Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vimba naJehovha

Vimba naJehovha

Vimba naJehovha

“Imi, Ishe Jehovha, muri tariro yangu; ndimi wandinovimba naye kubva pauduku hwangu.”—PISAREMA 71:5.

1. Dhavhidhi, mukomana aifudza zvipfuyo, akatarisana nechinetso chei?

MURUME wacho akanga akareba mamita anoda kusvika matatu. Ndokusaka varwi vose muuto rakarongwa reIsraeri vakatya kurwisana naye! Kwevhiki dzakawanda dzinotevedzana mangwanani oga oga nemanheru oga oga, hofori iyi yechiFiristiya yainzi Goriyati yaishora uto reIsraeri, ichiti ritumire mhare kuti izorwa nayo. Pakupedzisira, pakazowanika akabvuma kuita izvi, kwete murwi, asi pwerewo zvayo. Dhavhidhi uyo aiva mukomana aifudza zvipfuyo aioneka ari pasi pasi achitariswa naGoriyati. Tingatoti angave aikundwa kurema nezvipfeko zvokuzvidzivirira nazvo pamwe chete nezvombo zvaGoriyati! Kunyange zvakadaro, pwere iyi yakatarisana nehofori yacho ikava chiratidzo chakakurumbira chokushinga.—1 Samueri 17:1-51.

2, 3. (a) Nei Dhavhidhi akakwanisa kutarisana naGoriyati nechivimbo zvikuru? (b) Tichakurukura matanhoi maviri okutora kuti tivimbe naJehovha?

2 Chii chakashingisa Dhavhidhi zvakadaro? Funga nezvemamwe mashoko ayo sezviri pachena akanyorwa naDhavhidhi paakanga akwegura, anoti: “Imi, Ishe Jehovha, muri tariro yangu; ndimi wandinovimba naye kubva pauduku hwangu.” (Pisarema 71:5) Chokwadi, ari pwere, Dhavhidhi akanga avimba zvakakwana naJehovha. Akanga atarisana naGoriyati, achiti: “Iwe unouya kwandiri nomunondo, nepfumo, nemharu; asi ini ndinouya kwauri nezita raJehovha wehondo, Mwari wehondo dzavaIsraeri, vaunoshora.” (1 Samueri 17:45) Goriyati zvaaivimba nesimba rake guru nezvombo zvake, Dhavhidhi aivimba naJehovha. Achitsigirwa naChangamire Ishe wezvose, Dhavhidhi aizotyirei munhuwo zvake, pasinei nemakuriro uye mashongero aangave akaita zvombo?

3 Sezvaunoverenga nezvaDhavhidhi, unozviwana uchishuva kuti dai chivimbo chako muna Jehovha chaiva chakasimba zvakadaro here? Zvingangodaro kuti vakawanda vedu tinonzwa kudaro. Saka ngationgororei matanho maviri atingatora kuti tivimbe naJehovha. Chokutanga, tinofanira kugona uye kuramba tichikunda chinhu chinowanzotadzisa kuva nechivimbo chakadaro. Chechipiri, tinoda kudzidza kuti kuvimba naJehovha kunombosanganisirei.

Kukunda Chinhu Chinowanzotadzisa Kuvimba naJehovha

4, 5. Nei vanhu vakawanda vachiomerwa nokuvimba naMwari?

4 Chii chinotadzisa vanhu kuvimba naMwari? Kakawanda vamwe vanovhiringidzwa nokuti nei zvinhu zvakaipa zvichiitika. Vakawanda vanodzidziswa kuti Mwari ndiye anokonzera kutambura. Panoitika nhamo, vafundisi vangati Mwari “atora” vafi kuti vanogara naye kudenga. Uyezve, vatungamiriri vakawanda vezvitendero vanodzidzisa kuti Mwari kare kare akafanorongera zviitiko zvose—kusanganisira nhamo dzose nezvinhu zvakaipa—zvinoitika munyika ino. Zvaizova zvakaoma kuisa chivimbo muna Mwari akaoma mwoyo kudaro. Satani, uyo anopofumadza pfungwa dzevasingatendi, ari kuda kwazvo kusimudzira “dzidziso dzemadhimoni” dzose dzakadaro.—1 Timoti 4:1; 2 VaKorinde 4:4.

