Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vimba naJehovha Zvakakwana Munguva Dzokutambudzika

Vimba naJehovha Zvakakwana Munguva Dzokutambudzika

Vimba naJehovha Zvakakwana Munguva Dzokutambudzika

“Mwari ndiye utiziro hwedu nesimba redu, ndiye mubatsiri uri pedyo pedyo panguva dzokumanikidzwa.”—PISAREMA 46:1.

1, 2. (a) Muenzaniso upi unoratidza kuti hazvina kukwana kungotaura kuti tinovimba naMwari? (b) Nei tisingafaniri kungogumira pakutaura kuti tinovimba naJehovha?

KUTAURA kuti tinovimba naMwari kwakasiyana nokukuratidza nezviito zvedu. Somuenzaniso, mashoko okuti “Tinovimba naMwari” ave ari pamari yepepa neyesimbi yeUnited States kwenguva refu. * Muna 1956, Congress yeUnited States yakagadza mutemo unozivisa mashoko iwayo kuti ndiko kutaura kweUnited States. Sezvineiwo, vanhu vakawanda—kwete munyika imomo chete asi pasi pose—vanovimba zvikuru nemari nepfuma yokunyama kupfuura zvavanoita naMwari.—Ruka 12:16-21.

2 SevaKristu vechokwadi, hatifaniri kungogumira pakutaura kuti tinovimba naJehovha. Sezvo “kutenda kusina mabasa kwakafa,” saizvozvowo kutaura kupi nokupi kwokuti tinovimba naMwari hakuna zvakunoreva kutoti tichikutsigira nemabasa edu. (Jakobho 2:26) Munyaya yakapfuura, takadzidza kuti kuvimba kwedu naJehovha kunoratidzwa patinotaura naye mumunyengetero, patinotsvaka kutungamirirwa neShoko rake, uye patinotarira kusangano rake kuti rititungamirire. Zvino ngatichikurukurai kuti tingatora sei matanho matatu iwayo munguva dzokutambudzika.

Basa Parinopera Kana Kuti Tichitambira Mari Shoma

3. Vashumiri vaJehovha vanotarisana nenhamo dzemari dzipi mu“nguva dzinonetsa” dzino, uye tinoziva sei kuti Mwari anoda kutibatsira?

3 Mu“nguva dzinonetsa” dzino, isu sevaKristu tinotarisana nematambudziko emari anotarisanawo nevamwe. (2 Timoti 3:1) Saka, tingangoerekana tabudiswa basa. Kana kuti tingasava nemamwe maitiro kunze kwokushanda kwemaawa akawanda tichitambira mari shoma. Mumamiriro ezvinhu akadaro, tingazviwana zvakaoma ku‘govera avo vari vokwedu.’ (1 Timoti 5:8) Mwari Wokumusorosoro anoda kutibatsira here panguva dzakadaro? Chaizvo! Zvechokwadi, Jehovha haatidziviriri pazvinetso zvose zvoupenyu munyika ino. Zvisinei, kana tichivimba naye, mashoko aPisarema 46:1 achava echokwadi kwatiri, anoti: “Mwari ndiye utiziro hwedu nesimba redu, ndiye mubatsiri uri pedyo pedyo panguva dzokumanikidzwa.” Zvisinei, tingaratidza sei kuti tinovimba naJehovha zvakakwana munguva dzokutambudzika nokushaya mari?

4. Patinotarisana nezvinetso zvemari, chii chatinganyengeterera, uye Jehovha anopindura sei minyengetero yakadaro?

4 Imwe nzira yokuratidza nayo chivimbo chedu muna Jehovha ndeyokutaura naye mumunyengetero. Asi chii chatinganyengeterera? Kana tatarisana nezvinetso zvemari, tingada uchenjeri hunoshanda iye zvino kupfuura kare kose. Saka, zvechokwadi, hunyengeterere! Shoko raJehovha rinotivimbisa kuti: “Kana upi noupi wenyu achishayiwa uchenjeri, ngaarambe achikumbira Mwari, nokuti anopa zvikuru vose asingazvidzi; uye achapiwa.” (Jakobho 1:5) Chokwadi, kumbira uchenjeri kuna Jehovha—mano okushandisa zvakanaka zivo, nzwisiso, nenjere—kuti uite zvisarudzo zvakanaka nezvakarurama. Baba vedu vane rudo vokudenga vanotivimbisa kuti vachateerera minyengetero yakadaro. Nguva dzose vanoda kururamisa makwara evaya vanovimba navo nomwoyo wavo wose.—Pisarema 65:2; Zvirevo 3:5, 6.

