Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kukurukurirana Zvinhu Zvomudzimu Kunovaka

Kukurukurirana Zvinhu Zvomudzimu Kunovaka

Kukurukurirana Zvinhu Zvomudzimu Kunovaka

“Shoko rakaora ngarirege kubuda mumuromo menyu, asi shoko rose rakanaka nokuda kwokuvaka sezvingave zvichidikanwa, kuti ape zvinofadza kuvanonzwa.”—VAEFESO 4:29.

1, 2. (a) Kutaura kwevanhu kunokosha zvakadini? (b) Vashumiri vaJehovha vanoshuva kushandisa rurimi rwavo sei?

“MANO evanhu okutaura chinhu chatisingagoni kunzwisisa; chipo chaMwari, chishamiso.” Ndizvo zvakanyorwa nomunyori weduramanzwi anonzi Ludwig Koehler. Zvichida tinorerutsa chipo chaMwari ichi chinokosha. (Jakobho 1:17) Asi funga kuti ipfuma yakakura sei inorasika apo sitiroko inoita kuti munhu watinoda atadze kutaura zvakanaka. “Taikurukura tose zvakanaka kwazvo,” anotsanangura kudaro Joan, uyo ane murume achangobva kurohwa nesitiroko. “Ndinosuwa kukurukurirana kwataiita!”

2 Kukurukurirana kunogona kusimbisa ushamwari, kupedza kusanzwisisana, kukurudzira vakaora mwoyo, kusimbisa kutenda, uye kuita kuti upenyu hunakidze—asi hakungoerekani kwaita izvi. Mambo akachenjera Soromoni, akati: “Mumwe uriko unotaura nokusarangarira zvinobaya somunondo; asi rurimi rwowakachenjera runoporesa.” (Zvirevo 12:18) Sevashumiri vaJehovha, tinoda kuti kukurukurirana kwedu kuporese uye kuvake pane kuti kukuvadze nokuparadza. Tinoshuvawo kushandisa rurimi rwedu kurumbidza Jehovha, zvose muushumiri hwedu hwepachena uye pakukurukurirana kwatinoita tiri toga. Munyori wepisarema akaimba kuti: “Takazvirumbidza zuva rose muna Mwari, tichaonga zita renyu nokusingaperi.”—Pisarema 44:8.

3, 4. (a) Tose tinotarisana nechinetso chipi pakutaura kwedu? (b) Nei zvatinotaura zvine basa?

3 “Rurimi, hapana mumwe pakati pevanhu anogona kurupingudza,” anonyevera kudaro mudzidzi Jakobho. Anotiyeuchidza kuti: “Tose tinokanganisa kakawanda. Kana munhu asingakanganisi pakutaura, iyeyu munhu akakwana, anokwanisawo kudzora muviri wake wose.” (Jakobho 3:2, 8) Hapana nomumwe wedu akakwana. Naizvozvo, pasinei nevavariro dzakanakisisa dzatingava nadzo, hadzisi nguva dzose apo kutaura kwedu kunovaka vamwe kana kurumbidza Musiki wedu. Saka, tinofanira kudzidza kungwarira zvatinotaura. Uyezve, Jesu akati: “Shoko rose risingabetseri rinotaurwa nevanhu, vachazvidavirira pamusoro paro paZuva Rokutongwa; nokuti uchanzi wakarurama nemashoko ako, uye uchapiwa mhosva nemashoko ako.” (Mateu 12:36, 37) Zvechokwadi, Mwari wechokwadi anoti tinozvidavirira nokuda kwemashoko edu.

4 Imwe yenzira dzakanakisisa dzokuti tisataura zvinokuvadza kutanga muitiro wokukurukura zvinhu zvomudzimu. Nyaya ino ichataura nzira yatingazviita nayo, rudzi rwenyaya dzatingataura nezvadzo, uye kubatsirwa kwatingaitwa nokukurukura zvinovaka.

