Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Kudzidzisa Kwowakachenjera”—Tsime Roupenyu

“Kudzidzisa Kwowakachenjera”—Tsime Roupenyu

“Kudzidzisa Kwowakachenjera”—Tsime Roupenyu

“HAIWA ukuru hwepfuma yaMwari nouchenjeri nezivo! Kutonga kwake hakunzvereki sei uye nzira dzake hadzirondeki sei!” akadanidzira kudaro muapostora Pauro. (VaRoma 11:33) Uye tateguru akatendeka Jobho akati: “[Jehovha Mwari] une mwoyo wakangwara.” (Jobho 9:4) Chokwadi, Musiki wedenga nepasi ane uchenjeri husingaenzaniswi. Chii chingataurwa pamusoro pomutemo, kana kuti Shoko rakanyorwa, roMusiki akadaro?

Munyori wepisarema akaimba kuti: “Murayiro waJehovha wakakwana, unoponesa mweya; chipupuriro chaJehovha ndechazvokwadi, chinopa vasina mano njere. Zvinorayirwa naJehovha zvakarurama, zvinofadza mwoyo; murau waJehovha wakaisvonaka, unovhenekera meso.” (Pisarema 19:7, 8) Mambo Soromoni weIsraeri yekare anofanira kuva akanzwisisa zvikuru chokwadi chemashoko iwayo! Akataura kuti: “Kudzidzisa kwowakachenjera itsime roupenyu; kuti munhu apukunyuke pamisungo yorufu.” (Zvirevo 13:14) Mundima 13 dzokutanga dzaZvirevo chitsauko 13, Soromoni akaratidza kuti zano rinowanika muShoko raMwari rinogona sei kutibatsira kuti upenyu hwedu huvandudzike torega kuhuisa pangozi.

Iva Anodzidzisika

“Mwanakomana wakachenjera unoteerera kurayira kwababa vake; asi mudadiri haanzwi kana achitukwa,” inodaro Zvirevo 13:1. Murayiro unobva kuna baba unogona kuva wakareruka kana wakakasharara. Unogona kutanga kuuya sokudzidzisa, uye kana ikoko kukarambwa, pakupedzisira unouya sechirango. Mwanakomana anogamuchira murayiro wababa vake akachenjera.

“Jehovha anoranga waanoda,” rinodaro Bhaibheri, uye “anozvambura munhu wose waanogamuchira semwanakomana.” (VaHebheru 12:6) Imwe nzira inoshandiswa naBaba vedu vokudenga kutirayira iShoko rake rakanyorwa, Bhaibheri. Patinoverenga Bhaibheri noruremekedzo uye toita zvatinodzidza imomo, Shoko rake rinototirayira. Izvi zvakatinakira, nokuti zvose zvinotaurwa naJehovha zvinotibatsira.—Isaya 48:17.

Kurayirwa kunogona kuuyawo kwatiri sokururamiswa nehama yedu yechiKristu inofarira kugara kwedu zvakanaka mumudzimu. Zano ripi neripi rinobatsira rinoenderana neShoko raMwari rinogona kuoneka, kwete serinobva kumunhu iyeye, asi serinobva kuTsime guru rechokwadi. Kana tikarigamuchira serinobva kuna Jehovha tinenge takachenjera. Patinoita kudaro toribvumira kuti riumbe mafungiro edu, riite kuti tinzwisise Magwaro zviri nani, uye riruramise nzira dzedu, tiri kubatsirwa nechirango chacho. Ndizvo zvimwe chetezvo nemazano atinogamuchira kumisangano yechiKristu uye mumabhuku eBhaibheri. Kugamuchira zvatinodzidza mumashoko iwayo akanyorwa kana anotaurwa inzira yakanaka kwazvo yokuzviranga.

Kune rimwe divi, mudadiri haateereri kurayirwa. “Nokuti anofunga kuti anoziva zvakanakisisa,” rinodaro rimwe bhuku, haa“dzidzisiki.” Haateereri kunyange kutsiurwa—nzira yakati simbei yokurayirwa. Asi zvingambobvira here kuti aratidze kuti murayiro waBaba hauna kururama? Jehovha haana kubvira ambokanganisa, uye haazombokanganisi. Nokuramba kurayirwa, mudadiri anongozvisekesa. Nemashoko mashomanana akanyatsosarudzwa, Soromoni anoratidza nenzira yakanaka kwazvo kukosha kwokuva anodzidzisika!

Ngwarira Rurimi Rwako!