5, 6. (a) Nei tingatarisa kuShoko raMwari kuti tibatsirwe kurarama nenhamo yemari? (b) Chii chatingaita kuti tideredze kuzvidya mwoyo patinopererwa nebasa?

5 Kutarira muShoko raMwari tichitsvaka kutungamirirwa ndeimwe nzira yokuratidza nayo kuti tinovimba naJehovha. Zviyeuchidzo zvake zvouchenjeri zviri muBhaibheri zvakaratidza kuva ‘zvechokwadi.’ (Pisarema 93:5) Kunyange rakapedza kunyorwa makore anopfuura 1 900 akapfuura, bhuku rakafuridzirwa iroro rine mazano akavimbika uye nzwisiso yakapinza zvinogona kutibatsira kubata zviri nani nezvinetso zvemari. Funga nezvemimwe mienzaniso youchenjeri hweBhaibheri.

6 Mambo akachenjera Soromoni akacherechedza kare kare kuti: “Hope dzomunhu, unobata, dzakanaka, kana achidya zvishoma kana zvizhinji; asi kuguta kwomupfumi hakumutenderi kuvata.” (Muparidzi 5:12) Zvinoda nguva kuti tigadzirise, tichenese, titarisire, uye tidzivirire zvinhu zvedu zvokunyama zvatinenge tinazvo. Saka kana tapererwa nebasa, tingashandisa mukana wacho kuti tiongororezve mararamiro edu, tichiedza kusiyanisa zvinokosha nezvatinongodawo hedu. Kuti tideredze kuzvidya mwoyo, kungava kuchenjera kuchinja zvimwe zvinhu. Somuenzaniso, zvinobvira here kuti tirerutse upenyu hwedu, pamwe kutamira kumusha muduku kana kusava nezvimwe zvinhu zvisingakoshi?—Mateu 6:22.

7, 8. (a) Jesu akaratidza sei kuziva kuti vanhu vasina kukwana vagara vanongonetseka pamusoro pezvinhu zvokunyama? (Onawo mashoko omuzasi.) (b) Izano ripi rokuchenjera rakapiwa naJesu pamusoro penzira yokurega nayo kufunganya zvisina kufanira?

7 Mumharidzo Yepagomo, Jesu akapa zano rokuti: “Musafunganya pamusoro pemweya yenyu pamusoro pechamuchadya kana chamuchanwa, kana pamusoro pemiviri yenyu kuti muchapfekei.” * (Mateu 6:25) Jesu aiziva kuti vanhu vasina kukwana vagara vanongonetseka pamusoro pokuwana zvinhu zvikuru zvinodiwa. Zvisinei, tinga‘rega kufunganya’ pamusoro pezvinhu zvakadaro sei? “Rambai muchitanga kutsvaka umambo,” akadaro Jesu. Pasinei nezvinetso zvatinotarisana nazvo, tinofanira kuramba tichipa kunamatwa kwaJehovha nzvimbo yokutanga muupenyu. Ipapo, kana tikadaro, zvatinoda mazuva ose “zvichawedzerwa” kwatiri naBaba vedu vokudenga. Neimwe nzira, achaita kuti tikwanise kuramba tichirarama.—Mateu 6:33.