Ngwarira Zviri Mumwoyo

5. Mwoyo unoita sei basa rinokosha mukusimudzira kukurukura nevamwe zvinovaka?

5 Pakukudziridza muitiro wokukurukura zvinovaka, tinofanira kutanga taziva kuti zvatinotaura zvinoratidza zviri mumwoyo medu. Jesu akati: “Muromo unotaura zvinobva pazvakawanda zvemwoyo.” (Mateu 12:34) Kungozvitaura nenzira iri nyore, tinoda kutaura zvinhu zvatinoona zvichikosha kwatiri. Saka, tinofanira kuzvibvunza kuti: ‘Zvandinotaura zvinoratidzei pamusoro pezvakaita mwoyo wangu? Pandinenge ndine mhuri yangu kana hama dzangu dzechiKristu, ndinowanzotaura navo zvinhu zvomudzimu here kana kuti ndinongotaura zvemitambo, zvipfeko, mafirimu, zvokudya, zvinhu zvandichangobva kutenga, kana kuti zvinhu zvisina basa?’ Pamwe tisingazivi, upenyu hwedu nepfungwa dzedu dzinongova pazvinhu zvisinganyanyokoshi. Kugadzirisa zvatinokoshesa kuchaita kuti zvatinokurukura uyewo upenyu hwedu zvivandudzike.—VaFiripi 1:10.

6. Kufungisisa kunoshandei pakukurukurirana kwedu?

6 Kufungisisa kune chinangwa ndeimwe nzira yokuita nayo kuti zvatinotaura zvivandudzike. Kana tikaronga kufunga nezvezvinhu zvomudzimu, tichawana kuti kukurukura zvinhu zvomudzimu kunongouya kwoga. Mambo Dhavhidhi akaona kupindirana uku. Akaimba kuti: “Mashoko omuromo wangu nokurangarira kwomwoyo wangu ngazvifadze pamberi penyu, imi Jehovha.” (Pisarema 19:14) Uye munyori wepisarema Asafi akati: “Ndichafungisisawo basa renyu [raMwari] rose, nokurangarira zvamakaita.” (Pisarema 77:12) Mwoyo nepfungwa zvakadzika midzi muchokwadi cheShoko raMwari zvichangofashukira zvoga nokutaura kunorumbidzwa. Jeremia akatadza kunyarara nezvinhu izvo Jehovha akanga amudzidzisa. (Jeremia 20:9) Izvi zvinogona kuitikawo kwatiri kana tikagara tichifungisisa zvinhu zvomudzimu.—1 Timoti 4:15.

7, 8. Inyaya dzipi dzakanakira kukurukurirana zvinovaka?

7 Kuva nezvinhu zvakanaka zvomudzimu zvatinogara tichiita kunotipa nyaya dzakawanda dzokukurukura zvinhu zvinovaka. (VaFiripi 3:16) Magungano, kokorodzano, misangano yeungano, mabhuku achangobva kubuda, uye rugwaro rwezuva nezuva netsanangudzo dzacho dzakadhindwa zvose zvinotipa zvinhu zvomudzimu zvinokosha zvatingataurira vamwe. (Mateu 13:52) Uye zvatinosangana nazvo muushumiri hwedu hwechiKristu zvinogona kukurudzira mumudzimu zvikuru!

8 Mambo Soromoni, akanakidzwa nemiti, mhuka, shiri, uye hove dzakasiyana-siyana dzaaiona muIsraeri. (1 Madzimambo 4:33) Ainakidzwa nokukurukura nezvemabasa aMwari okusika. Tinogona kuitawo izvozvo. Vashumiri vaJehovha vanotaura nyaya dzakasiyana-siyana, asi nyaya dzomudzimu nguva dzose dzinoita kuti kukurukurirana kwevanhu vanofarira zvomudzimu kunakidze.—1 VaKorinde 2:13.

“Rambai Muchifunga Zvinhu Izvi”

9. Pauro akapa vaFiripi zano rokutii?

9 Chero zvatinotaura pamusoro pazvo, kukurukurirana kwedu kuchavaka vamwe kana kuchiomerera pazano romuapostora Pauro kuungano yokuFiripi. Akanyora kuti: “Zvinhu zvose zvechokwadi, zvinhu zvose zvokuva nehanya nazvo zvikuru, zvinhu zvose zvakarurama, zvinhu zvose zvakachena, zvinhu zvose zvinodiwa, zvinhu zvose zvinotaurwa zvakanaka pamusoro pazvo, kunaka kwose kungavapo, zvinhu zvose zvinorumbidzwa zvingavapo, rambai muchifunga zvinhu izvi.” (VaFiripi 4:8) Zvinhu zvinotaurwa naPauro zvinokosha kwazvo zvokuti anoti “rambai muchifunga zvinhu izvi.” Tinofanira kuzadza zvinhu izvi mupfungwa nemwoyo yedu. Saka ngationei kuti kufunga nezvechimwe nechimwe chezvinhu zvisere zvakataurwa naPauro kungatibatsira sei pane zvatinokurukura.