Kuti aratidze kukosha kwokutungamirirwa neShoko raMwari mukutaura kwedu, mambo waIsraeri anofananidza muromo nomuti unobereka zvibereko. Anoti: “Munhu uchadya zvakanaka zvinobva pazvibereko zvomuromo wake; asi vanoita nokunyengedzera vanofarira kumanikidza.” (Zvirevo 13:2) Mashoko anotaurwa ndiwo zvibereko zvomuromo. Uye munhu anokohwa zvaadyara nemashoko ake. “Kana mashoko ake aine vavariro yakanaka uye achinangidzirwa pakutangwa kwoushamwari nevavakidzani vake,” inodaro imwe nyanzvi, “achadya zvakanaka, achava noupenyu hunofadza uye hune rugare.” Handizvo zvazvakaita kumunyengeri. Anoda kuita zvechisimba uye kukuvadza vamwe. Anoronga kuita chisimba, uye anoitirwa chisimba. Misungo yorufu iri pamusuo wake.

“Unorindira muromo wake, unochengeta upenyu hwake,” anoenderera mberi achidaro Soromoni. “Unoshamisa miromo yake, uchaparadzwa.” (Zvirevo 13:3) Mukurumbira wakakanganiswa, kukuvadzwa mupfungwa, ukama hune zvinetso, uye kunyange kukuvadzwa mumuviri yose migumisiro inobvira yokutaura zvisina musoro, zvoupenzi. Miromo isingadzorwi inogonawo kuunza kusatenderwa naMwari, nokuti Mwari anoti munhu wose anozvidavirira nokuda kwemashoko ake. (Mateu 12:36, 37) Zvechokwadi, kudzora muromo wedu zvikuru kuchatidzivirira pakuparadzwa. Zvisinei, tingadzidza sei kudzora muromo wedu?

Imwe nzira iri nyore yokuita izvi ndeyokusataurisa. “Kudarika hakungakoni pamunhu une mashoko mazhinji,” rinodaro Bhaibheri. (Zvirevo 10:19) Imwe nzira ndeyokufunga usati wataura. Munyori akafuridzirwa anoti: “Mumwe uriko unotaura nokusarangarira zvinobaya somunondo.” (Zvirevo 12:18) Kana zviri kutaurwa zvisina kufanofungwa, ari kutaura wacho nevari kuteerera vanogona kukuvadzwa. Naizvozvo, Bhaibheri rinotipa zano iri rinobatsira: “Mwoyo wowakarurama unombofunga chaangapindura.”—Zvirevo 15:28.

Bishaira

“Mweya wesimbe unopanga,” Soromoni anodaro, “asi unoshayiwa; asi mweya yavasina usimbe ichakodzwa.” (Zvirevo 13:4) “Zvinorehwa [nechirevo ichi] ndezvokuti kungopanga chete hakuna zvakunombobatsira,” rinodaro rimwe bhuku, uye “kubishaira ndiko kunokosha. Vanhu vane usimbe vanonetswa nezvishuvo . . . zvinovatambudza, asi vanongoperera mukushuva ikoko pasina chavanacho.” Zvisinei, mweya, kana kuti chishuvo chevanobishaira chinogutswa—chinokodzwa.

Zvinganzi kudii nezvevaya vanorega kuzvitsaurira kuna Jehovha nokuti vanoda kunzvenga mutoro? Vangaratidza kuti vanopanga kurarama munyika itsva yaMwari, asi vari kuda here kuita chimwe chinhu pamusoro pazvo? Chinodiwa kune vaya “vanobva mukutambudzika kukuru” ndechokuti vakaratidza kutenda muchibayiro chorudzikinuro chaJesu, vakazvitsaurira kuna Jehovha, uye vakaratidza kuzvitsaurira kwavo nokubhabhatidzwa mumvura.—Zvakazarurwa 7:14, 15.

Fungawo zvinobatanidzwa mukuvavarira kuva munzvimbo youtariri muungano. Chishuvo chokuvavarira kuita basa iri rakanaka kwazvo chinorumbidzwa zvechokwadi uye chinokurudzirwa muMagwaro. (1 Timoti 3:1) Zvisinei, kungonzwa chishuvo chete hakuna kukwana. Kuti ukodzere kuva pane chimwe chinzvimbo kunoda kukudziridza humwe unhu nemano zvinodiwa. Izvozvo zvinoda kuti munhu abishaire.

Kururama—Kunochengetedza

Munhu akarurama anokudziridza unhu hunodiwa naMwari uye anotaura chokwadi. Anoziva kuti kureva nhema kunopesana nomutemo waJehovha. (Zvirevo 6:16-19; VaKorose 3:9) Pamusoro peizvi, Soromoni anoti: “Wakarurama unovenga nhema; asi wakaipa, unonyangadza, uchanyadziswa.” (Zvirevo 13:5) Wakarurama haangoregi kutaura nhema chete; anotodzivenga. Anoziva kuti pasinei nokuti dzingaratidzika sedzisingakuvadzi zvakadini, nhema dzinoparadza ukama hwakanaka hwevanhu. Uyezve, munhu anoda zvokureva nhema haazovimbwi naye. Wakaipa anoita zvinonyadzisa pamwe nokureva nhema kana kuti nedzimwewo nzira, uye nokudaro anozvinyadzisa.