8 Jesu akapa rimwe zano iri achiti: “Musambofunganya pamusoro pezuva rinotevera, nokuti zuva rinotevera richava nekufunganya kwaro.” (Mateu 6:34) Hakusi kuchenjera kufunganya zvisina kufanira pamusoro pezvingaunzwa neramangwana. Imwe nyanzvi yakati: “Zvatinotya kuti ndizvo zvichaitika mune ramangwana kashoma kuti zviitike.” Kuzvininipisa uye kuteerera zano reBhaibheri rokuti tigare tichinyatsofunga pamusoro pezvatinokoshesa uye kurarama zuva rimwe panguva kunogona kutibatsira kusanetseka zvisina kufanira.—1 Petro 5:6, 7.

9. Patinotarisana nenhamo yemari, rubatsiroi rwatingawana mumabhuku o“muranda akatendeka, akangwara”?

9 Patinotarisana nenhamo yemari, tinogonawo kuratidza kuvimba kwedu naJehovha nokutarisira kubatsirwa nemabhuku o“muranda akatendeka, akangwara.” (Mateu 24:45) Nguva nenguva, magazini yeMukai! yakabudisa nyaya dzine mazano anobatsira uye nzira dzingabatwa nadzo nezvinetso zvemari. Nyaya inoti “Out of a Job—What Are the Solutions? [“Wabuda Basa—Chii Chaungaita?”]” iri mumagazini yechiRungu yaAugust 8, 1991, yakataura mazano masere anoshanda akabatsira vakawanda kuramba vakadzikama mune zvemari uye mupfungwa pavakanga vasingashandi. * Ichokwadi kuti mazano akadaro anofanira kudzikamiswa nemaonero akanaka okukosha kwemari chaiko. Izvi zvakakurukurwa munyaya inoti “Something More Vital Than Money [“Chimwe Chinhu Chinokosha Zvikuru Kupfuura Mari”],” yakabuda mumagazini iyoyo.—Muparidzi 7:12.

Paunenge Uchinetseka Nezvinetso Zvoutano

10. Muenzaniso waMambo Dhavhidhi unoratidza sei kuti zvinonyatsoshanda kuvimba naJehovha patinorwara zvikuru?

10 Zvinonyatsoshanda here kuvimba naJehovha paunorwara zvikuru? Chaizvo! Jehovha anonzwira tsitsi varwere vari pakati pevanhu vake. Kupfuura izvozvo, anoda kubatsira. Somuenzaniso, funga nezvaMambo Dhavhidhi. Iye pachake angave airwara zvakakomba paakanyora nezvokubata kwaMwari nomurwere akarurama. Akati: “Jehovha uchamutsigira panhoo yourwere; munoshandura nhoo dzake dzose pakurwara kwake.” (Pisarema 41:1, 3, 7, 8) Kuvimba kwaDhavhidhi naJehovha kwakaramba kwakasimba, uye pakupedzisira mambo wacho akapora. Zvisinei, isu tingaratidza sei kuvimba naMwari patinonetseka nezvinetso zvoutano?

11. Patinorwara, chii chatingakumbira kuna Baba vedu vokudenga?

11 Patinorwara, imwe nzira yokuratidza nayo kuvimba kwedu naJehovha ndeyokumukumbira mumunyengetero kuti atibatsire kutsungirira. Tingamukumbira kuti atibatsire kushandisa ‘uchenjeri hunoshanda’ kuitira kuti titsvake mwero woutano unonyatsobvumirwa nemamiriro edu ezvinhu. (Zvirevo 3:21) Tinogonawo kumukumbira kutibatsira kushivirira nokutsungirira kuitira kuti tirarame nourwere hwacho. Kupfuura zvose, tingada kukumbira kuti Jehovha atitsigire, achitipa simba rokuramba takatendeka kwaari uye kuti tirambe takadzikama, pasinei nechingaitika. (VaFiripi 4:13) Kuramba takatendeka kuna Mwari kunotokosha zvikuru kupfuura kuchengetedza upenyu hwedu hwatinahwo iye zvino. Kana tikaramba takatendeka, Mupi Mukuru Womubayiro achatipa upenyu noutano hwakakwana nokusingaperi.—VaHebheru 11:6.

