Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unokoshesa Hama dzechiKristu Dzakwegura Here?

Unokoshesa Hama dzechiKristu Dzakwegura Here?

Unokoshesa Hama dzechiKristu Dzakwegura Here?

APO vanhu vomuIsraeri yekare vaiva musungano yaivabatanidza naMwari, vakarayirwa kuti: “Unofanira kusimukira wachena bvudzi, nokukudza mutana, uye utye Mwari wako.” (Revhitiko 19:32) Nokudaro, kuremekedza vakwegura rakanga riri basa dzvene, raiva rakabatana nokuzviisa pasi paMwari. Kunyange zvazvo vaKristu nhasi vasisiri pasi poMutemo waMosesi, zvinotiyeuchidza kuti Jehovha anoona vakwegura vanomushumira sevanokosha. (Zvirevo 16:31; VaHebheru 7:18) Tinoratidza maonero aJehovha here? Tinokoshesa hama dzedu nehanzvadzi dzechiKristu dzakwegura here?

Aikoshesa Shamwari Yake Yakanga Yakwegura

Imwe nhau yomuBhaibheri inosimbisa kuremekedzwa kwevakwegura inowanikwa mubhuku raMadzimambo Wechipiri. Inorondedzera nzira iyo muprofita Eriya akatsiviwa nayo nomuprofita muduku Erisha. Funga zvakaitika pazuva raEriya rokupedzisira somuprofita muumambo hwendudzi gumi hwaIsraeri.

Zuva iroro, muprofita akwegura akarayirwa naJehovha kufamba kubva kuGirigari kuenda kuBheteri, kubva Bheteri kuenda Jeriko, uye kubva Jeriko kuenda kuRwizi rweJoridhani. (2 Madzimambo 2:1, 2, 4, 6) Mukati morwendo irworwo rwemakiromita anoda kusvika 50, Eriya katatu akateterera Erisha kuti arege kumutevera. Zvisinei, kungofanana nezvakanga zvaita Rute mazana emakore akanga apfuura zvokuramba zvakasimba kusiya Naome, Erisha akarambawo kusiya muprofita akanga akwegura. (Rute 1:16, 17) Erisha akataura katatu kuti: “NaJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, handingakusiyiyi.” (2 Madzimambo 2:2, 4, 6) Panguva iyoyo, Erisha akanga atobatsira Eriya kwemakore anenge matanhatu. Asi, aida kushumira naEriya kwenguva yakareba sezvaibvira. Nhoroondo yacho inotowedzera kuti: “Zvino vakati vachifamba, vachingotaurirana havo, . . . Eriya wakakwira kudenga.” (Ndima 11) Eriya naErisha vakanga vachitaurirana kusvikira panguva yokupedzisira youshumiri hwaEriya muna Israeri. Muprofita muduku sezviri pachena akanga achida kunzwa mashoko omurayiridzo nekurudziro akawanda sezvaibvira kubva kumuprofita akanga akwegura, aiva agara nebasa. Sezviri pachena, aikoshesa shamwari yake yakanga yakwegura.

‘Savanababa Navanaamai’

Hazvina kuoma kuona kuti nei Erisha aida muprofita wekare uyu seshamwari—kunyange sababa vomudzimu. (2 Madzimambo 2:12) Mugove waEriya muna Israeri wava kunopera, akati kuna Erisha: “Kumbira chandingakuitira, ndichigere kubviswa kwauri.” (Ndima 9) Naizvozvo kusvikira kumugumo, Eriya akaratidza kuva nehanya nokunamata kweaizomutsiva uye kuenderera mberi kwebasa raMwari.

Nhasi, zvinokurudzira kuona kuva nehanya kumwe chete kwakaita sekwababa nokwaamai kune hama dzedu nehanzvadzi dzechiKristu dzakwegura sezvavanopa kwazvo zivo yavo nouchenjeri hwavo kuvaduku. Somuenzaniso, vazvipiri venguva refu vanoshumira pamahofisi emapazi eZvapupu zvaJehovha vanobatsira nechido vatsva mumhuri yeBheteri kuti vave nounyanzvi hwavanoda kuti vaite basa ravo. Saizvozvowo, vatariri vanofambira nevadzimai vavo avo vave vachishanyira ungano kwemakore akawanda nomufaro vanopa ruzivo rwavo rwakakura kune vaya vari kudzidziswa kuzoshanda sevashumiri vanofambira. Uyezve, muungano dzeZvapupu zvaJehovha kupota pasi rose, mune hama nehanzvadzi dzakwegura dzave dziri kushumira Jehovha nokutendeka kwemakumi emakore uye avo vanopa nomufaro uchenjeri hwavo noruzivo kuvatsva muungano.—Zvirevo 2:7; VaFiripi 3:17; Tito 2:3-5.

Kuva nehanya kwomwoyo wose kunoratidzwa nevaKristu vakwegura ava vanodiwa kunoita kuti kuvaremekedza kufadze zvikuru. Naizvozvo, tinoda kutevedzera muenzaniso waErisha mukuonga nomwoyo wose hama dzedu dzechiKristu dzakwegura. Seizvo muapostora Pauro anotiyeuchidza, ngatirambe tichibata “murume akura . . . sababa” uye “vakadzi vakura savanaamai.” (1 Timoti 5:1, 2) Nokuita kudaro, tinobatsira zvikuru pakushanda zvakanaka nokufambira mberi kweungano yechiKristu kupota nyika yose.

[Mufananidzo uri papeji 30]

Erisha aida kushumira pamwe naEriya kwenguva yakareba sezvaibvira

[Mifananidzo iri papeji 31]

Vaduku vanobatsirwa zvikuru nevaKristu vakwegura