5 Satani anoda kuti vanhu varege kuvimba naJehovha. Muvengi waMwari iyeye haadi kuti tizive chinonyatsokonzera kutambura kwevanhu. Uye kana takadzidza zvikonzero zvokutambura zvinotaurwa muMagwaro, Satani anoda kuti tizvikanganwe. Naizvozvo, zvakanaka kuti tiongorore nguva nenguva zvikonzero zvikuru zvitatu nei munyika mune kutambura. Patinoita kudaro, tingaita kuti mwoyo yedu ive nechivimbo chokuti Jehovha haasi iye anokonzera matambudziko atinotarisana nawo muupenyu.—VaFiripi 1:9, 10.

6. 1 Petro 5:8 inoratidza sei chimwe chikonzero chokutambura kwevanhu?

6 Chimwe chikonzero chokutambura kwevanhu ndechokuti Satani anoda kuita kuti vanhu vakatendeka vaJehovha vasavimbike. Akaedza kutadzisa Jobho kuramba akavimbika. Satani akatadza panguva iyoyo, asi haana kurega. Somutongi wenyika ino, anotsvaka “kudya” vashumiri vakatendeka vaJehovha. (1 Petro 5:8) Zvinosanganisira mumwe nomumwe wedu! Satani anoda kuita kuti tirege kushumira Jehovha. Saka, anowanzokonzera kutambudzwa. Kunyange kutambura ikoko kuchirwadza, tine chikonzero chakanaka chokutsungirira. Nokuita kudaro, tinobatsira kuratidza kuti Satani murevi wenhema, nenzira iyoyo toita kuti Jehovha afare. (Jobho 2:4; Zvirevo 27:11) Sezvo Jehovha achitisimbisa kuti titsungirire kutambudzwa, chivimbo chedu maari chinokura.—Pisarema 9:9, 10.

7. VaGaratiya 6:7 inotibatsira kuziva chikonzero chipi chokutambura?

7 Chikonzero chechipiri chokutambura chinowanikwa murugwaro urwu runoti: “Zvinodyara munhu, ndizvo zvaachakohwa.” (VaGaratiya 6:7) Dzimwe nguva vanhu vanodyara nokuita zvisarudzo zvakaipa vokohwa kutambura kwakati somugumisiro wacho. Vangasarudza kutyaira nenzira yokusangwarira, zvichiguma netsaona. Vakawanda vanosarudza kuputa midzanga yefodya, zvichitungamirira kuchirwere chomwoyo kana kenza yemapapu. Vaya vanosarudza kuita mufambiro wounzenza vari pangozi yokutambura noukama hwemhuri hunenge hwakakanganiswa, kusazviremekedza, zvirwere zvinopfuudzwa pabonde, uye pamuviri pasingadiwi. Vanhu vangatsvaka kupomera Mwari nokuda kwokutambura kwakadaro, asi zviripo ndezvokuti vanotambura nokuda kwezvisarudzo zvavo zvakaipa.—Zvirevo 19:3.

8. Maererano naMuparidzi 9:11, nei vanhu vachitambura?

8 Chikonzero chechitatu chokutambura chinotaurwa pana Muparidzi 9:11 panoti: “Ndakadzoka, ndikaona pasi pezuva, kuti unomhanyisa haasi iye unokunda, une simba haasi iye unokunda pakurwa, wakachenjera haasi iye une zvokudya, vanhu vane njere havasi ivo vane pfuma, vanhu vane umhizha havasi ivo vanofarirwa; asi vanowirwa vose nenguva nezvinoitika.” Dzimwe nguva, vanhu vanongova panzvimbo isiriyo panguva isiriyo. Pasinei nezvatinokwanisa nezvatisingakwanisi, kutambura uye rufu zvinogona kusvika kunaani naani wedu tisingatarisiri chero nguva ipi zvayo. Somuenzaniso, muzuva raJesu, imwe shongwe muJerusarema yakawa ikauraya vanhu 18. Jesu akaratidza kuti Mwari akanga asiri kuvaranga nokuda kwezvivi zvavakanga vaita. (Ruka 13:4) Aiwa, Jehovha handiye ane mhosva yokutambura kwakadaro.