12. Inhungamiro dzipi dzeMagwaro dzinogona kutibatsira kuita zvisarudzo zvokuchenjera kana pava panyaya yokurapwa?

12 Kuvimba kwedu naJehovha kunotiitawo kuti titarisire kutungamirirwa zvinobatsira neShoko rake, Bhaibheri. Nhungamiro dzinowanika muMagwaro dzinogona kutibatsira kuti tisarudze zvinhu nokuchenjera kana pava panyaya yokurapwa. Somuenzaniso, tichiziva kuti Bhaibheri rinorambidza “tsika yokuita zvemidzimu,” hatizoshandisi nzira dzokuziva nadzo chirwere chatinacho kana dzokuchirapa nadzo dzine chokuita nokutenda midzimu. (VaGaratiya 5:19-21; Dheuteronomio 18:10-12) Heuno mumwe muenzaniso wouchenjeri hweBhaibheri hwakavimbika: “Usina mano anotenda mashoko ose; asi wakangwara unongwarira mafambiro ake.” (Zvirevo 14:15) Saka, patinenge tichifunga zvokurapwa, kuchenjera kana tikatsvaka mashoko akavimbika pane ku“tenda mashoko ose.” “Kunaka kwepfungwa” kwakadaro kunogona kutibatsira kuyera zvisarudzo zvedu nokungwarira uye kuti tiite chisarudzo tichiziva.—Tito 2:12.

13, 14. (a) Inyaya dzipi dzinobatsira dzine chokuita nenhau dzoutano dzakabudiswa mumagazini eNharireyomurindi neMukai!? (Ona bhokisi riri papeji 17.) (b) Izano ripi pamusoro pokubata nezvirwere zvisingaperi rakapiwa muMukai! yaFebruary 8, 2001?

13 Tinogonawo kuratidza kuvimba kwedu naJehovha nokutsvakurudza mumabhuku omuranda akatendeka. Magazini eNharireyomurindi neMukai! panguva dzakasiyana-siyana akabudisa nyaya dzinobatsira pazvinetso zvoutano nezvirwere zvakasiyana-siyana kwazvo. * Dzimwe nguva, magazini aya akabudisa nyaya dzinotaurwa nevanhu vakabudirira kurarama nezvirwere uye urema hwakasiyana-siyana. Kuwedzera kune izvi, dzimwe nyaya dzakapa zvinonzi neMagwaro zvinogona kuitwa uyewo mazano anobatsira okuti munhu angararama sei nezvinetso zvoutano zvisingaperi.

14 Somuenzaniso, magazini yeMukai! yaFebruary 8, 2001, yaiva nenyaya dzinotevedzana dzaienderana nomusoro waiva pabutiro unoti “Nyaradzo Nokuda Kwevanorwara.” Nyaya dzacho dzakapa nhungamiro dzeBhaibheri dzinobatsira uyewo mashoko chaiwo akatorwa pakabvunzurudzwa vanhu vane ruzivo vakararama nezvirwere zvinoremadza kwemakore akawanda. Nyaya inoti “Kurarama Zvinobudirira Nourwere Hwako—Sei?” yakapa zano rinotevera: Dzidza zvakawanda sezvaunokwanisa nezvourwere hwako. (Zvirevo 24:5) Iva nevavariro dzinoshanda, kusanganisira vavariro dzokubatsira vamwe, asi ziva kuti ungasakwanisa kusvika pavavariro dzinogona kusvikwa nevamwe. (Mabasa 20:35; VaGaratiya 6:4) Rega kuzvitsaura pane vamwe. (Zvirevo 18:1) Ita kuti vamwe vanakidzwe nokukushanyira. (Zvirevo 17:22) Kupfuura zvose, ramba une ukama hwapedyo naJehovha uye neungano. (Nahumi 1:7; VaRoma 1:11, 12) Hatifari here nenhungamiro yakavimbika yatinopiwa naJehovha kuburikidza nesangano rake?