10. Zvatinokurukura zvingasanganisira sei zvinhu zviri zvechokwadi?

10 Icho chiri chechokwadi haasiri mashoko akarurama uye asiri enhema chete. Chinoreva chimwe chinhu chakarurama uye chakavimbika, zvakadai sechokwadi cheShoko raMwari. Saka, patinotaura nevamwe pamusoro pechokwadi cheBhaibheri chakatifadza, hurukuro dzakatikurudzira, kana kuti zano reMagwaro rakatibatsira, tiri kufunga zvinhu zvechokwadi. Ukuwo, tinoramba “inonzi ‘zivo’ zvenhema,” iyo inongova nechitarisiko chokuva yechokwadi. (1 Timoti 6:20) Uye hatidzokorori guhwa ratanzwa kana kurondedzera zvakaitika zvisina chokwadi zvisingagoni kutsigirwa.

11. Zvinhui zvokuva nehanya nazvo zvikuru zvatingakurukura nezvazvo?

11 Zvinhu zvokuva nehanya nazvo zvikuru inyaya dzine chiremera uye dzinokosha, kwete dzenhando. Zvinosanganisira zvatine hanya nazvo muushumiri hwedu hwechiKristu, nguva dzinonetsa dzatiri kurarama madziri, uye kukosha kwokuramba tine mufambiro wakanaka. Patinokurukura zvinhu zvinokosha zvakadaro, tinosimbisa kutsunga kwedu kuramba takamuka mumudzimu, kuramba takatendeka, uye kuramba tichiparidza mashoko akanaka. Zvechokwadi, zvinhu zvinofadza zvakaitika muushumiri hwedu nezvinhu zviri kuitika panguva ino izvo zvinotiyeuchidza kuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira zvinotipa nyaya dzakasiyana-siyana dzokukurukura zvinokurudzira.—Mabasa 14:27; 2 Timoti 3:1-5.

12. Tichifunga zano raPauro rokufunga zvinhu zvakarurama uye zvakachena, zvii zvisingafaniri kutaurwa?

12 Shoko rokuti zvakarurama rinoreva kuva akarurama mumaziso aMwari—kuita zvaanoda. Zvakachena rinopa pfungwa yokuchena mupfungwa nomufambiro. Kuchera, majee anonyadzisa, kana kutaura zvepabonde nechibhende hazvidiwi pakukurukurirana kwatinoita. (VaEfeso 5:3; VaKorose 3:8) Kubasa kana kuchikoro, vaKristu vanosuduruka nokuchenjera apo vanhu vanotanga kukurukura zvinhu zvakadai.

13. Ipa mienzaniso yekurukurirano dzezvinhu zvinodiwa uye zvinotaurwa zvakanaka pamusoro pazvo.

13 Pauro paanorumbidza kufunga zvinhu zvinodiwa, anoreva zvinhu zvinofadza uye zvakanaka kana kuti zvinokurudzira rudo, kusiyana nezviya zvinomutsa ruvengo, hasha, kana kukakavara. Zvinhu zvinotaurwa zvakanaka pamusoro pazvo zvinoreva mashoko ane mukurumbira wakanaka. Mukurumbira wakanaka wakadaro ungabatanidza nyaya dzehama nehanzvadzi dzakatendeka, dzinobuda nguva dzose mumagazini eNharireyomurindi neMukai! Unodii kuudza vamwe zvaunoyeuka kana wangoverenga nyaya idzi dzinosimbisa kutenda? Uye zvinokurudzira kwazvo kunzwa nezvezvinhu zvomudzimu zvakaitwa nevamwe! Kukurukurirana zvinhu zvakadaro kuchavaka rudo nokubatana muungano.

14. (a) Kuratidza kunaka kunodei kwatiri? (b) Zvatinotaura zvingasanganisira sei zvinhu zvinorumbidzwa?

14 Pauro akataura nezvo“kunaka kwose kungavapo.” Kunaka kunoreva runako kana kuti kunakisisa kwetsika. Tinofanira kungwarira kuti miromo yedu itungamirirwe nenheyo dzemitemo yeMagwaro uye kuti haitsauki pane zvakarurama, zvakachena, uye zvakanaka. Zvinorumbidzwa zvinoreva “zvakanaka.” Kana ukanzwa hurukuro yakanaka kana kucherechedza muenzaniso wokutendeka muungano, taura nezvawo—zvose kumunhu wacho uye kune vamwe. Muapostora Pauro aigarorumbidza unhu hwakanaka hwehama dzake dzechiKristu. (VaRoma 16:12; VaFiripi 2:19-22; Firimoni 4-7) Uye, chokwadi, mabasa oMusiki akanyatsokodzera kurumbidzwa. Maari tinowana nyaya dzakawanda kwazvo dzokukurukura nezvadzo zvinovaka.—Zvirevo 6:6-8; 20:12; 26:2.