9. Chii chisinganzwisiswi nevakawanda pamusoro pokutambura?

9 Kunzwisisa zvimwe zvezvinokonzera kutambura kunokosha. Zvisinei, pane chinhu chinokosha panhau yacho icho vakawanda vanoona chakaoma kunzwisisa. Ndeichi: Nei Jehovha Mwari achibvumira kutambura?

Nei Jehovha Achibvumira Kutambura?

10, 11. (a) Maererano naVaRoma 8:19-22, chii chakaitika ku“zvisikwa zvose”? (b) Tingaziva sei kuti ndiani akaisa zvisikwa pasi pokusava nematuro?

10 Imwe ndima iri mutsamba yomuapostora Pauro kuvaRoma inojekesa nyaya inokosha iyi. Pauro akanyora kuti: “Zvisikwa zviri kumirira nemwoyo wose zvichitarisira kuratidzwa kwevanakomana vaMwari. Nokuti zvisikwa zvakaiswa pasi pokusava nematuro, kwete nokuda kwazvo asi naiye akazviisa pasi pakwo, nokuda kwetariro yokuti zvisikwa zvichasunungurwawo muuranda hwokuora ndokuva norusununguko rune mbiri rwevana vaMwari. Nokuti tinoziva kuti zvisikwa zvose zvinoramba zvichigomera pamwe uye zvichirwadziwa pamwe kusvikira zvino.”—VaRoma 8:19-22.

11 Kuti tinzwisise zviri kurehwa nendima idzi, tinofanira kutanga tapindura mimwe mibvunzo inokosha. Somuenzaniso, ndiani akaisa zvisikwa pasi pokusava nematuro? Vamwe vakati ndiSatani; vamwe vakati ndiAdhamu. Asi, hapana mumwe wavo angadai akagona kuisa zvisikwa izvi pasi. Chikonzero nei? Nokuti uyo anoisa zvisikwa pasi pokusava nematuro anoita kudaro “nokuda kwetariro.” Chokwadi, anopa tariro yokuti vakatendeka pakupedzisira vacha‘sunungurwa muuranda hwokuora.’ Adhamu kana Satani vaisagona kupa tariro yakadaro. Jehovha bedzi ndiye aigona kudaro. Saka zviri pachena kuti ndiye akaisa zvisikwa pasi pokusava nematuro.

12. Kuvhiringidzika kupi kwakamuka maererano nokuzivikanwa kwe“zvisikwa zvose,” uye mubvunzo uyu ungapindurwa sei?

12 Zvisinei, “zvisikwa zvose” mundima ino chii? Vamwe vanoti “zvisikwa zvose” zvinoreva nyika yose zvayo, kusanganisira mhuka nemiti. Asi mhuka nemiti zvinotarisira kuwana “rusununguko rune mbiri rwevana vaMwari” here? Aiwa. (2 Petro 2:12) Saka, “zvisikwa zvose” zvinogona kureva vanhu chete. Ndizvo zvisikwa zvinobatwa nechivi norufu nemhaka yokupanduka kwakaitwa muEdheni uye zvinorarama zvichida tariro chaizvo.—VaRoma 5:12.