Apo Kusava Nesimba Kwenyama Kunoenderera

15. Muapostora Pauro akakwanisa sei kubudirira mukurwisana kwake nokusava nesimba kwenyama isina kukwana, uye ivimbisoi yatingava nayo?

15 “Munyama yangu, hamugari chakanaka,” akanyora kudaro muapostora Pauro. (VaRoma 7:18) Pauro aizviziva kubva muruzivo rwake pachake kuoma kwazvinogona kuita kurwisana nezvishuvo nokusava nesimba kwenyama isina kukwana. Zvisinei, Pauro aivawo nechivimbo chokuti aigona kubudirira. (1 VaKorinde 9:26, 27) Sei? Nokuvimba naJehovha zvakakwana. Ndicho chikonzero nei Pauro aigona kutaura kuti: “Ndiri munhu wenhamo! Ndiani achandinunura mumuviri uri kuwana urwu rufu? Mwari ngaaongwe nokuna Jesu Kristu Ishe wedu!” (VaRoma 7:24, 25) Zvakadini nesu? Nesuwo tinorwisana nokusava nesimba kwenyama. Sezvatinotamburira kuti tibate nokusava nesimba kwakadaro, zviri nyore kuti tishaye chivimbo, tichifunga kuti hatimbofi takabudirira. Asi Jehovha achatibatsira kana tikavimba zvechokwadi Naye uye kwete nesimba redu chete, kungofanana nezvakaitwa naPauro.

16. Apo kusava nesimba kwenyama kunoenderera, chii chatinofanira kunyengeterera, uye chii chatinofanira kuita kana tikadzokerazve kune zvataimbova?

16 Apo kusava nesimba kwenyama kunoenderera, tinogona kuratidza kuti tinovimba naJehovha nokumukumbira mumunyengetero. Tinofanira kukumbira, kunyange kuteterera, kuti Jehovha atibatsire nomudzimu mutsvene wake. (Ruka 11:9-13) Tinogona kukumbira zvakananga kuti tive nokuzvidzora, uko kuri chimwe chezvibereko zvomudzimu waMwari. (VaGaratiya 5:22, 23) Chii chatinofanira kuita kana tikadzokerazve kune zvataimbova? Hatimbofaniri kurega. Ngatisamboneta kunyengetera nokuzvininipisa kuna Mwari wedu ane ngoni, tichikumbira kukanganwira kwake nokubatsira. Jehovha haazomborambi, kana kudzinga mwoyo “wakaputsika nowakapwanyika” nokuremerwa nehana ine mhosva. (Pisarema 51:17) Kana tikamuteterera nomwoyo wepachokwadi, unozvidemba, Jehovha achatibatsira kurwisa miedzo.—VaFiripi 4:6, 7.

17. (a) Nei zvichibatsira kufungisisa kuti Jehovha anonzwa sei pamusoro pokusava nesimba kwatingave tichirwisa? (b) Magwaro api atingaisa mumusoro kana tiri kurwa kuti tidzore kukurumidza kutsamwa? kuti tidzore rurimi rwedu? kuti tirwise kufarira varaidzo isina kunaka?

17 Tinogona kuratidzawo kuti tinovimba naJehovha nokutsvaka muShoko rake kuti tiwane rubatsiro. Tichishandisa konikodhenzi yeBhaibheri kana Watch Tower Publications Index, tinogona kutsvaka mhinduro yomubvunzo unoti, ‘Jehovha anofungei pamusoro pokusava nesimba kwandiri kurwisa?’ Kufungisisa zvinofungwa naJehovha pamusoro penhau yacho kunogona kusimbisa chido chedu chokumufadza. Nokudaro, tingasvika pakufunga sokufunga kwaanoita, tichivenga zvaanovenga. (Pisarema 97:10) Vamwe vakazviona zvichibatsira kuisa mumusoro ndima dzeBhaibheri dzinoshanda pakusava nesimba kwavari kuedza kurwisa. Tiri kutamburira kuti tidzore kukurumidza kutsamwa here? Kana zvakadaro tingadzidza nomusoro ndima dzakadai saZvirevo 14:17 naVaEfeso 4:31. Tiri kuzviona zvakaoma here kudzora rurimi rwedu? Tingadzidza nomusoro ndima dzakadai saZvirevo 12:18 naVaEfeso 4:29. Hatitani kufarira varaidzo isina kunaka here? Tingaedza kurangarira ndima dzakadai saVaEfeso 5:3 naVaKorose 3:5.

