Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Rumbidza Jehovha “Pakati Peungano”

Rumbidza Jehovha “Pakati Peungano”

Rumbidza Jehovha “Pakati Peungano”

MISANGANO yechiKristu inogoverwa naJehovha kuti achengete vanhu vake vakasimba mumudzimu. Nokupinda misangano nguva dzose, tinoratidza kuonga kwedu zvatinopiwa naJehovha. Uyezve, tinokwanisa ‘kunyandurira hama dzedu kurudo nemabasa akanaka kwazvo,’ iyo iri nzira inokosha yokuratidzana nayo rudo. (VaHebheru 10:24; Johani 13:35) Zvisinei, tinganyandura sei hama dzedu pamisangano?

Taura Pachena

Mambo Dhavhidhi akanyora nezvake kuti: “Ndichadudzira zita renyu kuhama dzangu; ndichakurumbidzai pakati peungano.” “Ndichakuongai paungano huru; ndichakurumbidzai pakati pevanhu vazhinji.” “Ndakaparidza mashoko omufaro paungano huru; tarirai, handingadzori miromo yangu.”—Pisarema 22:22, 25; 35:18; 40:9.

Muzuva romuapostora Pauro, apo vaKristu vaiungana kuti vanamate, vaitaurawo saizvozvo nezvokutenda kwavo Jehovha uye nezvembiri yake. Nenzira iyi vaikurudzirana uye vainyandurirana kurudo nemabasa akanaka. Muzuva redu mazana emakore mazhinji pashure paDhavhidhi naPauro, zvechokwadi ti“noona zuva [raJehovha] richiswedera pedyo.” (VaHebheru 10:24, 25) Nyika yaSatani yezvinhu iri kudzedzereka yakananga kukuparadzwa, uye zvinetso zviri kuramba zvichiwedzera. Kupfuura nakare kwose, ti“nofanira kutsungirira.” (VaHebheru 10:36) Kana dzisiri hama dzedu, ndiani anogona kutikurudzira kutsungirira?

Nhasi kufanana nekare, pane urongwa hwokuti mutendi mumwe nomumwe ataure kutenda kwake “pakati peungano.” Mumwe mukana wakazarukira vanhu vose ndewokupindura mibvunzo inobvunzwa vateereri pamisangano yeungano. Usambofa wakarerutsa kubatsira kwazvingaita. Somuenzaniso zvatinotaura izvo zvinoratidza nzira yokukurira nayo kana kuti kunzvenga nayo zvinetso zvinosimbisa kutsunga kwehama dzedu kutevera nhungamiro yeBhaibheri. Mhinduro dzinotsanangura magwaro eBhaibheri anongotaurwa asi asina kutorwa mashoko kana kuti dzinobatanidza pfungwa dzakawanikwa nokutsvakurudza munhu ari oga dzingakurudzira vamwe kuti vave netsika dzokudzidza dziri nani.

Kunzwisisa kuti isu nevamwe tichabatsirwa kana tikapindura pamisangano kunofanira kukurudzira Zvapupu zvaJehovha zvose kukurira kutya. Zvinokosha kwazvo kuti vakuru nevashumiri vanoshumira vapindure pamisangano, sezvo vachitarisirwa kutungamirira pakupindura pamisangano, pamwe nokuipinda. Zvisinei, munhu angavandudza sei kana achiona kuti rutivi urwu rwomubato wake wechiKristu rwakaoma?

Mazano Okuvandudza

Yeuka kuti Jehovha aripowo. Imwe hanzvadzi yechiKristu inogara muGermany inotsanangura kuti inoona sei kupindura kwayo. “Kupindura kwangu pachangu pakuedza kwaSatani kurambidza kwake vanhu vaMwari kuratidza kutenda kwavo.” Imwe hama ichangobva kubhabhatidzwa inopinda neungano imwe chete iyoyo inoti: “Kana kuri kupindura, ndinokunyengeterera kakawanda.”