13. Kupandukira kwakaitika muEdheni kwakaitei pavanhu?

13 Chaizvoizvo kupandukira ikoko kwakaitei kuvanhu? Pauro anotsanangura migumisiro yakwo nemashoko maviri: kusava nematuro. * Maererano nerimwe bhuku rokutsvakurudza mashoko, mashoko aya anorondedzera “kusava nematuro kwechinhu chisingashandi sezvachakagadzirirwa kuita.” Vanhu vakaitirwa kuti vararame nokusingaperi, vachishandira pamwe semhuri yakakwana, yakabatana mukutarisira pasi raiva paradhiso. Pane kudaro, vanorarama upenyu hupfupi, hunorwadza, uye hunowanzoodza mwoyo. Sokuzvitaura kwakaita Jobho, “munhu wakaberekwa nomukadzi une mazuva mashoma, azere nokutambudzika.” (Jobho 14:1) Kusava nematuro zvechokwadi!

14, 15. (a) Uchapupu hupi hwokururamisira hwatinoona muchirango icho Jehovha akapa vanhu? (b) Nei Pauro akati zvisikwa zvakaiswa pasi pokusava nematuro “kwete nokuda kwazvo”?

14 Zvino tinosvika pamubvunzo unokosha: Nei “Mutongi wenyika yose” akaisa vanhu muupenyu uhwu hunorwadza, hunoodza mwoyo? (Genesi 18:25) Akanga achiruramisira here mukuita kudaro? Yeuka zvakaitwa nevabereki vedu vokutanga. Pakupandukira Mwari, vakatsigira divi raSatani, uyo akashora uchangamire hwaJehovha zvikuru. Nezviito zvavo, vakatsigira kutaura kwokuti munhu anoita zviri nani pasina Jehovha, achizvitonga oga pasi pechisikwa chomudzimu chinopandukira. Paaipa mutongo kuvapanduki vacho, Jehovha akangovapa zvavakakumbira. Akabvumira munhu kuzvitonga pasi pokudzora kwaSatani. Mumamiriro ezvinhu akadaro, chisarudzo chipi chaizova chakarurama zvikuru kupfuura kuisa vanhu pasi pokusava nematuro asi nokuda kwetariro?

15 Zvechokwadi, uku kwakanga kusiri “kuda” kwezvisikwa. Tinoberekwa sevaranda kuchivi nokuora tisingazvisarudziri. Asi Jehovha nengoni dzake akabvumira Adhamu naEvha kurarama upenyu hwavo hwakanga hwasara vakabereka vana. Kunyange isu, vazukuru vavo, takaiswa pasi pokusava nematuro kwechivi norufu, tine mukana wokuita izvo Adhamu naEvha vakatadza kuita. Tinogona kuteerera Jehovha todzidza kuti uchangamire hwake hwakarurama uye hwakanaka, nepo kutonga kwevanhu pasina Jehovha kuchingounza marwadzo, kuora mwoyo, uye kusava nematuro chete. (Jeremia 10:23; Zvakazarurwa 4:11) Uye kudzora kwaSatani kunongoita kuti nyaya yacho iome. Nhoroondo yevanhu inopupurira chokwadi ichi.—Muparidzi 8:9.

16. (a) Nei tingava nechokwadi chokuti Jehovha haana mhosva yokutambura kwatinoona munyika nhasi? (b) Itariroi iyo Jehovha akapa vanhu vakatendeka norudo?

16 Sezviri pachena, Jehovha aiva nezvikonzero zvakarurama zvokuisa vanhu pasi pokusava nematuro. Zvisinei, izvozvo zvinoreva here kuti Jehovha ndiye anokonzera kusava nematuro nokutambura kunotambudza mumwe nomumwe wedu nhasi? Zvakanaka, funga nezvomutongi anopa tsotsi mutongo wakakodzera. Munhu abatwa nemhosva uyu angatambura zvakati kuti paanenge achipika jeri, asi angapomera zvakarurama mutongi kuti ndiye honzeri yokutambura kwake here? Hazviiti zvachose! Uyezve, Jehovha haasiriye anombokonzera uipi. Jakobho 1:13 inoti: “Mwari haangaedzwi nezvinhu zvakaipa kana iye pachake haaedzi munhu.” Ngatiyeukeiwo kuti Jehovha akapa mutongo uyu “nokuda kwetariro.” Nenzira yorudo akaita urongwa hwokuti vazukuru vakatendeka vaAdhamu naEvha vaone kuguma kwokusava nematuro uye kuti vanakidzwe no“rusununguko rune mbiri rwevana vaMwari.” Nokusingaperi kwose, vanhu vakatendeka havazombofaniri kunetseka nokuti zvisikwa zvose zvingazopindazve mumamiriro ezvinhu anorwadza okusava nematuro. Kubata kwaJehovha zvinhu nenzira yokururamisira kuchave kwasimbisa kururama kwouchangamire hwake zvechigarire.—Isaya 25:8.