18. Nei tisingafaniri kurega kunyara kuchititadzisa kukumbira vakuru kuti vatibatsire kukunda kusava nesimba kwedu?

18 Kutsvaka rubatsiro kuvakuru vakagadzwa nomudzimu muungano ndeimwezve nzira yokuratidza nayo kuvimba kwatinoita naJehovha. (Mabasa 20:28) Pamusoro pazvo, “zvipo zviri varume” izvi urongwa hunobva kuna Jehovha kuburikidza naKristu kuti adzivirire nokutarisira makwai ake. (VaEfeso 4:7, 8, 11-14) Chokwadi, zvingasava nyore kukumbira kubatsirwa kubata nechinetso chedu. Tinganyara, tichitya kuti vakuru vangationa sevanhu venhando. Asi pasina mubvunzo varume ava vakakura mumudzimu vachatiremekedza pamusana pokuva noushingi hwokutsvaka kubatsirwa. Pamusoro pazvo, vakuru vanoedza kuratidza unhu hwaJehovha mukubata neboka. Zano ravo nomurayiridzo zvinonyaradza, uye zvinobatsira zvinobva muShoko raMwari zvingava zvinhu chaizvo zvatinoda kuti tisimbise chisarudzo chedu zvakakwana kuti tikurire kusava nesimba kwedu.—Jakobho 5:14-16.

19. (a) Satani anoedza kushandisa kusava nematuro kwoupenyu munyika ino nenzira ipi? (b) Kuvimba kunosanganisirei, uye chii chinofanira kuva chisarudzo chedu chakasimba?

19 Usambokanganwa kuti Satani anoziva kuti nguva yake ipfupi. (Zvakazarurwa 12:12) Anoda kushandisa kusava nematuro kwoupenyu munyika ino kutiodza mwoyo oita kuti tirege. Ngativimbei zvizere nezvinotaurwa pana VaRoma 8:35-39 kuti: “Ndiani achatiparadzanisa norudo rwaKristu? Kutambura kana nhamo kana kutambudzwa kana nzara kana kusava nezvokupfeka kana ngozi kana munondo here? . . . Asi, muzvinhu zvose izvi tiri kunyatsokunda naiye akatida. Nokuti ndine chokwadi kuti rufu kana upenyu kana ngirozi kana hurumende kana zvinhu zviripo zvino kana zvinhu zvichauya kana masimba kana kukwirira kana kudzika kana chimwe chinhu chakasikwa hazvikwanisi kutiparadzanisa norudo rwaMwari rwuri muna Kristu Jesu Ishe wedu.” Kutaura uku ndokwokuvimba naJehovha chaizvo! Zvisinei, kuvimba kwakadaro hakusingori kunzwawo zvako. Asi, kuvimba kunosanganisira zvisarudzo zvakafungwa zvatinoita muupenyu hwedu hwezuva nezuva. Naizvozvo, ngatichiitei chisarudzo chedu chakasimba kuvimba naJehovha zvakakwana munguva dzino dzokutambudzika.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 1 Mutsamba yakanyorerwa nzvimbo yokuUnited States inogadzirwa mari, yomusi waNovember 20, 1861, Munyori weBazi rezvemari Salmon P. Chase akanyora kuti: “Hapana nyika inogona kuva yakasimba kutoti ichipiwa simba naMwari, kana kuti ingava yakachengeteka kutoti ichidzivirirwa Naye. Kuvimba kwevanhu vedu naMwari kunofanira kuziviswa pamari dzesimbi dzenyika yedu.” Somugumisiro, kutaura kwokuti “Tinovimba naMwari” kwakatanga kuonekwa pamari yesimbi yokuUnited States yakaratidzwa munyika yose muna 1864.

