Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bhaibheri Rinogona Kubatsira Imba Yako

Bhaibheri Rinogona Kubatsira Imba Yako

Bhaibheri Rinogona Kubatsira Imba Yako

IMBA—kune vamwe, shoko racho rinomutsa pfungwa dzinofadza. Kune vamwewo, rinokonzera kurwadziwa mwoyo kukuru. “Mupfungwa dzangu ndinonzwa takarambana,” anochema-chema kudaro mumwe mudzimai. “Ndinonzwa ndasiyiwa uye ndakasurukirwa nguva dzose.”

Chii chinoita kuti vanhu vaviri vakamboita mhiko yokuti vachadanana nokuchengetana vashaye rudo zvakadaro? Chimwe chinhu kushayikwa kworuzivo rwezvinobatanidzwa mumba. “Tinoroorana tisina kana unyanzvi zvachose,” anodaro mumwe mutori wenhau dzezvokurapa.

Kuti nhasi vashomanana vane ruzivo rwakadaro zvinoratidzwa nokuongorora kwakaitwa neNational Marriage Project, kuongorora kwakatangwa neRutgers University muNew Jersey, U.S.A. “Muongororo iyi vakawanda vakakura vaine vabereki vakanga vasingafari kana kuti vakarambana,” vanonyora kudaro vatungamiriri vechirongwa chacho. “Vanonyatsoziva kuti vakaroorana vasingafari vakaita sei, asi havana chokwadi chokuti vanofara vakaita seiwo. Vamwe vangarondedzera vanofara “sevakasiyana nevabereki vangu.’”

VaKristu havatarisani nezvinetso zvemhuri here? Aiwa. Vamwe vaKristu vomuzana rokutanga remakore vaitoda zano rakananga roku“rega kutsvaka kusunungurwa” pane wavakaroorana naye. (1 VaKorinde 7:27) Zviri pachena kuti vanhu vaviri vasina kukwana vakaroorana chero vapi zvavo vachava nezvinetso zvavo, asi tine rubatsiro. Varume nevadzimai vanganatsiridza ukama hwavo nokushandisa nhungamiro dzeBhaibheri.

Chokwadi, Bhaibheri harisi bhuku remirayiridzo yevakaroorana. Zvisinei, sezvo rakafuridzirwa noUyo akavamba urongwa hwokuroorana, tinogona kutarisira nhungamiro dzaro kuva dzinobatsira. Achishandisa muprofita Isaya, Jehovha Mwari akati: “Ndini Jehovha Mwari wako, unokudzidzisa zvinokubatsira, unokutungamirira panzira yaunofanira kufamba nayo. Haiwa! dai wakateerera hako mirayiro yangu! Rugare rwako rungadai rwakaita sorwizi, nokururama kwako samafungu egungwa!”—Isaya 48:17, 18.

Rudo rwaimbova pakati pako nomumwe wako rwatanga kuderera here? Unonzwa wakasungirirwa pane wawakaroorana naye pasina rudo here? Mumwe mudzimai ave akaroorwa kwemakore 26 akati: “Kurwadziwa kunowanikwa murudzi urwu rwoukama kunogona kuoma kurondedzera. Kunoramba kuripo uye kunopfuurira.” Pane kungogara newawakaroorana naye zviya zvokuti zvino ndodini, wadii kusarudza kuita chimwe chinhu pamusoro pazvo? Nyaya inotevera icharatidza varume nevadzimai kuti nhungamiro dzeBhaibheri dzingabatsira sei michato yavo mune imwe nharaunda chaiyo—iya yokuzvipira.