Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Munzvimbo zhinji dzenyika, itsika kupa zvipo zvomuchato. Inheyo dzipi dzeMagwaro dzatinofanira kufunga patinenge tichipa kana kuti kugamuchira zvipo zvakadaro?

Bhaibheri rinobvumira kupa zvipo kana kuchiitwa nevavariro yakarurama uye pachiitiko chakarurama. Panhau yokupa Bhaibheri rinokurudzira vaKristu vechokwadi kutevedzera Mugoveri wavo ane rupo Jehovha. (Jakobho 1:17) Muapostora Pauro akakurudzira hama dzake dzechiKristu kuti: “Musakanganwa kuita zvakanaka nokugoverana zvinhu nevamwe, nokuti Mwari anofadzwa kwazvo nezvibayiro zvakadaro.” Nokudaro vaKristu vanokurudzirwa kuva norupo.—VaHebheru 13:16; Ruka 6:38.

Zvakadini nokushandisa bhuku rezvipo zvaunoda mune chimwe chitoro, tsika yakakurumbira muUnited States? MuEngland rinonzi bhuku rezvinhu zvomuchato. Kazhinji, vanenge vachida kuchata vanoenda vononyoresa kuchitoro nokutarisa zvinhu zvinotengeswamo vonyora zvinhu zvavanoda kugamuchira sezvipo. Hama neshamwari dzevari kuchata dzinoziviswa kuti dziende kuchitoro chacho dzonotenga chimwe chinhu kubva pane zvakanyorwa nevari kuchata vacho. Pakushanda kwaro bhuku rezvipo rinosunungura mupi pakupedza maawa achitsvaka chipo, ukuwo vanogamuchira zvichivabatsira kuti vasanetseka nokudzorera zvipo zvavasingadi kuchitoro.

Kuti vari kuda kuchata vangada kushandisa bhuku rezvipo kana kuti kwete chisarudzo chavo. Zvisinei, muKristu anoda kungwaririra kuti asaita tsika dzipi nedzipi dzingapesana nenheyo dzeBhaibheri. Somuenzaniso, zvakadini kana vari kuda kuchata vaizonyora zvinhu zvinodhura? Pakadaro, vaya vane mari shoma vangakundikana kupa chipo, kana kuti vanganzwa sokuti zviri nani kuti varege kuenda kumuchato wacho kuti vasazvinyadzisa nokuuya nechipo chemari shoma. Mumwe mukadzi wechiKristu akanyora kuti: “Wazova musengwa zvino. Ndakaedza kuva norupo, asi nguva pfupi yapfuura mufaro wose wandaiwana nokupa hapachina.” Zvaizosuruvarisa sei kudai muchato waizova chinhu chinoodza mwoyo!

Zvechokwadi, vanopa havafaniri kuitwa kuti vanzwe sokunge kuti, kuti chipo chavo chigamuchirwe chinofanira kutengwa mune chimwe chitoro kana kuti chinofanira kuva chemari yakati. Pamusoro pazvo, Jesu Kristu akaratidza kuti chinonyanya kukosha mumeso aMwari manzwiro omwoyo womunhu ari kupa, kwete ukoshi hwechipo chacho. (Ruka 21:1-4) Saizvozvowo, pamusoro pezvipo zvengoni kuvarombo, muapostora Pauro akanyora kuti: “Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakasarudza kuita mumwoyo make, asingaiti nokunyunyuta kana nokugombedzerwa, nokuti Mwari anoda mupi anofara.”—2 VaKorinde 9:7.

Mumaonero eBhaibheri, hapana chakaipa kuzvizivisa kuti ndiwe wapa chipo, zvimwe nokuisa tsamba pamwe nechipo. Zvisinei, mune dzimwe nzvimbo, itsika kuzivisa mupi wacho kune vose vanenge varipo. Tsika iyi inogona kumutsa zvinetso. Vaya vanopa chipo vangada kusazivikanwa kuti vasaita kuti vapiwe mbiri yavasina kufanira. Vanhu vakadaro vanoita mukuwirirana nenheyo yomutemo inowanikwa pana Mateu 6:3, apo Jesu anoti: “Asi iwe, pakupa zvipo zvengoni, usaite kuti ruoko rwako rworuboshwe ruzive zviri kuitwa norudyi rwako.” Vamwe vangafunga kuti kupa zvipo inhau yomunhu oga inofanira kuramba iri pakati pomupi nomugamuchiri. Uyezve, kuzivisa vapi vacho kunogona kukonzera kuenzanisa zvipo, zvi“chinyandura makwikwi.” (VaGaratiya 5:26) VaKristu zvechokwadi vangada kuti vasaita kuti munhu upi noupi asanzwa zvakanaka kana kuti anyadziswe nokuzivisa pachena mazita evapi.—1 Petro 3:8.

Hungu, nokuita maererano nenheyo dzemitemo inowanikwa muShoko raMwari, kupa zvipo kucharamba kuchiunza mufaro.—Mabasa 20:35.