Batanidzwa Mukukurukura Zvinhu Zvinovaka

15. Murayiro upi weMagwaro unosungira vabereki kukurukurirana nevana vavo zvinhu zvine chinangwa?

15 Dheuteronomio 6:6, 7 inoti: “Mashoko awa andinokurayira nhasi, anofanira kuva mumwoyo mako; unofanira kushingaira kuadzidzisa vana vako, nokuataura kana ugere mumba mako, kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi, kana uchimuka.” Sezviri pachena, murayiro uyu unoda kuti vabereki vakurukurirane nevana vavo zvinhu zvine chinangwa, zvomudzimu.

16, 17. Vabereki vechiKristu vangadzidzei mumienzaniso yaJehovha naAbrahamu?

16 Tinogona kufungidzira kukurukurirana kwenguva refu uko Jesu anofanira kuve aiita naBaba vake vokudenga pavaitaura nezvebasa rake repasi pano. “Ivo Baba vakandituma vakandipa murayiro pamusoro pezvandichazivisa nezvandichataura,” Jesu akaudza vadzidzi vake kudaro. (Johani 12:49; Dheuteronomio 18:18) Tateguru Abrahamu vanofanira kuve vakapedza maawa akawanda vachitaura nomwanakomana wavo Isaka pamusoro pokukomborera uko Jehovha akanga avaita nemadzitateguru avo. Kukurukurirana kwakadaro pasina mubvunzo kwakabatsira Jesu naIsaka kuzviisa pasi pokuda kwaMwari nokuzvininipisa.—Genesi 22:7-9; Mateu 26:39.

17 Vana vedu vanodawo kukurukurwa navo zvinovaka. Vabereki vanofanira kuwana nguva yokutaura nevana vavo mupurogiramu dzavo dzine zvakawanda zvokuita. Kana zvichibvira, madii kuronga kudya pamwe chete semhuri kanenge kamwe chete pazuva? Pamunenge muchidya kudaro uye mapedza, pachava nemikana yokukurukurirana kunovaka kunogona kuva kunokosha nokuda kwoutano hwomudzimu hwemhuri.

18. Rondedzera zvakaitika zvinoratidza kubatsira kwokukurukurirana kwakanaka pakati pevabereki nevana.

18 Alejandro, mumwe piyona achangopfuura makore 20, anoyeuka kusava nechokwadi kwaaiita aine makore 14. Anorondedzera kuti: “Pamusana pokufurirwa nevandaidzidza navo kuchikoro nevadzidzisi, ndakanga ndisina chokwadi nokuvapo kwaMwari uye nokururama kweBhaibheri. Vabereki vangu vaipedza maawa akawanda nenzira yokushivirira vachindibatsira kufunga. Kukurukurirana uku hakuna kungondibatsira kukunda kusava nechokwadi kwandaiita panguva iyi yakanga yakaoma asiwo kuti ndiite zvisarudzo zvakanaka muupenyu hwangu.” Ko iye zvino? Alejandro anoenderera mberi achiti: “Ndichiri kugara pamusha. Asi purogiramu yedu ine zvakawanda zvokuita inoita kuti zviome kuti ini nababa vangu timbotaura tiri toga. Saka tiri vaviri tinodya tose kamwe chete pavhiki kubasa kwavo. Ndinokoshesa chaizvo kukurukurirana uku.”

19. Nei tose zvedu tichida kukurukurirana zvinhu zvomudzimu?

19 Hatikoshesiwo mikana yokukurukurirana zvinhu zvomudzimu zvinobatsira nehama dzedu dzechiKristu here? Mikana iyi inovapo pamisangano, muushumiri hwomumunda, patinenge takaungana tichitandara uye patinenge tichifamba. Pauro akatarisira mberi kuzokurukura nehama dzake dzechiKristu muRoma. “Ndiri kusuwa kukuonai,” akavanyorera kudaro, “kuti pave nokukurudzirana pakati penyu, mumwe nomumwe nokutenda kwomumwe, kwenyu nokwangu.” (VaRoma 1:11, 12) “Kukurukurirana zvinhu zvomudzimu nehama dzedu dzechiKristu kunopedza chimwe chinhu chinokosha,” anodaro Johannes, mumwe mukuru wechiKristu. “Kunoita kuti mwoyo ufare uye kunorerutsa mutoro wezuva nezuva. Ndinowanzokumbira vakwegura kuti vandiudze nezvoupenyu hwavo uye pamusoro pezvakavaita kuti varambe vakatendeka. Kwemakore ose aya, ndakataura nevakawanda, uye mumwe nomumwe akandipa uchenjeri nechiedza zvakaita kuti upenyu hwangu hunakidze.”