^ ndima 7 Kufunganya kuri kutsanangurwa pano kunonzi “kutya kwokunetseka, kunoshayisa mufaro wose muupenyu.” Kushandura kwakadai sokwokuti “musafunganya” kana kuti “musanetseka” kunopa pfungwa yokuti hatifaniri kutanga kufunganya kana kunetseka. Zvisinei, rimwe bhuku rokutsvakurudza mashoko rinoti: “Shoko rechiito rechiGiriki kurayira kwepanguva ino, zvichireva murayiro wokuti umire kuita chiito chiri kutoitwa.”

^ ndima 9 Zvinhu zvisere zvacho ndizvo zvinotevera: (1) Usarohwa nehana; (2) funga zvakanaka; (3) funga nezvemamwe marudzi ebasa; (4) rarama maererano nezvaunazvo—kwete zvomumwewo munhu; (5) ngwarira chikwereti; (6) ita kuti mhuri irambe yakabatana; (7) ramba uchizviremekedza; uye (8) ronga zvinhu zvaunoda kutenga.

^ ndima 13 Magazini eBhaibheri aya haatsigiri kana kusimudzira kurapwa kupi nokupi, achiziva kuti iyi inhau yokuti munhu nomunhu azvisarudzire oga. Asi nyaya dzinokurukura zvirwere chaizvo zvakati dzinoitirwa kuti vaverengi vazive zvinhu sokuzivikanwa kwazviri kuitwa panguva ino.

Unoyeuka Here?

• Patinotarisana nezvinetso zvemari, munzirai matingaratidza namo kuti tinovimba naJehovha?

• Tingaratidza sei kuvimba naMwari patinonetswa nezvinetso zvoutano?

• Apo kusava nesimba kwenyama kunoenderera, tingaratidza sei kuti tiri kunyatsovimba naJehovha?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi riri papeji 17]

Unoyeuka Nyaya Idzi Here?

Patinonetseka nezvinetso zvoutano hwedu, zvinokurudzira kuverenga pamusoro pevamwe vakabudirira kubata nourwere kana urema. Dzinotevera ndedzimwe nyaya dzakabudiswa mumagazini dzeNharireyomurindi neMukai!

“Kugonana Noutera Hwangu” yakataura zvikurukuru nezvokubata nemafungiro asina kunaka nokuora mwoyo.—Nharireyomurindi, May 1, 1990.

“Not Even an Iron Lung Could Stop Her Preaching.”—Mukai! yechiRungu, January 22, 1993.

“Bara Rakachinja Upenyu Hwangu” yakataura nezvokubata nokusashanda kwedzimwe nhengo dzomuviri.—Mukai!, November 8, 1995 [yechiRungu, October 22, 1995].

“Hamuzivi Zvichava Zvakaita Upenyu Hwenyu Mangwana” yakataura nezvokurarama nebipolar disorder.—Nharireyomurindi, December 1, 2000.

“Kutanga ‘Kutaura’ Kwakaita Loida” yakataura zvikuru nezvokubata nechirwere chepfungwa chokusagona kudzora muviri.—Mukai!, May 8, 2000.

“My Struggle With Endometriosis.”—Mukai! yechiRungu, July 22, 2000.

“My Fight With Scleroderma.”—Mukai! yechiRungu, August 8, 2001.

“Ndakakunda Kuora Mwoyo Kunouya Pashure Pokusununguka.”—Mukai!, August 8, 2002 [yechiRungu, July 22, 2002].

[Mufananidzo uri papeji 15]

Tarasikirwa nebasa, tingava takachenjera kuongororazve mararamiro edu

[Mufananidzo uri papeji 16]

Nyaya yaLoida inoratidza kuti kuvimba naJehovha kunobatsira sei munhu kutsungirira. (Ona bhokisi riri papeji 17)

[Mufananidzo uri papeji 18]

Hatifaniri kunyara kukumbira kubatsirwa kuti tikunde kusava nesimba