Kuti aratidze kuti kuita zvakarurama mukuona kwaMwari kunobatsira, mambo akachenjera anoti: “Kururama kunochengeta wakarurama pakufamba kwake; asi kuipa kunowisira mutadzi pasi.” (Zvirevo 13:6) Senzvimbo yakasimba, kururama kunodzivirira munhu, asi uipi hunomukuvadza.

Usanyepedzera

Achiratidza kunzwisisa maitiro evanhu, mambo weIsraeri anoti: “Mumwe uriko unozviti ndiri mupfumi, kunyange asina chinhu; mumwe uriko unozviti ndiri murombo, asi une pfuma zhinji.” (Zvirevo 13:7) Munhu angasava zvaanoratidzika kuti ndizvo zvaari. Vamwe varombo vanganyepedzera kuva vakapfuma—pamwe kushamisira, kupa chitarisiko chokubudirira, kana kungovhara nyadzi chete. Mupfumi anganyepedzera kuva murombo, kuti asangoburitsa upfumi hwake pachena.

Hapana chakanaka, kunyepera kana kuvanza. Kana tine mari shoma, kushandisa yakawanda kutenga zvinhu zvoumbozha kuti tingooneka setakasimukira kungaita kuti isu nemhuri dzedu tishaye zvinokosha muupenyu. Uye kunyepedzera kuva murombo iye aine upfumi kungaita kuti munhu ave anonyima, achizvishayisa ruremekedzo rwaakakodzerwa narwo nomufaro unobva pakuva munhu anopa. (Mabasa 20:35) Kutendeseka kunoguma nokurarama upenyu huri nani.

Ita Kuti Zvaunoshuva Zvisave Zvinoshamisira

“Rudzikinuro rwoupenyu hwomunhu ipfuma yake,” anodaro Soromoni, “asi murombo haanzwi kutyisidzira.” (Zvirevo 13:8) Chidzidzoi chinobudiswa mukutaura uku kwokuchenjera?

Kuva mupfumi kune zvakwakanakira, asi kuva nepfuma kunewo zvakwakaipira. Munguva dzinonetsa dzatiri kurarama madziri, vapfumi vanowanzoona kuti ivo nemhuri dzavo vari mungozi yokupambwa kana kubatwa nokuda kworudzikinuro. Dzimwe nguva, mupfumi anogona kubhadhara rudzikinuro kuti iye kana nhengo yemhuri yake isaurayiwa. Asi kakawanda anenge apambwa wacho anourayiwa. Nguva dzose mupfumi anongogara achityira izvozvo.

Murombo haanetseki nezvakadaro. Kunyange zvazvo angasava nezvakawanda zvakanaka nezvinhu zvokunyama izvo varombo vanazvo, kashoma kuti apambwe. Izvi ndizvo zvimwe zvakanakira kuchengeta zvatinoda zvisingashamisiri uye kusapedzera nguva yedu nesimba pakutsvaka pfuma.—2 Timoti 2:4.

Fara Mu“chiedza”

Soromoni anoenderera mberi achiratidza kuti kuita zvinhu nenzira inodiwa naJehovha kwakatinakira. “Chiedza chavakarurama chinopenya kwazvo,” anodaro, “asi mwenje wavakaipa uchadzimwa.”Zvirevo 13:9.

Mwenje unoratidza chatinovimba nacho kuti tivheneke nzira yedu muupenyu. ‘Shoko raMwari mwenje wetsoka dzowakarurama uye chiedza kunzira yake.’ (Pisarema 119:105) Rine zivo nouchenjeri zvisingaperi zvoMusiki. Patinonzwisisa zvakawanda nezvokuda kwaMwari uye chinangwa chake, chiedza chomudzimu chinotitungamirira chinobva chapenyawo zvikuru. Zvechokwadi, iroro itsime guru romufaro! Nei tichifanira kudzikatidzwa nouchenjeri hwenyika kana iyo “inonzi ‘zivo’ zvenhema”?—1 Timoti 6:20; 1 VaKorinde 1:20; VaKorose 2:8.

Kana ari wakaipa, pasinei nokuti mwenje wake ungaratidzika sowakajeka zvakadini uye kuti angaratidzika seakabudirira zvakadini, mwenje wake uchadzimwa. Achaguma ava murima, umo tsoka yake ichagumburwa. Uyezve, ‘hapazovi nenguva yemberi’ nokuda kwake.—Zvirevo 24:20.

