Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Asati Adzidza Bhaibheri uye Azoridzidza—Machinjirwe Akaitwa Murume Uyu neBhaibheri

Asati Adzidza Bhaibheri uye Azoridzidza—Machinjirwe Akaitwa Murume Uyu neBhaibheri

“Swederai Pedyo Namwari, Uye Achaswedera Pedyo Nemi”

Asati Adzidza Bhaibheri uye Azoridzidza—Machinjirwe Akaitwa Murume Uyu neBhaibheri

ROLF-MICHAEL aifarira mimhanzi zvokuti. Akanga akapindwa muropa nezvinodhaka. Ari pwere kuGermany, ainwa doro rakawanda uye akanga asingazvidzori pakushandisa zvinodhaka zvinonzi LSD, kokeini, hashish, uye zvimwe zvinodhaka zvinoshandura mafungiro.

Paaiedza kupinza zvinodhaka mune imwe nyika yomuAfrica zvisiri pamutemo, Rolf-Michael akasungwa ndokupedza mwedzi 13 ari mujeri. Nguva iyoyo yaakapedza ari mujeri yakamupa nguva yokufunga nezvechinangwa chaicho choupenyu.

Rolf-Michael nomudzimai wake, Ursula, vakatsvakisisa zvinoreva upenyu uye vakatsvaka chokwadi. Pasinei nezviitiko zvinogumbura zvavakasangana nazvo mune anonzi machechi echiKristu, vaiva nechido chakasimba chokusvika pakuziva Mwari. Asi vakanga vaine mibvunzo uye havana kuwana mhinduro dzinogutsa kubva kumapoka ezvitendero akasiyana-siyana. Uyezve, zvitendero izvi hazvina kuvapa chikonzero chakasimba chokuita kuti vachinje upenyu hwavo.

Pakupedzisira Rolf-Michael naUrsula vakasangana neZvapupu zvaJehovha. Pashure pokunge atanga kudzidza Bhaibheri, Rolf-Michael akakurudzirwa zvikuru nezano rinoti: “Swederai pedyo naMwari, uye achaswedera pedyo nemi.” (Jakobho 4:8) Akanga akatsunga ‘kubvisa unhu hwekare hunotsinhirana newaichimbova mufambiro wake uye kupfeka unhu hutsva, hwakasikwa maererano nokuda kwaMwari mukururama kwechokwadi nokuvimbika.’—VaEfeso 4:22-24.

Rolf-Michael aigona sei kupfeka unhu hutsva? Akaratidzwa muBhaibheri kuti “nezivo yakarurama” unhu hwomunhu hunogona ku“itwa hutsva maererano nomufananidzo weUyo akahusika,” kureva Jehovha Mwari.—VaKorose 3:9-11.

Sezvaakapinza zivo yakarurama, Rolf-Michael akatsvaka kuwiriranisa upenyu hwake nenhungamiro dzeShoko raMwari. (Johani 17:3) Zvakanga zvakaoma kurega kushandisa zvinodhaka, asi Rolf-Michael akaona kukosha kwokutaura naJehovha mumunyengetero uye kubatsirwa naye. (1 Johani 5:14, 15) Chimwe chakamubatsira kwaiva kushamwaridzana nevaya vakanga vachitova Zvapupu zvaJehovha, vachishanda nesimba kuita kuda kwaMwari.

Kuziva kuti nyika iri kupfuura uye kuti vaya vanoita kuda kwaMwari vacharamba varipo nokusingaperi kwakabatsirawo Rolf-Michael. Kwakamubatsira kusarudza, kwete kuda nyika kwenguva pfupi, asi chikomborero chisingagumi choukama naMwari ane rudo, Jehovha. (1 Johani 2:15-17) Rolf-Michael akaororwa zvikuru nemashoko aZvirevo 27:11 anoti: “Mwanakomana wangu, iva wakachenjera, ufadze mwoyo wangu; kuti ndigone kupindura unondishora.” Nokuonga anoti: “Ndima iyi inoratidza kukura kworudo rwaJehovha, sezvo achipa vanhu mukana wokufadza mwoyo wake.”

SaRolf-Michael, mudzimai wake, nevana vavo vatatu, mazana ezviuru akabatsirwa nokutevera nhungamiro dzeBhaibheri. Vanhu vakadaro vanogona kuwanikwa muungano dzeZvapupu zvaJehovha pasi pose. Zvinosiririsa kuti mune dzimwe nyika Zvapupu zvinopomerwa zvenhema kuva kapoka kane ngozi kanoparadza mhuri. Zvakaitika kuna Rolf-Michael zvakaratidza kuti handizvo.—VaHebheru 4:12.

Rolf-Michael anoti Mateu 6:33, iyo inotikurudzira kupa nzvimbo yokutanga kutsvakwa kwezvinhu zvomudzimu, ndiyo “kambasi” yemhuri yake, inovanongedzera mugwara rakanaka. Iye nemhuri yake vanoonga Jehovha zvikuru nokuda kwoupenyu hwemhuri hunofadza hwavanahwo sevaKristu. Vanobvumirana nepfungwa dzomunyori wepisarema uyo akaimba kuti: “Ndichavigireiko Jehovha pamusoro pemikomborero yake yose kwandiri?”—Pisarema 116:12.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 9]

Mwari anopa vanhu mukana wokufadza mwoyo wake

[Bhokisi riri papeji 9]

Nhungamiro dzeBhaibheri Dzinoshanda

Hedzino dzimwe dzenhungamiro dzeBhaibheri dzakakurudzira vakawanda kusiya kupindwa muropa kwakanyanyisa:

“Vengai zvakaipa, imi munoda Jehovha.” (Pisarema 97:10) Pashure pokugutsikana nokuipa kwemiitiro inourayisa uye kutanga kuivenga zvepachokwadi, munhu anoona zviri nyore kuita zvinofadza Mwari.

“Fambidzana navakachenjera, ugova wakachenjerawo; asi shamwari yamapenzi inoshatiswa.” (Zvirevo 13:20) Kuti arambe zvinodhaka nezvimwe zvinopinda muropa, munhu anofanira kusarudza shamwari dzake nokuchenjera. Kukudziridza ushamwari hwevaKristu avo vachatsigira chisarudzo chake zvechokwadi kunobatsira.

“Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe nokuonga; uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nemasimba enyu okufunga naKristu Jesu.” (VaFiripi 4:6, 7) Rugare rwomwoyo norwepfungwa rwakadaro haruenzaniswi nechimwe chinhu chipi nechipi. Uye kuvimba naMwari kwakadaro kuburikidza nomunyengetero kunobatsira munhu kubata nezvinetso zvoupenyu pasina kupindwa muropa nezvinodhaka.