Nyatsogadzirira. Kana ukatadza kufanodzidza mashoko acho, uchazviwana zvakaoma kupindura uye mhinduro dzako hadzizonyatsoshanda. Mazano okupindura pamisangano yeungano anopiwa mubhuku rinonzi Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri, peji 70. *

Vavarira kupa chero mhinduro imwe zvayo pamusangano mumwe nomumwe. Izvi zvinoda kuti ugadzirire mhinduro dzakawanda, sezvo kusimudza ruoko rwako kakawanda kuchiwedzera mukana wokuti hama iri kutungamirira ikudome. Ungatoda kugara wamuudza kuti mibvunzo ipi yawakagadzirira kupindura. Izvi zvinonyatsobatsira zvikuru kana uchitanga. Sezvo unganzwa uchizeza kusimudza ruoko rwako “paungano huru,” uchiziva kuti iyi indima yako uye kuti ari kuitisa musangano achave ari kutsvaka ruoko rwako zvichakukurudzira kupindura.

Pindura kumavambo. Basa rakaoma hariiti nyore nokuverengera kuriita. Kupindura kumavambo mumusangano kunogona kubatsira. Uchashamisika nokuona kuti zvinova nyore sei kupindura kechipiri kana kuti kechitatu kana wangopfuura chete mhinganidzo iyoyo yokupindura kokutanga.

Sarudza chigaro chakakodzera. Vamwe vanozviwana zviri nyore kupindura pavanogara pedyo nechokumberi kweImba yoUmambo. Pane zvinovhiringidza zvishoma, uye anenge achiitisa kashoma kuti asavaone. Kana ukaedza izvi, yeuka kutaura zvinonzwika zvokuti munhu wose anzwe, kunyanya kana ungano yacho isingashandisi mamaikorofoni evateereri.

Nyatsoteerera. Izvi zvichakubatsira kuti usadzokorora zvabva kutaurwa nomumwe munhu. Uyewo, zvinopindurwa nevamwe zvingakuyeuchidza nezvorumwe rugwaro kana kuti pfungwa inogona kusimudzira zvabva kutaurwa. Panhambo nenhambo, kutaura muchidimbu zvimwe zvakamboitika kungaenzanisira pfungwa iri kukurukurwa. Mhinduro dzakadaro dzinobatsira zvikuru.

Dzidzira kupindura nemashoko ako. Kuverenga mhinduro kubva mumashoko ari kudzidzwa kungaratidza kuti wawana mhinduro yakarurama, uye ingava nzira yakanaka yokutanga nayo kupindura. Asi kufambira mberi kusvika pakupindura uchishandisa mashoko ako kunoratidza kuti unonzwisisa pfungwa yacho. Mabhuku edu haadi zvawo kuti tidzokorore zvaanotaura shoko neshoko. Zvapupu zvaJehovha hazvingodzokorori zvinotaurwa nemabhuku azvo.

Usatsauka pamusoro wenyaya. Mhinduro dzisingawirirani nenyaya yacho kana kuti dzinotsausa papfungwa huru dziri kukurukurwa hadzina kufanira. Izvi zvinoreva kuti mhinduro dzako dzinofanira kuwirirana nenyaya iri kukurukurwa. Ipapo dzichabatsira pakurukurirano inovaka mumudzimu yomusoro wenyaya uri kukurukurwa.

Vavarira kukurudzira. Sezvo chikonzero chikuru chokupindura chiri chokukurudzira vamwe, tinofanira kuedza kuti tisataura zvinhu zvingavaodza mwoyo. Uyezve, usataura zvose zviri mundima zvokuti vamwe vanosara nezvishomanana kana kuti vasina zvokutaura. Mhinduro dzakareba kana kuti dzakaoma kunzwisisa dzinowanzovharidzira pfungwa inoda kubudiswa. Mhinduro pfupi dzinongova nemashoko mashomanana dzinogona kubatsira zvikuru uye dzichakurudzira vatsva kupa mhinduro dzavo pfupi.

Basa Revanoitisa Misangano

Kana pari pakukurudzira, anoitisa musangano ane basa guru. Anoratidza kufarira kwechokwadi mhinduro yoga yoga inopiwa nokunyatsoteerera uye nokutarira noruremekedzo anenge achipindura pane kubatikana nezvimwe zvinhu. Zvaizova zvisina kukodzera sei kana asina kunyatsoteerera uye ozoguma adzokorora pasina chikonzero zvinenge zvabva kutaurwa kana kubvunza mubvunzo wabva kupindurwa!