Zvisinei, chii chatinofanira kuita patinenge tisina chokwadi chokuti tinofanira kuitei mune mamwe mamiriro ezvinhu? Zvakadini kana tisina chokwadi chokuti tine kodzero yokuita chimwe chinhu here? Zvirevo 13:10 inonyevera kuti: “Kuzvikudza kunongouyisa kukakavara.” Kuita tisina zvatinoziva kana kuti zvatisina kodzero yokuita kuzvikudza uye kuchakonzera zvinetso nevamwe. Hazvisi nani here kubvunza vamwe vane ruzivo nenzwisiso? “Uchenjeri huri kune vanotenda kurayirirwa,” anodaro mambo akachenjera.

Ngwarira Tarisiro Dzisiridzo

Mari inogona kushanda chinangwa chinobatsira. Kuva nemari yakakwana kuri nani pane kurarama nenzira yokuzvinyima kana kuti muurombo. (Muparidzi 7:11, 12) Zvisinei, zvatingafunga kuti kubatsira kwepfuma inowanikwa nenzira dzisina kururama zvinogona kuva zvinonyengera. Soromoni anonyevera kuti: “Pfuma, yakawanikwa nokukurumidza, ichatapudzwa; asi unounganidza noruoko, zvichawedzerwa kwaari.”Zvirevo 13:11.

Somuenzaniso, funga muedzo wokubheja. Munhu anobheja angapedza mari yaakatamburira achifunga kuti achahwina yakawanda kwazvo. Asi kakawanda izvi zvinoitwa mhuri yake ichizosara ichitambura! Uye chii chinoitika kana munhu anobheja akahwina? Sezvo mari yacho yauya nyore, angasanyanya kuona kukosha kwayo. Uyezve, angangova asina unyanzvi hwokushandisa mubayiro wake waachangobva kuwana. Pfuma yake haingangoparari nokukurumidza sokuiwana kwaaiita here? Ukuwo, pfuma inowanikwa zvishoma nezvishoma—paduku paduku nokuita basa rakanaka—inoenda ichiwedzera uye inogona kushandiswa zvakanaka.

“Tariro kana ichinonoka, inoodza mwoyo,” anodaro Soromoni, “asi kana chapangwa chosvika, ndiwo muti woupenyu.” (Zvirevo 13:12) Tariro dzisingazadziki dzinogona kutungamirira kukugumbuka kunoodza mwoyo. Izvi zvinoitika muupenyu hwemazuva ose. Zvisinei, izvi hazvisizvo zvakaita tariro dzakavakirwa zvakasimba muShoko raMwari. Tinogona kuva nechivimbo chakakwana chokuti dzichazadzika. Kunyange kunoratidzika sokunonoka, kashoma kuti kugumbure.

Somuenzaniso, tinoziva kuti nyika itsva yaMwari yava pedyo. (2 Petro 3:13) Netarisiro yakakura tinomirira nomufaro kuzadzika kwezvipikirwa zvaMwari. Chii chinoitika patinoshandisa nguva yokumirira kuramba takabatikana “mubasa raShe,” kukurudzira hama dzedu dzechiKristu, uye kuvaka ukama hunoramba hwakasimba naJehovha? Pane ‘kuora mwoyo,’ tinozadzwa nomufaro. (1 VaKorinde 15:58; VaHebheru 10:24, 25; Jakobho 4:8) Apo kuzadzika kwechinhu chatanga tichishuva kwenguva refu kunoitika, muti woupenyu—kunosimbisa nokuzorodza zvechokwadi.

Mutemo waMwari—Tsime Roupenyu

Ichienzanisira kudiwa kwokuteerera Mwari, Zvirevo 13:13, inoti: “Unozvidza Shoko, wasungwa naro; asi unotya murayiro, uchapiwa mubayiro.” Apo mukwereti anozvidza shoko nokukundikana kubhadhara chikwereti, acharasikirwa nechaakati chifanobatirwa. Saizvozvowo, ticharasikirwa kana tikakundikana kuteerera mirayiro yaMwari. Kurasikirwa kworudzii?

“Kudzidzisa kwowakachenjera itsime roupenyu; kuti munhu apukunyuke pamisungo yorufu.” (Zvirevo 13:14) Kurarama tisina mutemo waMwari wokuchenjera kwose, Jehovha, kunyimwa nhungamiro inogona kutibatsira kurarama upenyu huri nani uye hwakareba. Ikoko kungava kurasikirwa kukuru chaizvo! Saka nzira yokuchenjera kwatiri ndeyokunyatsoteerera Shoko raMwari uye kuribvumira kudzora pfungwa dzedu, kutaura, uye zviito.—2 VaKorinde 10:5; VaKorose 1:10.

[Mifananidzo iri papeji 23]

Kuteerera mazano omuMagwaro inzira yakanakisisa yokuzviranga

[Mifananidzo iri papeji 24, 25]

“Mwoyo wowakarurama unombofunga chaangapindura”

[Mifananidzo iri papeji 24, 25]

Kuramba takabatikana “mubasa raShe” kunotizadza nomufaro