yechiKristu yomuzana remakore rokutanga uye kuti inoomerera nokuvimbika kudzidziso dzaJesu Kristu here? Wadii kuongorora izvi iye zvino? Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukubatsira kuita izvozvo chaizvo.—Mabasa 17:11.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 17 Mamwe mashoko pamusoro pokuti “munhu wokusateerera mutemo” ndiani anogona kuwanikwa muNharireyomurindi yaFebruary 1, 1990, mapeji 10-14.

^ ndima 20 Ona chitsauko chinoti “Chinjo—Kutsvaka Kwakawana Nzira Itsva” mubhuku rinonzi Kutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu, mapeji 306-28, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mifananidzo iri papeji 5]

Mufananidzo waJesu wegorosi nemasora unotidzidzisei nezveungano yechokwadi?

[Mifananidzo iri papeji 7]

Chechi yako inoratidza muenzaniso wakaratidzwa nevaKristu vomuzana remakore rokutanga mukuparidza nokudzidza here?