20. Tingaita sei kana tikaona mumwe munhu anonyara?

20 Zvakadini kana mumwe munhu akaratidza kusafarira paunotaura nyaya ine chokuita nezvinhu zvomudzimu? Usaneta. Pamwe unogona kuwana mukana wakati nakei gare gare. “Shoko rinotaurwa nenguva yakafanira, rakafanana namatamba endarama mumidziyo yesirivheri,” Soromoni akadaro. (Zvirevo 25:11) Ratidza kunzwisisa kune vaya vanonyara. “Mano mumwoyo womunhu angaita semvura yakadzika; asi munhu wenjere uchaichera. * (Zvirevo 20:5) Pamusoro pazvo, usambobvumira mafungiro evamwe kukutadzisa kutaura zvinhu zvinofadza mwoyo wako.

Kukurukurirana Zvinhu Zvomudzimu Kunobatsira

21, 22. Tinobatsirwa sei nokubatanidzwa mukukurukurirana zvinhu zvomudzimu?

21 “Shoko rakaora ngarirege kubuda mumuromo menyu,” akapa zano achidaro Pauro, “asi shoko rose rakanaka nokuda kwokuvaka sezvingave zvichidikanwa, kuti ape zvinofadza kuvanonzwa.” (VaEfeso 4:29; VaRoma 10:10) Rinogona kuva basa kuita kuti kurukurirano dzipinde mugwara, asi pane zvakawanda zvazvinobatsira. Kukurukurirana zvinhu zvomudzimu kunoita kuti tikwanise kutaurira vamwe zvatinotenda uye kuvaka ukama hwedu nehama.

22 Naizvozvo, ngatishandisei chipo chokutaura kukurudzira vamwe uye kurumbidza Mwari. Kukurukurirana kwakadaro kuchaita kuti isu tigutsikane uye vamwe vakurudzirwe. Kupfuura zvose, kuchaita kuti mwoyo waJehovha ufare nokuti anoteerera zvatinokurukura uye anofara patinoshandisa rurimi rwedu munzira yakarurama. (Pisarema 139:4; Zvirevo 27:11) Kana zvatinokurukura zviri zvomudzimu, tinogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha haazotikanganwi. Richitaura nezvevaya vanoshumira Jehovha muzuva redu, Bhaibheri rinoti: “Ipapo vaitya Jehovha vakataurirana, Jehovha akateerera, akanzwa, bhuku yokurangaridza ikanyorwa pamberi pake, nokuda kwavanotya Jehovha, vachirangarira zita rake.” (Maraki 3:16; 4:5) Zvinokosha kwazvo kuti zvatinokurukura zvivake mumudzimu!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 20 Mamwe matsime muIsraeri aive akadzika chaizvo. MuGibhiyoni, vanochera matongo vakawana rimwe tsime rakadzika mamita anenge 25. Rine manera, aiita kuti vanhu vakwanise kudzika pasi kuti vanochera mvura.

Ungapindura Sei?

• Zvatinokurukura zvinoratidzei pamusoro pedu?

• Zvinhui zvinovaka zvatingataura pamusoro pazvo?

• Kukurukurirana kunoita basa rei rinokosha muboka remhuri uye muungano yechiKristu?

• Kukurukurirana kunovaka kunobatsirei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 12]

Kukurukurirana kunovaka kunotaura nezve . . .

“zvinhu zvose zvechokwadi”

“zvinhu zvose zvokuva nehanya nazvo zvikuru”

“zvinhu zvose zvinotaurwa zvakanaka pamusoro pazvo”

“zvinhu zvose zvinorumbidzwa zvingavapo”

[Kwazvakatorwa]

Butiro revhidhiyo, Stalin: Mufananidzo weUto reU.S.; butiro rebhuku raCreator, Eagle Nebula: J. Hester naP. Scowen (AZ State Univ.), NASA

[Mufananidzo uri papeji 13]

Nguva dzokudya dzinopa mikana yakanakisisa yokukurukura zvinhu zvomudzimu