Zvingaodzawo mwoyo kana anoitisa achidzokorora mhinduro inenge yabva kupiwa achishandisa mashoko akasiyana zvishoma, sokunge ari kuti mhinduro yacho yanga isina kunyatsokwana. Ukuwo, zvinokurudzira sei apo mhinduro dzinobatsira kuti imwe pfungwa inokosha ikurukurwezve. ‘Izvi tingazvishandisa sei muungano yedu?’ kana kuti, ‘Rugwaro rupi ruri mundima runotsigira zvichangobva kutaurwa?’ ndirwo rudzi rwemibvunzo inokurudzira mhinduro dzakanaka, idzo dzinobatsira zvikuru.

Chokwadi, vatsva kana kuti vanonyara vanofanira kunyatsorumbidzwa pavanopindura. Izvi zvinogona kuitwa muri penyu moga pashure pechidzidzo chacho kuti vasanyare uye kuti zvipe muitisi mukana wokupa mazano pazvinenge zvakakodzera.

Mukurukurirano yenguva dzose, munhu anongoda kuramba achingotaura oga haakurudziri kurukurirano. Vateereri vake vanonzwa pasina kudikanwa kwokuti vataure zvavanofunga. Zvinovaita kuti vasateerera nomwoyo wose ndokunge vachitomboteerera. Zvakafanana ndizvo zvingaitika apo anoitisa anoda kungotaura oga nokuramba achingotsinhira. Zvisinei, uyo anoitisa musangano angapota achiita kuti vateereri vataure uye kukuchidzira kufunga pamusoro wenyaya nemibvunzo yokuwedzera. Mibvunzo yakadaro haifaniri kuzowandisa.

Hazvirevi hazvo kuti anoitisa achadoma munhu anotanga kusimudza ruoko rwake. Izvi zvingaodza mwoyo vaya vanoda kanguva kuti varonge pfungwa dzavo. Nokumbomira zvishoma, achapa mumwe asati ambopindura mukana wokupindura. Acharatidzawo kunzwisisa nokusadoma vana vaduku kuti vapindure mibvunzo inobata nenhau dzavasinganzwisisi.

Zvakadini kana pakapiwa mhinduro isiri iyo? Ari kuitisa haafaniri kunyadzisa munhu wacho apindura. Mhinduro, kunyange padzinenge dzisina kururama, kazhinji dzinenge dzine kachokwadi. Nokusimudzira nokungwarira chimwe chinhu chingava chakarurama, nokuchinja mashoko omubvunzo, kana kuti nokubvunza mumwe wokuwedzera, anoitisa anogona kururamisa zvinhu pasina kuvhiringidzika kusingadikanwi.

Kuti akurudzire kupindura, anoitisa musangano angaita zviri nani nokusabvunza mibvunzo isina kunanga, yakadai sokuti, ‘Pachine mumwe ane mhinduro here?’ Mubvunzo wokuti, ‘Ndiani asati apindura? Uno ndiwo mukana wenyu wokupedzisira!’ ungataurwa nokurevesa, asi haumbokurudziri munhu kuti ataure akasununguka. Hama hadzifaniri kuitwa kuti dzinzwe dzine mhaka nokuti hadzina kupindura kumavambo kwechidzidzo chacho. Pane kudaro, vanofanira kukurudzirwa kugovana nevamwe zvavanoziva nokuti kugovana kuratidzwa kworudo. Uyezve, pashure pokunge muitisi adoma mumwe munhu kuti apindure, zvaizova nani kusati, “Kana vapedza, tichanzwa mhinduro yaHama Nhingi tozonzwa yaHanzvadzi Nhingi.” Ari kuitisa wacho anofanira kutanga ateerera mhinduro yacho ozoona kana pachidiwa dzimwe mhinduro dzokuwedzera.

Kupindura Iropafadzo

Kupinda misangano yechiKristu chinhu chomudzimu chinodikanwa; kupindura pamisangano iropafadzo. Zvichienderana nokushandisa kwatinoita nzira iyi inoshamisa yokurumbidza nayo Jehovha “pakati peungano huru,” tinenge tichitevera muenzaniso waDhavhidhi uye tichikoshesa zano raPauro. Kupindura kwedu pamisangano kunoratidza kuti tinoda hama dzedu uye kuti tiri nhengo dzeungano huru yaJehovha. Ndokupi kumwe kwaungada kuva se‘zvaunoona zuva richiswedera pedyo’?—VaHebheru 10:25.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 10 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mifananidzo iri papeji 20]

Kuteerera nokupindura zvinokosha pamisangano yechiKristu

[Mufananidzo uri papeji 21]

Anenge achiitisa anoratidza kufarira mhinduro dzose zvechokwadi