17. Tinofanira kunzwa sei nokudzidza zvikonzero zvokutambura kuri munyika nhasi?

17 Sezvatinoongorora zvikonzero izvi zvokutambura kwevanhu, tinoona chikonzero chipi nechipi chokupomera Jehovha nokuda kwouipi kana chokurasa chivimbo chedu maari here? Kusiyana nazvo, kudzidza kwakadai kunotipa chikonzero chokudzokorora mashoko aya aMosesi, anoti: “Iye ndiye dombo, basa rake rakakwana; nokuti nzira dzake dzose dzakarurama. Ndiye Mwari wakatendeka, usinganyengeri, wakarurama, ndowazvokwadi.” (Dheuteronomio 32:4) Nokufungisisa nyaya idzi, ngationgororei kuti tinodzinzwisisa sei nguva nenguva. Nenzira iyoyo, patinotarisana nemiedzo, ticharamba kuti Satani adyare kusava nechokwadi mupfungwa dzedu. Zvisinei, zvakadini nedanho rechipiri rataurwa kumavambo? Kuvimba naJehovha kunosanganisirei?

Zvinoreva Kuvimba naJehovha

18, 19. Bhaibheri rinotikurudzira kuvimba naJehovha nemashoko api, asi panyaya iyoyo, vamwe vanova nepfungwa dzipi dzisina kururama?

18 Shoko raMwari rinotikurudzira kuti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose.” (Zvirevo 3:5, 6) Iwayo mashoko akanaka kwazvo, anopa chivimbo. Chokwadi hapana ani zvake pasi nokudenga akakodzera zvikuru kuvimbwa kupfuura Baba vedu vokudenga vanodiwa. Kunyange zvakadaro, zviri nyore kuverenga mashoko iwayo ari muna Zvirevo pane kuashandisa.

19 Vakawanda vane pfungwa dzisiridzo pamusoro pechinorehwa nokuvimba naJehovha. Vamwe vanofunga kuti kuvimba kwakadaro kunongova kunzwa kwomupfungwa, kakunzwa kufara kanofanira kungonyuka koga mumwoyo. Vamwe vanenge vanofunga kuti kuvimba naMwari kunoreva kuti tinogona kumutarisira kutidzivirira pazvinetso zvose, kugadziridza zvinetso zvedu zvose, kuita kuti zvinetso zvemazuva ose zvigume sezvatinotarisira—uye zvobva zvaitika pakarepo! Asi pfungwa dzakadaro hadzina padzakavakirwa. Chivimbo hachisi kungonzwa chete, uye hachisi chinhu chemanyepo. Muvanhu vakuru, kuvimba kunosanganisira kuita zvisarudzo uchiziva, wanyatsofunga.

20, 21. Kuvimba naJehovha kunosanganisirei? Enzanisira.

20 Cherechedza zvakare zvinotaurwa naZvirevo 3:5. Inosiyanisa kuvimba naJehovha nokutsamira panjere dzedu, ichipa pfungwa yokuti hatigoni kuita zvose zviri zviviri. Zvinoreva here kuti hatitenderwi kushandisa masimba edu okunzwisisa? Aiwa, nokuti Jehovha uyo anotipa masimba iwayo, anotitarisira kuashandisa pakumushumira. (VaRoma 12:1) Asi tinotsamira, kana kuti tinovimba nechii? Kana kufunga kwedu kukasaenderana nokwaJehovha, tinogamuchira uchenjeri hwake nokuda kwezvahuri here—hwakakwirira zvisina mugumo kupfuura hwedu? (Isaya 55:8, 9) Kuvimba naJehovha kunoreva kuita kuti kufunga kwake kutungamirire kwedu.

21 Kuenzanisira: Funga nezvomwana muduku akagara shure mumotokari, vabereki vake vari mberi. Baba vake ndivo vari kutyaira. Kana pakamuka zvinetso murwendo rwacho—kusava nechokwadi chokuti nzira chaiyo ndeipi kana kuti zvimwe chinetso nemamiriro okunze kana kuti zvakaita mugwagwa wacho—mwana anoteerera, ane chivimbo anoita sei? Anodaidzira ari shure ikoko, achiudza baba vake nzira yokutyaira nayo here? Anokundikana kuvimba nezvisarudzo zvevabereki vake kana kuramba pavanomuyeuchidza kuti arambe akazvisunga nebhandi pachigaro chake here? Aiwa, anongonzwa achivimba nevabereki vake kuti vachabata nenyaya dzakadaro, kunyange zvazvo vasina kukwana. Jehovha ndiBaba vedu vakakwana. Hatifaniri kuvimba navo zvakakwana here, kunyanya patinotarisana nemamiriro ezvinhu anoedza?—Isaya 30:21.

22, 23. (a) Nei tichifanira kuvimba naJehovha patinotarisana nezvinetso, uye tingazviita sei? (b) Chii chichakurukurwa munyaya inotevera?

22 Zvisinei, Zvirevo 3:6 inoratidza kuti tinofanira ‘kutenda Jehovha panzira dzedu dzose,’ kwete patinenge tangoomerwa chete. Saka zvisarudzo zvezuva nezuva zvatinoita muupenyu zvinofanira kuratidza kuvimba kwedu naJehovha. Panomuka zvinetso, hatifaniri kupera mwoyo, kuvhunduka, kana kuramba nhungamiro yaJehovha pamusoro penzira yakanakisisa yokubata nayo zvinhu. Tinofanira kuona miedzo semikana yokutsigira uchangamire hwaJehovha, yokutibatsira kuratidza kuti Satani murevi wenhema, uye yokuita kuti titeerere uye tive nohumwe unhu hunofadza Jehovha.—VaHebheru 5:7, 8.

23 Tinogona kuratidza kuvimba kwedu naJehovha pasinei nezvipingamupinyi zvingava pamberi pedu. Tinoita izvi muminyengetero yedu uye munzira yatinotarisa nayo kuShoko raJehovha uye kusangano rake nokuda kwenhungamiro. Zvisinei, tingaratidza sei nenzira yakananga kuvimba naJehovha patinotarisana nezvinetso zvinomuka munyika yanhasi? Nyaya yedu inotevera ichakurukura izvozvo.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 13 Shoko rechiGiriki rakashandiswa naPauro nokuda kwo“kusava nematuro” ndiro rakashandiswawo muSeptuagint yechiGiriki kushandura mashoko akashandiswa naSoromoni kakawanda mubhuku raMuparidzi, semashoko okuti “zvose hazvina maturo!”Muparidzi 1:2, 14; 2:11, 17; 3:19; 12:8

Ungapindura Sei?

• Dhavhidhi akaratidza sei kuti aivimba naJehovha?

• Ndezvipi zviri zvikonzero zvitatu zvokutambura kwevanhu nhasi, uye nei zvakanaka kuzviongorora nguva nenguva?

• Jehovha akapa vanhu mutongo upi, uye nei waiva mutongo wakarurama?

• Kuvimba naJehovha kunosanganisirei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 8]

Dhavhidhi akavimba naJehovha

[Mufananidzo uri papeji 10]

Jesu akaratidza kuti apo imwe shongwe yakawa muJerusarema, Jehovha haasiye akazvikonzera